RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 4/8 pp. 18-19
  • Kunyanya Kuda Zvinhu Zvenyama Chii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunyanya Kuda Zvinhu Zvenyama Chii?
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vaiva Nepfuma uye Mbiri
  • Kuda Mari
  • Kuzviongorora Kunodiwa
  • Kubudirira Kwechokwadi Munyika Itsva yaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Kutsunga Kupfuma Mune Zvokunamata
    Mukai!—2007
  • ‘Usazvitsvakira Zvinhu Zvikuru’
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Mira Wakasimba Udzivise Misungo yaSatani!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 4/8 pp. 18-19

Zvinotaura Bhaibheri

Kunyanya Kuda Zvinhu Zvenyama Chii?

VANHU vanoberekwa vaine kapfungwa kokuda kunamata uye vachinzwa kuti vanofanira kunamata Mwari. Kunyange zvakadaro, munhu akasikwa nezvinhu zvinobatika uye anonzwa kuti anofanira kuva nezvinhu zvenyama uye ane kapfungwa kokufarira zvinhu zvenyama. Vamwe vaKristu vane pfuma yakawanda. Izvi pachazvo zvinoratidza kudisisa zvinhu zvenyama uye kushayikwa kwepfungwa yokunamata here? Tichisiyanisa, vaya vane urombo vanhu vasinganyanyi kuda zvinhu zvenyama uye vanodisisa zvokunamata here?

Chokwadi ungabvuma kuti kudisisa zvinhu zvenyama kunosanganisira zvinopfuura kungova nepfuma yakawanda kana kuti zvinhu. Funga nezvemienzaniso yomuBhaibheri inotevera inoratidza kunonzi kudisisa zvinhu zvenyama uye nzira yokudzivisa nayo ngozi dzakunokonzera pakunamata.

Vaiva Nepfuma uye Mbiri

Pavashumiri vaMwari vakatendeka vomunguva dzinotaurwa muBhaibheri paiva nevamwe vaiva nepfuma nembiri. Somuenzaniso, Abrahamu “akanga akapfuma kwazvo mombe, nesirivha, nendarama.” (Genesi 13:2) Jobho aizivikanwa so“mukuru pakati pavana vamabvazuva” pamusana pokuwanda kwezvipfuyo zvake uye varanda vakawanda. (Jobho 1:3) Madzimambo aIsraeri, akadai saDhavhidhi naSoromoni, akava nepfuma yakawanda kwazvo.—1 Makoronike 29:1-5; 2 Makoronike 1:11, 12; Muparidzi 2:4-9.

VaKristu vakapfuma vaiwanikwa muungano muzana remakore rokutanga. (1 Timoti 6:17) Ridhiya anonzi “mutengesi wezvepepuru, weguta reTiyatira uye aiva munamati waMwari.” (Mabasa 16:14) Dhayi yepepuru nemachira aiva orudzi rwepepuru zvaidhura uye zvaiwanzochengeterwa vanhu vaiva nezvinzvimbo zvepamusoro kana kuti vakapfuma. Saka, Ridhiya angave aiva akati pfumei.

Kusiyana neizvi, vamwe vanamati vakatendeka vaJehovha munguva dzinotaurwa muBhaibheri vaiva varombo zvikuru. Njodzi dzinongoitika dzoga, tsaona, uye rufu zvaiita kuti dzimwe mhuri dzive muurombo. (Muparidzi 9:11, 12) Zvinofanira kunge zvaishungurudza vaya vaishayiwa kuona vamwe vanhu vaine pfuma kana kuti zvinhu zvavo zvakawanda! Kunyange zvakadaro, zvaizova zvisina kururama kuti vati vaya vaiva nepfuma vaidisisa zvinhu zvenyama kana kuti vaya vakanga vasina pfuma vaishumira Mwari zvizere kupfuura vamwe. Nei? Funga chinokonzera kudisisa zvinhu zvenyama.

Kuda Mari

Rimwe duramanzwi rinorondedzera kudisisa zvinhu zvenyama so“kugarofunga kana kuti kukoshesa zvinhu zvenyama panzvimbo pezvinhu zvine musoro kana kuti zvokunamata.” Saka, kudisisa zvinhu zvenyama kunotangira muzvido zvedu, zvatinoisa pokutanga, uye zvatinonyanya kufunga nezvazvo muupenyu. Izvi zvinonyatsosimbiswa nemienzaniso miviri yomuBhaibheri inotevera.

Jehovha akatsiura Bharuki zvakasimba, uyo aishanda somunyori womuprofita Jeremia. Zvichida Bharuki aiva murombo pamusana pemamiriro ezvinhu aiva muJerusarema uye kusonganira kwake zvakanyanya naJeremia aiva murombo. Kunyange zvakadaro, Jehovha akataura kuti: “Iwe unozvitsvakira zvinhu zvikuru. . . . Usazvitsvaka.” Bharuki angave akatanga kudisisa zvinhu zvenyama, achigarofunga nezvepfuma kana kuti kuva nezvinhu zvakawanda kwevamwe. Jehovha akayeuchidza Bharuki kuti Aizomununura mukuparadzwa kwaizoitwa Jerusarema asi kuti Aisazochengetedza zvinhu zvake.—Jeremia 45:4, 5.

Jesu akapa mufananidzo womurume aigarofungawo kudaro nezvezvinhu zvenyama. Murume uyu akaisa pfungwa dzose papfuma yake panzvimbo pokushandisa zvaaiva nazvo kuwedzera basa rake kuna Mwari. Murume mupfumi uyu akati: “Ndichaputsa matura angu ndovaka makuru, . . . uye ndichati kumweya wangu: ‘Mweya, une zvinhu zvakanaka zvakawanda zvakachengeterwa makore akawanda; zorora zvako, udye, unwe, ufare.’” Jesu akabva awedzera kuti: “Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, usiku huno vachati vanoda mweya wako. Saka, ndiani achava nezvinhu zvawakachengeta?’ Ndizvo zvazvinoita nomunhu anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.”—Ruka 12:16-21.

Chii chiri kubudiswa nenhoroondo mbiri idzi? Dzinotibatsira kuona kuti munhu anodisisa zvinhu zvenyama, kwete nokuti ane zvakawanda sei, asi nokuti anoisa zvinhu zvenyama pakutanga. Muapostora Pauro akataura kuti: “Avo vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo wokuchiva zvinhu zvakawanda zvoupenzi uye zvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wemarudzi ose ezvinhu zvakaipa, uye vachitsvaka kuda ikoku vamwe vakatsauswa pakutenda uye vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kwakawanda.” (1 Timoti 6:9, 10) Kutsunga kupfuma uye kuda zvinhu zvenyama ndiko kunokonzera zvinetso.

Kuzviongorora Kunodiwa

VaKristu vanongwarira kuti vasapinda mumusungo wokudisisa zvinhu zvenyama pasinei nemari yavo. Simba repfuma rinonyengera uye rinogona kuvhunga kunamata. (Mateu 13:22) Tinogona kuchinja patinoisa pfungwa dzedu kubva pazvinhu zvokunamata kuenda kuzvinhu zvenyama tisati taziva nezvazvo, zvichizova nemigumisiro inosuruvarisa.—Zvirevo 28:20; Muparidzi 5:10.

Naizvozvo, vaKristu vanofanira kuongorora zvavanoisa pakutanga uye zvavanoisa pfungwa dzavo pazviri. Munhu angava nezvinhu zvenyama zvakawanda kana zvishoma, vanhu vanofunga zvokunamata vanoedza kutevera zano raPauro rokuisa tariro yavo “kwete papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotigovera zvinhu zvose kwazvo kuti tifare.”—1 Timoti 6:17-19.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe