Kutiza Kwatakaita Kuyerera Kwemabota Aityisa!
NOMUNYORI WEMUKAI! MUCONGO (KINSHASA)
MUSI weChipiri, January 15, 2002—zuva rakada kungofanana nemamwe ose muCentral Africa. Ndiine mumwe weZvapupu zvaJehovha, ndinosvika muGoma, Kivu, muCongo (Kinshasa), kuti ndisangane neZvapupu zvomudunhu reGreat Lakes.
Hapana Chikonzero Chokunetseka Here?
Kunyange zvazvo gomo rinoputika reNyiragongo (rakareba mamita 3 470) riri makiromita 19 kubva muguta reGoma, zvarinoita zvinoita kuti tide kuona zviri kuitika.a Tinorinzwa richitinhira, uyewo tinoona utsi huchipwititika kubva pagomo racho. Kuvanhu vanogara kuno, izvi zvinhu zvakajairika panguva ino yegore, uye havasi kunetseka nazvo.
Masikati, tinopinda misangano neungano mbiri dzeZvapupu zvaJehovha. Tinoramba tichinzwa kundengendeka kwepasi uye kunzwa kutinhira. Izvi hazvimboiti sezvinovhiringidza chero ani zvake. Vakuru vomunzvimbo ino vanoramba vachiudza vanhu kuti hapana chikonzero chokuvhunduka. Kunyange zvazvo mumwe anodzidza nezvokuputika kwemakomo womuCongo ave achifanotaura nezvokuputika kwaro kwemwedzi inoverengeka, hapana anodavira zvaanotaura. Imwe shamwari inotaura hayo ichiseka kuti, “Nhasi manheru denga richange rakatsvuka nemhaka yezviri kuitika pagomo rinoputika.”
“Tinofanira Kutiza Pasina Kunonoka!”
Tadzokera kwatiri kugara, tinoudzwa zvakananga kuti: “Tinofanira kutiza pasina kunonoka!” Zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Guta racho riri mungozi huru. Zvechokwadi zvinhu zvinongochinja pasina nguva! Izvi zvisati zvaitika tave tichimbokurukura nezvokushandisa Goma senzvimbo iri pakati nepakati yokuitira basa rokupupura. Iye zvino, zuva rarereka, tave kuudzwa kutiza guta racho, sezvo riri munjodzi yokuparadzwa!
Sezvo kunze kunoti hunderere, denga rinoti piriviri—nokuti pane chaitika! Mabota ari kuyerera kubva kuNyiragongo ari kuuya akananga kuguta. Gomo racho rinofanana nezibhodho riri kufashaira richirasira kunze zvarinazvo, mabota anopisa anoparadza zvose zviri munzira yawo. Hatisati tamboita chipatapata chakadaro pakurongedza mabhegi edu! Dzave kuda kusvika 7:00 manheru.
Zviuru Zvichitiza Nomunzira
Sezvatinomhanya-mhanya, mugwagwa unobuda muGoma wazara negurumwandira revanhu vari kutiza kuti vazviponese. Vazhinji vari kufamba, vakatakura zvinhu zvavagona kubata. Vakawanda vakadengezera mikwende pamisoro yavo. Vashoma vakatutirana mumotokari dzakati shutu. Vose vari kuenda kumuganhu weRwanda uri pedyo. Kunyange zvakadaro, mabota anobuda panoputika gomo haazivi kuti kune miganhu yakaiswa nevanhu. Hapana uto ringamisa kufamba kwawo! Tinoona mauto achitya mabota sezvaanomhanyawo kutyira upenyu hwawo. Zvava kutonetsa kuti motokari dzifambe mumugwagwa wacho. Tinofanira kuramba tichifamba netsoka. Tiri pakati pegurumwandira iri revanhu 300 000—varume, vakadzi, vana, nevacheche—vari kutiza hasha dzemabota. Nyika yatiri kufamba pairi inoramba ichitinhira nokundengendeka.
Munhu wose ari kutiza kuti apone. Ini neshamwari yangu, vaeni vabva kuguta guru, tiri pakati pavo, tichifamba nezvimwe Zvapupu, zvinotitarisira. Kuva nesu uye kuva nehanya nesu kwazvo kwavanoita kunotizorodza mumamiriro ezvinhu aya anonetsa uye anorwadza. Vanhu vari kutiza nezvavagona kutakura—mbatya, mapoto nemapani, nezvokudya zvishoma-shoma. Mugurumwandira revanhu iri, inongova mvongamutititi. Vamwe vari kudhumwa nemotokari dziri kuedza kuvapindira, zvichiita kuti vamwe vatadze kubata tunhu twavo tushoma twavainatwo, tunodonha ndokutsikwa-tsikwa. Hameno hake anogumburwa odonha. Mamiriro ezvinhu aipa. Munhu wose ari kutya. Tiri kuedza kuenda kuGisenyi, anongova makiromita mashomanana muRwanda. Tinoenda narwo rwendo rwedu rusina zororo.
Usiku Hunopera Takachengeteka
Tinosvika paimba yokugamuchira vaeni, asi zvinongova pachena kuti hapasisina pokurara. Tinofanira kugutsikana nokugara patafura yepanze. Izvi tinozviita pashure pokufamba rwendo runonetesa rwemaawa matatu nehafu. Tinofara kuti tiri vapenyu uye tabuda mungozi uye nokuva nehama dzedu dzechiKristu dzafamba rwendo rwacho nesu. Zvinofadza kuti hapana Zvapupu zvafa.
Zviri pachena kuti tichafanira kupedza usiku hwose tiri panze. Tiri panzvimbo yakachengeteka iyi, tinogona kuyeva denga rakati piriviri pamusoro peguta reGoma. Raishamisa zvikuru uye rakanaka kwazvo! Kunze kunoedza zvishoma nezvishoma. Kutinhira nokundengendeka kwanga kuchingoitika usiku hwose. Tichitarira kuzviitiko zvakaoma zvezuva rapfuura, tinonzwira tsitsi zviuru zvemhuri dzaifanira kutiza nevechiduku vadzo.
Rubatsiro Runouya Nokukurumidza
Zvapupu zvomuKigali, guta guru reRwanda, zvinobatana nesu masikati omusi weChishanu, January 18. Dare rokuyamura rinoumbwa nehama dzokuGoma neGisenyi rinotanga basa. Vavariro yokutanga ndeyokuwanira Zvapupu zvapotera pokugara muDzimba dzoUmambo nhanhatu dziri munzvimbo yacho. Izvi zvinoitwa zuva rakarero. Chikwangwani chakanyorwa nechiFrench nechiSwahili chinoiswa padivi pomugwagwa, chichiratidza nzira inoenda kuImba yoUmambo iri pedyo, uko vapoteri vanogona kubatsirwa uye kunyaradzwa. Uyewo zuva rakarero, matani matatu ezvinhu zvinokosha anosvika paDzimba dzoUmambo pari kugara Zvapupu. Musi woMugovera, zuva rinotevera, rori yakatakura zvokudya, magumbeze, mapurasitiki, sipo, nemishonga zvinosvika kubva kuKigali.
Kunetseka Kunowedzera
Iyi inguva inonetsa zvikuru. Zvinodiwa nevanhu vose ava zvichabva kupi? Zvakadini nokuputika kwegomo? Kuputika kwacho kuchamira rini? Guta reGoma raparadzwa kusvika pakadini? Mashoko ari kutaurwa uye kundengendeka kwepasi kuri kuenderera mberi kunoratidza kuti hakuna chakanaka. Nyanzvi dziri kutyira kuti kuwanda kwemweya wesulfur dioxide kuchasvibisa mhepo yakatipota. Vamwewo vari kunetseka nezvokuti mvura iri muLake Kivu ichasvibiswa nemhaka yokusangana nemakemikari.
Mumaawa 48 anotevera kuputika kwegomo racho, mishumo inovhiringidza yapararira. Zvadaro, masikati oMugovera tinoudzwa kuti vanhu vanenge 10 000, kusanganisira Zvapupu 8 pamwe nomwana, vakavharirwa nemabota akavapota, akadzika mamita maviri mune dzimwe nzvimbo. Magasi ane chepfu akazara mumhepo. Tinotyira upenyu hwavo. Zvinoita sepasina tariro. Kunyange chimwe chivako chechechi iri muGoma chaparadzwa zvachose nokuyerera kusingadzivisiki kwemabota. Panguva iyoyo hapana anofunga kuti guta reGoma richagarwazve.
Nhau Dzinonyaradza
Musi weSvondo nenguva dza9 magwanani, tinogamuchira runhare kubva kune imwe yehama dzakapoteredzwa nemabota. Anotiudza kuti zvinhu zviri kuchinja. Zvinhu zviri kuvandudzika. Mvura iri kunaya, mabota ari kutonhora, uye mhepo iri kuchena. Kunyange zvazvo mabota acho achiri kupisa uye ane ngozi, vanhu vave kutanga kuayambuka kuti vasvike kunzvimbo isina ngozi. Guta harina kuparara rose.
Aya ndiwo mashoko akanaka okutanga anovapo kubva zvatanga ngwavaira iyi. Kuputika kwacho kunoratidzika sekwaserera. Nyanzvi dziri munzvimbo yacho dzinotaura zvakasiyana-siyana. Tinokwanisa kutaura nevanhu vari muguta riri pedyo reBukavu, riri kumumwe mucheto weLake Kivu. Tinonzwa kuti mhuri shanu, pamwewo nevana vatatu vasina vabereki vavo, vasvika kuBukavu neigwa. Zvapupu zviri muguta zvichavatarisira.
Tinogona Kudzokera!
Musi woMuvhuro, January 21 tinogona kukurudzira uye kunyaradza vakawirwa nenjodzi vomuGisenyi, uye kuona zvavanoda. Tinoona kuti hama dzakagara kwenguva pfupi paDzimba dzoUmambo nhanhatu dziri kurongeka. Tinokwanisa kuverenga nhamba chaiyo yeZvapupu zvakatiza—1 800 kusanganisira vana.
Zvakadini nenguva yemberi? Vakuru vekanzuru yomunzvimbo idzodzo vanoronga kugadzira misasa yevapoteri nokukurumidza. Zvisinei, vamwe vanhu vachine ndangariro dzezvinhu zvakashata zvomumisasa yokupotera yakavakwa pashure pokuparadza rudzi kwa1994. Tinosarudza kudzokera kuGoma, uye zuva rava kuda kurova nhongonya, tinosvika muguta racho. Chinoda kuva chikamu chimwe muzvina cheguta racho chaparadzwa. Tinokwanisa kufamba pamusoro pemabota ave kuoma zvino aiyerera nomumigwagwa yeguta. Achiri kudziya, uye magasi ari kubuda akazara mumhepo. Vanhu vakawanda vakashinga kudzokera kuguta.
Nenguva dza1 masikati, tinosangana nevakuru vechiKristu 33 muImba yoUmambo yeUngano yeGoma Center. Vari kufunga zvakafanana: Vanosarudza kudzokera kuGoma. “Ndiko kumusha kwedu,” vanodaro. Zvakadini nengozi yokuputikazve kwegomo racho? “Tazvijaira,” ndiyo mhinduro yacho. Vanotya kuti vakasadzokera zvino, zvinhu zvavo zvose zvichabiwa. Zuva rinotevera mhuri dzose dzeZvapupu dzakatiza dzadzoka muGoma. Ruzhinji rwevanhu 300 000 vakanga vayambuka muganhu wenyika vadzokera kuguta raparadzwa.
Vhiki Imwe Gare Gare
Guta racho zvino razara nevanhu vave kuita mabasa avo. Zviri pachena kuti harisi kuzoparara. Pasina nguva refu basa rokuparadzira mabota rinotanga kuitira kubatanidza mativi maviri eguta racho anga aparadzaniswa. Chinhu chose chakanga chiri pakayerera nemabota chakaparara. Divi rine mabhizimisi nemahofisi ehurumende rakaparara. Zvinofungidzirwa kuti chikamu chimwe muzvitatu chomugwagwa unofamba nendege chakaparadzwa.
Kuverenga kwakarurama kunoratidza kuti mhuri 180 dzeZvapupu dziri pakati pevaya vakarasikirwa nezvose zvavaiva nazvo uye vasisina pokugara. Dare rokuyamura rinoita urongwa hwokubatsira varume, vakadzi, uye vana vanenge 5 000 kuti vawane migove yezvokudya zuva nezuva. Matende epurasitiki akapiwa neZvapupu zvaJehovha zvokuBelgium, France neSwitzerland achashandiswa sepokugara kwenguva pfupi nevasisina misha, pamwewo sepokuunganira nokuda kweungano dzine Dzimba dzoUmambo dzakakanganiswa zvikuru kana kuti dzakaparadzwa. Dzimwe mhuri dzisisina misha dzichagara neZvapupu zvine misha isina kuparara, nepo vamwe vachawana pokugara kwenguva pfupi.
Musi weChishanu, January 25, mazuva gumi pashure pousiku ihwohwo hwakaipa, vanhu 1 846 varipo pamusangano unoitirwa muchivanze chechikoro muGoma kuti vateerere mashoko anokurudzira eMagwaro. Mashoko akawanda okuonga anotaurwa nehama nokuda kwenyaradzo pamwe nokubatsira chaiko kwakaitwa naJehovha achishandisa sangano rake. Isu vashanyi tinofara zvikuru noushingi uye kutenda kwakasimba kunoratidzwa nehama pasinei nemamiriro adzo ezvinhu akaoma. Mukutambura kwakadaro, zvechokwadi zvinofadza kuva pakati pehama dzakabatana mukunamata Mwari wechokwadi, Jehovha, Anopa kunyaradza kusingaperi!—Pisarema 133:1; 2 VaKorinde 1:3-7.
[Mashoko Omuzasi]
a MuchiSwahili gomo rinoputika rinonzi mulima ya moto, kureva kuti “gomo remoto.”—Ona nyaya inoti “Visiting an Active Volcano” iri muMukai! yechiRungu yaJuly 8, 1975.
[Mepu dziri papeji 12, 13]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Miseve inoratidza kwaiyerera nemabota
CONGO (KINSHASA)
Gomo reNyiragongo
↓ ↓ ↓
Nhandare Yendege yeGoma ↓ ↓
↓ GOMA
↓ ↓
LAKE KIVU
RWANDA
[Mifananidzo iri papeji 13]
Mabota akamanikidza makumi ezviuru kutiza guta reGoma
[Kwazvakatorwa]
AP Photo/Sayyid Azim
[Mifananidzo iri papeji 14, 15]
Pasina kupera vhiki Zvapupu zvakaronga misangano yechiKristu