RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 12/8 pp. 29-31
  • Kuda Kufanana Nevamwe—Kune Simba Zvechokwadi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuda Kufanana Nevamwe—Kune Simba Zvechokwadi Here?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kune Simba Risiri Pachena
  • Zvinoitika Pakuda Kufanana Nevamwe
  • Nei Kuda Kufanana Nevamwe Kuchigona Kuva Nengozi
  • Zvakakosha Kubvuma Kuti Kuda Kufanana Nevamwe Kune Simba
  • Ungaitei Kuti Usafurirwa Neshamwari?
    Mukai!—2014
  • Ndingarega Sei Kuda Kufanana Nevamwe?
    Mukai!—2003
  • Vechiduku—Rambai Kufurirwa Nevezera Renyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Kuda Kuenzana Nevezera Rako—Kungakubetsera Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 12/8 pp. 29-31

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Kuda Kufanana Nevamwe—Kune Simba Zvechokwadi Here?

“Handifungi kuti ndinoda kufanana nevamwe.”—Pamela, mudzidzi wokusekondari.

“Handifungi kuti ndichiri kunyanya kuda kufanana nevamwe. Kazhinji ndini ndinonzwa ndichida kuita zvandinoita.”—Robbie, wechiduku achiri kuyaruka.

WATI wambonzwa seizvi here? Ichokwadi kuti ungave uchiziva kuti Bhaibheri rinoti: “Songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera.” (1 VaKorinde 15:33) Kunyange zvakadaro, ungabvunza kuti, ‘Kuda kufanana nevamwe kunowedzeredzwa here—zvichida hakuna simba guru rakaita sezvinotaurwa nevabereki vangu kana kuti nevamwe vanhu vakura here?’

Kana uchinetseka nemibvunzo yakadai nguva nenguva, hausiwe wechiduku atanga kudaro. Asi tinokumbira kuti ufunge zviripo. Kuti zvingadaro here kuti pane kakuda kufanana nevamwe vako kausiri kuona? Vechiduku vakawanda vakashamiswa nesimba remanzwiro okuda kufanana nevamwe. Somuenzaniso, Angie anobvuma kuti angave ari kuita zvimwe zvinhu kuti afanane nevamwe kudarika zvaangada kuita iye pachake. Anoti: “Dzimwe nguva kuda kufanana nevamwe kune simba zvikuru zvokuti haumbooni kuti ndizvo zviri kuitika. Unotanga kufunga kuti ndizvo zvauri kuda kuita.”

Saizvozvowo, Robbie, ane mashoko ataurwa pamusoro apa, anoti kazhinji kuda kuita zvaanoita kunobva mumwoyo make. Asi, anobvuma kuti zvakaoma chaizvo kugara pedyo neguta guru. Nei? Nokuti kuda kufanana nevamwe kunokonzerwa nezvinhu zvizhinji zvaunoona. Anoti: “Upfumi chinhu chikuru chaizvo kuno.” Zviri pachena kuti kuda kufanana nevamwe isimba rinoda kufungwa nezvaro. Saka nei vamwe vechiduku vakawanda vachifunga kuti havanzwi vachida kuita zvinoitwa nevamwe vavo?

Kune Simba Risiri Pachena

Kuda kufanana nevamwe kunogona kusava pachena—zviripo ndezvokuti tinogona kutotadza kuzviona. Somuenzaniso: Kana tiri panzvimbo yakaderera zvikuru, mhepo yakawanda iri pamusoro pedu inorema inenge kirogiramu imwe chete pasendimita imwe chete.a Unogona kurarama uchiremerwa nemhepo yakadaro, asi ungasazviziva. Nei? Wazvijaira.

Ichokwadi hazvo kuti kurema kwemhepo yakatipoteredza hakukuvadzi. Asi kana vanhu vakatimanikidza, zvishoma nezvishoma vangaita kuti tichinje. Muapostora Pauro ainzwisisa simba rokuda kufanana nevamwe. Akanyevera vaKristu vakanga vari muRoma kuti: “Musarega nyika yakakupoteredzai ichikumanikidzai kupinda muforoma yayo.” (VaRoma 12:2, The New Testament in Modern English) Zvisinei, izvi zvingaitika sei?

Zvinoitika Pakuda Kufanana Nevamwe

Unoda kufarirwa nevamwe here? Vazhinji tinobvuma kuti tinoda. Asi, kuda kufarirwa kwatakazvarwa nakwo ikoko kunogona kufanana nebanga rinocheka nekwose. Tichaita zvinhu kusvika papi kuti tifarirwe nevamwe? Kunyange kana tiine chivimbo panyaya iyi, zvakadini nevaya vatinogara navo? Vari kuedza kusatevedzera zvinoitwa nevamwe here, kana kuti vari kuguma votevedzera?

Somuenzaniso, vazhinji mazuva ano vanoona sokuti tsika dzokuzvibata dzinodzidziswa neBhaibheri ndedzechinyakare kana kuti hadzishandi munyika yedu yemazuva ano. Vazhinji vanofunga kuti hazvinyanyi kukosha kunamata Mwari munzira yaanoda iri muShoko rake. (Johani 4:24) Nei vachifunga saizvozvo? Chimwe chinoita kuti vadaro kuda kufanana nevamwe. Pana VaEfeso 2:2, Pauro anotaura nezvenyika ino achiti ine “mudzimu,” kana kuti mafungiro ayo akapararira. Mafungiro iwayo anoita kuti vanhu vaite zvinofungwa nenyika isingazivi Jehovha. Izvi zvingatikanganisa sei?

Mabasa edu ezuva nezuva echikoro, kudzidza, mabasa emhuri, uye basa rokunyika anoda kuti tisangane nevanhu vasina basa netsika dzedu dzechiKristu. Somuenzaniso, kuchikoro kungava nevakawanda vanotsvaka mukurumbira pasinei nechinouya, vanoita unzenza, kana kutoshandisa zvinodhaka nokunwa doro. Chii chichaitika kana tikasarudza shamwari pavanhu vanoita izvozvo kana kuti vanofunga kuti hazvina basa, kana kutoti zvinorumbidzwa? Tingangotanga—zvichida zvishoma nezvishoma pakutanga—kuva nemafungiro akadaro. “Mudzimu,” kana kuti “mhepo,” yenyika ichatimanikidza, sokunge kuti iri kutiisa muforoma yenyika.

Zvinofadza kuti masayendisiti anodzidza nezvemagariro evanhu akaita zvidzidzo zvakatsigira zvinotaurwa neBhaibheri. Funga nezvechimwe chinhu chakaitwa. Munhu anodaidzwa kuzobatana nechimwe chikwata chevanhu vakagara pamwe chete. Dr. Asch vanoratidza kadhi hombe rine mutsetse unodzika kubva kumusoro kusvika zasi, uye rimwe kadhi rine mitsetse mitatu yakasiyana inodzika kubva kumusoro kusvika zasi. Zvadaro anobvunza vanhu vari muchikwata ichi kuti vataure zvavanofunga maererano nokuti ndoupi mutsetse pamitatu yacho wakafanana newanga uri pakadhi rokutanga. Mhinduro yacho iri nyore. Pakutanga, vose vanobvumirana. Asi kechitatu, chimwe chinhu chinochinja.

Sezvavanga vachiita, zviri nyore kutaura kuti ndeipi mitsetse yakafanana. Asi munhu wacho ari kuedzwa asingazvizivi, vamwe vari muchikwata chacho vapiwa mari kuti vabatanidzwe muchidzidzo ichi. Vose vanobvumirana pamhinduro isiri iyo. Chii chinoitika? Chikamu 25 kubva muzana bedzi yevakabvunzwa vakaramba vari pamhinduro yavaiziva kuti ndiyo yakarurama. Vamwe vose vakabvumirana nechikwata kamwe chete kana kanodarika—kunyange izvi zvichireva kuramba zvinhu zvavanenge vachiona nemaziso avo pachavo!

Saka zviri pachena kuti vanhu vanoda kuita zvinenge zvichiitwa nevamwe—zvokuti vazhinji vanogona kunyange kuramba zvinhu zvavanoziva kuti ichokwadi. Vechiduku vakawanda vakaona izvi zvichiitika. Daniel, ane makore 16, anobvuma kuti: “Kuda kufanana nevamwe vako kunogona kuita kuti uchinje. Uye kana paine vanhu vakawanda, unobva watonyanya kudaro. Unogona kutotanga kufunga kuti zvavari kuita zvakarurama.”

Angie, ane mashoko ambotaurwa, anorondedzera muenzaniso wokuda kufanana nevamwe kuchikoro achiti: “Pawaive uchiri kutanga chikoro chesekondari, mbatya dzawaipfeka dzaiva nebasa zvikuru. Waifanira kupfeka dzine mazita anozivikanwa. Wakanga usingadi kutenga bhurauzi reUS$50 (Z$2 750)—ndiani angada kuita izvozvo?” Sezviri kutaurwa naAngie, zvingava zvakaoma kuziva kana uri kuda kufanana nevamwe. Asi kuda kufanana nevamwe kungatikanganisa mudzimwe nzira dzakatoipa zvikuru here?

Nei Kuda Kufanana Nevamwe Kuchigona Kuva Nengozi

Fungidzira kuti uri kushambira mugungwa. Paunenge uri kushambira uchisundwa nemafungu, rimwe simba rausingaoni rinogona kunge riri kushanda. Mafungu anokusundira kumahombekombe, asi panogona kunge paine mamwe ari pasi pemvura. Zvishoma nezvishoma anenge achikuendesa divi. Paunozotarisa kumahombekombe, hauchakwanisi kuona mhuri yako kana shamwari dzako. Hauna kumboziva kuti wanga uchiendeswa kure nemafungu epasi akusunda! Saizvozvowo, patinenge tichiita zvinhu zvedu zvezuva nezuva, pfungwa dzedu nemanzwiro zvinoramba zvichipesvedzerwa. Tisati taona kuti ndizvo zviri kuitika, zvinhu izvi zvinotisundira kure netsika dzataigara tichifunga kuti tichanyatsotevedzera.

Somuenzaniso, muapostora Petro akanga ari murume akashinga. Haana kutya kushandisa bakatwa pamberi pegurusvusvu manheru akasungwa Jesu. (Mako 14:43-47; Johani 18:10) Asi, papera makore, akada kufanana nevamwe akava norusaruro rwaiva pachena. Akaramba kugarisana nevaKristu veMamwe Marudzi—kunyange zvazvo izvi zvisati zvaitika akanga aratidzwa naKristu achiudzwa kuti asaona Mamwe Marudzi seasina kuchena. (Mabasa 10:10-15, 28, 29) Zvichida Petro angave akafunga kuti zviri nani kurwa nevanhu pane kusafarirwa nevanhu! (VaGaratiya 2:11, 12) Zvechokwadi, kuda kufanana nevamwe kunogona kuva nengozi.

Zvakakosha Kubvuma Kuti Kuda Kufanana Nevamwe Kune Simba

Zvakaitika kuna Petro zvinogona kutidzidzisa chidzidzo chinokosha. Kusimba mune zvimwe zvinhu hakurevi kuti tichave nesimba muzvinhu zvose. Petro akanga aine zvimwe zvaaitadza, uye tose tinazvo. Zvisinei nokuti tiri vana ani, tinofanira kuziva matisina kusimba. Tinogona kuzvibvunza nomwoyo wose kuti: ‘Ndepapi pandisina kusimba? Ndinoda upenyu hwepamusoro-soro here? Kuzvikudza kwadzika midzi mumwoyo mangu here? Ndezvipi zvinhu zvandichaita nepamusana pokuti ndirumbidzwe, ndive nechinzvimbo kana kuti mukurumbira?

Zvichida tingasambofa takazviisa nemaune munzira ine ngozi nokusarudza shamwari dzine unzenza kana dzinoshandisa zvinodhaka. Asi, zvakadini nezvimwe zvatinoperevedza zvisiri pachena? Kana tikasarudza kushamwaridzana zvakanyanya nevaya vachatifurira mune zvatinoperevedza, tinenge tiri kuzvikanda mukanwa mamupere—uye zvinogona kutikuvadza zvachose.

Zvisinei, mashoko anofadza ndeokuti hakusi kuda kufanana nevamwe kwose kwakashata. Tingashandisa kuda kufanana nevamwe—kunyange kuita kuti kutibatsire here? Uye tingarwisa sei kuda kufanana nevamwe kunokuvadza? Mibvunzo iyoyo ichapindurwa munyaya ichabuda inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ”

[Mashoko Omuzasi]

a Pane chinhu chiri nyore kuita chinoratidza kuti mhepo inorema zvechokwadi. Kana ukatora bhodhoro repurasitiki risina chinhu wokwira naro mugomo, worega richizara nemhepo, worivhara zvakasimba, chii chichaitika kubhodhoro racho paunenge uchidzika mugomo? Richapetana-petana. Mhepo iri panze inorema kudarika mhepo iri mukati mebhodhoro.

[Mufananidzo uri papeji 30, 31]

Zvinhu zvizhinji zvaunoona zvinogona kuva nesimba guru zvikuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe