MaAspirin Ezuva Nezuva—Ndinofanira Kuanwa Here Kana Kuti Kwete?
Inotevera inyaya yakaitika yakataurwa nomumwe chiremba. Zvinosiririsa kuti inoratidza dambudziko rinoitika kakawanda chaizvo.
MHURI yose yakanga ichinetseka. Pari zvino kunyange nachiremba wacho akanga ava kunetsekawo. “Kana kubuda ropa kwake kukasamira munguva pfupi iri kutevera,” chiremba wacho akadaro, “tingatofunga zvokuisira ropa.”
Murume wacho akanga achirasikirwa neropa mudumbu make zvishoma nezvishoma kwevhiki dzinoverengeka, uye chirwere chacho chakaonekwa kuti kwaiva kukuvara mudumbu, kana kuti gastritis. “Une chokwadi kuti hapana mishonga yauri kushandisa here?” akabvunza kudaro chiremba akanga akangaidzika.
“Hapana. Asi iyi inongotengeserwa vanhu vose vose nokuda kwechirwere changu chearthritis,” murume wacho akadaro.
Pakarepo chiremba wacho akabva anyatsovhura nzeve. “Rega ndiuone.” Achinyatsotarisa pamashoko akanamirwa anotaura nezvechakagadziriswa mushonga wacho, akawana zvaakanga ari kutsvaka. Acetylsalicylic acid! Dambudziko racho rakanga rapera zvino. Murwere paakarega kushandisa mushonga uyu waiva neaspirin ndokupiwa iron nomumwe mushonga unorapa mudumbu, kubuda ropa kwakamira uye masero eropa rake akadzokera pauwandu hwenguva dzose zvishoma nezvishoma.
Kubuda Ropa Kunokonzerwa Nomushonga
Kubuda ropa mumatumbu kunokonzerwa nemishonga idambudziko rezvoutano remazuva ano. Kunyange zvazvo mishonga yakawanda ichigona kukonzera izvi, matambudziko akawanda anobva kumishonga inoshandiswa kurapa arthritis uye kurwadziwa. Iyi inosanganisira mhando yemishonga inonyaradza marwadzo (nonsteroidal anti-inflammatory drugs), kana kuti NSAIDS. Mazita anogona kusiyana munyika nenyika.
Aspirin inowanika mumishonga mizhinji inotengeswa muzvitoro, uye munyika zhinji kushandiswa kwemaaspirin zuva nezuva nevanhu kwakawedzera mumakore achangobva kupfuura aya. Nei?
Kunyanya Kuda Aspirin
Muna 1995 Harvard Health Letter yakashuma kuti “kushandiswa kwemaaspirin nguva dzose kunoponesa upenyu.” Ichitaura nezvokunzvera kwakawanda kwakaitwa munyika yose, kwakadzokororwa kwadzokororwazve kubvira ipapo, vanotsvakurudza ruzivo vakagumisa vachiti: “Upi noupi akambova nechirwere chemwoyo kana kuti sitiroko, anorwara nemaronda pahuro kana mukanwa, kana kuti akavhiyiwa tsinga anofanira kunwa chidimbu chepiritsi reaspirin kana kuti rimwe chete kana miviri yavo isingazorambi mushonga wacho.”a
Vamwe vanotsvakurudza ruzivo vanoti pavarume vane makore anopfuura 50 vangangova nechirwere chemwoyo nevakadziwo, zvinobatsira kunwa maaspirin zuva nezuva. Uyezve, pane kunzvera kunoratidza kuti kunwa maaspirin zuva nezuva kungaderedza kenza yeura hukuru uye kuti kunwa akawanda kwenguva yakareba kunogona kubatsira kuderedza kuwanda kweshuga muvanhu vane chirwere cheshuga.
Aspirin inoshanda sei kuti ibatsire sezviri kutaurwa izvi? Kunyange zvazvo zvose zvisingazivikanwi, mashoko aripo anoratidza kuti maaspirin anoita kuti ropa risanyanye kunamira, achiita kuti ropa risagwamba. Zvinotaurwa kuti izvi zvinoita kuti tsinga duku dzeropa dzinoenda kumwoyo nouropi dzisavharike, zvichiita kuti nhengo dzinokosha dzisakuvadzwe.
Paine izvi zvinhu zvose zvinonzi zvinobatsira zvinobva pakushandisa maaspirin, nei asiri munhu wose anoashandisa? Chimwe chikonzero ndechekuti zvizhinji hazvisati zvava kuzivikanwa. Kunyange kuwanda kweanofanira kunwiwa hakusati kwajeka. Zvinokurudzirwa zvinosiyana kubva papiritsi rimwe kaviri pazuva kusvika pamashoma zvakadai seaspirin imwe yomucheche pamazuva maviri. Vakadzi vanofanira kunwa mapiritsi ane uwandu hwakasiyana navarume here? Vanachiremba havana chokwadi. Kunyange zvazvo maaspirin anonyungudukira muura achinzi angabatsira, kushandiswa kwemaaspirin akapomhodzwa kuchiri kuitiranwa nharo.
Zvinoita Kuti Kungwaririra Kudiwe
Kunyange zvazvo pakuongororwa aspirin ichiwanika mune zvakasikwa—VaIndia vokuAmerica vakawana zvinoumba aspirin mumakwati emushambangwena—une zvizhinji zvaunogona kukanganisa pamunhu. Kunze kwokuti unokonzera kubuda ropa mune vamwe vanhu, pane zvimwe zvinetso zvingakonzerwa nokushandisa maaspirin, kusanganisira zviratidzo zvokurambwa kweaspirin muvamwe vanhu vane miviri isingapindirani nayo. Zviri pachena kuti haasi munhu wose anofanira kushandisa maaspirin zuva nezuva.
Zvisinei, munhu ane mukana wokuva nechirwere chemwoyo kana kuti sitiroko angada kubvunza chiremba wake nezvengozi dzokushandisa maaspirin uye kubatsira kwaanoita kana ashandiswa zuva nezuva. Zvechokwadi murwere achada kuva nechokwadi chokuti haana chinetso chokubuda ropa kana kuti muviri wake haurambi aspirin, uye kuti haana zvinetso zvomudumbu nezvomuura. Mamwe matambudziko angangovapo kana kuti angakonzerwa nokusanganisa mishonga anofanira kukurukurwa nachiremba asati atanga kurapa.
Sezvambotaurwa, mushonga une aspirin kana wakafanana nawo une ngozi huru yokubudisa ropa. Uye kubuda ropa kwakadaro kunogona kuva kusingacherechedzeki, kusingakurumidzi kuoneka uye kuchiwedzera nokufamba kwenguva. Mimwe mishonga inofanirawo kufungwa nezvayo nokungwarira kunyanya inoshandiswa pamaronda omukati. Unofanira kuzivisa chiremba wako kana pane wauri kushandisa. Kazhinji kacho zvakanaka kurega kushandisa mishonga kana wava kuda kunovhiyiwa. Zvichida, kuongororwa uwandu hweropa nguva nenguva kunobatsira.
Kana tichida kuzvidzivirira pamatambudziko munguva inotevera, tinofanira kuteerera zano reBhaibheri rinoti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.” (Zvirevo 22:3) Munyaya iyi yezvokurapa, ngative pakati pevakachenjera kuitira kuti utano hwedu husawira mungozi.
[Mashoko Omuzasi]
a Mukai! haikurudziri kurapa kupi nokupi.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 21]
Vangada Kunwa maAspirin Zuva Nezuva
● Vanhu vane chirwere chemwoyo kana kuti vane tsinga dzisingafambisi ropa (tsinga huru dzeropa dziri mumutsipa).
● Vanhu vakambobatwa nesitiroko (inokonzerwa nokugwamba kweropa) kana kuti (sitiroko isina kunyanya kusimba).
● Varume vane makore 50 kana kuti kupfuura vane zvinhu zvinotevera zvinokonzera matambudziko: kusvuta, kupera simba zvakanyanya, chirwere cheshuga, vane cholesterol yakawandisa, vane HDL cholesterol shoma, vakafuta zvakanyanya, vanonwa doro rakawanda, vane nhoroondo yechirwere chemwoyo mumhuri mavo (chirwere chemwoyo chinoitika vasati vava nemakore 55) kana kuti sitiroko, uye vasingafambi-fambi asi vanogara panzvimbo imwe chete.
● Vakadzi vane makore 50 kana kupfuura vane zvimwe zvezvinhu izvi zvingangokonzera matambudziko.
Ungada kubvunza chiremba wako usati wasarudza chinhu chipi nechipi panyaya iyi.
[Kwazvakatorwa]
Kwakabva mashoko: Consumer Reports on Health