RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 8/1 pp. 22-25
  • Kuda Kuenzana Nevezera Rako—Kungakubetsera Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuda Kuenzana Nevezera Rako—Kungakubetsera Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunoshanda Pamazera Ose
  • Kushandisa Kuda Kuenzana Nevezera Rako Zvakanaka
  • Dzivisa Shamwari Dzisina Kunaka
  • Vamwe Vakabetserwa
  • Vechiduku—Rambai Kufurirwa Nevezera Renyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Kuda Kufanana Nevamwe—Kune Simba Zvechokwadi Here?
    Mukai!—2002
  • Ungaitei Kuti Usafurirwa Neshamwari?
    Mukai!—2014
  • Ndingarega Sei Kuda Kufanana Nevamwe?
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 8/1 pp. 22-25

Kuda Kuenzana Nevezera Rako—Kungakubetsera Here?

Tose zvedu tinoberekwa tine chishuvo chinokosha chokuda kudiwa nevezera redu. Hapana munhu asingadi kudiwa, anoda kurambwa. Saka, vezera redu vanotipesvedzera zvakasiyana-siyana.

WEZERA rako anorondedzerwa se“munhu ane chinzvimbo chakaenzana nomumwe; . . . munhu weboka renzanga rakafanana, [kunyanya] tichireva nezvezera, kudzidza, kana kuti chinzvimbo.” Uyewo, kuda kuenzana nevezera redu isimba rinoiswa patiri nevezera redu, kuitira kuti, tichiziva kana kuti tisingazivi, tiwirirane nemafungiro avo nemaitiro. Kuda kuenzana nevezera rako kunowanzoonekwa zvisina kunaka. Asi, sezvatichaona, tinogona kuita kuti kutibetsere.

Kunoshanda Pamazera Ose

Kuda kuenzana nevezera rako hakuitiki kuvaduku chete; kunoshanda pamazera ose. Kushanda kwakwo kunooneka patinozviwana tichibvunza mibvunzo yakadai sokuti: “Vamwe vari kuzviita, ini ndingatadza nei?” “Nei ndichifanira kuva akasiyana nguva dzose?” “Vamwe vachafungei kana kuti vachataurei?” “Shamwari dzangu dzose dziri kudanana nokuroorana, asi ini handisi. Ini ndakaita sei?”

Nepo kuda kuenzana kuchishanda pamazera ose, kunoita sokunonyanya munguva yokuyaruka. The World Book Encyclopedia inotaura kuti “vari kuyaruka vakawanda vanonyanya kubatanidzwa neboka rezera ravo—kureva kuti, shamwari dzavo nevavanozivana navo. Pwere idzi dzinoda kuudzwa nevezera radzo kuti dziri kuita zvakanaka, panzvimbo pokuudzwa navabereki vadzo, uye dzingachinja mufambiro wadzo kuti dziudzwe izvozvo.” Inowedzera kuti, pwere “dzinofunga kuti dziri kukura zvakanaka kana vadzakaenzana nadzo vachidzigamuchira uye vachidzifarira.” Nemhaka yaizvozvo “dzinobatanidzwa munhau dzadzinofunga kuti dzinoita kuti dzikurumbire, zvakadai semapfekero avo, kukwanisa kutungamirira, uye kubudirira mukudanana.”

Vanhu vakaroorana vangawana kuti zvavanosarudza nezvekuti votenga kana kurenda musha worudzii, votyaira mota yorudzii, vova nevana here kana kuti kwete, nedzimwe nhau dzakawanda zvinopesvedzerwa nekuda kuenzana nevezera ravo—zvinogamuchirwa munharaunda yavo, neshamwari dzavo kana kuti dzinza. Dzimwe mhuri dzinotopinda muzvikwereti kuti dzingoenderane nevavakidzani neshamwari mune zvokunyama. Hungu, zvinangwa zvedu, mafungiro edu, uye zvatinosarudza kuita zvinowanzoratidza simba remanomano rekuda kuenzana nevezera redu. Nemhaka yesimba racho, tinogona kubata nekuda kuenzana nevezera redu nenzira inotibetsera, kuti tibetserwe mune zvatinoda kuita here? Zvechokwadi, tinogona!

Kushandisa Kuda Kuenzana Nevezera Rako Zvakanaka

Vanachiremba nedzimwe nyanzvi dzezvoutano vanoziva kukosha kwokuita kuti varwere vavo vaunganirwe navanhu vane tariro nevamwe vezvoutano. Kupoteredzwa navanhu vakadaro kunogona kukurudzira munhu wacho kuti apore. Somuenzaniso, vanhu vakadimbuka gumbo kana kuti ruoko, vanowanzobetserwa mumuitiro wokurapwa wakareba nokunaya mupfungwa nomuenzaniso wakanaka nokukurudzirwa navamwe vakakuvara zvakafanana. Zviri pachena kuti, kuzvipoteredza nezvinhu zvakanaka zvinobatanidza mienzaniso yakanaka, inokurudzira inzira yokushandisa zvakanaka kuda kuenzana nevezera rako.

Nheyo iyi inoshandawo muungano yechiKristu, nokuti kupesvedzera kwakanaka kwevezera rako ndechimwe chezvikonzero nei Jehovha akarayira vanhu vake kuti vaungane nguva dzose. Mwari anotikurudzira kuti ‘tinyandurirane kurudo namabasa akanaka uye kuti tikurudzirane.’ (VaHebheru 10:24, 25) Kukurudzira kwakadaro kunokosha nemhaka yematambudziko akawanda anoodza mwoyo neanorwadza ari munyika yanhasi. Nemhaka yematambudziko aya, vaKristu vanofanira ku‘zvishandisa pachavo nesimba’ kuti varambe vakasimba mumudzimu. (Ruka 13:24) Saka, tinoda uye tinoonga kutsigira norudo kunoitwa navatinotenda navo. Uyezve, vamwe vangafanira kutsungirira ‘minzwa munyama,’ zvichida chirwere kana kuti kuremara. (2 VaKorinte 12:7) Vamwe vangava vachitamburira kukunda maitiro akaipa kana kuti kuora mwoyo, kana kuti vangawana zvakaoma kuti vaenderane nezvinodiwa muupenyu. Saka, tinenge takachenjera, kuzvipoteredza navanhu vanoda kuramba vari pedyo naJehovha Mwari uye vanofadzwa nokumunamata. Vanhu ivavo vezera redu vachatikurudzira ndokutibetsera ‘kutsungirira nokutendeka kusvikira kumugumo.’—Mateo 24:13.

Saka, nokusarudza shamwari dzakanaka, tinogona kudzora zvavanotiita. Mukuwedzera, zvokudya zvomudzimu zvakaisvonaka nenhungamiro inoshanda zvinopiwa pamisangano yechiKristu zvinosimbisa kukurudzirwa kwatinoitwa nevezera redu.

Chokwadi, kuenda kumisangano yechiKristu hakusi nyore nguva dzose. Vamwe vangava vachitsigirwa zvishoma kana kuti vasingatombotsigirwi nevavakaroorana navo, vamwe vangava vane vana vavanoda kugadzirira, uye vamwewo vangava vachinetseka nechokufambisa. Asi funga: Kana ukasabvumira mhinganidzo idzi kuti dzikuregedzese, ipapo muenzaniso wako ungakurudzira vamwe vangava vari kurwisana nemamiriro ezvinhu akafanana. Namamwe mashoko, iwe navamwe vakafanana newe munopa kwete chete muenzaniso asiwo kupesvedzera vamwe zvakanaka kuti vade kuenzana nemi—uye musingamboiti zvokumanikidzira.

Chokwadi, muapostora Pauro, uyo pachake aifanira kurwisana nenhamo dzakawanda nemhinganidzo, akakurudzira vaKristu kuti vatevedzere muenzaniso wake wakaisvonaka uye uya wevamwe vaKristu vakakura mumudzimu. Akati: “Hama dzangu, ivai vateveri vangu mose; natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvatakakutungamirirai isu.” (VaFiripi 3:17; 4:9) VaKristu vokutanga vomuTesaronika vakatarira muenzaniso wakaisvonaka waPauro. Nezvavo Pauro akanyora kuti: “Nemi makava vateveri vedu navaShe, zvamakagamuchira Shoko mumadambudziko mazhinji, nomufaro woMweya Mutsvene; naizvozvo makatungamirira vose vanotenda muMakedhonia neAkaya.” (1 VaTesaronika 1:6, 7) Maitiro edu akanaka nomuenzaniso zvinoshanda zvakafanana kune vaya vatinoshamwaridzana navo.

Dzivisa Shamwari Dzisina Kunaka

Kana tichida kudzivisa kuenzana zvisina kunaka nevezera redu, tinofanira kuramba kupesvedzera kwe‘vaya vanofamba nenyama.’ (VaRoma 8:4, 5; 1 Johane 2:15-17) Tikasadaro, kuda kuenzana nevezera redu kunokuvadza kuchatiisa kure naJehovha nezano rake rokuchenjera. Zvirevo 13:20 inoti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” Unogona kufunga nezvemumwe munhu akashatiswa nemhaka yokuda kuenzana zvisina kunaka nevezera rake here? Somuenzaniso, vamwe vaKristu, vakaitwa kuti vade zvenyika, unzenza, kana kuti kushandisa zvinodhaka nedoro zvisina kunaka nemhaka yekupesvedzerwa kwavakaitwa nevezera ravo.

Kunyange muungano yechiKristu, tinogona kupesvedzerwa zvisina kunaka nevezera redu kana tikasarudza vanhu vasina kusimba mumudzimu seshamwari dzedu. (1 VaKorinte 15:33; 2 VaTesaronika 3:14) Vakadaro havawanzoda kukurukura zvinhu zvomudzimu; vangatoseka vaya vanofarira kukurukura zvakadaro. Kana tikasarudza ava seshamwari dzedu, kuda kuenzana navo kungatimanikidza kuti tifanane navo, uye nenguva isipi tingawana mafungiro edu nemaitiro zvafanana nezvavo. Tingatotanga kufunga zvisina kunaka nezvevane kutenda kwechokwadi uye vanoedza kuenderera mberi mumudzimu.—1 Timotio 4:15.

Kuchenjera zvakadini kuva noushamwari nevaya vanoedza kufadza Jehovha, vanofarira zvinhu zvomudzimu! Shamwari dzakadaro dzichatibetsera kuratidza “kuchenjera, kunobva kumusoro.” “Zvikuru kwakachena, uye kune rugare, kunyoro, kunoteerera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, . . . kusinganyengeri.” (Jakobho 3:17) Izvi hazvirevi kuti vanhu vanofunga zvomudzimu havakwanisi kutaura nezvezvimwe zvinhu zvisiri zvomudzimu. Kana! Chimbofunga nezvenhau dzakasiyana-siyana dzinonakidza dzinodzidzwa mumagazini eWatch Tower akafanana neMukai! Misoro yakanaka yokukurukura zvechokwadi haigumi, uye nokufarira nhau dzakasiyana-siyana, tinoratidza kuda upenyu nebasa raJehovha.

Sezvo mutambi wetenesi anogona achivandudza unyanzvi hwake nokutamba nevamwe vatambi vakanaka, shamwari dzakanaka dzinotikudza mupfungwa, mundangariro, uye mumudzimu. Ukuwo, shamwari dzakaipa dzinotitungamirira munzira yokunyengera nokutikurudzira kuti tirarame upenyu huviri. Zviri nani sei kuva nehana yakachena pamwe chete nokuzviremekedza!

Vamwe Vakabetserwa

Vanhu vakawanda vanoona kuti kudzidza dzidziso dzeBhaibheri nezvinodiwa zvaro zvetsika nezvomudzimu hazvina kunyanya kuoma. Zvisinei, chinogona kuva chakaoma kuita zvinhu izvi. Sezvinoratidza mienzaniso inotevera, pesvedzero yakanaka yevezera redu inogona kutibetsera kunamata Jehovha nomwoyo wose.

Chimwe Chapupu chiri muushumiri hwenguva yakazara nomudzimai wacho chakati muenzaniso wevezera racho wakachinja zvinangwa zvacho muupenyu. Paaikura, aifanira kudzivisa shamwari dzisina kunaka. Asi akasarudza vaimukurudzira kuti aite ushumiri nguva dzose nokupinda misangano yechiKristu seshamwari dzake. Kunamatirana neshamwari idzi kwakamubetsera kuti akure mumudzimu.

Chimwe Chapupu chinonyora kuti: “Ini nomukadzi wangu patakaroorana, takatamira kune imwe ungano kwaiva nevamwe vezera redu vakaroorana vaiva mapiyona enguva dzose. Muenzaniso wavo wakatibetsera kuti tipinde muushumiri hwenguva yakazara. Zvadaro isuwo takashandira kuvaka kuda kupayona muungano. Zvakaguma zvaitika ndezvokuti, vakawanda vakatikumbanira samapiyona.”

Kushamwaridzana neavo vane zvinangwa zvomudzimu kunogona kuita kuti zvive nyore kuteerera Jehovha. Uku ndekumwe kupesvedzera kwevezera rako kunobetsera. Chimwe Chapupu chakatanga ushumiri hwenguva yakazara chiri jaya uye gare gare chakava mutariri anofambira zvino chinoshanda paimwe yehofisi yemapazu eWatch Tower Society. Chinonyora kuti: “Zvimwe zvandinoyeuka nezvemazuva okutanga-tanga ndichiri muduku ndezvokuti vashumiri venguva yakazara vaishanya pamba pedu. Nguva dzose paiva nenzvimbo yokuti mumwe muenzi adye nesu. Mumwe mutariri wedunhu akandipa bhegi rokupupura pandaiva namakore gumi okukura. Nanhasi bhegi iroro ndinorida.”

Chichifunga nezvemakore acho oupwere, Chapupu ichi chinowedzera kuti: “Majaya akawanda aiva muungano aida kubatanidzwa mumabasa eungano, uye muenzaniso wawo waikurudzira vamwe vedu kuti tishuve zvakafanana.” Vezera rimwe vaiita zvakanaka vakabetsera pwere iyi, yaiva sekamuti, kuti ikure kuva murume wechiKristu akaita somuti wakaisvonaka. Vabereki, munokoka vaya vanogona kukurudzira vana venyu zvakanaka, zvinovaka kumba kwenyu here?—Maraki 3:16.

Chokwadi, hatisi tose tinogona kuitawo ushumiri hwenguva yakazara sevanhu vachangobva kutaurwa. Asi tose zvedu tinogona kudzidza kuda Jehovha ‘nomwoyo wedu wose, mweya, nendangariro.’ (Mateo 22:37) Shamwari dzatinosarudza dzinoita basa guru mukuita kuti tive norudo irworwo uye, nenzira iyoyo, mutarisiro dzedu dzoupenyu husingaperi.

Munyori wepisarema akapa nzira iri nyore asi inoshanda muupenyu yokubudirira kwechokwadi: “Wakakomborerwa munhu usingafambi panorangana vakaipa, usingamiri panzira yavatadzi, usingagari panogara vadadi. Asi unofarira murayiro waJehovha; unofungisisa murayiro wake masikati nousiku. Uchafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, mashizha awo haangasvavi; chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.”—Pisarema 1:1-3.

Ivimbiso yakaisvonaka zvakadini! Kunyange zvazvo tisina kukwana uye tichikanganisa, upenyu hwedu huchabudirira kana tikaita kuti Jehovha atitungamirire uye tikashandisa dura ratakapiwa naMwari rekupesvedzerwa zvakanaka nevezera redu—“hama [dzedu] dzose dziri panyika.”—1 Petro 5:9.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Ungano inoita kuti tipesvedzerwe zvakanaka nevezera redu

[Mufananidzo uri papeji 25]

Vabereki, kurudzirai vana venyu kuti vashamwaridzane nevezera ravo vanovaka

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe