Kushandisa Mukai! Zvakanaka
PAMAKORE 16, Vanessa, mumwe weZvapupu zvaJehovha muUnited States, aifanira kunyora nyaya yechikoro nezvechinetso chokusada kudya. “Ndakamboverenga-verenga,” anodaro, “asi ndakakwanisa kungowana mashoko mashoma. Ndakakurukura nevabereki vangu nezvazvo, uye vakati nditarire nyaya yacho mumabhuku edu.”
Nokutsvaka mumabhuku eZvapupu zvaJehovha, Vanessa akagona kuwana mashoko akawanda nokuda kwomushumo wake. “Asi ichi chaingova chidimbu chebasa racho,” anodaro. “Ndaifanira kunozvikurukura pamberi pomudzidzisi nevana vechikoro 20!” Vanessa aizogona sei kuita zvinhu zvakaoma izvi?”
Kufanana nezvimwe Zvapupu zvaJehovha mupasi rose, Vanessa anowana rovedzo yokukurukura pane vanhu muChikoro chaMwari Choushumiri, chinoitwa paImba yoUmambo kwaanogara. “Kubva muchikoro ichi, tinodzidziswa zvakakwana kuti tibude muushumiri uye kutaura nevamwe,” anodaro Vanessa. “Tinopiwawo mazano pane zvatinoda kuvandudza kuitira kuti vanhu vanyatsotinzwisisa.” Kushanda zvakaoma kwaVanessa kuti ape zvaakatsvakurudza kuchikoro kwakabudirira sei? “Ndakakurira vamwe vose,” anodaro.
Vanessa mumwe wevechiduku vakawanda vari kushandisa zvakanaka mabhuku eBhaibheri uye kumwe kurovedzwa mune zvokunamata. Vechiduku vakadaro vanofanira kurumbidzwa, nokuti vari kutevedzera zano riri pana Muparidzi 12:1 rokuti: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako.”