Kubuda Basa Rinouraya Ndokutsvaka Rugare
YAKATAURWA NATOSHIAKI NIWA
Aimbova mutyairi wendege uyo akadzidziswa kuti anorwisa ngarava yehondo yeAmerica achiita zvokubondera pairi obva angofira ipapo (kamikaze muchiJapan) muHondo Yenyika II anorondedzera manzwiro aaiita paainge akamirira kuita basa rinouraya iri.
YAKUNDWA zvinonyadzisa muHondo yeMidway muna June 1942, Japan yakabva yangomira kuwedzera nyika dzayaitonga nokutora nyika dzokuPacific. Kubvira panguva iyoyo, Japan yakakundwa muhondo dzaingotevedzana neUnited States nevatsigiri vayo sezvo nyika idzi dzakatanga kutora nyika dzakanga dzakundwa neJapan.
Muna September 1943 hurumende yeJapan yakazivisa kuti vadzidzi vokuyunivhesiti vakanga vanzi vasaita basa rechiuto iye zvino vakanga vava kunzi vanyorese kuriita. Muna December, ndava nemakore 20, ndakabva payunivhesiti ndikanopinda muchikwata chemauto anorwa nengarava. Mwedzi mumwe chete gare gare ndakatanga kudzidza nezvengarava nendege. Muna December 1944, ndakadzidzira kutyaira ndege yehondo yainzi Zero.
Chikwata Chokurwisa Kwakasiyana cheKamikaze
Japan yakanga yava kunokundwa. Pakazosvika February 1945, kurwiswa kweJapan nendege dzinokanda mabhomba dzeB-29 kwakanga kwanyanya. Panguva iyoyowo, mauto engarava eUnited States akaswedera pedyo nenyika yacho, zvichiita kuti irwiswe nendege dzinokanda mabhomba dzinotakurwa nengarava.
Mwedzi mishomanana zvisati zvadai, vatungamiriri vemauto eJapan vakanga vasarudza kurwa hondo yokupedzisira vachishandisa nzira yokuti munhu anorwisa wacho anobva angofirawo ipapo. Kunyange zvazvo zvakanga zviri pachena panguva iyoyo kuti Japan yaisazokunda muhondo yacho, zvavakasarudza kuita izvi zvakaita kuti hondo ienderere mberi uye hapana mubvunzo kuti zvakaurayisa zvimwe zviuru zvevanhu.
Saka ndiko kuumbwa kwakaitwa Mauto Anokosha eKamikaze (kurwisa nokuzviuraya). Akapiwa zita iri kubva muyainzi mhepo yaMwari, kamikaze, dutu remhepo ine simba inonzi negamuchidzanwa yakapupurutsa ngarava dzevarwi veMongolia muzana remakore rechi13. Kuti vaite kurwisa kwokutanga kwekamikaze, ndege shanu dzehondo dzorudzi rweZero dzakaiswa bhomba rairema makirogiramu 250 kuti dzinosvikoputikira nevatyairi vadzo pangarava dzainge dzichida kurwiswa.
Murayiro wokuronga chikwata chaicho chinorwisa nokuzviuraya wakapiwa kuYatabe Naval Flying Corps, chandaive. Tose zvedu takagamuchira fomu rokuzadza, kuti tiratidze kana taizozvipira kuva muchikwata chinorwisa nokuzviuraya.
Ndakafunga kuti ndinofanira kupa upenyu hwangu kuitira nyika yangu. Asi kunyange dai ndaipa upenyu hwangu nokutyaira ndege inondiurayawo, ndaigona kupfurwa ndisati ndarwisa paidiwa, ndongofira mahara. Amai vangu vaizofara here dai ndaizogumisa upenyu hwangu ndisina kuita mabasa angu emhuri? Zvakandiomera kubvuma kuti kuzvipira kuita basa rinouraya ndiyo yaiva nzira yakanakisisa yokushandisa upenyu hwangu. Asi, ndakazvipira.
Muna March 1945 boka rokutanga reYatabe Special Attack Corps rakaumbwa. Kunyange zvazvo vamwe vangu 29 vakasarudzwa, ini handina. Vapedza kunyatsodzidziswa, vakarongwa kuti vaende kubasa rinouraya vachibva panhandare yendege yeKanoya yaiva munzvimbo yeKagoshima muna April. Vasati vachinjirwa kuKanoya, ndakashanyira shamwari dzangu, ndichitarisira kuwana manzwiro avo sezvo vakanga vava kuda kuita basa rinouraya iri.
“Tichafa,” akadaro mumwe wavo zvakadzikamira, “asi usamhanyira kufa. Kana mumwe wedu akapona, anofanira kuudza vamwe kuti rugare runokosha sei oshandira kuruwana.”
Musi waApril 14, 1945, shamwari dzangu dzakaenda. Maawa akati gare gare, tose takateerera nhepfenyuro kuti tinzwe zvakanga zvaitika. Mushamarari akati: “Chikwata Chokutanga cheShowa cheKamikaze Special Attack Force chanowira pamauto omuvengi ari mugungwa, kumabvazuva kweKikai Shima. Vose vafira muhondo.”
Ohka—Bhomba Romunhu
Pashure pemwedzi miviri, ndakachinjirwa kuKonoike Naval Flying Corps senhengo yayo yeJinrai Special Attack Squadron. Jinrai zvinoreva kuti “mabhanan’ana aMwari.” Chikwata chacho chaiva nendege dzepasi (dzainzi Ndege Dzokurwisa), dzaiperekedza ndege dzokurwisa, uye ndege dzinokanda mabhomba dzinenge dzakananga kungarava dzinotakura ndege dzehondo.
Pandege yoga yoga “huru”—ndiko kuti, Ndege Yokurwisa yaiva neinjini mbiri—paiva neOhka, kureva kuti “ruva dzvuku.” Yaimiririra vatyairi vendege vechiduku vakanga vachida kupa upenyu hwavo. Ohka kaiva kandege kanogara munhu mumwe chete kane mapapiro akareba mamita mashanu kubva kumapeto kuenda kumapeto, ichirema makirogiramu 440. Yaiiswa zvinhu zvinoputika zvinorema inenge tani imwe kumhino kwayo.
Ndege huru payainge yava kusvika panoda kurwiswa, mumwe mutyairi aikwira Ohka, yaizobva pandege huru iyi. Pashure pokubhururuka kwekanguva ichibatsirwa nemaroketi matatu, imwe neimwe yaingopedza masekondi gumi, yaidonhera paidiwa pacho. Chokwadi ndosaka yainzi bhomba romunhu. Yangotumirwa, yaisazodzoka!
Mukudzidzira maitiro acho mutyairi weOhka aikwira ndege yokurwisa yeZero odonha akananga paimwe nzvimbo achibva mudenga mamita 6 000. Ndakaona vatyairi vendege vakawanda vachifa mukudzidzira uku.
Ndisati ndaiswa muchikwata chacho, chikwata chokutanga chakanga chaenda. Chaiva nendege 18 Dzokurwisa dzaiva nemaOhka, dzichiperekedzwa nendege dzehondo 19. Ndege dzokurwisa dzacho dzairema uye dzakanga dzisingamhanyi. Hapana dzakasvika padzaida kurwisa. Ndege Dzokurwisa dzose nedzimwe dzaiperekedza dzakapfurwa nevarwi veUnited States.
Zvachakanga chasara chisisina ndege dzehondo dzinoperekedza, chikwata cheJinrai Squadron chaifanira kutumira vamwe varwi vasina ndege idzodzo. Vaya vakazoenda pashure havana kumbodzoka. Vakafa vose, vakatsakatikira munzvimbo yairwiwa hondo muOkinawa.
Mazuva Okupedzisira Ehondo
Muna August 1945, ndakachinjirwa kuOtsu Naval Flying Corps. Muzinda wandakaendeswa waiva mujinga megomo reHiei-zan pedyo neguta reKyoto. Mauto eUnited States zvaaitarisirwa kumhara munyika yeJapan, urongwa hwakaitwa hwokubhururutsa maOhka kubva mugomo achinodonhera ngarava dzehondo dzeUnited States vatyairi vawo vobva vangofawo. Njanji dzokuti ndege idzi dzisimuke dzichibva dzakagadzirwa pamusoro pegomo.
Takamirira kurayirwa kuti tichibhururuka. Asi hatina kumborayirwa. Mushure mokuparadzwa kweHiroshima neNagasaki nemabhomba eatomu pana August 6 na9, Japan yakasarenda zvachose kuUnited States nevatsigiri vayo musi waAugust 15. Pakupedzisira hondo yakapera. Ndakanga ndangopona nepaburi retsono.
Kumagumo aAugust, ndakadzokera kuguta rokumusha kwangu reYokohama, asi imba yangu yakanga yaitwa madota nendege dzinokanda mabhomba dzeB-29. Mhuri yangu yaiva yakaora mwoyo kwazvo. Hanzvadzi yangu nomwanakomana wayo vakaperera mumoto iwoyo. Kunyange zvakadaro, takanyaradzwa nokuti munun’una wangu akanga adzoka kumusha ari mupenyu.
Pakati pematongo uye kuperevedza kukuru kwezvokudya, ndakadzokera kuyunivhesiti kunopedzisa dzidzo yangu. Ndadzidza kwegore, ndakapedza kudzidza ndokuwana basa. Muna 1953, ndakaroora Michiko uye nokufamba kwenguva ndakava baba vevanakomana vaviri.
Kutsvaka Kwangu Rugare
Muna 1974, Michiko akatanga kudzidza Bhaibheri nomumwe weZvapupu zvaJehovha. Pasina nguva akatanga kupinda misangano uye kuitawo basa razvo rokuparidza. Ndakataura kuti ndaisafarira kubva kwaaiita pamba kakawanda. Akatsanangura kuti ushumiri hwechiKristu hunosimudzira rugare rwechokwadi uye mufaro. Kana zvainge zvakadaro, ndakafunga kudaro, handifaniri kumurambidza. Asi kuti ndinotofanira kumutsigira.
Panenge panguva iyoyo, ndakapinza basa vechiduku vashomanana veZvapupu zvaJehovha kuti vashande basa rokurinda usiku. Pakauya Zvapupu zviduku izvi, ndakazvibvunza nezvesangano razvo uye ushumiri. Ndakashamisika kuona kuti, kusiyana nevamwe vechiduku vezera ravo, vaiva nechinangwa uye vane pfungwa yokuzvipira. Vakanga vadzidza zvinhu izvozvo muBhaibheri. Zvapupu zviri munyika yose, vakatsanangura kudaro, hazvisaruri dzinza uye zvinotevedzera zvizere murayiro weBhaibheri wokuda Mwari nevavakidzani vazvo. (Mateu 22:36-40) Zvinoona vamwe vazvo sehama nehanzvadzi, pasinei nenyika yavanobva.—Johani 13:35; 1 Petro 2:17.
‘Zvinongova mupfungwa chete,’ ndakafunga kudaro. Sezvo masangano akawanda echiKristudhomu airwisana, zvakandiomera kwazvo kudavira kuti Zvapupu zvaJehovha zvaive zvisingadaro.
Ndakavaratidza kusava kwangu nechokwadi nazvo. Zvichishandisa Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha, Zvapupu zvechiduku izvi zvakandiratidza kuti Zvapupu zvaiva muGermany zvakanga zvasungwa uye kutourayiwa pamusana pokusava nokwazvakarerekera muutongi hwaHitler. Ndakabvuma kuti Zvapupu zvaJehovha vaKristu vechokwadi.
Panguva iyi, mudzimai wangu akaratidza kuzvitsaurira kwake kuna Mwari nokubhabhatidzwa mumvura muna December 1975. Pachiitiko ichocho pane akakumbira kudzidza Bhaibheri neni. Zvisinei, pandakafunga mari yandaifanira kubhadhara, yakadai semari yechikoro yevanakomana vangu uye mari yemba yedu, hapana zvandakaita. Varume vakaroora vaiva muungano vakanga vachigadzirisa mabasa avo kuti vawane nguva yakawanda yakasununguka. Ndakafunga kuti ini ndaizotarisirwawo kuita izvozvo. Asi mushure mokunge ndaratidzwa madzikamisirwe oupenyu hwechiKristu nebasa rokunyika, pakupedzisira ndakabvuma kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.
Kusarudza Kushumira Mwari Worugare
Ndadzidza kwemakore maviri, wandaidzidza naye Bhaibheri akandibvunza kana ndakanga ndafunga nezvokutsaurira upenyu hwangu kuna Mwari. Zvisinei, handina kutora danho iroro, uye zvakandinetsa.
Rimwe zuva ndaiburuka nokukurumidza masitepisi epandaishanda. Ndakagumburwa, ndokudonha negotsi, uye ndakafenda. Pandakazotanga kuziva, musoro wangu waitema zvikuru uye ndakaendeswa kuchipatara neamburenzi. Kunyange zvazvo gotsi rangu rakanga razvimba kwazvo, handina kutsemuka pfupa kana kubuda ropa nechomukati.
Ndakatenda Jehovha kwazvo noupenyu hwandaiva nahwo! Kubvira ipapo, ndakasarudza kuhushandisa kuita kuda kwaJehovha, uye ndakatsaurira upenyu hwangu kwaari. Muna July 1977, ndakabhabhatidzwa ndava nemakore 53. Mwanakomana wangu wedangwe, Yasuyuki, akadzidzawo Bhaibheri uye akabhabhatidzwa makore maviri gare gare.
Anenge makore gumi ndabhabhatidzwa, ndakarega basa rangu. Mumakore akatevera, ndakatevera nzira yechiKristu, ndichiidzikamisa nebasa rangu rokunyika. Pari zvino, ndine ropafadzo yokushanda somukuru muYokohama, ndichipedza nguva yakawanda muushumiri hwechiKristu. Mwanakomana wangu wedangwe ari kushumira somukuru uye somushumiri wenguva yakazara mune imwe ungano yakatakavakidzana nayo.
Zvandakapona muchikwata chokurwisa kwakasiyana uye nebasa racho raibatanidza kuzviuraya mukurwisa kwacho, ndinoonga kuti ndiri mupenyu uye ndinozviona sorukudzo kuparidza “aya mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 24:14) Ndinobvuma zvizere kuti nzira yakanakisisa youpenyu ndeyokufamba somumwe wevanhu vaMwari. (Pisarema 144:15) Munyika itsva ichauya nokukurumidza, vanhu havazomboitizve hondo, sezvo ‘rudzi rusingazosimudziri rumwe rudzi munondo, rusingazodzidzi kurwa.’—Isaya 2:4.
Kana kuri kuda kwaMwari, ndinoda kusangana nevaya vandaiziva vakafira muhondo vachamutswa. Zvichafadza kutaura navo nezvoupenyu hune rugare hwavanogona kuwana mupasi rinenge riri paradhiso pakutonga kwakarurama kwoUmambo hwaMwari hwokudenga!—Mateu 6:9, 10; Mabasa 24:15; 1 Timoti 6:19.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Pandaiva mumauto anorwa nengarava nendege dzehondo
[Mufananidzo uri papeji 25]
“Ohka”—Bhomba romunhu
[Kwazvakatorwa]
© CORBIS
[Mufananidzo uri papeji 26]
Neshamwari dzangu vasati vaenda kubasa rinouraya. Ndiri wechipiri kubva kuruboshwe, munhu chete akapona
[Mufananidzo uri papeji 27]
Nomudzimai wangu, Michiko, uye mwanakomana wangu wedangwe, Yasuyuki
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]
U.S. National Archives photo