Unofanira Kurara Zvakakwana!
Pane angaramba kuti kurara zvakanaka usiku kwakakosha kuti munhu ave noutano hwakanaka here? Zvichida hapana. Zvisinei, vakawanda havakoshesi kurara. “Asi mangwana acho unotambura,” anodaro Shawn Currie, chiremba wendangariro uye purofesa paYunivhesiti yeCalgary, muCanada. Kana ukasarara zvakakwana, zvichida ungakurumidza kushatirwa uye dzimwe nguva kunyange kunzwa kuora mwoyo.
“Masayendisiti anotaura kuti kurara kunobatsira uropi, uye kuti munhu anoramba achidzidza paanenge akarara,” rinodaro pepanhau reCalgary Herald. Purofesa Currie vanoti: “Usiku unosimbisa kuyeuka kwako uye zvose zvaunenge wadzidza muswere wezuva zvinoenda panzvimbo yazvo manheru. Kusawana nguva yokuzorora yakadaro kunokanganisa kudzidza.” Uyezve, vanoti “kana ukarara zvakakwana, zvichida zvinogona kuita kuti udzikamise manzwiro aunoita.”
Saka unofanira kurara nguva yakareba zvakadini? Nepo vanamazvikokota vazhinji vachiti maawa masere, Currie anoti: “Vanhu vane hope dzakasiyana.” Nechikonzero ichocho, anoti munhu anofanira kurara zvakanaka. Asi izvi zvingaitika sei, zvikuru kune vaya vane chinetso chokushaya hope? Heano mamwe mazano:
◼ Geza nemvura inodziya kana neshawa usati warara.
◼ Rovedza muviri zvishoma kanoverengeka pavhiki; asi usaita zvinorukutisa muviri usati warara.
◼ Maunorara munofanira kuva makanyarara, muine rima, uye muchitonhorera.
◼ Edza kumuka nguva yaunomuka mazuva ose kuti muviri wako ujairire.
Tichiziva kubatsira kwazvinoita pautano, nzwisisa uye koshesa kurara sokukoshesa kwaunoita zvimwe zvinhu.