Chiri Kuita Kuti Tsika Dzichinje
“Chii chinonyanya kukosha muupenyu?”
Mubvunzo iwoyu wakabvunzwa vanhu 50 000 munyika 60. Vaverengi veGallup vanotaura kuti munzvimbo dzinenge dzose dzenyika vakanyanya kupindura kuti “kuva nemhuri inofara muupenyu” uye “utano hwakanaka.”
KANA zvisina kunyatsotarisiswa zvingaita sokuti vanhu vari munyika yose vanochengeta tsika dzakakwirira dzakafanana. Asi, zvazviri chaizvo hazvina kunaka kudaro. Kare, tsika dzevanhu dzaitsamira patsika dzekare dzechitendero uye zvaitarisirwa pavanhu. Zvisinei, zvinhu zviri kuchinja nokukurumidza. Mumwe mutsvakurudzi wemashoko anonzi Marisa Ferrari Occhionero nezveItaly anoti: “Vaduku vanoratidza tsika dzavasina kutombodzidziswa nevabereki vavo, muchitendero, uye mutsika.” Zvakafananawo zvinogona kutaurwa nezvevanhu—vaduku uye vakuru—vari munyika yose.
Purofesa Ronald Inglehart, mutungamiriri wechirongwa chokutsvakurudza cheWorld Values Survey, anoti: “Uchapupu hwakawanda huri kuwedzera hunoratidza kuti kuchinja kwakasimba pamaonero evanhu kuri kuitika.” Chii chiri kukonzera kuchinja kwakadaro? Inglehart anoti: “Kuchinja uku kunoratidza kuchinja kwoupfumi uye kwesayenzi.”
Somuenzaniso, ongororo yeGallup yakaratidza kuti munyika dzakapfuma kuwana basa kwakanga “kuri pasi” pakati pezvinhu zvaikosha zvikuru muupenyu. Asi munyika dzichiri kusimukira, kuwana basa kwakanga kuri pamusoro kuri pokutanga chaipo! Chokwadi, vanhu kana vari varombo, kurongera kurarama kwezuva nezuva ndiko kunokosha pane zvose. Nyika zvadzinosimukira mune zvoupfumi, vanhu vanotanga kukoshesa zvinhu zvakadai soutano, upenyu hwemhuri inofara, uye kutaurawo zvavanofunga.
Pamusana pokubudirira kwesainzi, zvinhu zvinokosheswa zviri kumuka izvi zvichatodzora munyika dziri kusimukira. Magazini inonzi The Futurist inoti: “Zvatinodavira uye tsika dzedu zvinoumbwa nezvatinoona nezvatinonzwa.” Vanobudisa nhau vakasimudzira zvikuru tsika dzokuMadokero. The Futurist inoti: “Vanobudisa nhau ava vari kusvika munyika yose.”
Saka kuchinjai kwatiri kuona mumafungiro uye mukuzvibata? Kuchinja kwetsika uku kuri kuitei pauri nemhuri yako?