RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 12/1 pp. 22-24
  • Iva Nehanya Nemubereki Anorera Vana Ari Oga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Nehanya Nemubereki Anorera Vana Ari Oga
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinoita Kuti Tive Nehanya Navo
  • Kucherechedza Zvavanoda
  • Tevedzera Muenzaniso Wakanakisisa waMwari
  • Zvauchaita Zvichatendwa Chaizvo
  • Mhuri Dzine Mubereki Mumwe Dzinogona Kubudirira!
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Mubereki Ari Oga, Asi Ane Vanomutsigira
    Mukai!—2002
  • Vabereki Vari Voga, Zvinetso Zvakawanda
    Mukai!—2002
  • Mhuri Dzine Mubereki Ari Oga Dziri Kuwedzera
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 12/1 pp. 22-24

Iva Nehanya Nemubereki Anorera Vana Ari Oga

VASHOMA vanowanzosangana nematambudziko anosangana nemubereki anorera vana ari oga. Matambudziko acho haaperi. Paanenge achiriritira mhuri, ane zvakawanda zvaanofanira kuita. Kunze kwokuenda kubasa, pane mamwe mabasa akadai sokunotenga, kubika, kutsvaira uye kurera vana. Anofanirawo kutarisira utano hwevana, zvinovavaraidza, kunzwa nhunha dzavo, uye kana zvichiita iye wacho owana nguva yokufurwa nemhepo.

Kunyange hazvo zvava kujairika kuona mhuri dzisina amai kana baba, kazhinji hatimbonyanyi kufunga nezvadzo. Vamwe amai vakataura pachena kuti, “Ndakanga ndisingambofungi nezvemubereki anorera vana ari oga kusvikira pazvakazoitikawo kwandiri.” Ungaitei kuratidza kuti une hanya nemubereki akadaro? Unofanira kufunga nezvokuvabatsira here? Ngatimbokurukurai zvikonzero zvitatu zvokuti tive nehanya navo.

Zvinoita Kuti Tive Nehanya Navo

Vakawanda vavo vanoda kubatsirwa. Imwe chirikadzi ine makore 41 ine vana vaviri yakati, “Dziripo dzimwe nguva dzokuti ndinotadza kuziva kuti ndodini, uye zvakawanda zvandinenge ndichifanira kuita zvinondinetesa.” Kufirwa newawakanga wakaroorana naye, kutizwa, kana kuti zvimwe zvinhu zvinoita kuti mubereki ari oga apedzisire ava kunzwa sezvaiita vamwe amai. Amai ava vakati, “Tinokumbirawo rubatsiro, chokwadi tatambura!”

Zvinoita kuti iwe wacho ufare. Wakambobatsira mumwe munhu kutakura mukwende wairema waaisakwanisa kutakura oga here? Kana wakadaro, unofanira kunge wakagutsikana kuti wanyatsobatsira mumwe munhu. Ndizvowo zvinoita mubereki ari oga, dzimwe nguva ane zvinhu zvinomuremera kuti azviite. Paunomubatsira, uchanyatsoona kuti zvakataurwa pana Pisarema 41:1 ndezvechokwadi. Panoti, “Anofara munhu anofunga nezvomunhu akaderera.”

Zvinofadza Mwari. Jakobho 1:27 inoti: “Kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu ndouku: kutarisira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwadzo.” Izvi zvinosanganisira kutarisira mubereki anorera vana ari oga.a VaHebheru 13:16 inoti: “Musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe, nokuti Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.”

Tichifunga nezvezvikonzero izvi zvinoita kuti tive nehanya nevabereki vari voga, ngatichionai kuti ungaitei kuti ubatsire uye kuti ungaziva sei kuti zvaunoita zvichanyatsobatsira.

Kucherechedza Zvavanoda

Zvingaita sokuti zviri nyore kubvunza mubereki ari oga kuti, “Ndingakubatsirai sei?” Asi kana uchinge wabvunza seizvi, kashoma kuti akuudze zvacho zvaanoda. Sezvatamboona, Pisarema 41:1 rinokurudzira ‘kufunga nezvomunhu akaderera.’ Rimwe duramanzwi rinotsanangura kuti shoko rechiHebheru rinoshandiswa pano rinogona kureva “kudzamisa pfungwa uchifunga zvakasiyana-siyana zvichizoita kuti uite chisarudzo chakanaka.”

Saka kuti uzive nzira yakanaka yokubatsira nayo, unofanira kufungisisa matambudziko anosangana nemubereki ari oga. Nyatsocherechedza, usangoonera zvinhu pamusoro. Zvibvunze kuti, ‘Dai ndirini ndaizoda kubatsirwa sei?’ Ichokwadi kuti vabereki vakawanda vari voga vachakuudza kuti kunyange ukaedza hauzombokwanisi kunyatsonzwisisa zvazvinoreva kuva mubereki ari oga, kunze kwokuti iwewo wava mubereki ari oga. Kunyange zvakadaro, kana ukavanzwira urombo nemwoyo wose, zvicharatidza kuti une hanya navo.

Tevedzera Muenzaniso Wakanakisisa waMwari

Panyaya yokubatsira vabereki vari voga, hakuna munhu anozvigona kupfuura Jehovha Mwari. Magwaro akawanda anoratidza kuti Jehovha Mwari ane hanya nechirikadzi, nherera nevabereki vari voga uye anovada. Kana tikaongorora zvinoitwa naMwari kubatsira vanhu vakaderera ivavo, tinogona kudzidza zvakawanda panyaya yokuti tingabatsira sei. Pane zvinhu zvina zvinokosha zvokufunga nezvazvo.

Teerera

Mumutemo uyo Jehovha akapa vaIsraeri kare, akati “Ndichanzwa kuchema” kweanotambudzika. (Eksodho 22:22, 23) Ungatevedzera sei muenzaniso uyu wakanaka? Kazhinji vabereki vari voga vanombokurirwa nokusurukirwa voshaya mumwe wechikuru wokudururira mwoyo wavo kwaari. Mumwe mukadzi ari oga anoti: “Dzimwe nguva vana pavanoenda kunorara, ndinosara ndichichema zvikuru. Dzimwe nguva unosurukirwa zvokuti unoshaya kuti wodini.” Zvingaita here kuti ‘unzwe kuchema’ kwemubereki ari oga uyo angada kudurura zviri pamwoyo pake kwauri? Kunyatsoteerera pazvakakodzera kunogona kuita kuti munhu akurire matambudziko okuva mubereki ari oga.

Taura mashoko anokurudzira

Jehovha akaita kuti nziyo, kana kuti mapisarema aizoimbwa nevaIsraeri pavainamata anyorwe. Chimbofungidzira kuti chirikadzi nenherera dzechiIsraeri vaikurudzirwa sei pavaiimba mashoko anobva kuna Jehovha aivayeuchidza kuti Jehovha aiva “baba” uye “mutongi” wavo uye aizovabatsira. (Pisarema 68:5; 146:9) Nesuwo tinogona kutaura mashoko anokurudzira ayo anogona kuyeukwa nemubereki ari oga kwemakore nemakore. Kunyange papfuura makore 20, mubereki ari oga anonzi Ruth, achiri kuyeuka rimwe zuva apo vamwe baba vakataura mashoko anovaka okuti: “Uri kurera vanakomana vako vaviri zvakanaka. Ramba wakadaro.” Ruth anoti: “Mashoko iwayo akandibaya mwoyo chaizvo.” Chokwadi “mashoko omutsa mushonga wakanaka” uye anogona kukurudzira mubereki ari oga kupfuura zvatingafunga. (Zvirevo 15:4, Contemporary English Version.) Pane zvaungaudza mubereki ari oga zvisiri zvokumubata kumeso zvingamukurudzira here?

Pazvinenge zvakakodzera, batsirawo nezvinhu

Mutemo waJehovha waakapa vaIsraeri kare waisanganisira urongwa hwokuti chirikadzi nenherera vawane zvokudya vasingaiti zvokutarisirwa pasi. Urongwa uhwu hwaiita kuti vanhu vakaderera ava vawane zvokudya zvinokwana kuti vagute. (Dheuteronomio 24:19-21; 26:12, 13) Nesuwo tinogona kubatsira mhuri dzine mubereki ari oga asi tisingaiti zvokuda kushamisira uye kuratidza kune vamwe kuti nhingi ari kutambura. Ungakwanisa kuvavigira zvokudya here kumba kwavo? Une hembe dzaunogona kupa mubereki ari oga kana kuti vana vake here? Ungakwanisa kuvabatsira nemari here kuitira kuti mubereki ari oga atenge zvinodiwa nemhuri yacho?

Shamwaridzana navo

Jehovha akarayira kuti chirikadzi nenherera dzivepowo pamitambo yaiitwa pagore negore murudzi rwevaIsraeri, kuti vashamwaridzane nevamwe. Vakatoudzwa kuti: “Ufare.” (Dheuteronomio 16:10-15) Mazuva anowo vaKristu vanorayirwa ‘kugamuchirana zvakanaka,’ vachiva nenguva dzokumbowadzana vachifara. (1 Petro 4:9) Saka wadii kumbokokawo mhuri ine mubereki ari oga kumba kwenyu kuti muzodya? Hazvifaniri hazvo kuva zvemaoresa. Jesu paakambotandara kumba kweshamwari dzake akati, “Zvinodiwa zvinhu zvishoma, kana kungoti chimwe chete.”—Ruka 10:42.

Zvauchaita Zvichatendwa Chaizvo

Kathleen, mumwe mubereki ari oga akarera vana vatatu, anoti haafi akakanganwa zano rouchenjeri rokuti, “Usatarisira kuwana chinhu asi tenda zvose zvaunowana.” Sezvakataurwa naKathleen, vabereki vari voga vakawanda vanoziva kuti ibasa ravo kuriritira vana vavo. Saka havatarisiri kuti vamwe vavaitire zvavanofanira kuita ivo. Kunyange zvakadaro, zviri pachena kuti vanotenda kubatsirwa kwose kwavanoitwa. Kana ukaratidza kuti une hanya nevabereki vari voga, unogona kuita kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka uye newe uchafara, uine chivimbo chokuti Jehovha Mwari “achakupa mubayiro pane zvawakaita.”—Zvirevo 19:17, New Century Version.

[Mashoko Omuzasi]

a Kunyange hazvo mashoko okuti “mubereki ari oga” asimo muBhaibheri, mashoko akadai sokuti “chirikadzi” uye “nherera” anoshandiswa kakawanda. Izvi zvinoratidza kuti munguva dzakanyorwa Bhaibheri, vabereki vari voga vaivakowo.—Isaya 1:17.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Wakapedzisira rini kukoka mhuri ine mubereki ari oga kuzombodya? Usaverengera kuzviita

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe