RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g07 July pp. 8-9
  • Kutsunga Kupfuma Mune Zvokunamata

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsunga Kupfuma Mune Zvokunamata
  • Mukai!—2007
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ungava Nezvose Here?
  • Chisarudzo Chausingazozvidembi
  • Zvikomborero Zvisingaverengeki
  • Pfuma Inobva Kuna Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kutsvaga Pfuma Yechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Pfuma Inogona Kuva Yako!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Kubudirira Kwechokwadi Munyika Itsva yaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Mukai!—2007
g07 July pp. 8-9

Kutsunga Kupfuma Mune Zvokunamata

ZVINODA kushanda nesimba uye kuzvipira kuti uve nepfuma. Kupfuma mune zvokunamata kunodawo kuti tidaro. Izvi zvakaratidzwa naJesu paakati: “Zviunganidzirei pfuma kudenga.” (Mateu 6:20) Pfuma yezvokunamata haizviunganidzi. Kungova nechitendero hakuiti kuti munhu apfume mune zvokunamata kungofananawo nokuva neakaundi yokubhengi kusingaiti kuti munhu ave shoroma. Zvinoda kutsunga, nguva, kushanda zvine chinangwa, uye kuzvipira kuti uve noukama hwepedyo naMwari, ukure mune zvokunamata wova nounhu hunodiwa naMwari.—Zvirevo 2:1-6.

Ungava Nezvose Here?

Munhu angava nezvose here pfuma yezvokunamata uye zvinhu zvakawanda? Zvingangodaro hazvo, asi chimwe chete ndicho chinganyatsotsvakwa. Jesu akati: “Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.” (Mateu 6:24b) Nei? Nokuti kutsvaka pfuma yezvokunamata nokutsvaka imwewo pfuma hazvifambidzani. Chimwe chacho chichakanganisa chimwe. Saka asati audza vadzidzi vake kuti vaunganidze pfuma yezvokunamata, Jesu akati: “Regai kuzviunganidzira pfuma panyika.”—Mateu 6:19.

Kana munhu akarega kuteerera zano raJesu oedza kutsvaka imwewo pfuma nepfuma yezvokunamata, chii chichaitika? Jesu akati: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe achavenga mumwe oda mumwe wacho, kana kuti achaomerera kune mumwe ozvidza mumwe wacho.” (Mateu 6:24a) Kana munhu akatsvaka zvose, kunyange zvazvo angaita mabasa okunamata pamusana pokuti anofanira kuitwa, angava chipingamupinyi kwaari. Pane kuti avimbe naMwari, munhu angatovimba nemari yake nezvinhu zvainotenga achiiona sechinhu chikuru chingamubatsira kuti ararame asingazvidyi mwoyo. Izvi zvakangofanana nezvakataurwa naJesu kuti: “Pane pfuma yako, ndipowo pachava nomwoyo wako.”—Mateu 6:21.

Zvakanaka kuti muKristu wose afungisise zano iri reBhaibheri asati asarudza zvaachanyanya kupedzera nguva pazviri, paachaisa pfungwa dzake, uye zvichava pamwoyo wake. Sezvo Mwari asingatauri kuti muKristu anofanira kuva nezvinhu zvakawanda sei hazvirevi hazvo kuti haarangi vaya vasingateereri nyevero yake inorambidza kukara. (1 VaKorinde 6:9, 10) Sezvataona, vaya vasingateereri zano reBhaibheri uye vanoda kutsunga kupfuma vachatambura mune zvokunamata, mumanzwiro, uye mupfungwa. (VaGaratiya 6:7) Kusiyana neizvi, Jesu akati vose vanoziva kuti vanoda Mwari vachafara. (Mateu 5:3) Chokwadi Musiki wedu noMwanakomana wake vanonyatsoziva zvinoita kuti tifare uye zvakatinakira!—Isaya 48:17, 18.

