Mushumo Wavazivisi voUmambo
Mwari Ari Kuzvikurisa muAlaska
PASI pesinou nechando, mbeu duku inomirira mukana wekukura. Mumwedzi mitatu mipfupi yezhizha rekuAlaska, mbeu yekabichi yakareba mamirimita 3 ingakura kusvika kuanodokusvika makirogiramu 40! Hungu, iyi nyika yaimbofungwa nevazhinji kuva isingabereki chinhu, inotonhora inogona kubereka zvibereko zvakawanda.
Izvi ndezvechokwadi zvikuru nezvemunda womudzimu muAlaska. Ikoko, munyika ine mwaka yechando yakareba, Zvapupu zvaJehovha zvinopfuurira kusima mbeu yoUmambo. Semumamwe mativi epasi, Mwari anokurisa mbeu yacho mumwoyo inobereka zvibereko.—1 VaKorinte 3:6, 7.
● Pachakanga chiri mubhazi rechikoro, chimwe Chapupu chiduku chinonzi Vanessa chakacherekedza Ann, waaidzidza naye, uyo nguva dzose aigara ari oga. Ann airatidza kusuruvara, nokudaro Vanessa akakoka Ann kuti agare naye. Hazvishamisi kuti Ann akanga akasuruvara! Amai vake vakanga vafa nechirwere chemwoyo, uye nguva pfupi gare gare, baba vake vakafa nekenza. Ndokusaka Ann akanga achigara nehama dzokunyama muAlaska.
Vanessa akapfuura nepamusha pemuzivikanwi wake mutsva paakanga ari mubasa remumunda chimwe Chitanhatu ndokumusiyira bhurocha raMwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? Muvhuro wakatevera kuchikoro, Ann akatsvaka Chapupu chacho chiduku. Ann akanga ane mibvunzo yakawanda yeBhaibheri, iyo Vanessa akakwanisa kupindura. “Munoitira kupi minamato yenyu?” akabvunza kudaro. Manheru iwayo Ann akapinda musangano wake wokutanga paHoro yoUmambo.
Hazvina kutora nguva yakareba kuti nherera iyi ine makore 17 iwane ‘vanababa’ na‘vanaamai’ vakawanda, sezvakapikira Jesu chaizvo. (Mateo 19:29) Uye yakanga iri nhambo inofadza zvakadini kuona Ann anofara uye anonyemwerera achiratidzira kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura paKokorodzano Yoruwa ye“Nhume dzoRugare rwaMwari”!
● Munzvimbo dziri kure dzenharaunda yakakura yeAlaskan Arctic—uko misha yakaparadzaniswa nemazana emakiromita erenje—ndege yeWatch Tower Society ine injini mbiri yave ichishandiswa kudyara mbeu yoUmambo munzanga dzinopfuura 150. Asi kukura mumudzimu kupfurikidza nefundo yeBhaibheri yenguva dzose kunotsamira pakunyorerana. Sezvo kunyora tsamba kwakaomera vakawanda, mudzidzisi weBhaibheri anofanira kuva nounyanzvi kuitira kuti achengete kufarira kwemudzidzi kuri kupenyu. Izvi zvingaitwa sei?
Kathy akaitisa Edna fundo yeBhaibheri inofambira mberi, kunyange zvazvo vaigara kure nemakiromita anopfuura 600! Panzvimbo pokungokopa mibvunzo iri muyamuro yefundo, Kathy akanyora mibvunzo papepa ndokugovera nzvimbo yokunyorera mhinduro dzacho. Pashure pokunge Edna anyora mhinduro dzacho, Kathy aipindura ndokuisa tsinhiro dzaidikanwa kujekesa mufungo. Kathy anoti: “Ndaitsaura manheru eChitatu nokuda kwe‘fundo’ yedu, uye ndakaedza kuomerera kurudungwe rwacho sezvandaizoita imwe rangano ipi neipi yefundo yeBhaibheri. Ndaitumirawo Edna hamvuropu ine kero yangu, ine chitambi. Sezvo zvaitora mavhiki maviri kutumira tsamba, fundo inoitwa nokunyorerana yairatidzika seyaiti nonokei.”
Fungidzira mufaro wakavapo apo Kathy naEdna vakaonana chiso nechiso pakokorodzano yoruwa muAnchorage pashure pemwedzi gumi yokufunda netsamba! Zvapupu zvakafarawo kuva nevadzidzi veBhaibheri nevamwe vanofarira vaibva kumisha inoverengeka iri yoga muAlaska.
Kunyange zvazvo kukura padzimwe nguva kungaratidzika kuva kunononoka, dzimwe “mbeu” dzinomera nokukurumidza padzinowana chiedza chechokwadi. Paavhareji, varumbidzi vatsva vaJehovha vanopfuura zana vanobhabhatidzwa gore rimwe nerimwe muAlaska! Tinoti, “Mazvita, Jehovha,” nokudzikurisa!