Zvinotaura Bhaibheri
Mararamiro Asiri Omuzvarirwo—Mwari Anoabvumira Here?
“NDICHAZIVA rini kuti ndinofarira zvokurara nevanhu zvorudzi rupi?” Akanyora kudaro mumwe musikana ane makore 13 kuchikamu chomupepanhau chinopa mazano kune vachiri kuyaruka. Mubvunzo wake unoratidza mafungiro evakawanda okuti vanhu vakasununguka kuzvisarudzira zvavanoda pane zvokurara nevanhu.
Vamwe vanhu vangatambura zvechokwadi nokunzwa kuvhiringidzika nezvemanzwiro avo okuda kurara nomumwe munhu. Vamwe vanogamuchira nemaoko maviri mararamiro asiri omuzvarirwo akadai soungochani. Uyezve vamwe vanotoshinga kuita uye kupfeka sevarume kana vakadzi. Vamwe vanovhiyiwa kuti vachinje kuva varume kana kuva vakadzi. Pane vamwe vanotokaka nharo kuti vanhu vakura vanofanira kubvumirwa kurara nevana.
Kurara nomunhu uye kuva munhukadzi kana munhurume zvinhu zvokuzvisarudzira here? Shoko raMwari rinoti kudii panyaya idzi?
“Akavasika Murume Nomukadzi”
Maererano nebhuku reBhaibheri raGenesi, Mwari pachake akasika musiyano uri pakati pevarume nevakadzi. Nhoroondo yacho inoti: “Mwari akasika munhu nomufananidzo wake . . . Akavasika murume nomukadzi. Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: ‘Berekai muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi.’”—Genesi 1:27, 28.
Mwari akasika vanhu vane rusununguko rwokusarudza uye akavapa mikana yokushandisa rusununguko rwavo. (Pisarema 115:16) Vapiwa basa rokutarisira zvimwe zvinhu zvipenyu zvose panyika, vanhu vakabvumirwa kuzvipa mazita akakodzera. (Genesi 2:19) Asi kana yave nyaya yokurara pamwe kwevanhu, Mwari akapa mitemo yakananga.—Genesi 2:24.
Nokusateerera kwaAdhamu, tose takagara nhaka kusakwana. Saka tinofanira kurwisana nezvatinokundikana sevanhu, zvido zvedu zvakasimba asi zvisingawirirani nechinangwa chaMwari chepakuvamba. Saka mumitemo yakazopiwa nokuna Mosesi, Mwari akaratidza tsika dzokurara pamwe kwevanhu dzaimusembura—zvakadai soupombwe, makunakuna, ungochani, uye kurara nemhuka. (Revhitiko 18:6-23) Mwari akarambidzawo zvakananga kuzviratidza somunhurume kana kuti somunhukadzi nechinangwa chokuita unzenza. (Dheuteronomio 22:5) Bhaibheri rinoramba richidzidzisa kuti kurara pamwe kwevanhu kunobvumirwa naJehovha ndokwemunhurume nomunhukadzi vakaroorana bedzi. (Genesi 20:1-5, 14; 39:7-9; Zvirevo 5:15-19; VaHebheru 13:4) Mitemo yakadaro inoratidza kunzwisisa here?
Ndiani Anosarudza?
Bhaibheri rinofananidza nzvimbo yomunhu pamberi poMusiki wake nevhu riri mumaoko omuumbi. Rinoti: “Haiwa iwe munhu, saka, iwe ndiwe ani chaizvo kuti upindure Mwari? Chinhu chakaumbwa chingati here kune akachiumba, ‘Wakandiitirei ndakadai?’” (VaRoma 9:20) Zvinhu zviri pachena kubva munzira iyo Mwari akasika nayo varume nevakadzi kuti ndezvomuzvarirwo kuti vakwezvane. Naizvozvo kunzwa uchikwezvwa kuti urare nomunhurume iwe uri murume, nomunhukadzi iwe uri mukadzi, nemhuka, kana kuti nomwana hakusi kwomuzvarirwo.—VaRoma 1:26, 27, 32.
Nokuda kwechikonzero ichi, vanhu vanotevedzera manzwiro akadaro ezvepabonde asiri omuzvarirwo vanenge vachipikisana naMwari. Bhaibheri rine nyevero iyi: “Une nhamo unorwa noMuiti wake, icho chaenga pakati pezvaenga zvevhu! Ko ivhu ringati kune unoriumba; unoiteiko?” (Isaya 45:9) Chokwadi, zvine musoro kuti Muiti wevanhu ape nhungamiro yezvenhau dzokurara pamwe kwavo. Hazviratidziwo kunzwisisa here kuti vanhu vatevere nhungamiro yakadaro?
Kudzora Muviri
Munyori weBhaibheri Pauro akapa nhungamiro yezvetsika dzepabonde kuvaKristu. Akati: “Mumwe nomumwe wenyu azive kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa, kwete mukuchochora kwokushumba sezvinoitawo mamwe marudzi iwayo asingazivi Mwari.” (1 VaTesaronika 4:4, 5) Kudzora muviri wako kunoreva kuita kuti mafungiro nezvido zvomunhu zviwirirane nemitemo yetsika dzakanaka dzaMwari.
Chokwadi, izvi zvingasava nyore. Munhu akashinhwa naye achiri muduku, munhu akarerwa nevabereki kana kuti vamwewo vakamuchengeta vairatidza pfungwa dzisiri idzo nezvesimba romurume kana romukadzi, kana kuti akatanga kuona zvinonyadzisira achiri muduku zvinonzwisisika kuti anogona kuva nezvinetso. Zvimwe zvine chokuita nokutodza vabereki, zvemakemikari omuviri, uye zvemafungiro zvinogonawo kushanda pakukanganisa manzwiro omunhu nezvepabonde. Zvisinei, zvinonyaradza kuziva kuti Musiki wedu anogona kupa rubatsiro uye rutsigiro kune vanoruda.—Pisarema 33:20; VaHebheru 4:16.
Bvumira Muumbi Mukuru Kuti Akuumbe
Ivhu rehari rinofanira kutanga kuiswa pakati pevhiri romuumbi asati atanga kuriumba nokurikwenenzvera. Panotanga kutenderera vhiri, muumbi anodzvanya zvinyoro-nyoro nezvigunwe zvake kuti aumbe ivhu racho kuita chinhu chaanoda. Tisati tatanga kuumbwa kuva munhu anodiwa mumeso aMwari, tinofanira kurarama mumitemo yaMwari isingachinji. Patinongotanga kuedza kudaro, Mwari anotiumba zvinyoro-nyoro neBhaibheri, mudzimu mutsvene, uye ukama hwechiKristu. Ipapo munhu anobva atanga kunzwa kuchengetwa naMwari muupenyu hwake.
Chokwadi, tinofanira kuva nechivimbo nouchenjeri hwoMusiki, tichivimba kuti anoziva zvakatinakira. Chivimbo ichi chinoumbwa nomunyengetero uye kudzidza Bhaibheri kwomwoyo wose. Munhu anofunga nezvenyaya yepabonde yakaipa aine mafungiro aya anoumbika mumaoko oMusiki. Petro Wokutanga 1 Petro 5:6, 7 inoti: “Zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba, kuti akukudzei munguva yakafanira; muchikandira kufunganya kwenyu kwose paari, nokuti ane hanya nemi.”
Kuverenga Bhaibheri nguva dzose kunoita kuti tizive vashumiri vaJehovha vakatendeka vakawanda vakarwisana nezvido zvenyama asi vasina kukanda mapfumo pasi. Mienzaniso iyi inozokurudzira! Tinogona kunzwa kuora mwoyo kwaimbova nomuapostora Pauro paakataura kuti: “Ndiri munhu wenhamo! Ndiani achandinunura mumuviri uri kuwana urwu rufu?” Asi, akatiudzawo kunobva rubatsiro rukuru paakapindura mubvunzo wake pachake achiti: “Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!”—VaRoma 7:24, 25.
Simba Rinobatsira Kuchinja
Tinogonawo kubatsirwa nomudzimu mutsvene waMwari. Iri isimba guru rinochinja. Mudzimu mutsvene unotibatsira “kubvisa unhu hwekare” kwave “kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” (VaEfeso 4:22-24) Baba vedu vokudenga vane rudo havamboregi kupindura apo munhu anokumbira mudzimu mutsvene zvepachokwadi kuti umubatsire kuchinja. Jesu anotivimbisa kuti Baba “vachapa mudzimu mutsvene zvikuru sei vanovakumbira.” (Ruka 11:13) Zvisinei, kuramba tichinyengetera kunokosha, sezvinoratidzwa nemashoko ake okuti: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa.” (Mateu 7:7) Izvi ndezvechokwadi kana munhu achiedza kudzora chido chakasimba chokurara nomumwe munhu.
Mwari anotibatsirawo achishandisa ukama hwedu hwechiKristu hwechokwadi, hunoumbwa nevanhu vanobva mumamiriro ezvinhu ose. Vamwe vaKristu vomuungano yomuzana rokutanga remakore muKorinde pakutanga vakanga vari muchikwata che“varume vanochengeterwa zvinhu zvisiri zvomuzvarirwo” uye “varume vanorara nevarume.” Asi, vakachinja. Ropa raKristu rakavachenesa, uye vakava vanogamuchirika kuna Mwari. (1 VaKorinde 6:9-11) Vamwe nhasi vanofanira kuchinja zvakadaro. Uye vakadaro vanogona kutsigirwa neungano yechiKristu kuti varwise zvido zvakaipa.
Izvi zvinoreva here kuti kuva muKristu kunobva kwapedza zvido zvose zvomunhu zvakaipa kana kuvhiringidzika kwake kuti ova murume here kana kuti mukadzi? Kwete hazvo. Kuramba vachishandisa nheyo dzemitemo yeBhaibheri kwakagonesa vamwe kurarama upenyu hwakanaka. Kunyange zvakadaro, vaKristu ava kakawanda vanotofanira kurwisana zuva nezuva nezvido zvakaipa. Saka vakadaro vanoshumira Mwari pasinei nokuva no“munzwa munyama” wokufananidzira. (2 VaKorinde 12:7) Chero vachiramba vachirwisana nezvido zvakaipa uye vachiramba vane mufambiro wakarurama, Mwari anovaona sevashumiri vakatendeka uye sevakachena mumeso ake. Vanogona kutarira mberi kunguva apo vanhu vose ‘vachasunungurwa muuranda hwokuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.’—VaRoma 8:21.
Panguva ino, vose vaya vanoda kufadza Mwari vanofanira kuomerera kumitemo yake yakarurama. VaKristu vechokwadi vanosarudza kushumira Mwari—kwete kutevera zvido zvavo zvoudyire. Vaya vanoita zvinodiwa naMwari nokuzvininipisa muupenyu hwavo hwose vachapiwa mubayiro womufaro usingaperi.—Pisarema 128:1; Johani 17:3.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]
Panyaya dzezvepabonde, Mwari akapa nhungamiro dzine chokuita nazvo
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 31]
Vamwe vaKristu vomuungano yomuzana rokutanga remakore muKorinde pakutanga vakanga vari muchikwata che“varume vanochengeterwa zvinhu zvisiri zvomuzvarirwo” uye “varume vanorara nevarume.” Asi, vakachinja
[Mufananidzo uri papeji 32]
Kudzidza Bhaibheri kunobatsira munhu kuti ave netsika dzakakwirira kwazvo