Tsaona Dzemotokari—Wakachengeteka Here?
“Ndave ndichityaira zvakanaka, saka handinetseki nezvokuva netsaona yemotokari.” “Tsaona dzinoitika kune vatyairi vechiduku uye vasingangwariri chete.” Vakawanda vanofunga kuti tsaona yemotokari haifi yakaitika kwavari. Ndizvo zvaunofunga here? Kana toreva nezvetsaona dzemotokari, ungapinda madziri here?
NHAMBA dzetsaona dzinoitika dzinoratidza kuti kana uchigara munyika yakabudirira, une mukana mukuru wokukuvara mutsaona yemotokari muupenyu hwako. Vakawanda vanofa netsaona idzodzo. Pasi pose, pave kuitika tsaona dzemotokari dzinouraya vanhu vanopfuura hafu yemiriyoni gore negore. Zvichida vakawanda vakafa mugore rapfuura vaifunga kuti hazvifi zvakaitika kwavari. Ungaita sei kuti uderedze ngozi yako pachako? Kudzivirira ndiko kunoshanda. Funga madzivisiro aungaita tsaona dzinokonzerwa nokutsimwaira uye kukwegura.
Mutyairi Ane Hope
Dzimwe nyanzvi dzinoti mutyairi ane hope ane ngozi kungofanana neakadhakwa. Mishumo inoratidza kuti kutsimwaira ndiko kunoramba kuchikonzera tsaona dzakawanda. Fleet Maintenance & Safety Report ichangobva kutaura kuti mugore rimwe, mutyairi mumwe mugumi nevaviri muNorway akashuma kuti akambobatwa nehope achityaira. Maererano neThe Star yomuJohannesburg, kuSouth Africa, kuneta kwomutyairi kunokonzera chikamu chimwe muzvitatu chokubonderana kwemotokari munyika iyoyo. Mishumo inobva kune dzimwe nyika inoratidza kuti kuneta kuri kukanganisawo vatyairi kwose kwose. Nei kune vatyairi vakawanda kudaro vanobatwa nehope?
Upenyu hwanhasi hwokumhanya-mhanya hunowedzera chinetso chacho. Magazini yeNewsweek yakabva kushuma munguva ichangopfuura kuti vanhu vomuAmerica vangadaro “vachinonoka kurara neawa nehafu pausiku humwe nohumwe kupfuura zvavaiita pakutanga kwezana remakore rechi20—uye chinetso chacho chinogona kuwedzera.” Nei? Magazini yacho inoti nyanzvi inoongorora zvokurara Terry Young akati: “Vanhu vave kuona kurara sechinhu chavanogona kuzvinyima. Zvave zvichionekwa sokuti kurara nguva shoma chiratidzo chokushanda nesimba uye kufambira mberi.”
Zvinonzi munhu anoda pakati pemaawa matanhatu nehafu nemapfumbamwe okurara usiku hwoga hwoga. Kana vakasarara nguva iyi, vanhu vanoita “chikwereti chehope.” Mushumo wakabudiswa neAAA Foundation for Traffic Safety unoti: “Kunyange kunonoka kurara nemaminitsi 30 kusvika ku40 sezvinodiwa usiku hwoga hwoga muvhiki yokushanda kunogona kuita kuti pave nechikwereti chehope chemaawa matatu kusvika kumana pakupera hwevhiki, zvinogona kuita kuti munhu ave nehope masikati.”
Pane dzimwe nguva, unogona kutadza kunyatsorara zvakanaka. Kushaya hope, kutarisira mwana anorwara, kana zvimwe zvikonzero zvausingagoni kudzora zvinogona kukutorera nguva yawaifanira kurara. Zuva rinotevera unogona kuzviona wave kurara uchityaira. Unofanira kuita sei kana zvadai?
Zvinoitwa nevakawanda zvakadai sokunwa kofi, kuvhura windo, kutsenga chingamu, kana kudya chimwe chinhu chine mhiripiri hakukuiti kuti urambe wakamuka. Hapana chimwe chezvinonzi zvinopedza hope izvi chinodzipedza chaizvo. Chaunoda kurara. Nokudaro unoregererei kumborara zvishoma? The New York Times yakapa zano iri: “Kumborara kwaunoita uchizorora pabasa hakufaniri kupfuura maminitsi 30; ukapfuura ipapo muviri unobva wabatwa nehope huru dzokuti unozotadza kunyatsomuka.” Kumborara zvishoma kunogona kukuita kuti unonoke kwauri kuenda, asi kunogona kurebesa upenyu hwako.
Mararamiro ako anogona kuita kuti uve nomukana mukuru wokuva mutyairi anotsimwaira. Unopedza maawa akawanda uri paIndaneti here, kana kuti unononoka kurara uchiona terevhizheni? Unoenda kunotandara zvokusvika kunguva dzemangwanani here? Usaita kuti zvinhu zvakadaro zvikushayise nguva yokurara. Mambo Soromoni akachenjera akambosimbisa kukosha ‘kwekumbozorora.’—Muparidzi 4:6, NW.
Kuva Noruzivo asi Wakura
Vatyairi vakura kakawanda ndivo vane ruzivo zvikuru pakufamba mumugwagwa. Zvekarewo, havaiti zvinhu zvingangovapinza mungozi uye vanozvidzora. Zvisinei, hazvirevi kuti vatyairi vakura havapindi mungozi dzokubonderana kwemotokari. Kutaura zvazviri, vanogona kuva nomukana wakakura wokupinda mutsaona dzakadaro sezvavanokura. Magazini yokuUnited States inonzi Car & Travel yakati: “Vanhu vanopfuura makore 70 vanoumba zvikamu 9 kubva muzana zvevagari vomunyika, asi 13 kubva muzana zvetsaona dzakaipisisa dzinoitika.” Zvinosuruvarisa kuti nhamba yokubonderana kuri kuitwa nevatyairi vakura iri kuramba ichiwedzera.
Funga zvakaonekwa naMyrtle, mudzimai ane makore 80 okukura.a Akatanga kutyaira anopfuura makore 60 adarika uye haasati ambova netsaona yemotokari. Asi, kufanana nevamwe vakawanda, ari kunzwa kuti akura—kukura kwokuti anogona kupinda mutsaona. Achangobva kuudza Mukai! kuti: “Paunokura, zvinhu zvose muupenyu [kusanganisira kutyaira] zvinova zvakaoma.”
Chii chaakaita kuti aderedze ngozi yokuva netsaona yemotokari? “Kwemakore ose aya, ndakagadziridza zvimwe zvinhu kuti zvienderane nezera rangu,” anodaro Myrtle. Somuenzaniso, akaderedza nguva yaanotyaira, kunyanya usiku. Kuchinja kuduku uku kuri kumubatsira kuti atyaire zvisina ngozi pasina kurega kutyaira.
Kunyange zvakaoma kubvuma, kukura kunochinja zvikuru munhu wose. (Muparidzi 12:1-7) Zvinetso zvoutano zvakawanda zvinomuka, tinoita zvinhu tichinonozeka, uye tinotadza kunyatsoona—zvose zvinoita kuti kutyaira pasina kukonzera tsaona kuome. Zvisinei, kukura pachakwo hakutadzisi munhu kutyaira. Chinokosha kugona kwomunhu wacho kutyaira zvakanaka. Kubvuma kuchinja kwezvatinogona kuita uye kuchinja nzira yatinoita nayo zvinhu kunogona kuvandudza kutyaira kwedu.
Ungasazviona, asi maonero ako ari kuchinja. Sezvaunokura, unotanga kuona zviri pedyo chete uye mboni yeziso rako inoda chiedza chakawanda. Kabhuku kanonzi The Older and Wiser Driver kanoti: “Mutyairi ane makore 60 anoda chiedza chakapetwa katatu pane chinodiwa nowechiduku kuti aone, uye anotora nguva yakareba zvinopetwa kaviri kuti ajairane nechiedza chacho kubva murima pane zvinoitwa nowechiduku.” Kuchinja kwemaziso edu uku kunogona kuita kuti kutyaira munguva dzousiku kuome.
Henry ane makore 72 uye ave achityaira kwemakore 50 asina kuita tsaona. Makore paaifamba, akatanga kuona kuti kuvhenekwa nemagetsi edzimwe motokari usiku kwaiita kuti kutyaira kuome. Aongororwa maziso, akaziva kuti aifanira kuva nemagirazi matsva akagadzirirwa kuderedza chiedza chinotosvora usiku. “Kutyaira usiku hakuchanetsi,” anodaro Henry. Kwaari, kugadziridza kuduku uku kwakachinja zvikuru kutyaira kwake. Kana vari vamwe, vakadai saMyrtle, zvingatova nani kurega kutyaira usiku.
Kukura kunoderedzawo kukurumidza kuita chiito. Pfungwa dzevanhu vakuru dzinogona kunge dzakangwara uye dzichifunga kupfuura dzevaduku. Zvisinei, kukura kunenge kuchiita munhu, ndokuwanda kwenguva inotorwa nepfungwa dzake kuti dzifunge chinhu nokuchiita ipapo. Izvi zvinoita kuti kutyaira kuome zvikuru, nokuti motokari nemamiriro emigwagwa zviri kuramba zvichichinja nguva nenguva. Kuchinja uku kunofanira kuongororwa nokukurumidza uye chiito chakakodzera choitwa nokukurumidza.
Magazini inonzi Car & Travel inoshuma kuti “chinonyanya kukonzera kubondera kwakaipisisa kuvatyairi vagara nebasa ndechokuti mutyairi akura anenge apinda asina kumira pane chinodzora kufamba kwemotokari.” Nei? Mushumo iwoyo unoenderera mberi uchiti: “Chinetso chacho . . . chinoita sokuti chinoenderana nemamiriro ezvinhu ayo vatyairi vakura vanofanira kutarira kuti kurudyi kana kuti kuruboshwe kuri kuuyei vasati vadarika pamharadzano.”
Kunonoka kuita chiito kungapedzwa sei? Ngwarira kana wave kusvika pamharadzano. Iva netsika yokutarira mativi ose omugwagwa usati wapfuurira. Ngwarira kwazvo kana wave kukona. Kukona pamharadzano kunogona kuva nengozi, kunyanya kana mugwagwa wako uchidarika mugwagwa unofamba dzimwe motokari.
MuUnited States uko vatyairi vanotyaira vari kurudyi kwomugwagwa, 40 kubva muzana yetsaona dzakaipisisa dzepamharadzano dzinoitika kuvatyairi vanopfuura makore 75 ndedzevaya vanenge vachikona kuenda kuruboshwe. AAA Foundation for Traffic Safety inopa mazano kuvatyairi vomunyika iyoyo kuti: “Dzimwe nguva unogona kukona kurudyi katatu kuitira kudzivisa kukona kuruboshwe.” Unogona kushandisa izvi (kukona kuruboshwe katatu pane kukona kurudyi, kana muri muZimbabwe) maererano nekwaunogara. Kana ukaronga nguva ichiripo, unogona kurega kuenda nepane mharadzano dzakaoma kudarika.
Chisarudzo Chokufunga Nezvacho
Chii chingakubatsira kuti uyere kugona kwako kutyaira? Zvichida unogona kukumbira shamwari inoremekedzwa kana kuti womumhuri kuti akwire motokari yaunotyaira kuti aone unyanzvi hwako. Ipapo, teerera nokungwarira kune zvinhu zvose zvavangataura. Ungasarudzawo kutora kosi yokutyaira zvisina ngozi. Masangano akawanda ezvokutyaira anopa makosi akagadzirirwa zvikurukuru vatyairi vakura. Kupotsa wapinda mutsaona ruviri kana rutatu chiratidzo chokunyevera kuti unyanzvi hwako hwokutyaira hwave kuderera kupfuura zvahwakanga hwakaita.
Chaizvoizvo, pane imwe nguva zvingatova zvakanaka kuti urege kutyaira. Ichi chinogona kuva chisarudzo chinorwadza chokuita. Myrtle, ambotaurwa nezvake, anoziva kuti rimwe zuva pasina nguva refu anofanira kurega kutyaira. Zuva iroro zvarinosvika, ave kutokwira motokari dzinotyairwa nevamwe nguva nenguva. Anonzwa sei nezvokuita kuti vamwe vatyaire? “Zvakanaka kunakidzwa nokukwira motokari pasina kunetseka nokutyaira,” anodaro.
Kana wafunga nezvazvo zvakasimba, unogona kunzwa nenzira iyoyowo. Kuenda kunotenga, kuita zvimwe zvinhu, uye kuenda kune vanhu vaunoda kuona uye misangano kunogona kunakidza kwazvo uine shamwari. Zvichida shamwari yako inogona kutyaira motokari yako muri mose. Kufamba zvakadaro kunogona kuva kwakachengeteka uye kuchinakidza pane kufamba woga. Kushandisa zvokufambisa zvavose, kana zviripo, rinogona kuva rimwe zano rinoshanda. Yeuka kuti kukosha kwako hakutsamiri pane kugona kwako kutyaira. Unhu hwako hwakanaka ndihwo hunokuita kuti uve anokosha kumhuri yako neshamwari—uye kuna Mwari.—Zvirevo 12:2; VaRoma 14:18.
Ungava uri mukuru kana kuti muduku, mutyairi ane ruzivo kana kuti achangotanga, unogona kuita tsaona yemotokari. Ziva mutoro mukuru unouya nokutyaira. Ita zvokungwarira kuti uderedze mikana yako yokupinda mutsaona. Nokuita kudaro, unogona kuzvichengetedza pamwe nevamwe munzendo dzakawanda dzauchafamba.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.
[Mufananidzo uri papeji 12]
Iva nechokwadi chokuti warara zvakanaka
[Mufananidzo uri papeji 13]
Kumborara kunogona kukunonotsa zvishoma asi kunogona kuponesa upenyu
[Mufananidzo uri papeji 13]
Vatyairi vakura vane ruzivo rwakawanda asi vane zvinovanetsa chaizvo
[Mufananidzo uri papeji 14]
Pane zvakanakira kufamba neshamwari