Mawaniro Andakaita Upenyu Hune Chinangwa
YAKATAURWA NAERNEST PANDACHUK
Ndakaberekerwa mumapani aiva asina miti eSaskatchewan, kuCanada. Pandakanga ndava nemakore 23, ndakaenda kuAfrica, kwandakararama upenyu hunonakidza ndiri mumishinari kwemakore 35. Upenyu hwangu hwakafamba sei nenzira iyi? Hazvina kuerekana zvaitika. Regai nditsanangure.
IMBA yedu yokutanga yaiva yakavakwa nemapango, ivhu, nouswa—zvokungodzivirira mhuri yedu pachando chomumapani chakanga chakanyanyisa. Muna 1928, vakawanda vedu pavana vapfumbamwe tisati tatomboberekwa, Baba naAmai vakagamuchira mabhuku eBhaibheri kumushanyi akanga avashanyira pamusha pedu. Muchando chakatevera chaigara nguva refu, vakadzidza Bhaibheri vachibatsirwa nemabhuku aya. Pakazosvika chirimo chaitevera, vakanga vagutsikana kuti vawana chokwadi. Vakataura nezvazvo kumhuri yedu, kushamwari, uye kuvavakidzani asi zvikurukuru kuvana vavo.
Ndakaberekwa muna 1931, uye vanun’una vangu vashanu vakaberekwa nguva pfupi pashure pacho. Kuverenga nokudzidza Bhaibheri yaiva tsika yemhuri yedu. Ndinoti ndikayeuka mangwanani ataiva pamwe chete ndinonzwa kufara. Baba vaitungamirira mukukurukura rugwaro rweBhaibheri nesu, kunyange pataiva nevashanyi. Amai naBaba, nevamwewo vana vakuru, vaichinjana kuverenga zvinonzwika mabhuku eBhaibheri.
Kunze kwokutidzidzisa kuverenga uye kunyora, Baba vakatidzidzisawo kunzvera tichishandisa makonikodhenzi eBhaibheri. Nenguva isipi takadzidza kushandisa Bhaibheri kutsanangurira vamwe zvatinodavira. Kurukurirano idzi dzainakidza dzakandibatsira kunzwisisa nyaya dzomuBhaibheri. Nokufamba kwenguva, ndaigona kushandisa Bhaibheri kuramba dzidziso dzenhema dzechitendero. Ndaigona kuratidza kuti mweya unofa, kuti hakuna moto wehero, uye kuti Mwari naJesu havana kuenzana kana kuti havasi zvinonzi Utatu.—Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4; Johani 14:28.
Baba naAmai vakatidzidzisawo nomuenzaniso uye vaitikurudzira kuramba takaomerera kune zvakarurama, kunyange zvaireva kuvengwa. Somuenzaniso, havana kubvira vasvuta fodya, uye vakayambira nezvokusvibisa kwainoita uye kumanikidzwa kwataizosangana nako kuchikoro kuti tiishandise. Ndinoyeuka mashoko aBaba okuti: “Unganzi hausi murume kana ukaramba kusvuta. Asi ingobvunza munhu wacho kuti, ‘Murume ndiani? Anodzorwa nesora kana kuti uya anodzora sora?’”
Mumwe muedzo waizoratidza kuti ndaizoomerera kuzvandainge ndadzidziswa neBhaibheri muuduku hwangu kana kuti kwete wakasvika pandaiva nemakore 11. Panguva iyoyo Hondo Yenyika II yakanga yatanga, uye kuchikoro vana vaitarisirwa kusaruta mureza. Ndakacherechedza kubva mukudzidza kwangu Bhaibheri kuti kusaruta kwakadaro kwaiva kunamata, saka ndakaramba kuzviita. Izvi zvakaita kuti ndidzingwe chikoro kwemwedzi mitanhatu.
Kunyange zvakadaro, nokufamba kwenguva ndakapedza chikoro, uye muna March 1947, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha Mwari nokubhabhatidzwa mumvura. Mwedzi mitanhatu pava paya ndakava piyona, muzivisi wenguva yakazara wemashoko akanaka. Ndakatanga kushandira kumaodzanyemba kweSaskatchewan, ndichipupura kuvarimi nevachengeti vezvipfuwo mundima yakakura iyi. Muchirimo ndaifamba nebhiza, uye muchando, ndaishandisa ngoro yaive yakavharwa yaidhonzwa nebhiza, yataidana kuti caboose. Yaidziyiswa nemarasha, saka ndaifanira kungwarira kuti ngoro yacho isapidiguke.
Vanhu vokumaruwa vaiva noushamwari uye vaigamuchira vaeni. Pandaisvika kwava kuda kudoka, vaiwanzoti ndirare usiku. Zvechokwadi kurukurirano dzaizovapo ndaidzikoshesa kwazvo! Mhuri yekwaPetersons ndeimwe yakagamuchira chokwadi pashure pokukurukurirana usiku hwose. Earl naamai vake vakava Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira.
Kushumira muQuebec
Muna 1949, ndakabvuma kukumbirwa kwakaitwa mapiyona kuti abatsire nebasa rokuparidza mupurovhinzi yeQuebec. Mapiyona anenge 200 aibva kumadokero kweCanada akabvuma. Akasvika muguta reMontreal muna September, atogadzirira kubvuma kwaainge anzi ashandire muQuebec yose. Iyi yaiva nguva iyo Mutungamiriri weKaturike Maurice Duplessis, uyo akanga apika kubvisa Zvapupu mupurovhinzi yacho aitonga.
Nguva iyoyo yaiva nezvakawanda zvokuita uye yaifadza yakanga yakazara nezvinetso. Izvi zvaisanganisira kudzidzira mutauro wechiFrench nokutarisana nokusungwa uye kurwiswa nemhomho nokuvhiringidzirwa magungano edu echiKristu nevanyanyisi. Kuomesa musoro kwakadaro hakuna kundityisidzira kana kunditsausa mubasa rangu somushumiri waMwari. Vabereki vangu vakanga vaita kuti ndide zvakarurama uye vanditendisa kuti basa rokuparidza renyika yose rakataurwa naJesu raizoitwa, pasinei nokushorwa.—Mateu 24:9, 14.
Nguva yandaiva muQuebec, ndakasangana naEmily Hawrysh piyona akatendeka aibva kuSaskatchewan. Kubvira patakachata musi waJanuary 27, 1951, Emily ave ari shamwari yandinoshanda nayo yakavimbika uye inokurudzira. Nokuti vavariro yedu yaiva yokuita zvizere ushumiri, takanyorera uye takagamuchirwa sevadzidzi kuChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi, chinopa kosi inogadzirira vashumiri basa roumishinari kwemwedzi yakati wandei. Takapedza kudzidza mukirasi yechi20 yeGiriyedhi muna February 1953.
Patainge takamirira magwaro okutitendera kupinda muAfrica, takakumbirwa kubatsira ungano dzeZvapupu zvaJehovha muAlberta uye Ontario, kuCanada. Mazuva iwayo taifambira ungano neungano nezvifambiso zvavose. Saka takadzidza kurerutsa upenyu hwedu uye kutakura zvinhu zvedu zvose musutukesi. Mwedzi mishomanana pava paya, magwaro edu okufamba neokupinda munyika akanga agadziriswa, takabva taenda kuSouthern Rhodesia, iye zvino yava kunzi Zimbabwe.
Kuchinja Upenyu Maererano nehwomuAfrica
Mumwedzi mishanu yokusvika kwedu, takakumbirwazve kushanyira mapoka eZvapupu zvaJehovha muZimbabwe nomuBotswana uye kumaodzanyemba kweNorthern Rhodesia (yava Zambia). KuChikoro cheGiriyedhi takanga takurudzirwa kuti tisaenzanise nyika dzokumwe nenyika dzatakaberekerwa uye kuyeuka kuti chero angave mamiriro api ezvinhu ataizozviwana tiri, taigona kudzidza chimwe chinhu kubva muzvaiitika kwatiri. Mashoko iwayo ouchenjeri akatibatsira kugadzirisa mafungiro edu. Nanhasi, ini naEmily tinobvumirana nechirevo chokuti, “Shandisa zvakanaka mukana woga woga unomuka; ungasazoitikazve.”
Taifamba nzvimbo nenzvimbo nechitima, bhazi, motokari, kana kuti nebhasikoro—chero zvaivapo. Kunyange zvazvo izvi zvainetesa, pane mamwe mamiriro ezvinhu akaedza chisarudzo chedu choku“shandisa zvakanaka mukana woga woga unomuka.” Kwemakore maviri okutanga, Emily akarambidzwa kufamba neni mundima dzokumaruwa pamusana pemitemo yairambidza. Saka, mudzimai wangu wandakanga ndaroora mumakore mashomanana aifanira kusara mumaguta aiva pedyo nekwaiperera chitima, kakawanda kwaiva kusina zvimwe Zvapupu. Kutenda kwaEmily, kushinga, uye kutsunga kwake hazvina kungoita kuti ndimuyemure nokumuda chete asiwo kwakaunza zvibereko zvoUmambo munzvimbo idzi.
Nenguva isipi awana pokugara pamba pomumwe mugari womunharaunda, Emily aiparidza munzvimbo yacho kusvikira ndadzoka kubva kunzvimbo yokumaruwa. Dzimwe nguva, aishanda oga kwemwedzi. Aiwana simba nedziviriro nokuvimba noruoko rune simba rwaJehovha, uye ushumiri hwake hwakabereka zvibereko. Pane imwe nguva Rita Hancock akagamuchira chokwadi cheBhaibheri uye gare gare murume wake akagamuchirawo. Akava hama yakatendeka uye akashumira somukuru wechiKristu kusvikira parufu rwake. Nhasi mune ungano dziri kubudirira mune mamwe maguta akadyarwa mbeu dzechokwadi cheBhaibheri naEmily.
Kupa Kwevanhu vomuAfrica Nounyanzvi Hwavo
Panguva ino, mundima dzokumaruwa, kuonga kukuru kweZvapupu zvomuAfrica sangano raJehovha uye vamiriri varo vanofambira kwakandikurudzira. Ndainyatsotarisirwa nehama idzi dzechiKristu dzine rudo. Muvhuro woga woga ndaifamba kubva panzvimbo imwe yokuungana kuenda kune imwe. Ndaigara imba itsva dzaivakwa nouswa, zvaiita kuti ndiyeuke musha wemhuri yedu muSaskatchewan. Mubhedha wangu waiva chisote chouswa hwemasendimita 30 hwakawarirwa pasi, uye jira rakawarirwa pamusoro pahwo.
Magungano omunzvimbo dzokumaruwa aiwanzoitirwa musango. Vaya vaipinda vaitema tumiti tuduku, vachisiya mikuru kuti ipe mimvuri. Zvisote zvouswa hwakanaka uye hwakanyatsorongwa mumitsetse ndizvo zvaiva zvigaro. Pakupedzisira, mupanda wouswa waivakwa kuvhara nhandare yacho. Mumasango akadai, ndaibayiwa mwoyo nguva dzose nemanzwi ehama nehanzvadzi dzangu dzomuAfrica dzaiimbira Jehovha rumbidzo nokupindirana kusingakanganwiki.
Chiitiko Chisingakanganwiki
Muushumiri hwangu, ndakasangana naGideon Zenda, mukuru mukuru aitarisira zvikoro zvemisheni zvaiwanirwa mari neChechi yeAnglican. Gideon akanga awana dzidzo yake, kusanganisira dzidzo yeyunivhesiti nechechi yacho. Zvisinei, akanga asina kuwana mhinduro dzinogutsa kumibvunzo yake yakawanda yeBhaibheri. Saka akakumbira kuti ndisangane naye nevamwe vake vakawanda kuti ndipindure mibvunzo iyi. Vanhu vanenge 50 vaivapo papurogiramu iyi, kusanganisira vaongorori vezvikoro, vatungamiriri vezvikoro, uye vadzidzisi. Gideon ndiye akava sachigaro wepurogiramu yacho. Tichitevera nzira yakarongeka, takatevedza nyaya imwe neimwe. Ndaitaura kwemaminitsi 15 panyaya yoga yoga ndozokumbira kubvunzwa mibvunzo. Purogiramu yacho yakapedza maawa akawanda.
Mugumisiro womusangano uyu waisava wenguva dzose ndewokuti Gideon, mhuri yake, uye vakawanda vevamwe vake vose vakava vashumiri vakazvitsaurira, vakabhabhatidzwa vaJehovha. Bhishopu wacho womunharaunda iyi akavadzinga basa muzvikoro zveAnglican. Zvisinei, vose zvavo vakanga vasingatyi uye vakaramba vasingatsuduguki mubasa raJehovha, vamwe vachitora ushumiri hwoupiyona.
Kufarira Firimu Rinoorora
Muna 1954, Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa mifananidzo inofamba muThe New World Society in Action. Gore rakatevera racho mitemo yakanga yambodzikwa yairambidza mudzimai kufamba nomurume wake munzvimbo dzokumaruwa yakabviswa. Izvi zvakaita kuti Emily afambe neni munzvimbo dzokumaruwa. Panguva iyoyo takapiwa motokari, gwenya remagetsi, uye purojekita kuti tiratidze bhaisikopo munzvimbo dzose dzokumaruwa. Vakawanda vakanga vasati vamboona bhaisikopo, saka zvatairatidza zvakakwezva vakawanda. Firimu racho rairatidza magadzirirwo eBhaibheri nemabhuku eBhaibheri danho nedanho pamuzinda wedu mukuru wokudhinda muBrooklyn, New York.
Bhaisikopo racho raisanganisirawo mifananidzo yehama dzemarudzi ose dziri Zvapupu zvaJehovha dzichinamata pamwe chete muYankee Stadium, New York, muna 1953. Vanhu vomuAfrica ava vakanga vasati vamboona kuratidzwa kwokubatana uye rudo zvemarudzi akawanda zvakadaro. Bhaisikopo iri rakaita kuti mhuri dzakawanda dzomuZimbabwe dzidzidze Bhaibheri uye dzisonganire neZvapupu. Zvikumbiro zvokuda kuona bhaisikopo iri chokwadi zvakadirana kubva kuvatungamiriri venyika yose vaiziva kukosha kwedzidzo inobva mukuona zvakadaro nokuda kwevadzidzi vavo.
Nguva dzafamba mamwe manheru ndakamutswa neZvapupu zvichikumbira kuti ndiratidze bhaisikopo racho. Ndakatozoshamisika kuti vanhu vanenge 500 vakanga vafamba maawa akawanda kuti vazoriona. Vakanga vanzwa kuti ndiri munzvimbo yacho uye kuti ndaive ndichiriratidza. Nguva yakapararira boka racho, rimwe boka revanhu 300 rakanga rasvika. Saka ndakaratidza bhaisikopo racho zvakare. Boka rokupedzisira rakatozoenda na3 kiroko mangwanani! Munguva inodarika makore 17, muZambia moga, vanhu vanodarika miriyoni vakaona bhaisikopo iroro rine simba!
Nzvimbo Itsva Dzokushanda muAfrica
Pashure pokushanda makore anodarika mashanu nehafu muZimbabwe, takatamisirwa kuSouth Africa. Izvi zvaireva kuti taifanira kudzidza mutauro weAfrikaans. Gare gare takadzidzawo kutaura Sesotho uye Zulu. Kukwanisa kudzidzisa Shoko raMwari mumimwezve mitauro kwakaita kuti tibudirire kwazvo muushumiri ndokunzwa tiine pfungwa dzokupedza chimwe chinhu.
Kutanga kwa1960 takaendeswa mubasa rokufambira kumaodzanyemba eAfrica. Kwemakore 27 akatevera, takafamba chaizvo muLesotho yose, Namibia, South Africa, neSwaziland nezvitsuwawo zveAscension neSt. Helena muSouth Atlantic Ocean. Tikasanganisa ose, takafamba makiromita anosvika mazana ezviuru tichishumira hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu. Mabasa avo okutenda nokuvimbika mumamiriro ezvinhu asina kunaka zvakatikurudzira kusarega.
Somuenzaniso, ndakasvika pakunyatsozivana neZvapupu muSwaziland zvisina kuramba kutenda pakafa Mambo Sobhuza II. Sezvo zvakaramba kubatanidzwa mutsika dzisiri dzemagwaro dzakaitwa parufu rwomunhu anoremekedzwa kudaro, zvakadzingwa mabasa uye zvakanyimwa kodzero dzokuva zvizvarwa zvemo. Pasinei nemakore akawanda okunyimwa uye akaoma, hazvina kuramba kutenda. Kuzivawo hama nehanzvadzi dzakaisvonaka dzechiKristu uye kutaura nadzo chiso nechiso iropafadzo huru ichaita kuti nditende Jehovha nguva dzose.
Uyezve paiva naPhilemon Mafereka, piyona aibva kuMokhotlong, Lesotho, iri mumakomo akakwirira nemamita anodarika 3 000. Sezvo paiva pasina chokufambisa, iye nomudzimai wake anodiwa, nevana vavo vaviri, uye vanhu vana vaida kubhabhatidzwa vakafamba makiromita 100 kuenda kugungano raiitwa panzvimbo yakakwirira mamita 1 000. Munzira yacho yose, vaifanira kufamba nomumikwidza yakaita mawere. Vakafamba mikwidza nemipata uye vakayambuka hova nenzizi dzakawanda.
Pavakanga vava kudzokera kumusha pashure pegungano, vakanga vakatakura makopi ebhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. Iwaya aiva atakurirwa vanhu vaiva kumusha kuMokhotlong. Asi pamusana pokusangana munzira nevaifarira mabhuku eBhaibheri, mabhuku avaiva nawo akapera vasati vasvika kumusha. Kuzvionera kushingaira uye kuzvipira kwehama nehanzvadzi dzechiKristu dzakadai saPhilemon nomudzimai wake kwave kuri ropafadzo kwandiri naEmily, yatinokoshesa nanhasi.
Dzimwe nguva, taisangana nenjodzi kubva kunyoka dzine uturu, dzakadai semhungu, nenzizi dzakazara nedzimwe njodzi. Zviitiko izvi kunyange zvazvo zvaityisa panguva iyoyo, zvakava zvisingakoshi kana tozvienzanisa nemibayiro nomufaro mubasa raJehovha. Takadzidza kuti haasiyi vakavimbika vake.
Emily, paakava nezvinetso zvoutano zvakakomba, Jehovha akatipa uchenjeri hwokubata nemamiriro acho ezvinhu nenzira yakanaka. Kuchinja zvataidya uye kuvandudza utsanana zvakabatsira kuti apore. Takagadzira karavhani inodhonzwa nemotokari kuti Emily ave nemamiriro ezvinhu akanaka sezvataifamba, uye nokufamba kwenguva, akavazve noutano hwakanaka.
Kudzokera kuCanada
Muna 1988, pashure pemakore 35 ebasa roumishinari munyika inonakidza yeAfrica, takadzorerwazve kuCanada. Zvadaro muna 1991, ndakatangazve kushanda somutariri anofambira. Makore masere gare gare ndakava nesitiroko. Kunyange zvazvo ndave kuita zvishoma kubvira ipapa, ndichiri kuwana mufaro wokushumira somukuru mune imwe yeungano dziri muLondon, Ontario.
Nhasi ndinotarira shure ndichigutsikana nenguva yandakatanga ndiri piyona ndakakwira bhiza kumaodzanyemba kweSaskatchewan makore anenge 56 adarika. Ndinoonga kwazvo kuti Baba vakaramba vachitidzidzisa kuti tifunge sevanhu vomudzimu, tisambotya kumiririra chokwadi nokururama! Vakandidzidzisa Shoko raMwari, rakandipa upenyu hune chinangwa. Ndaramba ndine nhaka iyoyo mazuva angu ose. Handisi kuzochinjanisa upenyu hwangu mubasa raJehovha nechinhu chipi nechipi chandingapiwa nenyika ino yekare.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Mhuri yedu yevana vapfumbamwe muna 1949, naAmai vakabata muduku wacho. Ndakamira kumashure kwavo
[Mufananidzo uri papeji 28]
Ndakagadzira “caboose” iyi yokushandisa muushumiri hwangu
[Mufananidzo uri papeji 28]
Vakadzi vomuQuebec vakasungwa pamusana pokuparidza
[Mufananidzo uri papeji 30, 31]
Ndakabatanidzwawo mukudzidzisa vatariri ava vanofambira muZimbabwe
[Mufananidzo uri papeji 31]
Takagadzira karavhani iyi kuti Emily apore
[Mufananidzo uri papeji 31]
Mufananidzo wazvino naEmily