Ndomira Kutyaira Mota Here?
WAVA nemakore akawanda uchityaira. Unofarira kutyaira mota yako nekuti unokwanisa kuenda chero kwaunoda, paunenge wadira. Asi hama neshamwari dzako dziri kukutyira uye dziri kufunga kuti wava kufanira kuregedza kutyaira mota. Asi iwewe hausi kunzwisisa kuti nei dziri kunetseka.
Izvi ndizvo zviri kuitika kwauri here? Kana zviri izvo zviri kuitika kwauri, chii chinogona kukubatsira kuziva kana wava kufanira kumira kutyaira mota?
Mune dzimwe nyika, kana munhu akasvika rimwe zera, anenge achifanira kuongororwa navanachiremba kuti aonekwe kana achiri kukodzera kutyaira mota. VaKristu vanogara munyika idzodzo vanofanira kuteerera mitemo iyoyo yehurumende. (VaR. 13:1) Asi kunyange kana munyika maunogara musina mitemo yakadaro, pane zvinogona kukubatsira kuti uongorore kana uchiri kukwanisa kutyaira zvakanaka.
ONGORORA KANA UCHIRI KUKODZERA KUTYAIRA
Rimwe sangano rinoona nezvevakwegura rinotaura kuti vanhu vakwegura vanogona kuzvibvunza mibvunzo iyi:
Ndichiri kukwanisa kunyatsoona zvakanaka manheru here kana kuti kunyatsoverenga zvikwangwani zvemumugwagwa?
Ndichiri kukwanisa kucheuka ndichitarisa zvinenge zvichiitika pandinenge ndichityaira here?
Ndichiri kukwanisa kukurumidza kuita zvinenge zvichidiwa pandinenge ndichityaira here, zvakadai sekubvisa gumbo pamafuta ndichitsika mabhureki?
Ndinotyaira zvishoma nezvishoma zvekuti ndinotadzisa dzimwe mota kufamba zvakanaka here?
Ndiri kugara ndichipotsa ndakonzera tsaona here, kana kuti ndiri kugara ndichikweshera kana kubondera pazvinhu zvakazvimirira zvega?
Ndakambomiswa nemapurisa here nemhaka yematyairiro andinoita?
Ndakambokotsira here ndichityaira?
Ndine mishonga kana mapiritsi andinonwa here anogona kunditadzisa kutyaira zvakanaka?
Hama neshamwari dzangu dziri kunetseka nematyairiro andinoita here?
Pamibvunzo iri pamusoro apa, kana paine mumwe chete kana kuti miviri yawapindura kuti hongu, pamwe wava kufanira kuchinja zvimwe zvinhu. Pamwe unogona kusarudza kuti hauchanyanyi kutyaira, kunyanya kana ari manheru. Gara uchiongorora kuti uri kutyaira sei. Unogona kukumbira hama yako kana shamwari yako kuti ikuudze kuti uri kutyaira sei. Unogona kusarudza kuenda kunodzidziswa zvaungaita kuti utyaire zvisingakonzeri tsaona. Asi kana wapindura kuti hongu pamibvunzo yakawanda iri pamusoro apo, pamwe zviri nani kuti uchimira kutyaira mota.a
BHAIBHERI RINOGONA KUKUBATSIRA PAKUSARUDZA
Tinogona kutadza kuona kuti hatichakwanisa kunyatsotyaira mota zvakanaka sezvataimboita. Uye tinogona kutogumbuka kana tikaudzwa kuti tichimira kutyaira. Saka Bhaibheri ringakubatsira sei kuti uone zvinhu sezvazviri woita chisarudzo chakanaka panyaya iyi? Ngatimbokurukurai zvinhu zviviri zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kukubatsira.
Iva nemwero. (Zvir. 11:2) Patinokura, maziso anopedzisira asisaone zvakanaka, nzeve dzisingachanzwi zvakanaka uyewo tinenge tisisakwanisi kuita zvimwe zvinhu nekukurumidza sezvataimboita. Semuenzaniso, vanhu vakawanda pavanokura, vanomira kutamba mimwe mitambo nekuti vanenge vava kuona kuti vanogona kukuvara zviri nyore. Ndizvo zvazviriwo nenyaya yekutyaira mota. Munhu ane mwero, anomira kutyaira paanoona kuti zvinenge zvava kuisa upenyu hwake pangozi. (Zvir. 22:3) Uye anoteerera kana vamwe vanhu vakaratidza kuti vari kunetseka nematyairiro ake.—Enzanisa na2 Samueri 21:15-17.
Usaita zvinoita kuti uve nemhosva yekudeura ropa. (Dheut. 22:8) Kana munhu akasatyaira zvakanaka anogona kukuvadzisa kana kuurayisa vamwe. Munhu anoramba achityaira mota asi iye asisakwanisi kunyatsotyaira zvakanaka anogona kufa kana kuurayisa mumwe munhu. Uye kana ari iye akonzeresa tsaona yaurayisa mumwe munhu, anogona kuva nemhosva yekudeura ropa.
Kana wava kufanira kumira kutyaira, usafunga kuti zvinozoita kuti ushaye chiremerera pane vamwe. Jehovha anokuda uye anofara paanoona kuti une mwero, unozvininipisa, uye kuti unoremekedza upenyu hwevamwe. Anovimbisa kuti achakutsigira uye achakunyaradza. (Isa. 46:4) Haazombokusiyi. Saka mukumbire kuti akubatsire kushandisa uchenjeri uye mazano ari muBhaibheri paunenge uchida kusarudza kuti wochimira kutyaira here.
a Kuti uwane mamwe mashoko, verenga nyaya yakanzi, “Tsaona Dzemotokari—Wakachengeteka Here?” iri muMukai! yaSeptember 8, 2002.