“Anonditungamirira Mumakwara Okururama”
Yakataurwa naOlga Campbell
Munun’una wangu anonzi Emily akati: “Muenzaniso wakanaka wakafanana nebhero rinorira kuti vamwe vatevere. Makaridza bhera uye ndakatevera.” Akanga andinyorera tsamba yokundikorokotedza pamakore 60 andakanga ndapedza ndiri muushumiri hwenguva yakazara. Regai ndimbokuudzai zvakanga zvakaita upenyu hwangu ndichiri muduku uye zvakaita kuti ndizotanga basa randakazoita kwoupenyu hwangu hwose.
NDAKABEREKWA January 19, 1927, mumhuri yokuUkraine yaigara kumapurazi pedyo neguta reWakaw muSaskatchewan kwakadziva kumadokero kweCanada. Ini naBill taiva mapatya uye taiva vechitanhatu pavana vasere. Isu vaduku taibatsira baba vedu vaibishaira mumunda. Amai vakatirerera muimba yataiva nayo duku pasinei nemarwadzo okuremadzwa nechirwere chearthritis chakazovauraya. Vaingova nemakore 37 pavakashaya; ini ndaingova nemakore 4.
Baba vakaroora mumwe mudzimai, Amai vava nemwedzi mitanhatu vashaya. Zvinhu zvakatanga kunetsa mumba medu, sezvo takanga tava kugara nevanun’una vashanu, vana vaamainini ava! Ndaiedza kuremekedza amainini vedu, asi hanzvadzi yangu John yakanga iri panguva yakaoma.
Ma1930 ava kunopera, ini naBill takaenda kuchikoro, kwataimbozorodzwa chitsvuku chataioneswa kumba. Hondo Yenyika II payakanga yava kuda kutanga, vakawanda vakanga vava kutsigira zvematongerwo enyika. Mudzidzisi wedu mutsva akatanga nyaya yokusaruta mureza, uye mumwe musikana akaramba. Vamwe vana vechikoro vakamutuka zvisingaiti. Zvisinei, ndakayemura chivindi chake uye ndokumubvunza kuti nei asina kusaruta mureza. Akatsanangura kuti akanga ari Mudzidzi weBhaibheri, sokushevedzwa kwaimboitwa Zvapupu zvaJehovha, uye akati aingoremekedza Mwari chete.—Eksodho 20:2, 3; Mabasa 5:29.
Kubva Pamba
Muna 1943, ndakatanga kushanda muguta rePrince Albert, ndichikwidza zvinhu mumarori uye ndichiendesa makireti emadhiringi kwaainge achidiwa. Nemhaka yokunzwa ndichida Mwari, ndakatenga Bhaibheri asi rakanga rakandiomera kunzwisisa zvokuti ndakasvimha misodzi yeshungu. Chandaingoziva muBhaibheri Munyengetero waShe.—Mateu 6:9-13.
Mumwe musi weSvondo, amai vepamba pandairoja vaienda kuchechi vakarondedzera nemanyawi kuti vakanga vadzinga pasuwo ravo mumwe “mukadzi wezveBhaibheri.” Zvakandinetsa kuti, ‘Nei vaita utsinye hwakadaro?’ Papera maSvondo akati kuti, ndakarwara uye handina kuenda kuchechi. Musi iwoyo “mukadzi wezveBhaibheri” uya akadzoka.
Akandibvunza kuti, “Unonyengetera here?”
Ndakapindura kuti, “Hungu, Munyengetero waShe.”
Ndakanyatsoteya nzeve dzangu sezvo aitsanangura zvinoreva mashoko aJesu. Akavimbisa kuti aizodzoka neChitatu.
Amai vepandairoja pavakadzoka, ndakavaudza ndichifara nezvo“mukadzi wezveBhaibheri” uya aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Zvakandishamisa pavakanditi, “Akangodzoka chete neChitatu, ndinokudzingai pano mose muri vaviri!”
Sezvo ndakanga ndava kuziva Chapupu chiya, Mai Rampel, ndakatanga kuvatsvaka nemeso matsvuku. Pandakavawana, ndakavatsanangurira dambudziko rangu uye ndakavakumbira kuti vandiudze zvose zvavaikwanisa pamusoro peBhaibheri. Zvakaita sokuti takakurukura Bhaibheri rose! Vakafananidza nguva yedu nenguva yaNoa, Mwari paakagumisa nyika isina kururama uye akanunura Noa nemhuri yake achivapinza munyika yakacheneswa.—Mateu 24:37-39; 2 Petro 2:5; 3:5-7, 12.
Pashure pokukurukura kwenguva refu Mai Rampel vakati, “Ndinoona kuti wabvuma kuti zvinodzidziswa neBhaibheri izvi ichokwadi. Kwapera mavhiki maviri tichaita gungano reZvapupu zvaJehovha uye unofanira kubhabhatidzwa.” Handina kurara usiku ihwohwo ndichifunga zvose zvandakanga ndadzidza. Kubhabhatidzwa kwaiita sedanho raityisa. Asi, ndaida kushumira Mwari! Kunyange zvazvo ndaiziva zvishoma nezveBhaibheri, ndakabhabhatidzwa ndiine makore 16, musi waOctober 15, 1943.
Kutama Kumadokero Ndichienda Kumabvazuva
Muna November hanzvadzi yangu Fred yakandikumbira kuti ndishande somusikana webasa muimba yaaigara yaiva nenhurikidzwa nhatu muguta reToronto kumabvazuva kweCanada. Ndakabvuma ndiine tarisiro yokuti ndichanowana rusununguko rwakakura rwokunamata Jehovha. Ndisati ndaenda, ndakashanyira mukoma wangu Ann, akanga achiri kugara pedyo kuSaskatchewan. Akanga aine zvaaida kundiudza zvaifadza, kuti iye nomumwe mukoma wangu anonzi Doris vaidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye akandikurudzira kuti ndidzidzewo. Ndipo pandakamuudzawo kuti ndaitova Chapupu chakabhabhatidzwa!
Ini nomunun’una wangu Emily takaita rwendo rurefu rwokuToronto nechitima. Bill akauya kuzotichingura pachiteshi uye akaenda nesu kuimba yaaigara naFred naJohn. Ndakabvunza Fred kuti ndiani mumwe aigara pamba apa. Akati, “Haungambomufungiri. Uchiri kurangarira here Alex Reed wokumusha kwedu? Ndiye anogara pamusoro, uye haungambomufungiri kuti anofarira Vadzidzi veBhaibheri nezvaari zviya!” Ndakafara zvokuti dhu.
Ndakanyahwaira ndichienda kumusoro kwaigara Alex uye ndakaronga kuenda naye kumisangano manheru iwayo. Ndaida kuenda ipapo kuitira kuti hanzvadzi dzangu dzisawana mukana wokundiodza mwoyo. Pasina nguva ndakaenda kunoparidzira kokutanga, kunyange zvazvo ndakanga ndisina kumbodzidziswa Bhaibheri zvakarongwa. Ndakanakidzwa nokutaura nevanhu vakawanda vokuUkraine, ndichitaura mutauro wandakanga ndadzidza ndichiri muduku.
Bill aifarira kuverenga magazini eNharireyomurindi, andaigara ndichiisa mukamuri rake. Pashure pokunge atamira kuBritish Columbia iri kumadokero kweCanada, ndakamupa chipo. Ndakanyoresa kuti agare achitumirwa Nharireyomurindi. Kunyange zvazvo akanga asingawanzotauri-tauri, akandinyorera tsamba yaiva nemapeji gumi achitenda. Nokufamba kwenguva akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha uye akava mutariri anoshingaira wechiKristu. Chakanyanya kundifadza ndechokuti, hanzvadzi dzangu Bill naFred, vakoma vangu Ann naDoris uye munun’una wangu Emily, vose vari vashanu vakava vanamati vaJehovha vakazvitsaurira!
Musi waMay 22, 1945, hurumende yeCanada yakabvumira kuti basa reZvapupu zvaJehovha riitwe zviri pamutemo.a Kutaura chokwadi, handina kumbenge ndazviziva kuti basa redu rakanga risiri kubvumidzwa kusvikira ndanzwa chiziviso chacho. Ini neshamwari yangu Judy Lukus takaronga kuita basa renguva yakazara semapiyona nechokumabvazuva kuguta reQuebec kwaitaurwa chiFrench. Doris naEmily pavakanzwa nezvourongwa hwedu, vakasarudza kunopayona kuVancouver, kuBritish Columbia, kumadokero kwenyika yacho.
Kurambidzwa Kwezvimwe Zvitendero muQuebec
Pandakatamira kuQuebec handina kungochinja nzvimbo yokugara chete. Zvapupu zvaiva ikoko zvaishorwa zvikuru nemhaka yebasa rokuparidzira.b Takafadzwa nokuparadzira turakiti raiti Quebec’s Burning Hate for God and Christ and Freedom Is the Shame of All Canada. (Ruvengo Rukuru rweQuebec Kuna Mwari naKristu uye Rusununguko, Runonyadzisa Canada Yose) Mashoko iwayo anobaya mwoyo akafumura kurambidzwa kwaiitwa chitendero cheZvapupu.
Kwemazuva 16 taitanga na2 dzousiku tichipfekera chinyararire maturakiti nepasi pemisuo. Pane rimwe furati, takaziva kuti mapurisa akanga achiuya kuzotisunga. Takavanda pane umwe mukoto kuti tisasungwa. Mangwana acho takanga tave kugovera Nharireyomurindi neAwake! mumugwagwa. Mwedzi zvayaifamba, takasungwa nemapurisa kakawanda zvokuti takanga tisingachazivi kuti kaiva kangani. Ndichiziva kuti ndingangoenda mujeri, ndaigara ndiine tutubhurashu uye zvinhu zvokupoda-poda.
Muna November 1946, hama Nathan Knorr vaitungamirira basa romunyika yose reZvapupu, vakashanya vachibva kuBrooklyn, muNew York. Vakatikoka tiri mapiyona 64 aiva muQuebec kuti tipinde mukirasi yechipfumbamwe yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi kuSouth Lansing, muNew York. Pachikoro ichi takanyatsodzidza Bhaibheri kwemwedzi mishanu. Tapedza kudzidza muna August 1947, takaendeswa kumaguta akasiyana-siyana aiva muQuebec kuti titange ungano itsva.
Ushumiri Hunofadza
Isu takaendeswa kuguta reSherbrooke tiri vasikana vaduku vana. Takadzidzira nomwoyo wose kutaura chiFrench, tichidzokorora mashoko echiito nemamwe mashandiro aanoita mumutauro iwoyo pataienda nokudzoka mundima yataiparidzira. Dzimwe nguva masikati tainge tisina mari yokutenga zvokudya, saka taienda kumba kunoverenga. Wandaishanda naye Kay Lindhorst ainyatsogona girama. Akatanga kundidzidzisa girama reChirungu kuti ndigokwanisa kubata chiFrench.
Ndakanyanya kunakidzwa nokupayona ndiri kuVictoriaville guta raigara vanhu 15 000 panguva iyoyo. Kwaiva nevanhu vashoma-shoma vaitaura Chirungu, saka yakava nzvimbo yakanaka yokuti ndivandudze kudzidzira chiFrench. Vhiki yedu yokutanga ikoko yainakidza chaizvo. Kwose kwataienda vanhu vaigamuchira mabhuku edu. Patakadzokerazve, misuwo yose uye maketeni zvakanga zvakavharwa. Chii chakanga chaitika?
Fata weRoma aigara imomo akaudza vanhu kuti vasatiteerera. Naizvozvo pataienda pasuo nesuo, vana vaititevera vari nechokure vachitipotsera matombo nemabhora avaiumba nesinou. Kunyange zvakadaro, vakawanda vaida kunzwa shoko reBhaibheri. Pakutanga vaingoda kuti tivashanyire kana kwasviba. Zvisinei, pavaiwedzera kunzwisisa Bhaibheri vakanga vava kudzidzira pachena kunyange zvaisafadza vavakidzani vavo.
Muma1950, ini nomukoma wangu nomunun’una wangu takamboshanya kuWakaw. Takarondedzera pamisangano yeungano zvatakasangana nazvo pataiparidzira. Tapedza mutariri anotungamirira akatiudza kuti, “Amai venyu vachafara chaizvo pavachamutswa voziva kuti vana vavo vakava Zvapupu zvaJehovha!” Akatsanangura kuti vakanga vadzidza Bhaibheri nechimwe Chapupu vasati vafa. Misodzi yakayangarara mumaziso edu patakaziva kuti vaidzidza chokwadi cheBhaibheri chavangadai vakatidzidzisawo kudai vakanga vasina kufa.
Kuroorwa uye Kushanda Pamwe Chete Muushumiri
Muna 1956 ndakaonana naMerton Campbell, Chapupu chakanga chapedza mwedzi 27 chiri mujeri panguva yeHondo Yenyika II nemhaka yokusabatanidzwa mune zvematongerwo enyika. Akanga ashanda padzimbahwe reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn kwemakore gumi. Merton aiva nounhu hwakanaka hwaibva pakudzidza Bhaibheri, uye ndakaona kuti aizova baba vemba vakanaka. Takanyorerana tsamba kwemwedzi yakati kuti uye kuremekedzana nokuwirirana zvakawedzera tikapedzisira tava kudanana.
Ini naMerton takaroorana musi waSeptember 24, 1960. Chave chiri chikomborero chikuru kwemakore 47 apfuura ndiine murume akakura mune zvokunamata! Merton akashanda makore 58 ari muDhipatimendi Rebasa, rinobatsira uye kutungamirira ungano dzeZvapupu zvaJehovha muUnited States. Kwemakore anopfuura 30, basa rangu kuBrooklyn raiva rokushongedza dzimba dzevaenzi uye pave paya Dzimba Dzemagungano dziri muNew York City. Zvadaro muna 1995, ini naMerton takaendeswa kuWatchtower Educational Center kuPatterson anenge makiromita 110 kuchamhembe kweNew York City.
Pandakabva pamba ndiine makore 12, handina kumborota kuti rimwe zuva ndaizova pakati pemhuri yakakura uye yakasimba pakunamata, kusanganisira hanzvadzi dzangu, vakoma vangu nomunun’una wangu. Ndinoshuva kuti dai rimwe zuva munyika itsva yaMwari takwanisa kuunganira Amai tovaudza zvakaitika ivo varere, kunyanya kutarisirwa kworudo kwakaitwa vana vavo mune zvokunamata naJehovha Mwari. Tinofara zvikuru kuti Jehovha ‘akatitungamirira mumakwara okururama’!—Pisarema 23:3.
[Mashoko Omuzasi]
a Nemhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vasingabatanidzwi mune zvematongerwo enyika, hurumende iyi yakanga yamisa basa resangano iri musi waJuly 4, 1940.
b Kuti uwane mamwe mashoko nezvokutambudzirwa chitendero muQuebec, ona Awake! yaApril 22, 2000 mapeji 20-3.
[Mifananidzo iri papeji 27]
Vabereki vangu neimba yataigara nevamwe vana vanomwe
[Mufananidzo uri papeji 29]
Ndiine vandaishanda navo muushumiri kuOttawa, muna 1952
[Mufananidzo uri papeji 29]
Ndiine vana vaamai vangu (kubva kuruboshwe kuenda kurudyi) Ann, Mary, Fred, Doris, John, ini, Bill, naEmily
[Mufananidzo uri papeji 29]
NaMerton iko zvino