Chisarudzo Chausingazozvidembi

Uchatsvaka chii, Mwari here kana kuti pfuma? Zviri pachena kuti tinofanira kuzviriritira. Mutsamba yake yokutanga kuna Timoti, muapostora Pauro akati: “Chokwadi kana munhu asingagoveri vokwake, kunyanya nhengo dzeimba yake, iye aramba kutenda uye akaipa kwazvo kupfuura munhu asingatendi.” Pauro akakurudzirawo vaKristu kuti vasaisa tariro yavo pamari, asi pana Mwari uye kuti “vapfume pamabasa akanaka.” (1 Timoti 5:8; 6:17, 18) Chii chauchaisa pakutanga? Uchatsvakei? Pamabasa akanaka akataurwa naPauro, rinokosha racho nderokuparidza nokuita vadzidzi iro Jesu akapa vadzidzi vake. (Mateu 28:19, 20) VaKristu pavanorarama vasingadi zvinhu zvakawanda vanenge vasiri kuzviomesera kana kusada kunakidzwa noupenyu asi vanenge vachida kuwana nguva yakawanda yokuita basa rine chinangwa kuti ‘vazvichengetere nheyo yakanaka yenguva yemberi’ munyika itsva yaMwari yaakapikira. Uye kunyange iye zvino vari kuona kuti pfuma yezvokunamata ‘Haiwa iri nani sei pane kuwana ndarama!’—1 Timoti 6:19; Zvirevo 16:16; VaFiripi 1:10.

Chimbofunga nezvaEddie, anobva mumhuri yakava Zvapupu zvaJehovha paaiva muduku. Pane imwe nguva zvinhu zvemhuri yavo zvakaparara, uye vaitofanira kutama musha wavo. Eddie anotsanangura kuti: “Ndakanga ndagara ndichizvidya mwoyo kuti zvinhu zvaizoita sei dai taizosvika panguva yatinenge tisisina kana chokubata. Iye zvino takanga tisisina chinhu. Unoziva zvakaitika here? Hapana zvakaitika! Takanga tichiri kungodya, kunwa uye tichiri kungopfeka. Jehovha aitipa zvataida, uye nokufamba kwenguva takazowanazve zvokurarama nazvo. Izvi zvakandidzidzisa kuti ndikoshese zvakavimbiswa naJesu pana Mateu 6:33 zvokuti kana tikaisa Umambo hwaMwari pakutanga muupenyu hwedu, hatifaniri kumbozvidya mwoyo tichifunga kuti tichawana kupi chouviri.” Iye zvino Eddie nomudzimai wake vari kushumira vari mubasa rokufambira renguva yakazara. Vane zvavanoda zvokurarama nazvo. Zvinotokosha ndezvokuti vakapfuma mune zvokunamata.

Zvikomborero Zvisingaverengeki

Kusiyana nepfuma yepanyika, ingabiwa nembavha, pfuma yezvokunamata inogara nokusingaperi. (Zvirevo 23:4, 5; Mateu 6:20) Ichokwadi kuti zvakaoma kuyera kufambira mberi kunoita munhu mune zvokunamata. Hazvisi nyore kuona kuti munhu awedzera kusvika papi kuva nounhu hwakadai sorudo, mufaro, kana kuti kutenda sokuona kwatingaita kubudirira kwake mune zvoupfumi. Asi zvikomborero zvokupfuma mune zvokunamata hazviverengeki. Achitaura nezvevadzidzi vaizosiya kunyange dzimba dzavo chaidzo neminda—zvinhu chaizvo zvaivawanisa chouviri kuti vaite zvokunamata, Jesu akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Hapana munhu akasiya imba kana vanun’una kana hanzvadzi kana amai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwemashoko akanaka asingazowani zvine zana zvino munguva ino, dzimba nevanun’una nehanzvadzi navanaamai nevana neminda, nokutambudzwa, uye upenyu husingaperi mumamiriro ezvinhu epanguva inouya.”—Mako 10:29, 30.

Chii chauchaisa pakutanga muupenyu hwako? Mwari kana kuti pfuma?

[Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Uri kutsvaka imwewo pfuma here . . .

. . . kana kuti pfuma yezvokunamata?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe