Tsika Dziri Kuparara Here?
RUDO rusina parunogumira ndicho chimwe chezvipo zvikuru uye tsika zvingapiwa mwana nevabereki vake izvo vanorarama nazvo kwete kungozvidzidzisa chete.
Pasina tsika dzakafanira, upenyu hunenge hungori chipatapata kutsvaga kurarama. Tsika dzinoita kuti upenyu huve nezvahunoreva. Dzinoita kuti munhu ave nezvaanoisa pakutanga. Dzinoratidza pokugumira uye dzinoratidza mitemo yokuzvibata nayo.
Kunyange zvakadaro tsika dzakawanda dzakare dziri kuchinja nokukurumidza. Somuenzaniso, Purofesa Ronald Inglehart anotaura kuti “nzanga yakananga kumitemo yezvepabonde inonyanya kupa rusununguko rwokuti munhu azvigutse pabonde uye aratidze unhu hwaanoda.” Muna 1997 vaongorori veGallup vakabvunza vagari vomunyika 16 kuti vanoona sei kuberekwa kwevana kunoitwa vanhu vasina kuroorana. Gallup inoti: “Kubvuma mararamiro aya ava muitiro wemazuva ano kunobvira pa90 muzana kana kupfuura munyika dzoKumadokero kweEurope kwoderera zvokusvika ku15 muzana muSingapore neIndia.”
Vamwe vakarumbidza rusununguko rutsva urwu rwokuti varume nevakadzi varare vose. Zvisinei, The Rise of Government and the Decline of Morality, rakanyorwa naJames A. Dorn, rinotaura nezvo“kuwedzera kwevana vanoberekwa nevanhu vasina kuroorana” uye “kuparara kwemhuri” se“zviratidzo zviri pachena zvokuora kwetsika.”
Dzimwe Tsika Dziri Kupera
Dzimwe tsika dzekare dzakadererawo zvinooneka. World Values Survey, inotungamirirwa naPurofesa Inglehart, inotaura nezvo“kuderera kwokuremekedza chiremera” munyika dzakasimukira.
Imwe tsika yekare yave iri yokushanda nesimba pabasa. Zvisinei, pane uchapupu hwokuti izviwo zviri kuderera. MuUnited States, National Federation of Independent Business yakaongorora vashandirwi vanosvika hafu yemiriyoni. “Vanhu 31 muzana pane vakaongororwa vakataura kuti zvakanga zvakaoma kuwana vashandi vemamwe mabasa, uye 21 muzana yakataura kuti unaku hwebasa revashandi hwakanga hwati dzikirei.” Mumwe mushandirwi anoti: “Zviri kuwedzera kuoma kuwana vashandi vanouya kuzoshanda mazuva akawanda, vanosvika nenguva, uye vasina kudhakwa.”
Zviri kuitika mune zvoupfumi zvingave zviri izvo zviri kukonzera kuderera uku. Purofiti painova shoma, vashandirwi vanobudisa vashandi mabasa kana kuderedza zvimwe zvavanovabhadhara. Magazini inonzi Ethics & Behavior inoti: “Vashandi vanoitirwa kusavimbika uku uye vasingapiwi zvavanoda vanotanga kuratidza unhu husina kunaka kune vavanoshandira. Panenge pasisina kushanda nesimba nokuti mangwana mushandi angava rovha.”
Kunyange zvakadaro tsika dzave dzichiderera zvinooneka muunhu uye mukuzvibata. Kuongorora kwakaitwa muAustralia kwakagumisa kuti: “Vashandi vanodarika 87,7 muzana vakataura [kuti] kushayiwa unhu pabasa kuri kuita kuti vashandi vasafara.” Muongororo yakaitwa panyanzvi dzebhizimisi muUnited States, “makumi masere muzana pane vakaongororwa vakataura kuwedzera kwokusindimara mubhizimisi.” Maererano nesangano rinobudisa nhau reCNN, “kusabata vatengi zvakanaka kwajairika kwazvo zvokuti vanhu vaida kusvika hafu pane vakaongororwa vakataura kuti vakabuda muchitoro vasina kutenga gore rakapfuura pamusana paizvozvi. Hafu yacho yakataura kuti inowanzoona vanhu vachitaura neserura zvine ruzha uye zvinogumbura. Uye vatyairi vatanhatu pa10 vakataura kuti vanogaroona vamwe vanhu vachityaira vasina hanya nevamwe kana zvisina kutsarukana.”
Upenyu Hwevanhu Hunokosha Zvakadini?
Muzvimwe zviitiko, vanhu vanotaura kuti vane “tsika” dzakati dzavanotevedzera, asi mashoko avo haawanzoenderani nezviito zvavo. Somuenzaniso, Institute for Global Ethics yakaongorora vamiririri venyika 40. Vanokwana 40 muzana vakasarudza “kuremekedza upenyu” vachiti ndizvo “zvinonyanya kukosha” pazvinhu zvishanu zvinokosha.a
Zvisinei, chii chinoitika pakuda kuzviita? Chokwadi nyika dzakapfuma dzine zvinhu zvokubvisa kutambura kwakawanda kwevanhu. Asi bhuku rakanyorwa naCarol Bellamy, mutungamiriri mukuru weUnited Nations Children’s Fund, muna 1998 rakati kushayikwa kwezvokudya zvinovaka “ndeimwewo honzeri yenzufu dzinenge mamiriyoni 12 dzinoitika gore negore dzevana vari pasi pemakore mashanu munyika dzichiri kusimukira, uwandu husina hwaungaenzaniswa nahwo kubvira pakaitika Black Death muEurope muzana remakore rechi14.” Mishumo yakadai inotyisa munhu upi noupi anokoshesa upenyu hwevanhu. “Asi,” anodaro Bellamy, “dambudziko repasi rose rokushayikwa kwezvokudya zvinovaka rangotyisa vanhu zvishoma pasinei nouchapupu hwechokwadi uye hwemasayendisiti huri kuwedzera hunoratidza ngozi yacho. Misika yepasi pose yemari ndiyo inonyanya kufungwa nezvayo panzvimbo pokufunga kuparadza kukuru kungangoitwa nokushayikwa kwezvokudya zvinovaka—kana zvinhu zvinobatsira zvikuru zvokuwana kudya kunovaka.”
Maonerwo asina kujeka oupenyu anooneka mune zvokurapa. Zvino zvino kuma1970, mwana aizvarwa angova nemavhiki 23 chete ari mudumbu airarama nepaburi retsono. Nhasi, zvichida 40 muzana yevana vakadaro vanozvarwa nguva isati yakwana vanogona kurarama. Tichifunga izvi, zvinotoshamisa ndezvokuti munyika yose kubvisa pamuviri kunofungidzirwa kubvira pamamiriyoni 40 kusvika ku60 kunoitika gore negore! Kubvisa pamuviri kwacho kunowanzoitwa vana vari mudumbu vanenge vachiri vaduku nemavhiki akati kana vachienzaniswa nevana vanozvarwa nguva isati yakwana avo vanachiremba vanoedza kuchengeta kuti vararame! Zviri pamusoro apa hazviratidzi kuvapo kwokuvhiringidzika kukuru kwetsika here?
Nhungamiro Yetsika—Inodiwa
Pavakabvunzwa kuti, “Chii chisinganyanyi kukosha muupenyu?” vazhinji vevakabvunzwa nesangano reGallup vakati “kuva akatendeka kuchitendero changu” ndechimwe chezvinhu zvinokosha zvishoma pazviviri. Saka hazvishamisi kuti vanhu vanoenda kuchechi vari kuramba vachishomeka. Purofesa Inglehart anotaura kuti kubudirira kwenyika dzokuMadokero “kwakonzera pfungwa huru yokunzwa kuchengeteka” uye izvozvo “zvaderedza kuvimba kwevanhu nechitendero sakare.”
Kusavimba nemachechi kunofambidzana nokusavimba neBhaibheri. Mune imwe ongororo yakaitwa vanhu vemarudzi akawanda, vaiongororwa vakabvunzwa kuti vaitsamira panaani kana kuti pachii pakuziva chakarurama mutsika. Voruzhinji vakataura kuti vanovimba noruzivo rwavo. “Shoko raMwari raiva kure kure sechinhu chechipiri,” unodaro mushumo weongororo yacho.
Hazvishamisi kuti tsika dziri kuchinja kusvika pakuipisisa! Kushayikwa kwenhungamiro yetsika, pamwe chete nokunyanya kusimbisa vavariro dzokuva nezvinhu zvenyama uye kuzvida, zvasimudzira kukara uye kusava nehanya nemanzwiro evamwe. Zvinhu zvipi zvinokosha zvisisisipo somugumisiro wokuchinja uku?
[Mashoko Omuzasi]
a Makore 50 apfuura, Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose rakatanga kushandisa Universal Declaration of Human Rights (Kudzivirirwa Kwekodzero Dzevanhu Pasi Pose). Chikamu 1 chacho chinoti: “Vanhu vose vanoberekwa vakasununguka uye vakaenzana pachiremera nekodzero.”
[Mifananidzo iri papeji 4, 5]
Kuparara kwemhuri, kusanyatsoshanda zvakanaka, uye misikanzwa ndizvo zvakazara nokupararira mutsika yanhasi iri kuramba ichiderera
[Mufananidzo uri papeji 6]
Mamiriyoni evana, vanenge vachingova nemavhiki mashomanana kana vachienzaniswa nomwana uyu akazvarwa nguva isati yakwana, vanopfupfudzwa gore negore