RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g04 1/8 p. 19
  • Pfacha Munyika Isina Ushamwari!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pfacha Munyika Isina Ushamwari!
  • Mukai!—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Zvinoda Vacheche
    Mukai!—2004
  • Bhaibheri Rinotii Nezvekubvisa Pamuviri?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kupa Vana Zvavanoda
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—2004
g04 1/8 p. 19

Pfacha Munyika Isina Ushamwari!

MUCHECHE anozvarirwa munyika isina tsitsi, isina ushamwari, nyika izere nezvinoodza mwoyo. Kunyange zvazvo mucheche asingagoni kuita zvokutaura manzwiro ake, mamwe masayendisiti anodavira kuti asati atombozvarwa mwana achiri mudumbu anoziva zvinenge zvichiitika.

Bhuku rinonzi The Secret Life of the Unborn Child rinoti: “Iye zvino tava kuziva kuti mwana asati azvarwa anoziva, munhu ane zvaanoitawo uyo kubvira mumwedzi wechitanhatu zvichienda mberi (uye zvichida pakuvamba chaipo) anenge atovawo nemanzwiro ake.” Kunyange zvazvo mucheche angasayeuka, mamwe masayendisiti anofungidzira manzwiro aanoita pakuzvarwa kuti anova nemigumisiro paupenyu hwake hwenguva yemberi.

Pashure pokuzvarwa, kuora mwoyo kunoenderera mberi. Ava kunze kwedumbu raamai, mucheche anenge asingachadyi nenzira inongozviitikira yoga. Rukuvhute ruya rwaifambisa mhepo yokufema nezvokudya hapachisina. Kuti ararame, anofanira kutanga kufema uye kuzvidyira oga. Anoda mumwe munhu anomudyisa uye kumutarisira pane zvimwe zvaanenge achida.

Mwana achangoberekwa anofanirawo kukura mupfungwa, mumanzwiro, uye mune zvokunamata. Saka mumwe munhu anofanira kurera mucheche uyu. Ndiani akanyatsokodzera kuita izvi? Mucheche anodei kuvabereki vake? Zvaanoda zvingagutswa sei? Nyaya dzinotevera dzichabatsira kupindura mibvunzo iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe