Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Nei Ndichinzwa Kuti Ndinofanira Kuva Akakwana?
“Sezvo baba vangu vaiva mudzidzisi, munhu wose aitarisira kuti ndibude nemaA oga oga. Dzimwe nguva ndaichema kusvikira ndarara.”—Leah.a
“Ndinoda kunyatsoita zvinhu zvose nomazvo. Ndinofanira kuva shasha pachimwe chinhu kana kuchiita nenzira yakasiyana neyomumwe kana zvikasadaro zvinenge zvisina chinangwa chokuchiita.”—Caleb.
UNONZWA kuti nguva dzose unofanira kuva akakwana here? Unoramba here uchinetseka pasinei nezvose zvaunoedza kuita, uchingoona kuti hausi kuita zvinhu nomazvo? Hausi kukwanisa kubata norudzi rupi norupi rwokutsoropodzwa here? Zvinhu pazvinokanganisika, unozvipomera here, uchizvipa mhosva kuti uri benzi, uri wenhando, kana kuti haukoshi? Kana uchida kuti chimwe chinhu chiitwe nomazvo, unonzwa uchifanira kuchiita woga here? Unombotya kwazvo kukundikana zvokuti unononoka kuita zvinhu zvacho kana kuti hautozozviiti here?
Zvakadii noukama hwako nevamwe? Unowana usingagoni kushamwaridzana nevamwe pamusana pokuti panenge pasina akakwana here? Unokurumidza kugumbuka nokukundikana kwevamwe uye zvikanganiso zvavo here? Kana mhinduro yako kumibvunzo iyi iri hungu, ungave uri kurwisana nechinonzi kuda zvakakwana. Uye kana zviri izvo, hausi woga. Mafungiro acho anowanika kwazvo kuvaduku—zvikurukuru vaya vane zvipo muzvimwe zvinhu kana vaduku vaya vanobudirira pane zvavanoita.b
Chii chinokonzera kuda kuita zvinhu nenzira yakakwana? Vatsvakurudzi vanongoita zvokufungidzira. Bhuku rinonzi Perfectionism—What’s Bad About Being Too Good? rinoti: “Kuda kuita zvinhu nenzira yakakwana hachisi chirwere; hakuna kuita zvokukutapukira. Kuda kuita zvinhu nenzira yakakwana hakugarwi nhaka; hauna kuzvarwa uinako. Saka wakaguma sei wave kuda kuita zvinhu nenzira yakakwana? Dzimwe nyanzvi dzinodavira kuti kuda kuita zvinhu nenzira yakakwana kunotangira muuduku. Kumanikidzwa nemhuri, kuzvimanikidza, kumanikidzwa nenzanga, kumanikidzwa nevanobudisa nhau, uye kuda kutevedzera vanhu vanoita zvisingaiti zvinopesvedzera kwazvo vamwe vanhu kuti vave noupenyu hwokushushikana, kunzwa vaine mhosva, uye hwokushanda zvakaoma.”
Zvisinei nezvinokukonzera, kuda kuva akakwana nguva dzose kunogona kukuvadza upenyu hwako. Ngatimbotarisisai zvinonzi kuda kuita zvinhu nenzira yakakwana uye kuti nei kuchigona kukukuvadza.
Kuda Kuita Zvinhu Zvakakwana Chii?
Kuda kuita zvinhu zvakakwana kunosanganisira zvinodarika kuedza kuita zvinhu nomazvo kana kudada nebasa rinenge raitwa zvakanaka. Ingawani pana Zvirevo 22:29, Bhaibheri rinorumbidza munhu “anoshingaira pabasa rake.” Bhaibheri rinotaurawo zvakanaka nezvevanhu vanoverengeka vakadzidzira unyanzvi hwakasiyana-siyana kusvika pamwero wakakwirira. (1 Samueri 16:18; 1 Madzimambo 7:13, 14) Saka zvinorumbidzwa kuda kuita zvakaisvonaka, kuita vavariro dzakakwirira asi dziri dziya dzinoitika. Nokudaro munhu anogona ‘kufadza mweya wake nezvakanaka pamusana pokubata kwake.’—Muparidzi 2:24.
Zvisinei, munhu anoda kuita zvinhu nenzira yakakwana, haagutsikani saizvozvo. Maonero ake okubudirira chokwadi haavaki. Maererano nedzimwe nyanzvi, kuda kuita zvinhu nenzira yakakwana kunosanganisira “vavariro dzisingaiti (kureva dzakakwana), uye kutadza kugutsikana, pasinei nezvinenge zvaitwa.” Somugumisiro, kuda kuita zvinhu nenzira yakakwana “chirwere chisingaperi, chinowanzosiya munhu wacho achifunga kuti haabatsiri.” Saka rimwe bhuku rinorondedzera kuda kuita zvinhu nenzira yakakwana so“kudavira kusina musoro kwokuti iwe kana kuti zvakakupoteredza munofanira kuva vakakwana.” “Ipfungwa inokuputira yokuti chinhu chose chaunoedza kuita muupenyu chinofanira kuitwa sezvachiri zvakakwana pasina kutsaudzira, zvikanganiso, kana kuti kusapindirana.”
Asi Jesu haana here kutaura kuti: “Munofanira kuva vakakwana, sezvo Baba venyu vokudenga vakakwana”? (Mateu 5:48) Akadaro, asi Jesu akanga asiri kutaura kuti munhu anofanira kuva akakwana mupfungwa yakazara. Ingawani Bhaibheri rinodzidzisa kuti “vanhu vose vakaita zvivi vakaperevedza pambiri yaMwari.” (VaRoma 3:23) Kana zvakadaro, Jesu airevei? MuBhaibheri shoko rokuti “akakwana” rinoreva zvizere. (Mateu 19:21) Jesu paakataura kuti tinofanira kuva vakakwana, akanga achitaura nezvorudo uye achikurudzira vateveri vake kuti varatidze rudo rwavo zvizere. Sei? Nokuwedzera rudo rwavo kusvika pakuda kunyange vavengi vavo chaivo. Munyori weBhaibheri Ruka achinyora mashoko aJesu okuti: “Rambai muchiva nengoni, sezvo Baba venyu vane ngoni.”—Ruka 6:36.
Zvisinei, vanoda kuita zvinhu nenzira yakakwana vanorwisana nepfungwa yenhema yokuti zvinokwanisika kuva akakwana mupfungwa yakazara. Nokudaro vangada kuti vamwe vanhu vaite zvavasingagoni. Maererano nebhuku rinonzi Never Good Enough—Freeing Yourself From the Chains of Perfectionism, vanoda kuita zvinhu nenzira yakakwana “vanhu vanogumburwa nenzira inoita vamwe mabasa avo . . . Mupfungwa dzavo, vanhu vanenge vakavapota havana hanya nokuita basa nomazvo, nyange kudada nezvavanenge vaita.”
Somuenzaniso, Carly, anogona kuchikoro, sezvo zita rake riri pamazita evadzidzi vane zvipo zvokugona. Zvisinei, muukama hwake nevamwe ave asinganyatsobudiriri. Nokuti anoda kuti chinhu chose chiitwe nenzira yakakwana, akarasikirwa neshamwari dzake dzakawanda. “Ndinofunga kuti vaiva vasinganyanyi kuita zvinhu nenzira yakakwana,” anotsanangura kudaro.
Vamwe vangada kuti ivo vave vakakwana, kwete vamwe. Bhuku rinonzi Never Good Enough rinotsanangura kuti vakadaro vanonzwa sokuti “ivo kana kuti zvavanoita hazvina kunyatsokwana . . . , uye [va]nonyanya kuva nehanya nokuti vamwe vanofungei nezvavo.”
Chinetso Chokuedza Kuva Akakwana
Pane kuvaka nokubatsira, kuda kuva akakwana kazhinji kacho hakuvaki uye kunokuvadza. Uye pane kusimudzira zvakaisvonaka, mafungiro akadaro anowanzosimudzira kukundikana. Mumwe murume wechiKristu anonzi Daniel anoyeuka achishanda maawa akareba uye akaoma achigadzirira hurukuro yaakanga apiwa kuti azoipa muchikoro kuImba yoUmambo yomunharaunda iyoyo yeZvapupu zvaJehovha. Vakawanda pane vaiteerera vakamurumbidza nokuda kwezvakanaka zvaakanga aita. Zvadaro Daniel akagamuchira pfungwa dzinobatsira dzakanga dzapiwa nokungwarira kubva kumurayiridzi. Bhaibheri rinotikurudzira ‘kuteerera kana tichirayirwa, kunzwa tichidzidziswa.’ (Zvirevo 19:20) Asi pane kugamuchira zano rinovaka, Daniel akanzwa seakanga akundikana. “Ndaida kuva ndoga,” anoyeuka kudaro. Kwevhiki dzinoverengeka akashaya hope usiku.
Nokudaro kuda kuita zvinhu nenzira yakakwana kunokanganisa kudzidza. Munyaya inobuda paNzvimbo yepaIndaneti inobudisa mashoko evechiduku, musikana wechiduku anonzi Rachel anonyora kuti: “Pandakatanga chikoro chesekondari ndakanga ndakatsunga kuita zvakanaka. Nguva dzose ndaiva mudzidzi aida maA pazvidzidzo zvose uye handina kuona chikonzero chipi nechipi chokuti izvozvo zvichinje.” Asi nenguva isipi Rachel akawana kuti aiomerwa nemasvomhu uye “aingowana” B. “Kuvamwe vose iyi yaiva giredhi yakanaka,” anoyeuka kudaro Rachel, “asi kwandiri . . . zvaitondinyadzisa. Ndakatanga kusava nechokwadi uye kunetsekana . . . Ndaitya kukumbira mudzidzisi wangu kuti andibatsire nokuti ndaifunga kuti kana ndikabvuma kuti ndinoda kubatsirwa pabasa rangu rinoitirwa kumba kunenge kwava kubvuma kuti handina kuzvinzwisisa. . . . Dzimwe nguva ndaitosvika pakuzviti kufa kuri nani pane kufoira.”
Zvichikonzerwa nokutya kufoira, vaduku vakawanda vakatofunga zvokuzviuraya. Zvisinei hazvo, vaduku vakawanda havafungi kutora nhano yakaipa kudaro. Asi sokucherechedza kunoita nyanzvi youtano hwepfungwa Sylvia Rimm, vangaedza kuti vasafoire nokurega kuita mabasa avo. Maererano naRimm, vamwe vanoda kuita zvinhu nenzira yakakwana “havapi mudzidzisi wavo zvavanenge vanzi vaite, havadadi nebasa ravo, vanokanganwa kuita basa ravo rechikoro rinoitirwa kumba, vanongokumbira ruregerero.”
Ukuwo, vamwe vaduku vanganyanyisa kuti vabudirire. “Usiku ndainonoka kurara ndichiita mabasa okuchikoro kuti ndinyatsoaita nomazvo,” anobvuma kudaro Daniel. Chinetso chiripo ndechokuti, kunyanyisa kwakadaro hakuwanzobatsiri. Mudzidzi anenge ane hope haawanzoiti zvakanaka.
Ndokusaka zvisingashamisi kuti kuda kuita zvinhu nenzira yakakwana zvinonzi kunokonzera hasha dzisingaperi, kusazviremekedza, kunzwa mhaka, kusava netariro, zvirwere zvokudya, uye kuora mwoyo. Kunyange zvakadaro, chakatoipisisa pane zvose ndechokuti kuda zvakakwana kunogona kukanganisa manamatiro omunhu. Somuenzaniso, Bhaibheri rinorayira vaKristu kuti vataure kutenda kwavo kune vamwe. (VaRoma 10:10; VaHebheru 10:24, 25) Zvisinei, mumwe muduku anonzi Vivian akazeza kutaurawo pamisangano yeungano pamusana pokutya kuti aizotadza kunyatsotsetsenura. Mumwe mukadzi wechiduku anonzi Leah akataurawo zvakafanana. Anoti: “Ndikataura zvisiri izvo, vamwe vachandiona zvisiri izvo. Saka handitauri zvandinofunga.”
Zviri pachena kuti kuda kuva akakwana kunokuvadza uye hakuvaki. Uye kana une unhu hupi nohupi hwarondedzerwa munyaya ino, ungaona paunoda kuchinja mumafungiro ako. Nyaya ichatevera ichakurukura kuti izvi ungazviita sei.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.
b Maererano neimwe ongororo, 87,5 muzana yevadzidzi vane zvipo vepane chimwe chikoro vaiva nemiitiro yokuda zvakakwana kwazvo.
[Mufananidzo uri papeji 28]
Kutya kufoira kunoita kuti vamwe vaduku vasapedze mabasa avo
[Mufananidzo uri papeji 29]
Kuda kuita zvinhu nenzira yakakwana kunokonzera kuora mwoyo uye kusazviremekedza