RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 12/1 pp. 27-31
  • Kurega Kunamata Mambo Ndokutanga Kunamata Kwechokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurega Kunamata Mambo Ndokutanga Kunamata Kwechokwadi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chitendero Chakatanga Kundipesvedzera
  • Makore Ehondo
  • Tariro Itsva Inotanga
  • Mufaro Webasa Rokupayona
  • Kuravidza Nyika Itsva
  • Kuonga Mabasa Andakapiwa
  • Zvikonzero Zvakawanda Zvokufara
  • Jehovha Anokwevera Vanozvininipisa Kuchokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Jehovha Haasiyi Vabatiri Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Ndakabatsirwa Kukunda Kunyara Kwangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Apo Mumwe Munhu Anodana, Unopindura Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 12/1 pp. 27-31

Kurega Kunamata Mambo Ndokutanga Kunamata Kwechokwadi

YAKATAURWA NAISAMU SUGIURA

Kunyange hazvo zvaiva pachena muna 1945 kuti Japan yakanga iri kukurirwa muHondo Yenyika II, takanga tichivimba kuti “kamikaze” (“mhepo yamwari”) yaizovhuvhuta ndokukurira muvengi. Kamikaze inoreva madutu omuna 1274 na1281 akaparadza kaviri zvakawanda zvezvikepe zvehondo zveMongol zvakanga zvichipinda nechisimba pamhenderekedzo yeJapan, achizvimanikidza kuti zvidzokere.

NAIZVOZVO, musi wa15 August, 1945, Mambo Hirohito paakazivisa vanhu kuti Japan yakanga yabvuma kuti yakundwa neAllied Forces, tariro yevanhu mamiriyoni zana vakanga vakazvipa kwaari yakaparara. Panguva iyoyo ndaiva mwana wechikoro, uye tariro yangu yakapararawo. Ndakanetseka kuti, ‘Kana mambo asiri Mwari mupenyu, saka Mwari ndiani?’ ‘Ndinofanira kuvimba naani?’

Zvisinei, kukundwa kweJapan muHondo Yenyika II chaizvoizvo kwakandipa ini nezvimwe zviuru zvavanhu vomuJapan mukana wokudzidza pamusoro paMwari wechokwadi, Jehovha. Ndisati ndataura kuchinja kwandaifanira kuita, regai ndikuudzei kurerwa kwandakaitwa mune zvechitendero.

Chitendero Chakatanga Kundipesvedzera

Ndakaberekerwa muguta reNagoya musi wa16 June, 1932, ndiri gotwe pavakomana vana. Baba vaishanda semunhu anotsvaka nzvimbo dzokuvaka muguta racho. Mai vaiva mutendi akatendeka muTenrikyo, boka rechiShinto, uye mukoma wangu dangwe akanga arovedzwa nechitendero kuti ave mudzidzisi weTenrikyo. Ini namai taiwirirana zvikuru, uye vaienda neni pavaienda kunzvimbo yokunamatira.

Ndakadzidziswa kukotamisa musoro wangu ndokunyengetera. Chitendero cheTenrikyo chaidzidzisa kudavira mumusiki anonzi Tenri O no Mikoto, uyewo mune vamwe vamwari gumi vakaderera. Mitezo yacho yaiita zvokunamatira uye yaisimbisa kushandira vamwe nokuparadzira zvayaidavira.

Somukomana, ndakanga ndichida kuziva zvikuru. Ndaishamiswa nemwedzi nenyeredzi dzakawanda dzaiva muchadenga usiku, uye ndaifunga kuti seri kwedenga kwaiva nenzvimbo yakakura zvakadini. Zvaindinakidza kutarira kukura kwaiita miriwo nemagaka zvandaisima mukamunda kaiva seri kwemba. Kutarira zvakasikwa kwaisimbisa kutenda kwangu muna Mwari.

Makore Ehondo

Makore andaidzidza kupurayimari kubvira muna 1939 kusvika muna 1945 ndiyo nguva yakaitikawo Hondo Yenyika II. Kunamata mambo, chinhu chaikosha chechiShinto, chakasimbiswa mudzidzo yedu yekuchikoro. Takadzidziswa shushin, yaibatanidza kurovedzwa tsika dzine chokuita nerudzi nehondo. Mitambo yokusimudzwa kwemureza, kuimba rwiyo rworudzi, kufunda mitemo yamambo yedzidzo, uye kuremekedza mufananidzo wamambo zvose zvaigara zvakaitwa kuchikoro.

Taiendawo kutemberi yomunzvimbomo yechiShinto kunoteterera Mwari kuti uto ramambo rikunde. Madzikoma angu maviri akanga achishanda muuto. Nemhaka yezvakandanga ndadzidziswa nechitendero chedu zvine chokuita norudzi, ndaifara pandainzwa nezvokubudirira kweuto reJapan.

Nagoya waiva musimboti weindasitiri yendege yeJapan, saka yakanga yakarongerwa kuparadzwa neUnited States Air Force. Masikati, ndege dzeB-29 Superfortress dzaibhururuka napamusoro peguta dziri mamita anenge 9 000, dzichiwisira mazana ematani emabhomba mumaruwa aiva nemafekitari. Usiku vanonzvera vaiona ndege dzinobhomba dzichifambira nechepasi-pasi mamita 1 300. Kuramba vachikanda mabhomba anopisa nendege kwakaparira kuti dzimba dzakawanda dzaigarwa dzitsve. Nagoya yoga yakabhombwa ka54 mumwedzi mipfumbamwe yokupedzisira yehondo, zvichiguma nokutambura kwavakawanda nenzufu dzinopfuura 7 700.

Pakasvika nguva ino, kubhomba kwezvikepe zvehondo kwakanga kwatanga pamaguta gumi aiva pedyo nemhenderekedzo, uye vanhu vakanga vachitaura nezvokuti mauto eU.S. aigona kungomhara pedyo neTokyo. Vakadzi namajaya vakarovedzwa kurwisa nemapfumo emashenjere kuti vadzivirire nyika. Sirogani yedu yaiva yokuti “Ichioku Sougyokusai,” zvichireva kuti “Zviri nani kufe mamiriyoni 100 pane kubvuma kukundwa.”

Musi wa7 August 1945, pepanhau raiva nomusoro unoti: “Bhomba Idzva Rakandwa muHiroshima.” Kwapera mazuva maviri, rimwe rakakandwa muNagasaki. Aya akanga ari mabhomba eatomu, uye takazoudzwa kuti akauraya vanhu vanopfuura 300 000 vakabatanidzwa. Zvadaro, musi wa15 August, pakupera kwekufamba kwokurovedzwa nepfuti dzematanda, takanzwa kutaura kwamambo paakazivisa kubvuma kukundwa kweJapan. Takanga tapwiswa kuti taizohwina, asi zvino takapererwa!

Tariro Itsva Inotanga

Sezvo mauto eAmerica akatanga kutonga, zvishoma nezvishoma takabvuma chokwadi chokuti United States yakanga yahwina hondo yacho. Hurumende yavanhu yakatangwa muJapan, pamwe chete nomutemo mutsva waivimbisa rusununguko rwokunamata. Magariro aiva akaoma, pakanga pasina zvokudya, uye muna 1946 baba vangu vakafa nokushaya kudya kwakakwana.

Munguva iyi, chiNgezi chakatanga kudzidziswa kuchikoro chandaidzidza, uye nhepfenyuro yeNHK yakatanga purogiramu yokutaurirana yechiNgezi. Kwamakore mashanu zuva nezuva ndaiteerera purogiramu iyi yakakurumbira ndine bhuku muruoko. Izvi zvakandiita kuti ndide kuenda kuUnited States rimwe zuva. Nemhaka yokuodzwa mwoyo nezvitendero zvechiShinto nechiBuddha, ndakatanga kufunga kuti zvichida chokwadi pamusoro paMwari chingawanwa muzvitendero zvokuAmerica.

Pakuvamba muna April 1951, ndakasangana naGrace Gregory, mufundisi weWatch Tower Society. Akanga akamira pamberi pechiteshi chechitima cheNagoya achigovera kopi yechiNgezi yeNharireyomurindi nebhukwana rechiJapan raitaura nezveBhaibheri. Kuzvininipisa kwake mukuita basa iroro kwakandiorora. Ndakatora mabhuku acho ose ndokukurumidza kubvuma paakakarakadza kufunda Bhaibheri. Ndakavimbisa kuti ndaizoenda kumba kwake kunofunda Bhaibheri kwapera mazuva mashomanene.

Sezvandakagara pabhenji muchitima ndokutanga kurava Nharireyomurindi, ndakakurumidza kuona shoko rokutanga raiva munyaya yokutanga rokuti, “Jehovha.” Ndakanga ndisati ndamboona zita iroro. Handina kufunga kuti ndaizoriwana muduramashoko duku rechiNgezi nechiJapan randakanga ndinaro, asi raivamo! “Jehovha . . . , Mwari weBhaibheri.” Zvino ndakanga ndava kutanga kuziva nezvaMwari wechiKristu!

Pakushanya ikoko kwokutanga kumusha wavafundisi, ndakaudzwa nezvehurukuro yeBhaibheri yaifanira kupiwa mavhiki mashoma aizotevera naNathan H. Knorr, aiva purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society panguva iyoyo. Akanga ari kushanyira Japan namabharani wake, Milton Henschel, uye akanga ari kuuya kuNagoya. Kunyange zvazvo ndaiziva Bhaibheri zvakaganhurirwa, ndakanakidzwa nehurukuro yacho zvikuru, pamwe nokushamwaridzana navafundisi nevamwe vaivapo.

Mumwedzi inenge miviri, mukufunda kwandaiita naGrace ndakadzidza chokwadi chinokosha pamusoro paJehovha, Jesu Kristu, rudzikinuro, Satani Dhiyabhorosi, Armagedhoni, uye pasi reParadhiso. Mashoko akanaka oUmambo ndiwo chaiwo mashoko andakanga ndichitsvaka. Panguva iyoyo yandakatanga kufunda, ndakatangawo kupinda misangano yeungano. Ndainakidzwa nezvaiitika pakuungana uku, apo vafundisi vaishamwaridzana navanhu vokuJapan vakasununguka ndokugara nesu patatami (rukukwe).

Muna October 1951, gungano redunhu rokutanga muJapan rakaitwa paNakanoshima Public Hall muguta reOsaka. MuJapan yose maiva neZvapupu zvisingasviki 300; asi vanhu vanenge 300 vakapinda gungano racho, kubatanidza vafundisi vaida kusvika 50. Ndaitova nehurukuro pfupi papurogiramu. Zvandakaona nokunzwa zvakandiorora kwazvo zvokuti ndakasarudza mumwoyo mangu kushandira Jehovha upenyu hwangu hwose. Zuva rakatevera racho, ndakabhabhatidzwa mumvura dzakabva chando dzedzimba dzokugezera dzavose dzaiva pedyo.

Mufaro Webasa Rokupayona

Ndaida kuva piyona, sokudanwa kunoitwa vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha, asi ndainzwawo ndine mutoro wokubetsera kutsigira mhuri yangu. Pandakashinga kutaurira bhasi wangu nezvechishuvo changu, ndakashamiswa kumunzwa achiti: “Ndichafara kushandira pamwe newe kana izvozvo zvichizokuita kuti ufare.” Ndakakwanisa kushanda mazuva maviri bedzi pavhiki uye ndakanga ndichiri kukwanisa kubetsera mai vangu nemari yokushandisa pamba. Ndakanyatsonzwa seshiri yabudiswa mudendere.

Sezvo zvinhu zvakaramba zvichinaka, ndakatanga kupayona musi wa1 August 1954, mundima iri seri kwechiteshi cheNagoya, kungoti fambei zvishoma kubva panzvimbo yandakatanga kusangana naGrace. Kwapera mwedzi mishomanene, ndakanzi ndishande sapiyona chaiye muBeppu, guta riri kuchitsuwa chiri kumavirira kweKyushu. Tsutomu Miura akava mumwe wandaishanda naye.a Panguva yacho, pachitsuwa chacho pose pakanga pasina ungano dzeZvapupu zvaJehovha, asi zvino kune mazana adzo, akakamurwa kuva matunhu 22!

Kuravidza Nyika Itsva

Hama Knorr pavakashanyirazve Japan muna April 1956, vakandikumbira kuti ndirave ndima shomanene zvinonzwika mumagazini yeNharireyomurindi yechiNgezi. Handina kuudzwa chikonzero, asi kwapera mwedzi mishomanene, ndakagamuchira tsamba yaindikumbira kuti ndipinde kirasi yechi29 yechikoro chavafundisi cheGilead. Saka muna November gore iroro, ndakatanga rwendo rwaifadza rwokuenda kuUnited States rwakazadzisa zvandairota kwenguva refu. Kugara nokushanda nemhuri huru yeBheteri reBrooklyn kwemwedzi inoverengeka kwakasimbisa kutenda kwangu musangano rinooneka raJehovha.

Muna February 1957, Hama Knorr vakaendesa isu vadzidzi vatatu kunzvimbo yeGilead School muSouth Lansing nemota, nechokuchamhembe kweNew York. Mwedzi mishanu yakatevera ndiri paGilead School, ndakaravidza Paradhiso yapasi, sezvakandapiwa mirayiridzo yaibva muShoko raJehovha ndokugara mumhoteredzo dzakanakisisa nevamwe vandaidzidza navo. Vadzidzi gumi pa103, ini ndichibatanidzwa, takanzi tiende kuJapan.

Kuonga Mabasa Andakapiwa

Pandakadzoka muna October 1957, muJapan makanga mava neZvapupu zvinenge 860. Ndakanzi ndiite basa rokufambira somutariri wedunhu, asi ndakatanga ndarovedzwa kwamazuva mashomanene nokuda kwebasa iroro naAdrian Thompson muNagoya. Dunhu rangu raibatanidzwa nharaunda yokubva kuShimizu, pedyo neMount Fuji, kusvika kuChitsuwa cheShikoku uye raibatanidza maguta makuru akadai seKyoto, Osaka, Kobe, neHiroshima.

Muna 1961, ndakanzi ndiite mutariri weruwa. Izvi zvaibatanidza kufamba kubva kuchitsuwa chine sinou cheHokkaido kusvika kuchitsuwa chinoti pisei zvishoma cheOkinawa uye kuseri kwezvitsuwa zveIshigaki pedyo neTaiwan, mufambo wemakiromita anenge 3 000.

Muna 1963 ndakazokokwa kuti ndiite kosi yemwedzi gumi yeGilead School paBheteri reBrooklyn. Pataiita kosi yacho, Hama Knorr vakasimbisa kukosha kwokuona zvakanaka mabasa. Vakataura kuti kusuka zvimbudzi raiva basa rakangokosha sokushanda muhofisi. Vakati kana zvimbudzi zvisina kuchena, mhuri yose yeBheteri nebasa rayo zvaizotapurwa. Gare gare, rimwe basa rangu paBheteri romuJapan raiva rokuchenesa zvimbudzi, uye ndakayeuka zano iroro.

Ndadzokera kuJapan, ndakanzi ndiitezve basa rokufambira. Kwapera makore mashomanana gare gare, muna 1966, ndakaroora Junko Iwasaki, piyona chaiye aishanda muguta reMatsue. Lloyd Barry, aiva mutariri webazu reJapan panguva iyoyo, akapa hurukuro yomuchato yainakidza zvikuru. Junko akazondikumbanira mubasa rokufambira.

Mabasa edu akachinja muna 1968 pandakadanwa kuhofisi yebazu muTokyo kunoita basa rokushandura. Nemhaka yokuti dzimba dzakanga dzisina kukwana, ndaishanda ndichibva kuSumida Ward, Tokyo, uye Junko aishanda sapiyona chaiye neungano yomunzvimbomo. Panguva ino, pakanga pava kudikanwa bazu guru. Nokudaro muna 1970 nzvimbo yakatengwa muNumazu, pedyo neMount Fuji. Ikoko, fekitari yenhurikidzwa nhatu nedzimba dzokugara zvakavakwa. Kuvaka kusati kwatanga, dzimba dzinoverengeka dzaiva panzvimbo yacho dzakashandiswa nokuda kweChikoro Choushumiri hwoUmambo, icho chinorovedza vatariri veungano. Ndakapiwa ropafadzo yokudzidzisa chikoro chacho, uye Junko aigadzirira vadzidzi vacho zvokudya. Zvaifadza kuona mazana avarume vechiKristu achinyatsorovedzwa kuitira ushumiri.

Mamwe masikati, ndakagamuchira tenigiramu. Mai vakanga vari muchipatara uye vakanga vasiri kutarisirwa kuti vaizorarama. Ndakakwira chitima chinomhanya zvikuru chaienda kuNagoya ndokumhanyira kuchipatara. Vakanga vasingachazivi chinhu, asi ndakapedza usiku hwose ndiri padivi pomubhedha wavo. Mai vakafa mangwanani-ngwanani. Sezvandaidzokera kuNumazu, ndakachema pandakayeuka nguva dzakaoma dzakavanga vava nadzo muupenyu hwavo uye kundida kwavaiita. Kana Jehovha achida, ndichavaonazve murumuko.

Takakurumidza kuwedzera kupfuura zvivako zvomuNumazu. Naizvozvo nzvimbo ine maeka 18 yakatengwa muEbina City, uye kuvaka bazu idzva kwakatanga muna 1978. Zvino nzvimbo yose inowanika panzvimbo iyi ine zvivako zvemafekitari nezvinogara vanhu, pamwe neHoro Yemagungano inokwana vanhu 2 800. Kuwedzera kuchangobva kuitwa, kune zvivako zviviri zvine nhurikidzwa 13 nechivako chine nhurikidzwa 5 chekupaka motokari/chebasa, zvakapedzwa kutanga kwegore rino. Mhuri yedu yeBheteri zvino ine vanhu vanenge 530, asi zvivako zvakakudzwa zvinotibvumira kuti pagare vanhu vanenge 900.

Zvikonzero Zvakawanda Zvokufara

Zvave zvichifadza kuona uporofita hweBhaibheri huchizadzika, hungu, kuona ‘muduku achiva rudzi rune simba.’ (Isaya 60:22) Ndinoyeuka mumwe wemadzikoma angu achindibvunza kare muna 1951 kuti, “MuJapan mune Zvapupu zvingani?”

“Zvinenge 260,” ndakapindura kudaro.

“Chete?” akabvunza achishamiswa.

Ndinoyeuka ndichifunga kuti, ‘Nguva icharatidza kuti vanhu vangani vachaunzwa naJehovha kuti vamunamate munyika ino yechiShinto nechiBuddha.’ Uye Jehovha akapindura! Nhasi, muJapan hamusisinazve ndima dzokuparidza dzisina kupiwa munhu, uye nhamba yavanamati vechokwadi yakakura kupfuura 222 000 muungano 3 800!

Makore 44 apfuura oupenyu hwangu ndiri muushumiri hwenguva yakazara—32 ndine mudzimai wangu anodiwa—ave achifadza zvikuru. Kwemakore 25 iwayo, ndakashanda muDhipatimendi Rokushandura paBheteri. Muna September 1979, ndakakumbirwawo kuti ndive nhengo yedare rebazu reZvapupu zvaJehovha muJapan.

Yave iri ropafadzo uye chikomborero kuva nezvishoma zvandakaita kubetsera vanhu vakatendeseka, vanoda rugare kuti vanamate Jehovha. Vakawanda vakaita sezvandakaita chaizvo—vakachinja kunamata mambo ndokunamata Mwari wechokwadi bedzi, Jehovha. Ndinoshuva zvechokwadi kubetsera vakawanda kuti vauye kurutivi rwaJehovha anokunda ndokuwana upenyu husingagumi munyika itsva ine rugare.—Zvakazarurwa 22:17.

[Mashoko Omuzasi]

a Baba vake vaiva Chapupu chakatendeka chakapukunyuka kuputika kwebhomba reatomu paHiroshima muna 1945 pavakanga vari mujeri rokuJapan. Ona Mukai! yaOctober 8, 1994, mapeji 11-15.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Dzidzo yechikoro yainyanya kuva yokunamata mambo

[Kwazvakatorwa]

The Mainichi Newspapers

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ndiri muNew York naHama Franz

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ndine mudzimai wangu, Junko

[Mufananidzo uri papeji 31]

Ndiri pabasa muDhipatimendi Rokushandura

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe