Kamuti Kanochenesa Mazino
NOMUNYORI WEMUKAI! MUZAMBIA
AFRICA—nyika ine vanhu vane mazino akanaka asi inogadzirwa mabhurasho emazino mashoma anotengeswa! Zvingadaro sei? Kuvakawanda, chinoita kuti vave nemazino akanaka kabazi komumwe muti—kamuti kanotsengwa!
Tumiti tunotsengwa twaimboshandiswa nevaBhabhironi uye twakazoshandiswa nevaIjipiti, vaGiriki, uye vaRoma. Tumiti tuduku utwu two“kukweshesa mazino” twaishandiswa chaizvo nevanhu vakatanga kugara muArabia vechiIslam vasati vavamo. Kamuti kanotsengwa hakana kuzonyanya kushandiswa nevanhu vokuEurope anenge makore 300 adarika, asi kachiri kushandiswa chaizvo mune dzimwe nyika dzeAfrica, Asia, uye kuMiddle East.
Kamuti kanotsengwa kanonyanya kushandiswa muMiddle East kanonzi gwenzi romunyu, kanozivikanwawo nokuti muti wokukweshesa mazino. Kumadokero eAfrica, miti yemaremani nemaranjisi ndiyo inoshandiswa, asi mineem ndiyo inonyanya kutsengwa kune rimwe divi reIndia. KuMabvazuva eAfrica mhando dzemiti inoda kusvika 300 nezvikwenzi zvinoshandiswa kuva tumiti twokutsenga kukwesha mazino. Kamuti kacho kanochenesa sei mazino?
Kamuti kacho pakanotsengwa, kanowota kumberi kwako zvokuita “bhurasho.” Kakaramba kachitsengwa kanobvisa zvinhu zvinenge zvakapfekera mumazino uye kanoita kuti ropa riwedzere kufamba mumatadza. Kutsenga kunowedzerawo kugadzirwa kwemate, ayo agara ariwo anogeza mukanwa nokubvisa utachiona achiita kuti husawande.a
Asi kamuti kanotsengwa hakangoshandi sebhurasho chete. Tumapazi nemidzi yemhando yeimwe miti zvine makemikari anoderedza kugadzirwa kwemvura dzinokonzera kuora kwemazino. Zvinobva mune tumwe tumiti zvakaonekwa kuti zvine zvinhu zvinorwisa utachiona. Tumapazi twomuti wokukweshesa mazino, wambotaurwa, tunogona kutobatsira kuti pasave nemaronda omudumbu. MuNamibia, tumiti tunobva pamuti unonzi muthala (mushumha dombo muchiShona) tunodzivisa kukura kwoutachiona hunokonzera kuora kwemazino, zvirwere zvenyama dzemazino, uye zvepahuro. Zvinowanzogezeswa mazino izvi zvinogona kuita kuti mumazino musave nenzvimbo dzakaora uyewo zvinosimbisa tsinga nematadza. Mamwe makambani iye zvino ava kugadzira mishonga yemazino ine zvinhu zvinobva mumiti yakadaro.
Zvechokwadi, vamwe vanosarudza kushandisa bhurasho remazino ratakajaira. Zvisinei nokuti ndozvawasarudza kuita kana kushandisa kamuti, sezvaiitwa nevekare, chinhu chimwe chete chinokosha: Kuchenesa mazino chinhu chinokosha pakutarisira utano.
[Mashoko Omuzasi]
a Chokwadi, zvinodyiwa zvinokoshawo. Vagari vokumaruwa muAfrica vanowanzodya zvinhu zvinogadzirwa nembeu dzakazara, nemiriwo kudarika vamwe vavo vomumaguta. Havawanzodyi zvokudya zvine shuga, zvakanatsiridzwa, uye zvinwiwa—izvo zvinozivikanwa kuti zvinooresa mazino.
[Mufananidzo uri papeji 21]
Muti unonzi “neem” ndomumwe unoshandiswa pamiti inotsengwa
[Kwazvakatorwa]
William M. Ciesla, Forest Health Management International, www.forestryimages.org