RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 6/8 pp. 7-9
  • Tsika Dzakachinja—Uri Kunzwa Pane Chisipo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsika Dzakachinja—Uri Kunzwa Pane Chisipo Here?
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muenzaniso Wehurumende Unodiwa
  • Muenzaniso Wakanaka waMambo Soromoni
  • Muenzaniso Wakaipa waMambo Soromoni
  • Kushayikwa Kwechivimbo Kwakapararira Nhasi
  • Soromoni Anotonga Nouchenjeri
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Muenzaniso Wakanaka Kwauri Here Kana Kuti Inyevero?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Hurumende Ichachengeta Tsika Dzinodiwa naMwari
    Mukai!—2003
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 6/8 pp. 7-9

Tsika Dzakachinja—Uri Kunzwa Pane Chisipo Here?

“CHINETSO chipi chinokosha kwazvo chakatarisana nenyika?” Pavakabvunzwa mubvunzo uyu, vanhu vazhinji vakabvunzurudzwa muUnited States vakataura nezvemhuri uye kuparara kwetsika vachitaura izvi sezvinetso zvavo zvokutanga. Munyaya iyi, havasi voga vanonzwa saizvozvo.

Somuenzaniso, pepanhau rokuParis rinobuda zuva nezuva rinonzi International Herald Tribune rakati: “Pane chido chikuru chinooneka, zvikurukuru pavaduku, chiya chokuda kuziva remangwana, kuda kuziva bumbiro retsika dzinotevedzwa kuti vararame maererano naro zvoderedza zviito zvemakaro, udyire, kushayikwa kwokubatana, zviri kuita sezviri kutonga nyika. . . . Kuramba pachiitiranwa nharo nezvokudiwa kwebumbiro retsika rinogamuchirwa munyika yose kubvuma kuti pane chimwe chinhu chisipo.”

Unofunga kuti hurumende nevatungamiriri venyika, kusanganisira vatungamiriri vebhizimisi, vane tsika dzinodiwa kutitungamirira kuti tive neremangwana rine mufaro, rakanyatsochengeteka here? Unonzwa kuti pane chimwe chinhu chisipo here, zvichida kusvika pamwero wakati, somugumisiro wetsika dziri kuchinja kwaunogara?

Chimwe chokunyanya kutyira nezvacho kungava kuchengeteka kwako. Unogara munzvimbo yakachengeteka zvokusiya musha wako usina kukiyiwa here? Unonzwa usingatyi kufamba usiku mumigwagwa yekwaunogara here? Kana wakakomborerwa kugara munzvimbo isina hondo zvachose, hondo dzemadzinza, kana kuti zvikwata zvematsotsi zvinorwisana nokuuraya, ungangogara uchitya kukuvadzwa, kurohwa, kupindirwa mumusha, kana kubirwa. Zvinonzwisisika kuti izvi zvinogona kukonzera manzwiro okuora mwoyo uye kuti pane chisipo.

Kuwedzera pane izvi, ungave usingachavimbi—zvichida kusvika pamwero wakati—nevamwe sezvawaisiita. Noruzivo rwako, zvichida kubva mukudzidza unyanzvi hwakati uye muupenyu hwako, ungave wakasangana nevanhu vanoramba vachiwedzera vanenge vachida kukukuvadza kuti zvinhu zvivanakire, kunyange zvishomanana.

Muenzaniso Wehurumende Unodiwa

Kubvira kare, zvave zvichibvumwa kuti pane kubatana kwepedyo kuripo pakati petsika dzinoratidzwa nevanhu netsika dzinoratidzwa nehurumende yavo. Calvin Coolidge, uyo akazombova purezidhendi weUnited States, akati: “Vanhu vanotaura nezvekodzero dzokuzvarwa nadzo, asi ndinoda kuti mumwe munhu aratidze muzvakasikwa kana kodzero dzipi nedzipi dzakambovapo kana kuzivikanwa kutozosvikira dzaumbwa nokuda kwokuti dzainge dzaziviswa uye kuti dzidzivirire zvakakodzera bumbiro rakati remitemo ine chokuita nadzo.”

Pakupedzisira, ihurumende inotonga—pasinei nokuti yakawana sei simba rokutonga—inosimudzira kana kuvhiringidza kodzero dzevanhu, dzakadai sokubudisa nokuparadzira mashoko zvakasununguka, rusununguko rwokuungana, rusununguko rwechitendero, uye rusununguko rwokutaura kuvanhu vose, kusununguka pakusungwa zvisiri pamutemo kana kubatwa zvisina kufanira, uye kutongwa zvine kururamisira.

Abraham Lincoln, uyo akazova purezidhendi weUnited States, akamboti: “Chinangwa chaicho chehurumende ndechokuitira nzanga yevanhu chero zvipi zvavangadai vaida kuita, asi vasingagoni kuita zvachose, kana kuti zvavasingagoni kunyatsozviitira—mukusiyana-siyana kwavakaita mumano somunhu nomunhu.” Hurumende padzinoshanda kuti dzikwanise kusvika pazvinangwa zvakakwirira zvakadaro, vanhu vachabva vangovimba nevaya vanotonga.

Zvisinei, kusava nechokwadi uye kufungira kwaita sekwatsiva chivimbo chakadaro nhasi. Kumwe kuongorora kuchangobva kuitwa muUnited States kwakaratidza kuti 68 muzana yevakaongororwa vakataura nezvemiitiro yetsika yevakuru vakuru vehurumende seingori paavhareji kana kuti yakaderera. Munyika dzakawanda maonero anoita voruzhinji vakuru vakuru vehurumende akanganiswa nemiitiro yechiokomuhomwe uye uori hunoitwa pamwero mukuru kwazvo. Ndosaka izvi zvaita kuti vanhu vakawanda vanzwe mupfungwa dzavo kuti pane chisipo.

Muenzaniso Wakanaka waMambo Soromoni

Muenzaniso mumwe chete wekare unoratidza kuti tsika dzevatongi dzinogona kuva nesimba rakadini. Mambo Soromoni akatonga ndudzi 12 dzaIsraeri kubvira muna 1037 kusvika muna 998 B.C.E. Baba vake, Mambo Dhavhidhi, aiva mumwe mambo akaisvonaka pamadzimambo aIsraeri. Bhaibheri rinoratidza Dhavhidhi somunhu aida chokwadi nokururama uye kudarika zvose, somurume aivimba zvakakwana naMwari wake, Jehovha. Dhavhidhi akadzidzisawo Soromoni tsika idzi.

Mwari Wemasimba Ose akazviratidza kuna Soromoni muchiroto ndokuti kwaari: “Kumbira chaunoda kuti ndikupe.” (2 Makoronike 1:7) Pane kukumbira upfumi hwakawanda, mbiri, kana kukunda mune zvematongerwe enyika, Soromoni akaratidza zvinhu zvaaikoshesa nokukumbira kuva nomwoyo wakachenjera, unonzwisisa, uye unoteerera, kuitira kuti akwanise kutungamirira zvakanaka rudzi rwaIsraeri.

Vanhu vakanzwa sei nokutonga kwaSoromoni? Mwari akamukomborera nenjere, mbiri, uye pfuma—pose paakaramba akatendeka kutsika dzaikosha dzorudzi rwacho mukunamata. Zviwanikwa zvematongo zvinopupurira kubudirira mune zvokunyama muutongi hwaSoromoni. Bhuku rinonzi The Archaeology of the Land of Israel rinoti: “Pfuma yaiyerera ichipinda muvazhe dzoumambo ichibva kumativi ose, uye zvokutengeserana zvaibudirira . . . zvakaita kuti mativi ose etsika mune zvokunyama achinje zvinooneka.”

Chokwadi, hurumende yaSoromoni yakanaka yakaunza rugare, kuchengeteka, uye mufaro kuvanhu vayo. “VaJudha navaIsraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, kubva paDhani kusvikira paBheeri-shebha, mazuva ose aSoromoni.”—1 Madzimambo 4:20, 25.

Muenzaniso Wakaipa waMambo Soromoni

Zvisinei, zvisingafadzi ndezvokuti kungofanana netsika dzevatungamiriri vakawanda nhasi, tsika dzaSoromoni dzakazochinja. Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Wakanga anavakadzi vanamazana manomwe, vakunda vamadzimambo, navarongo vanamazana matatu; vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake. Nokuti Soromoni wakati akwegura, vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake kuti atevere vamwe vamwari; mwoyo wake hauna kuzova wakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi baba vake.”—1 Madzimambo 11:3, 4.

Vanhu vakanzwa sei nokuchinja kwakaita tsika dzaMambo Soromoni? Pasinei nemano ake nenjere huru, Soromoni akava mutongi anodzvinyirira muchikamu chokunopera kwoutongi hwake. Kushandisa kwaiita hurumende yake mari yakawandisa kwakaita kuti upfumi hwenyika yacho huderere kwazvo. Vashandi vakanga vasingachagutsikani. Mapato anopikisa mune zvematongerwe enyika akaramba mambo wacho ndokutsvaka kumutorera utongi hwake. Rudzi rwacho rwakarasikirwa kwazvo nepfungwa yarwo yokubatana. Zvinoshamisa kuti iye Soromoni ndiye akanyora pachake kuti: “Kana vakarurama vowanda, vanhu vanofara; asi kana munhu wakaipa achibata ushe, vanhu vanogomera.”—Zvirevo 29:2.

Nguva pfupi Soromoni afa, kusagadzikana kwoutongi uye kusavimbana zvakaita kuti rudzi rwacho rukamukane ndokuteverwa nenguva yakaoma, yokusabatana, uye mamiriro ezvinhu akaipisisa. VaIsraeri vakanzwa kurasikirwa kukuru. Hurumende yavo yakanga yachinja tsika dzayo, ikakanganwa zvido zvevanhu. Mhosva yacho yaiva yokuti vatungamiriri vavo vakanga vasiya Jehovha nemitemo yake. Saka, rudzi rwose rwaIsraeri rwakatambura.

Kushayikwa Kwechivimbo Kwakapararira Nhasi

Muhurumende, mumabhizimisi, uye muzvitendero zvanhasi, vakawanda havana basa nokuchengeta tsika dzakanaka. Izvi zvaita kuti vanhu mupfungwa dzavo nemwoyo vanzwe kuti pane chisipo. Hurumende dzakawanda zvikuru nevamwe vatungamiriri havasi kukwanisa kugadzirisa zvinetso zvikuru zvenyika dzavo.

Somuenzaniso, vave vachitadza kugumisa hondo kana kuderedza mari iri kukwira yokutarisira utano kana zvakaipa zvinokonzerwa nebhizimisi risiri repamutemo rezvinodhaka. Uye pave panewo kuparara kwedzidzo. Hurumende dzakawanda dzinototsigira nemari kubhejera kwakarongwa. Mabhizimisi akawanda uye vatungamiriri vezvitendero vanoodza mwoyo zvinokatyamadza pamusana pouori hwavo nezviito zvavo zvounzenza. Ndosaka zvisingashamisi kuti pane kushayikwa kwakapararira kwokuvimba nevaya vanotariswa nevanhu nokuda kwoutungamiriri.

Zvinoita here kuti hurumende chero ipi zvayo idzivirire uye kunyange kutungamirira pakuchengetedza kodzero huru netsika dzevanhu? Hungu, zvinoita. Nyaya yedu yokugumisa ichatsanangura kuti sei.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

‘Makaro, udyire, uye kusabatana munzanga zviri kuita sezviri kutonga nyika.’—INTERNATIONAL HERALD TRIBUNE

[Mufananidzo uri papeji 8]

Mambo Soromoni paakateerera mitemo yaMwari, akaita kuti vaaitonga vave netsika dzakanaka

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe