Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndingarega Sei Kuedza Kuva Akakwana?
“Kuda kuva akakwana chokwadi kwatonga upenyu hwangu.”—Carly.
KUDA kuva akakwana—kudavira kuti chaizvoizvo munhu anofanira kuita zvose zvaanoita nenzira yakakwana—kunotambudza mafungiro evaduku vakawanda.
Bhuku rinonzi Perfectionism—What’s Bad About Being Too Good? rinoti: “Pane musiyano mukuru pakati pokuvavarira zvakanakisisa kwakarurama nokuvavarira kuita zvisingabviri kwakaipa. Vanhu vanoedza kuwana zvakaisvonaka vangada chaizvo kurongeka uye kutarisira kuita zvakakwirira, asi vanobvumawo zvavanotadza uye vane nzira dzakanaka dzokugadzirisa panoda kugadziriswa. . . . Ukuwo, vanoda kuva vakakwana, vanogara vachinetseka nezvezvikanganiso zvavo. Vanoda kuita zvinhu nenzira yakanyanya kukwirira.”
Izvi zvinokurondedzera here? Kana zvaunoda zvikakwirira zvokusakwanisika, zviri nyore kuti utadze kuita chinhu. Ungawana kuti hapana chero chitsva chaunoita. Kana kuti ungarega kuita zvinhu zvinokosha nokuti unotya kuti uchakundikana. Unganzwa usingangodi munhu wose anokundikana kuita zvinhu sezvaunoda, uye ungazviwana usina shamwari.
Kana izvi zvirizvo zvauri, funga mashoko aya eBhaibheri ari pana Muparidzi 7:16 anoti: “Usava munhu wakaisvorurama, usava wakaisvochenjera; uchazviparadzireiko?” Chokwadi, munhu anoda kuva akakwana anogona ‘kuzviparadza!’ Kutaura zvazviri, kuda zvakakwana kwakatonzi kwakabatana nezvirwere zvokudya zvakadaro zvinokanganisa upenyu seanorexia nervosa nebulimia.a
Naizvozvo ungabvunza kuti, ‘Ndingarega sei kuedza kuda kuva akakwana?’ Chokwadi, kuchinja mafungiro akadai kunogona kuva kwakaoma. Asi nokubatsira kwaMwari, kunogona kuitwa. Naizvozvo ngationei maonero aMwari okuda zvakakwana.
Kukwana—Ivavariro Inobvira Here?
Kutanga zvinobvira here kuti iwe uve akakwana mupfungwa yakazara? Kwete maererano neBhaibheri, iro rinoti: “Hapana munhu akarurama, kunyange nomumwe zvake . . . Vanhu vose vakatsauka, vose pamwe vakava vasina maturo.” (VaRoma 3:10-12) Mashoko anoda kufungisisa, handizvo here? Anoratidza kuti ani naani anoedza kuda kuva akakwana mupfungwa yakazara achakundikana.
Funga nezvomuapostora Pauro, uyo sezviri pachena aiva muenzaniso mukuru mune zvokunamata. Asi, kunyange Pauro haana kushumira Mwari asingakanganisi. Akareurura kuti: “Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri. Ndinofarira chaizvoizvo mutemo waMwari maererano nomunhu wandiri mukati, asi ndinoona mumitezo yangu mumwe mutemo uchirwisana nomutemo wepfungwa dzangu uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kumutemo wechivi uri mumitezo yangu.” (VaRoma 7:21-23) Kwaingova kubatsira kwaMwari kwakagonesa Pauro kuva muKristu akatendeka.
Zvakanaka hazvo ndezvokuti, Mwari haakumbiri kana kutarisira kukwana zvizere kumunhu upi noupi. “Iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:14) Munyika itsva yaMwari chete ndimo umo vanhu vachazosvika pakukwana.
Gadzirisa Tarisiro Dzako
Saka, panguva ino, hazviiti kufunga kuti unogone kuva akakwana zvakazara. Kutaura zvazviri, unofanira kutarisira kuti uchakanganisa nguva nenguva. (VaRoma 3:23) Ingawani dzimwe nguva hatitombozovi zvatinokanganisa! Pisarema 19:12 inoti: “Hapana anogona kuona zvikanganiso zvake.” (Today’s English Version) Mumwe wechiduku anonzi Matthew anotaura nenzira iyi: “Hauna kukwana—hakuna akakwana paNyika. Kana ukatarisira kuti uve akakwana, hausi kuzombofara. . . . Hazviiti, hazvibviri.”
Uchifunga izvi, wadii kugadzirisa dzimwe tarisiro dzako? Somuenzaniso, uri kuzvinetsa nokuedza kuita chimwe chinhu zvakanakisisa here? Bhaibheri rinoratidza kuti kuzvinetesa kwakadaro, chaizvoizvo, kunogona kuratidza kuti ‘hakuna maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.’ (Muparidzi 4:4) Chokwadi ndechokuti, vashoma vanozobudirira kuita zvakanakisisa. Uye kunyange munhu akabudirira, kazhinji hazvitori nguva kuti pave nomumwe ari nani.
Muapostora Pauro akarayira kuti: “Ndinoudza munhu wose aripo pakati penyu kuti asazvifunge zvikuru kupfuura zvakafanira kufunga; asi afunge kuti ave nepfungwa dzakanaka.” (VaRoma 12:3) Ona zvinhu sezvazviri! Gadzirisa tarisiro dzako uchifunga zvose mano ako uye zvausingakwanisi. Tsvaka kuita zvakaisvonaka, asi kwete zvakakwana. Iva nezvaunovavarira kuita asi zvichibvira.
Somuenzaniso, Pauro akakurudzira Timoti kuva “mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.” (2 Timoti 2:15) Chokwadi, Pauro akakurudzira kuita zvakaisvonaka, asi kwete zvakakwana. Saizvozvowo, vavarira kuita zvinhu zvinonzwisisika. Uye kana usina chokwadi kuti “zvinonzwisisika” chii, kurukura nyaya yacho nevabereki vako kana mumwe munhu mukuru waunovimba.
Vamwe vanotokurudzira kuti uedze uchiziva zvako kuita zvimwe zvinhu zvausingagoni, zvakadai sokudzidzira mutambo mutsva kana kuridza chiridzwa chemimhanzi. Chokwadi, paunodzidza chimwe chinhu chitsva, uchakanganisa zvakawanda. Asi izvozvo hazvina hazvo kuipa zvachose. Zvichida zvichakubatsira kuona kuti kukanganisa ingori nzira yokudzidza nayo.
Chero zvipi nezvipi zvaunoedza kuita—kungava kunyora zvinhu zvokuchikoro kana kudzidzira mumhanzi nepiyano—funga nezverimwe zano rinobva kune muapostora Pauro rinoti: “Musave nousimbe pabasa renyu.” (VaRoma 12:11) Chokwadi, usarega kuita zvinhu zvacho zvachose, kana kunonozeka, pamusana pokungotya kukanganisa.
Mumwe wechiduku akava nomuitiro wokunonoka kuita mabasa ake echikoro achizvipembedza nokuti akanga “achironga.” Kunyange zvazvo kuva munhu akarongeka kuri chinhu chakanaka, chenjera kuti usazvipembedze nazvo wozoverengera. Musikana uyu akasvika pakuona kuti “watarisana nechisarudzo chokuendesa pepa rechikoro risingakugutsi zvakakwana nokusaendesa zvachose, chisarudzo chiri nani nguva dzose ndechokuendesa risingakugutsi racho.”
Bvisa Mafungiro Anoparadza!
Ichokwadi kuti zvingava zvisiri nyore kuita basa nenzira isina kukwana. Mafungiro okutsoropodza, asina kunaka angazadza pfungwa dzako. Unogona kuitei? Chokwadi ndechokuti kuramba uchingofunga zvisina kunaka hakuvaki, kuzviparadza. Saka edza nomwoyo wose kubudisa mupfungwa dzako mafungiro asina musoro nezvako. Seka paunokanganisa. Handiti pane “nguva yokuseka.” (Muparidzi 3:4) Yeukawo kuti Jehovha haafariri mutauro usina kunaka—kunyange patinoushandisa tichizvireva.—VaEfeso 4:31.
Pane kugara uchizvitsoropodza, shandisa mashoko aZvirevo 11:17 anoti: “Munhu une ngoni, unoitira mweya wake zvakanaka; asi usine tsitsi unotambudza nyama yake.” Saka chimbofunga mubvunzo uyu, Kunyanya kuda zvakakwirira kwakaita kuti zvive nyore kuti uwane shamwari here? Zvimwe kwete. Zvichida wakatoramba vamwe vanhu nokuti vaive vasina kukwana. Saka, ungaitei?
Shandisa murayiro weBhaibheri unoti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru kana pane munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe.” (VaKorose 3:13) Chokwadi, nokutarisira zvinonzwisisika kuvamwe, uchaita kuti zvive nyore zvikuru kuva neshamwari!
‘Nei,’ ungashamisika kudaro, ‘vanhu vachiita sevasingadi kutamba neni nokuti ndinoda zvakakwana?’ Chimbofunga mugumisiro wazvo pavamwe kana uchitarisira kuita zvakakwirira. Bhuku rinonzi When Perfect Isn’t Good Enough rinotsanangura kuti: “Kunyanya kunyunyuta pose paunowana giredhi riri pasi paA pabvunzo kungava kutuka shamwari idzo dzingave dzashanda zvakaoma kuwana B kana C.” Saka shandira pakusanyanya kufunga zvakaipa uye kusava noudyire. Vanhu vachawana uri munhu akanaka wokuva naye pedyo.
Wechiduku anonzi Carly anogumisa nyaya yacho paanoti: “Chaizvoizvo ndinofanira kurega kuda kuva akakwana.” Unogona kuzviita sei izvozvo? Fungisisa maonero anoita Mwari. Kana zvichikuomera kukunda mafungiro ako panyaya iyi, taura nevabereki vako kana mumwe muKristu akura ari muungano yako. Nyengetera kuna Mwari uye mukumbire kukubatsira kuchinja mafungiro ako. Munyengetero unogona kuva chishandiso chine simba kurwisa kuda kuva akakwana.—Pisarema 55:22; VaFiripi 4:6, 7.
Nguva dzose yeuka kuti Jehovha haatirayiri kuti tive vakakwana; anongotarisira kuti tive vakatendeka kwaari. (1 VaKorinde 4:2) Kana uri kuedza kuva akatendeka, chokwadi unogona kufara nezvauri—kunyange usina kukwana.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Nei Ndichinzwa Kuti Ndinofanira Kuva Akakwana?” iri mumagazini yedu yaAugust 8, 2003.
[Mufananidzo uri papeji 30]
Kutya kukanganisa kunogona kuita kuti usaite zvinhu
[Mufananidzo uri papeji 31]
Kuedza kudzidza zvinhu zvitsva kunogona kukubatsira kubata nokukanganisa