Zvisarudzo Zvinobatsira Utano Hwako
KUDYA zvakanaka nokuramba une utano hwakanaka zvinowanzonetsa. Nezvinodzvinyirira zvanhasi, zvinoita sezvakakodzera chaizvo kudya zvokudya zvakabikwa kare “zvinobikika nyore” pane kubika zvokudya nezvinenge zvichangobva mumunda uye zvinoita sezviri nyore kushandisa nguva yakasununguka kuona TV kana kushandisa kombiyuta panzvimbo pokuzvirovedza muviri. Zvisinei, zvisarudzo izvi zvingave zviri izvo zviri kukonzera zvinetso zvakakomba zvoutano panhamba iri kuwedzera yevakuru nevana.
MuAsia, inodaro magazini yeAsiaweek, “zvokudya zvine mafuta akawandisa uye miitiro yokusarovedza muviri zviri kukonzera chirwere cheshuga.” Zvinotyisa ndezvokuti, chirwere chacho chiri kutobata vechiduku munzanga. Uye muCanada “vatsvakurudzi vakawana kuti mumwe chete bedzi pavanomwe vanenge voda kuyaruka anodya michero yakakwana nemiriwo [uye] kuti vanongodarika hafu vanotamba kusvika pakudikitira,” inodaro The Globe and Mail. Mararamiro akadaro anoita kuti vaduku ava “vakurumidze kubatwa nechirwere chomwoyo pavanozosvika makore okuma30,” unodaro mushumo wacho.
Saizvozvowo, nyanzvi dzinoona zvokurara dzinotaura kuti vakuru vangada maawa anenge masere okurara usiku hwoga hwoga uye vechiduku vangada angatodarika. Kutaura zvazviri, mune kumwe kuongorora kwakaitwa neUniversity yeChicago, majaya ane utano akanga arara maawa mana pausiku hutanhatu hwakatevedzana akatanga kuratidza zviratidzo zvezvinetso zvoutano zvaiwanzowanika kune vechikuru. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vachipedza maawa akawanda anokosha vakasvinura pamusana pebasa, chikoro, kana pemafaro, mugumisiro wacho unogona kusabatsira. “Chimwewo chinhu kushanda,” anodaro James Maas mutsvakurudzi wezvokurara paNew York Cornell University anoti, “Kungoshandawo zvako wakasvinura kwakasiyana nokuva akachangamuka, kufunga uye kusava nedzungu rehope uchityaira mumugwagwa.”
Zvechokwadi, zvimwe zvinhu zvine zvazvinoitawo kuutano hwedu hwomuviri. Somuenzaniso, kuona zvinhu nenzira yakanaka kunogona kubatsira utano hwedu. Uye kuva nechinangwa chaicho muupenyu kunogona kuita kuti tiite zvisarudzo zvichatibatsira kuramba tiine utano.