Kushanda kwechiKristu—Pakati Penyongano
ZVAKANGOTANGA kamwe kamwe rimwe zuva muna April 1994. Kudonha kwendege kwakauraya mapurezidhendi eBurundi neRwanda. Mukati mamaawa mashomanene masimba masimba makuru zvinotyisa akapararira muRwanda. Mumwedzi inopfuura mitatu zvishomanene, vanhu vomuRwanda vanopfuura 500 000—varume, vakadzi, uye vana—vakanga vafa. Vamwe vanhu vanotaura nezvenhambo yacho se“kuparadza rudzi.”
Hafu yevagari veRwanda vane mamiriyoni 7,5 vaifanira kutiza. Izvi zvaibatanidza mamiriyoni 2,4 ayo akatizira kunyika dziri pedyo. Kwakanga kuri kubuda kwavapoteri kukurusa uye kwokukurumidza zvikurusa munhau yazvino. Misasa yavapoteri yakatangwa nokukurumidza muZaire (zvino yava Democratic Republic of Congo), Tanzania, uye Burundi. Mimwe yeiyi misasa—mikurusa munyika—yakagarwa navanhu 200 000.
Pakati pevapoteri pakanga pane vakawanda veZvapupu zvaJehovha, vanhu vanoda rugare vanoshandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwavo. Munyika ipi kana ipi mavanogara, vanoramba vasingatori rutivi zvikuru uye vanoshandisa nheyo inobatanidzwa muaya mashoko aIsaya 2:4: “Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa zvikuru seboka rorudzidziso risina kutora rutivi mukuparadza rudzi muRwanda.
Jesu Kristu akataura kuti vateveri vake “havazi venyika.” Nemhaka yokuti vari “munyika,” zvisinei, nguva dzose havagoni kupukunyuka nyongano dzamarudzi. (Johane 17:11, 14) Mukati mokuparadza rudzi muRwanda, Zvapupu 400 zvakarasikirwa noupenyu hwazvo. Zvapupu zvinenge 2 000 navanhu vanofarira shoko roUmambo vakava vapoteri.
Kusava rutivi rwenyika kunoreva here kuti Zvapupu zvaJehovha hapana zvazvinoita apo ngwavaira inoitika? Aiwa. Shoko raMwari rinoti: “Kana kune hama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, unoshayiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe, mumwe wenyu akati kwavari: Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute, musingavapi izvo zvinodikanwa nomuviri, zvinogobatsirei? Saizvozvowo, nokutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako.” (Jakobho 2:15-17) Kuda muvakidzani kunosundawo Zvapupu kuti zvibetsere avo vasingagoverani mirangariro yazvo yorudzidziso.—Mateo 22:37-40.
Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvakashuva kubetsera vazvinotenda navo vaitarisana nengwavaira muRwanda, kurongwa kwenhamburiko yokuyamura kwakagoverwa kuWestern Europe. Muzhizha ra1994, boka revazvipiri vari Zvapupu vaibva kuEurope rakamhanyira kunobetsera hama nehanzvadzi dzavo dzechiKristu muAfrica. Misasa yakarongwa zvakanaka uye zvipatara zvechinguvana zvakatangwa nokuda kwavapoteri veRwanda. Zvipfeko zvakawanda, magumbeze, zvokudya, uye mabhuku eBhaibheri zvakaunzwa nendege kana kuti kuendeswa nechikepe kwavari. Vanhu vaitambura vanopfuura 7 000—vanoda kupfuura nekatatu nhamba yeZvapupu zvaJehovha muRwanda panguva yacho—vakabetserwa nenhamburiko yokuyamura. Pakasvika December wegore iroro, zviuru zvevapoteri, kubatanidza vakawanda zvikurusa veavo vakanga vari Zvapupu zvaJehovha, vakadzokera kuRwanda kunovakazve upenyu hwavo.
Hondo muCongo
Muna 1996, hondo yakatanga munharaunda yekumabvazuva kweDemocratic Republic of Congo. Nharaunda iyi inoganhurana neRwanda neBurundi. Zvakare kwakanga kune kubata chibharo nokuuraya. Pakati pemabara airira nemisha yaitsva, vanhu vakatiza nokuda kwoupenyu hwavo. Zvapupu zvaJehovha zvakabatwa munyongano yacho, uye vanenge 50 vakafa. Zvimwe zvakaurawa nemabara aingopotsa. Zvimwe zvakaurawa nemhaka yokuti zvakanga zviri zveboka redzinza rakati kana kuti zvairangarirwa savavengi. Mumwe musha waigara Zvapupu 150 wakaparadzwa nomoto. Mune mimwe misha dzimba dzakawanda nedzimwe Horo dzoUmambo zvakapiswa. Zvisisina misha nezvinhu, Zvapupu zvakatizira kune dzimwe nzvimbo uye zvakabetserwa nevazvainamata nazvo ikoko.
Nzara inouya pashure pehondo, sezvo zvirimwa zvinoparadzwa, zvokudya zvinotorwa, uye gadziriro dzokufambisa zvokudya dzinoparadzwa. Zvokudya zvinenge zvichiwanika zvinodhura. MuKisangani, pakuvamba kwaMay 1997, kirogiramu imwe yembatatisi yaiita madhora anenge matatu, mutengo wakanga wakakwira zvikuru kune vanhu vakawanda. Ruzhinji rwaingogona kudya kamwe bedzi pazuva. Chokwadika, hosha dzinouya nemhaka yokuperevedza kwezvokudya. Kushaya zvokudya zvakakwana kunonetesa kukwanisa kwomuviri kudzivisa marariya, zvirwere zvemanyoka, uye zvinetso zvomudumbu. Vana zvikurukuru vanotambura ndokufa.
Kunzvera Chinodikanwa
Zvapupu zvaJehovha muEurope zvakaita chimwe chinhu nokukurumidza kugovera chinodikanwa chacho. Pakasvika April 1997 boka rokuyamura reZvapupu iro raibatanidza vanachiremba vaviri rakanga rauya nendege nemishonga nemari. MuGoma Zvapupu zvomunzvimbomo zvakanga zvatoronga matare okuyamura kuti awane mamiriro ezvinhu kuitira kuti yamuro yokukurumidza igogona kupiwa. Boka racho rakanzvera guta racho nenharaunda dzakapoteredza. Nhume dzakatumwa kuti dzinowana mishumo yaibva kunzvimbo dziri kure zvikuru. Mashoko akawanwawo kuKisangani, iri makiromita anopfuura 1 000 kumavirira kweGoma. Hama dzomunzvimbomo dzakabetsera kuronga nhamburiko dzokuyamura muGoma, umo Zvapupu 700 zvinogara.
Mumwe wevakuru vechiKristu muGoma akati: “Takaororwa zvikuru kuona hama dzedu dzakanga dzabva kure kwakadaro kuti dzizotibetsera. Vasati vauya, takabetserana. Hama dzaifanira kutiza dzichibva kumaruwa dzichiuya kuGoma. Dzimwe dzakanga dzarasikirwa nemisha yadzo, uye dzakasiya minda yadzo. Takaenda nadzo mumisha yedu ndokugoverana zvipfeko zvedu nezvokudya zvishomanene zvatakanga tinazvo. Zvataigona kuita munharaunda yacho zvakanga zvisina kuwanda. Vamwe vedu vakanga vari kutambura nokushaya zvokudya zvakakwana.
“Hama dzakabva kuEurope, zvisinei, dzakaunza mari yakatigonesa kutenga zvokudya, izvo zvakanga zviri zvishoma uye zvichidhura zvikuru. Zvokudya zvakauya panguva yaikosha zvikuru, sezvo vakawanda vakanga vasina chokudya mumisha yavo. Takaparadzira zvokudya kune vose Zvapupu nezvisiri Zvapupu. Kudai betsero yacho yakanga isina kuuya payakauya, vakawanda zvikuru vangadai vakafa, zvikurukuru vana. Jehovha akaponesa vanhu vake. Vasiri Zvapupu vakaororwa zvikuru. Vakawanda vakatsinhira pamusoro pekubatana kwedu norudo. Vamwe vakabvuma kuti rwedu ndirwo rudzidziso rwechokwadi.”
Kunyange zvazvo zvokudya zvakatengwa muno uye mishonga yakagoverwa, zvakawanda zvakanga zvichidikanwa. Paidikanwa zvokupfeka nemagumbeze, pamwe chete nemigove yakawanda yezvokudya nemishonga. Betsero yaidikanwawo kuvaka zvakare misha yakanga yaparadzwa.
Vanhu Vanopa Norupo
Hama dzomuEurope dzaidisa kubetsera zvakare. Hofisi yeZvapupu zvaJehovha kuLouviers, France, yakazivisa ungano dziri muRhône Valley pamwe chete nomuNormandy, uye rutivi rwenharaunda yeParis. Pano imwe nheyo yaMagwaro yakashanda: “Unodzvara zvishoma, uchachekawo zvishoma; unodzvara zvizhinji, uchachekawo zvizhinji. Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamwoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.”—2 VaKorinte 9:6, 7.
Zviuru zvakashandisa mukana wokupa nomufaro. Mabhokisi nemabhegi ezvipfeko, shangu, uye zvimwe zvinhu zvakaiswa muHoro dzoUmambo uye ipapo zvakaendeswa kuhofisi yebazu reZvapupu zvaJehovha muFrance. Ikoko vakazvipira 400 vakanga vakagadzirira kutora rutivi munhano inotevera yebasa re“Kubetsera Zaire.” Sezvo zvinhu zvakapiwa zvakapinda, ava vakazvipira vakapatsanura, vakapeta, uye vakarongedza zvipfeko zvacho mumabhokisi ayo airongwa ari 30 paaiturikwa. Vana vakanga vafunga nezvehama dzavo nehanzvadzi duku dzomuAfrica uye vakanga vatumira zvokutambisa—tumota twokutambisa twunopenya, maspinning top, zvidhori, uye mateddy bear. Izvi zvakarongedzwa pamwe chete nezvinhu zvaidikanwa nokuda kwoupenyu. Pamwe chete, zvokutakurira zvipfumbamwe zvine mamita 12 zvakazadzwa ndokuendeswa kuCongo nechikepe.
Iyamuro yakawanda sei yakatumirwa kuCentral Africa nebetsero yezviuru zveZvapupu zvomuBelgium, France, uye Switzerland? Pakasvika June 1997 hwerengedzo yacho yakanga iri makirogiramu 500 emishonga, matani 10 emabhisikiti anovaka muviri zvikuru, matani 20 ezvimwe zvokudya, matani 90 ezvokupfeka, mapeya eshangu 18 500, uye magumbeze 1 000. Mabhuku eBhaibheri akaunzwawo nendege. Izvi zvose zvakaongwa zvikuru, zvichinyaradza vapoteri nokuvayamura kuti vatsungirire miedzo yavo. Mari yezvinhu zvacho yakaita hwerengedzo inoda kusvika $12 000 000. Mipiro yakadaro hwakanga huri ufakazi hweuhama uye rudo pakati peavo vanobatira Jehovha.
Kuparadzirwa muCongo
Sezvo zvinhu zvakavamba kusvika kuCongo, hama mbiri nehanzvadzi imwe vakabva kuFrance kuzoshanda nematare emunzvimbomo okuyamura. Pamusoro pekuonga kwakaratidzwa neZvapupu zvokuCongo, Joseline, akati: “Takagamuchira tsamba dzakawanda dzokuonga. Imwe hanzvadzi yaiva murombo yakandipa chishongo chemabwe anokosha. Vamwe vakatipa mapikicha avo. Sezvatakanga tava kuenda, hanzvadzi dzakanditsvoda, dzakandimbundira, uye dzakachema. Ndakachemawo. Vakawanda vakatsinhira zvakadai, ‘Jehovha wakanaka. Jehovha anofunga nezvedu.’ Naizvozvo vakaziva kuti mbiri yokupa uku yaiva yaMwari. Patakanga tichiparadzira zvokudya, hama nehanzvadzi dzakarumbidza Jehovha nenziyo dzoUmambo. Zvaisvika pamwoyo.”
Mumwe chiremba anonzi Loic akanga ari mumwe mutezo weboka racho. Vakawanda vakazara muHoro yoUmambo ndokumirira nenzira yokushivirira mukana wavo wokuti vatsvake betsero yake. Ichidawo kubetsera, imwe hanzvadzi yokuCongo yakapa madhonanzi anenge 40 nokuda kwaavo vakanga vakamirira kuona chiremba. Sezvo vanhu vanenge 80 vakanga vakamirira, mumwe nomumwe akagamuchira hafu yedhonanzi.
Kuyamura Zvisiri Zvapupu
Uku kuyamura kwomutsa hakuna kungoitirwa Zvapupu zvaJehovha bedzi. Vamwewo vakabetserwa, sezvakangoita vakawanda muna 1994. Izvi zvinotsinhirana naVaGaratia 6:10, iyo inoti: “Zvino zvatine nguva, ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kuna veimba yokutenda.”
Zvapupu zvakaparadzira mishonga nezvokupfeka kuzvikoro zvinoverengeka zvepuraimari uye musha wenherera uri pedyo neGoma. Musha wenherera wacho une vana 85. Parwendo rwapakuvamba rwokundonzvera mamiriro ezvinhu, boka rokuyamura rakashanyira musha wenherera ndokuvimbisa kuvagovera mabhokisi 50 emabhisikiti anovaka muviri zvikuru, mabhokisi ezvokupfeka, magumbeze 100, mishonga, uye zvokutambisa. Vana vakarongana muruvazhe ndokuimbira vashanyi. Tevere vakaita chikumbiro chaicho—vangawana here bhora kuitira kuti vagotamba nhabvu?
Mavhiki anoverengeka gare gare boka rokuyamura rakaita vimbiso dzaro dzokuunza zvinhu. Aororwa nerupo uye nezvaakanga arava mumabhuku eBhaibheri aakanga apiwa, mukuru wemusha wenherera akataura kuti akanga achizova mumwe weZvapupu zvaJehovha. Uye vana vakapiwa bhora racho here? “Aiwa,” akapindura kudaro Claude, murongi weboka rekuyamura rokuFrance. “Takavapa mabhora maviri.”
Misasa Yavapoteri
Yamuro haina kuganhurirwa kuCongo. Zviuru zvavapoteri zvakanga zvatiza zvichibva kunharaunda yehondo zvichienda kunyika yapedyo kune misasa mitatu yavapoteri yakanga yatangwa nokukurumidza. Zvapupu zvakaendawo ikoko, kuitira kuti zvione chaigona kuitwa. Apo mushumo uno wakagadzirwa, misasa yacho yakanga ichigara vapoteri 211 000, vazhinjisa vacho vaibva kuCongo. Vanenge 800 vaiva Zvapupu nevana vazvo uye vanhu vaifarira mashoko akanaka oUmambo. Chinetso chokukurumidza mumisasa chakanga chiri kushayikwa kwezvokudya. Pane mumwe musasa, pakanga pane zvokudya zvaingokwana mazuva matatu bedzi, uye zvaibatanidza bhinzi dzakanga dzava namakore matatu.
Kunyange zvakadaro, Zvapupu zvakanga zvichifara. Kunyange zvazvo zvaiva nemabhuku mashoma eBhaibheri, zvakaita misangano yaiitirwa panze nguva dzose kuti zvizvivake mumudzimu. Zvakanga zvakabatikanawo nokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kune vamwe mumisasa.—Mateo 24:14; VaHebheru 10:24, 25.
Boka rokunzvera reZvapupu raibatanidza chiremba. Kunyange zvazvo zviremera zvakavabvumira kupedza mazuva mashomanene bedzi pamusasa mumwe nomumwe, vakarapa vanhu. Vakasiyira vakuru vechiKristu mishonga nemari. Nokudaro, hama dzakakwanisa kurarama. Vaikarirawo kuti Zvapupu zvaiva mumisasa zvaigona kudzokera kunyika yazvo nokukurumidza.
Zvakadini nenguva yemberi? Jesu Kristu akafanotaura kuti zuva redu raizova renyongano huru, nguva yaizoratidzirwa nehondo nokuperevedza kwezvokudya. (Mateo 24:7) Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti Umambo hwaMwari hwoga huchagumisa kutambura uko zvino kuri pasi pano. Mukutonga kwahwo, musha wedu wapasi uchava paradhiso yorugare, ine zvakawanda, uye ine mufarwa usingaperi nokuda kworudzi rwomunhu rwunoteerera. (Pisarema 72:1, 3, 16) Munguvayi, Zvapupu zvichazivisa mashoko akanaka oUmambo ihwohwo hwokudenga uyewo zvichapfuurira kubetsera vazvinonamata navo navamwe munguva dzokushayiwa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
Kubvira muna 1994, Zvapupu zvaJehovha muEurope moga zvakatumira matani anopfuura 190 ezvokudya, zvokupfeka, mishonga, uye zvimwe zvinhu zvokuyamura kunharaunda yeGreat Lakes yeAfrica
[Bhokisi riri papeji 6]
RUDO RWECHIKRISTU RWUNOSHANDISWA
Pakati paavo vakatora rutivi nokudisa mubasa ro“Kubetsera Zaire” muFrance pakanga pana Ruth Danner. Somwana, akapinzwa mumisasa yavasungwa yeNazi nemhaka yokutenda kwake kwechiKristu. Akatsinhira kuti: “Takafara kwazvo kuitira hama dzedu nehanzvadzi dziri muAfrica chimwe chinhu! Asi paiva nechimwe chinhu chakandifadza zvikuru. Muna 1945, patakadzoka kumba tichibva kuGermany, takanga tisina kana chinhu. Kunyange zvokupfeka zvataipfeka zvakanga zvakumbirwa. Nokukurumidza, kunyange zvakadaro, takagamuchira betsero yezvokunyama yakabva kuhama dzedu dzaiva muAmerica. Nokudaro iyi nhamburiko yokuyamura yakandibvumira kudzorera mutsa watakaratidzirwa kare zvikuru. Iropafadzo yakadini kuva rutivi rwemhuri yakakura zvakadaro yehama nehanzvadzi dzinoshandisa rudo rwechiKristu!”—Johane 13:34, 35.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Nokukurumidza—paradhiso yapasi ine zvakawanda nokuda kwavose