RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 7/8 pp. 16-18
  • Ndinogona Sei Kubata Nenjodzi Kana Yaitika?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kubata Nenjodzi Kana Yaitika?
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Zvinhu Zvakaipa Zvichiitika
  • Nzira Dzinobatsira Dzokubata Nenjodzi
  • Bhaibheri Rinotii Nezvekupfurwa Kwevanhu Muzvikoro?
    Dzimwe Nyaya
  • Nei Mwari Achirega Tichitambura?
    Mukai!—2004
  • Nei Mwari Achirega Zvinhu Zvakashata Zvichiitika?
    Mukai!—1996
  • Jobho—Murume Wokutsungirira uye Wokuvimbika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 7/8 pp. 16-18

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinogona Sei Kubata Nenjodzi Kana Yaitika?

“Nei magandanga akauraya amai vangu?”—Kevin.a

“[September 11 asati asvika], ndaifarira kufamba nomumigwagwa yepasi pevhu. Pari zvino ndinofungidzira ndichifira mumugwagwa wepasi pevhu pamusana pokuti unenge waputitswa nebhomba.”—Peter.

AMAI vaKevin vakaurayiwa pakarwiswa World Trade Center muGuta reNew York musi waSeptember 11, 2001. Peter haana kurasikirwa zvinosuruvarisa kudaro, asi akavhiringidzwa kwazvo nezvakaitika.

Mumwe mushumo wenhau unoti: “Zviuru zvevana vanogara muNew York zviri kutambura nezvinetso zvepfungwa zvine chokuita [nokurwiswa] kwakaitwa musi waSeptember 11 zvokuti vakawanda vachakura nazvo.” Zvinotovhiringidza ndezvokuti zviratidzo zvokunetseka mupfungwa “zvaivapowo zvakafanana kuvana vainge vasiri pakaitikira njodzi kungofanana nevakaona njodzi yacho chaiyo.”b

Zvakafanana zvingataurwa maererano nedzimwe njodzi, dzakadai sokubhomba vanhu uchifa navo muIsrael uye kungopfura chero munhu kunoitika kune dzimwe nzvimbo. Maererano nokupfura kwakadaro imwe nyanzvi ichitaura nezvemanetsekero anoita pfungwa yakati: “Kunyange kana [kuvana] vanogara mamaira 2 000, zviitiko izvi zvinogona kungowedzera kufunganya” kwavo.

Chikonzero chacho? Panoitika njodzi, vaduku vanoona mifananidzo yacho yakajeka panobudiswa nhau. Mifananidzo inotyisa yemagandanga anobhomba, yokupfurana kuchikoro, uye yenjodzi dzinongoitika dzoga inodzokororwa kakawanda, zvichiita kuti zviomere vaduku vakawanda kuidzima mupfungwa dzavo. Hazvishamisi ipapoka kuti ongororo yakaitwa muGuta reNew York Board of Education yakaratidza kuti: “Mwedzi mitanhatu pashure pokunge World Trade Center yaparara, 76 muzana yevadzidzi 8 266 vepachikoro vakanga vachiri kufunga nguva nenguva kurwisa kwakaita magandanga.”

Tiri kurarama munguva iyo Bhaibheri rinodana kuti “nguva dzinonetsa.” (2 Timoti 3:1-5) Unogona sei kubata nenjodzi dzinotyisa padzinoitika?c

Nei Zvinhu Zvakaipa Zvichiitika

Imwe nzira yokubata nemanzwiro epfungwa anotaridzika seari kukukunda ndeyokumutsa “mano [ako] okufunga.” (2 Petro 3:1) Edza kutarisa zvinhu nepfungwa dzakanaka, nemaonero aMwari. Somuenzaniso, ungafanira kuzviyeuchidza kuti njodzi dzakawanda dzinongoitika somugumisiro we“nguva nezvinoitika.” (Muparidzi 9:11) Jesu Kristu akapa muenzaniso weizvi paakataura nezvokuparara kweshongwe yeSiroami. Vanhu gumi nevasere vakafa munjodzi yacho yakaitika munharaunda iyoyo. Zvisinei, Jesu akajekesa kuti vakawirwa nenjodzi yacho vakanga vasiri kurangwa naMwari. Vakafa nemhaka bedzi yokuti vaingova panzvimbo isina kunaka panguva isina kunaka. (Ruka 13:1-5) Kufungisisa chokwadi ichi kungakubatsira kuona njodzi nemaonero akanaka.

Kufunga zvakajeka kunogonawo kukuita kuti urege “kutsamwira Jehovha” uye kumupomera nokuda kwezviitiko zvinosuwisa. (Zvirevo 19:3) Panzvimbo pokukonzera kusurukirwa kwedu, Jehovha ndi“Mwari wokunyaradza kwose.” (2 VaKorinde 1:3) Njodzi padzinoitika, tinofanira kuswedera pedyo naye—kwete kumusiya tatsamwa. Fungisisa mashoko eBhaibheri aJakobho 1:13 anoti: “Paanenge achiedzwa, munhu ngaarege kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’ Nokuti Mwari haangaedzwi nezvinhu zvakaipa kana iye pachake haaedzi munhu.”d

Njodzi inorwadza yakaitika mazana emakore apfuura kuMiddle East ingaita kuti pfungwa iyi ijeke. Bhaibheri rinotiudza kuti munhu mumwe chete akanga apona panjodzi iyoyo inotyisa akati: “Moto waMwari wakabva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza.” (Jobho 1:16) Idambudziko raityisa kwazvo! Uye murume uyu akanga ava kutya zviri pachena kuti akafunga kuti zvakanga zvakonzerwa naMwari. Asi, akanga asiri Mwari. Jobho 1:7-12 inoratidza kuti moto wakatumwa kwete naMwari, asi noMuvengi waMwari—Satani Dhiyabhorosi!

Iwayo aiva mamiriro ezvinhu akati siyanei: Jehovha akanga abvumira Satani zvine chinangwa kuedza kutendeka kwaJobho. Saka usagumisa kuti Satani ndiye anokonzera nenzira yakananga njodzi dzinongoitika dzoga dzakadai semadutu nemafashamo.e Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinotaura kuti “nyika yose iri musimba rewakaipa.” (1 Johani 5:19) Saka, anogona kushandisa vanhu vanomumirira kukonzera kuparadza kukuru.

Zvisinei, hatifaniri kunzwa sokunge tisingabatsiri. Chimbofunga nezvechimwe chiitiko, chakanyorwa muBhaibheri pana 1 Samueri 22:12-23. Ipapo tinoudzwa nezveboka revapristi vakatendeka nemhuri dzavo vakaurayiwa zvine utsinye. Hapana mubvunzo kuti Satani akaitawo rutivi rwake kupesvedzera Mambo Sauro akaipa kuita chiito ichi choutsinye. Zvisinei, Dhavhidhi akatendeka, uyo akazova mambo, akanyora Pisarema 52, umo akaratidza chivimbo chokuti Mwari aizobvisa vanhu vakaipa vanokonzera matambudziko.—Pisarema 52:5.

Saizvozvowo nhasi, unogona kuva nechokwadi chokuti Mwari haasi kuzoshivirira nokusingaperi zviito zvinofuridzirwa naDhiyabhorosi zvokuponda uye zvechisimba. Ingawani Bhaibheri rinopikira kuti Mwari nokukurumidza achashandisa Mwanakomana wake, Jesu, ‘kuputsa mabasa aDhiyabhorosi’! (1 Johani 3:8) Pakupedzisira pachange pasisina zvinhu zvinoratidza njodzi dzakakonzerwa naSatani. Norumuko, Mwari anogona kutodzorera kuupenyu vanhu vakafa muzviitiko zvenjodzi dzechisimba kana kuti dzougandanga.—Mabasa 24:15.

Nzira Dzinobatsira Dzokubata Nenjodzi

Tariro iyi yeBhaibheri inogona kukubatsira kuti usakurirwe nokutya. Asi kunewo mamwe matanho anobatsira aunogona kutora. Somuenzaniso, cherechedza nhungamiro yeBhaibheri iri pana Zvirevo 12:25. Kuudzawo vamwe manzwiro ako ndiko bedzi kunogona kuita kuti uwane “shoko nyoro” rinokurudzira. Kuita kudaro kuchakubatsirawo kuona kuti handiwe woga unenge uri mudambudziko iri. Saka kana uchinzwa wakaora mwoyo, edza kuudza vabereki vako kana imwe nhengo yakura iri muungano yechiKristu.f

Rimwezve zano: Usatarisa zvokudarikidza zvinobudiswa nevenhau zvine chokuita nenjodzi. Ukadaro zvichaita kuti zvikuomere kudzima mupfungwa dzako mifananidzo inorwadza.—Pisarema 119:37.

Uri muKristu here? Kana uri, omerera kupurogiramu yako yezvinhu zvechiKristu. (VaFiripi 3:16) Zvinhu zvakadaro zvinosanganisira kupinda misangano nevamwe vako vechiKristu uye kuudzawo vamwe zvaunotenda. (VaHebheru 10:23-25) Izvozvo zvichakubatsira kuti usarambe uchifunga zvinokuodza mwoyo. Kuzviparadzanisa nevamwe kunongokukuvadza—mupfungwa uye mune zvokunamata.—Zvirevo 18:1.

Kuramba uchiverenga Bhaibheri zuva nezuva kunogona kukubatsira chaizvo mumamiriro api neapi ezvinhu anoodza mwoyo. Amai vewechiduku anonzi Loraine vakanga vava kufa nekenza. Cherechedza kuti Loraine akabata sei nemamiriro ezvinhu enjodzi iyi: “Ndinoyeuka ndichiverenga bhuku raJobho kakawanda panguva yedambudziko racho. Bhuku rePisarema rakandinyaradzawo kwazvo. Sezvandaiverenga mashoko anonyaradza kubva muMagwaro, ndainzwa sokunge Jehovha akanga achindimbundira.” Mukoma wake Mishael saizvozvowo anoyeuka kuti: “Kana pane zuva randairega kuverenga Bhaibheri, ndaizvinzwa. Pfungwa dzangu dzaingoerekana dzotanga kufunga zvinoodza mwoyo. Kuverenga Bhaibheri kwakandipa kudya kwomudzimu kwandaida kuti ndirambe ndichipfuurira zuva rimwe nerimwe.”

Kana wakafirwa—zvikurukuru nomunhu waunoda—kuverenga bhurocha raApo Mumwe Munhu Waunoda Anofag kunogona kukunyaradza chaizvo. Wana nguva yokuverenga uye kufungisisa magwaro ose arimo. Fungisisazve tariro yorumuko. “Ndaiita sendiri kuona amai vangu vachimuka kubva kuvakafa,” anodaro Loraine. “Ndaifungidzira ndichinzwa vachiti: ‘Ndadzoka. Wabikei?’ Izvozvo zvaiita kuti ndinyemwerere.”

Kutsamira pana Jehovha mumunyengetero kunogonawo kukupa simba raunoda kuti utsungirire njodzi dzakaipisisa. Loraine anoyeuka kuti: “Ndaiva mumba amai vangu pavakafa. Nokukurumidza ndakakumbira Jehovha kuti andipe simba rokutsungirira uye kugonana nazvo. Nenguva isipi ndakanzwa ndiine rugare rwaMwari.” Taura zvaunoda chaizvo muminyengetero yako kuna Jehovha. Ita kuti azive manzwiro ako chaiwoiwo. “Dururai mwoyo yenyu pamberi pake,” anokurudzira kudaro munyori wepisarema.—Pisarema 62:8.

Nguva zvainoramba ichipfuura, zvinoodza mwoyo panyika zvingangowedzera. (2 Timoti 3:13) Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinopikira kuti: “Vanoita zvakaipa vachagurwa . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:9-11, 29) Kuramba wakabatisisa tariro iyi kuchakubatsira kubata nokubudirira kana njodzi yaitika.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Maererano nenyanzvi youtano hwepfungwa, zviratidzo zvakadaro zvingasanganisira pfungwa dzakaneta, kurota zvinotyisa, kunzwa kusurukirwa, kutadza kuita zvinhu zvemazuva ose, uye kunzwa mhaka uye hasha.

c Kunyange zvazvo nyaya ino iri kutaura nezvenjodzi dzinoitika pamwero mukuru, mazano ayo angashandiswawo kunjodzi dzomunhu oga, dzakadai sokufirwa nomunhu waunoda.

d Kana uchida mamwe mashoko okuti nei Mwari akabvumira uipi, ona chitsauko 7 chebhuku raNamata Mwari Wechokwadi Bedzi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

e Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yeChirungu yaDecember 1, 1974.

f Muzviitiko zvokuora mwoyo kana kushungurudzika pfungwa kwakanyanyisa, zvimwe kuona chiremba kungava kwakakodzera.

g Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kungava kuchenjera kusanyanya kuona mifananidzo inoodza mwoyo inobudiswa nevenhau

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe