RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g04 1/8 p. 31
  • Miti—Tsime Rinokosha Remishonga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Miti—Tsime Rinokosha Remishonga
  • Mukai!—2004
  • Mashoko Akafanana
  • MaAspirin Ezuva Nezuva—Ndinofanira Kuanwa Here Kana Kuti Kwete?
    Mukai!—2000
  • Mishonga Yemakwenzi—Inogona Kukubatsira Here?
    Mukai!—2004
Mukai!—2004
g04 1/8 p. 31

Miti—Tsime Rinokosha Remishonga

Nyanzvi dzinofungidzira kuti chikamu chimwe muzvina chemishonga yose yemazuva ano iyo vanhu vanovimba nayo inotanga—yose zvayo kana kuti chikamu chayo—iri mishonga inobva mumiti. Izvi zvinowanzotaurwa nevaya vanosimudzira mishonga yemakwenzi yakasiyana-siyana.

Kuongorora kuzhinji kuri kuitwa miti inorapa kune chinangwa chokunyatsoona zvinhu zvinorapa zvirimo. Muenzaniso mukuru iaspirin, iyo inotorwa musalicin, inowanika mugwati romukonachando muchena.

Kana wabviswa, mushonga uyu unorapa unowanika mumiti unogona kushandiswa zvakakwana uye kunwiwa pachishandiswa mirayiridzo chaiyo. Rimwe bhuku rinoti: “Kudya makwati omukonachando kuti akubatsire sezvinoita aspirin kana kuti kudya makwati efoxglove kuti urarame sewadya digitalis kunoitwa nyore kwazvo nokushandisa piritsi kudarika kudya zvakananga makwati emiti yacho.”

Ukuwo, kubvisa zvinorapa pamuti unorapa kune zvakwakaipirawo. Kutanga, kungareva kurasikirwa nezvinovaka muviri uye zvichida zvimwe zvingangobatsira mukurapa zvinenge zviri mumuti wacho. Uyezve, zvimwe zvipenyu zviduku zvinokonzera zvirwere hazvichaurayiwi nemishonga inogadzirirwa izvo.

Quinine, iyo inobudiswa mumakwati emiti yecinchona, inopa muenzaniso wezvakaipira kuisa mushonga unorapa kwawo woga kubva mumuti unorapa. Kunyange zvazvo quinine ichiuraya utachiona hunokonzera marariya, utachiona huya hwaisingaurayi hunobva hwawedzera panenge pachifa humwe. Rimwe bhuku rinotsanangura kuti: “Kusaurayiwa kwakadaro nemishonga kwava nhau huru mune zvokurapa.”

[Mifananidzo iri papeji 31]

“Aspirin” inobva mumukonachando uyu muchena

[Kwazvakatorwa]

USDA-NRCS PLANTS Database/Herman, D.E. et al. 1996. North Dakota tree handbook

[Mifananidzo iri papeji 31]

Muti we“cinchona,” munobva “quinine”

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of Satoru Yoshimoto

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe