Zvinokonzera Kushushikana Mupfungwa uye Zvinozovapo
CHII chinonzi kushushikana mupfungwa? Maererano neimwe nyanzvi, kushushikana mupfungwa kungarondedzerwa se“chinhu chipi nechipi, kemikari, kana kuti chatinofunga chinoita kuti muviri kana kuti pfungwa zvisagadzikane.” Izvi zvinoreva here kuti kushushikana mupfungwa kwagara kuchikuvadza? Kwete. Dr. Melissa C. Stöppler anoti, “kumboshushikana uye kumbovhiringidzika mupfungwa zvishoma dzimwe nguva kunogona kubatsira. Kunzwa tichishushikana mupfungwa zvishoma patinenge tichiita chimwe chirongwa kana kuti rimwe basa kunowanzotimanikidza kuti tiite basa rakanaka uye kushanda nesimba.”
Saka kushushikana mupfungwa kungava dambudziko kana zvaita sei? Stöppler anoti: “Kana kushushikana mupfungwa kwacho kwatikunda, kana kuti kusingachagoni kudzorwa, zvokuti migumisiro yakwo isina kunaka inenge yava kuoneka.” Chimbofunga zvimwe zvinowanzokonzera kushushikana mupfungwa.
Kushushikana Mupfungwa Pamusana Pokutsvaka Chokurarama Nacho
Mambo Soromoni akati: “Hakuna chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake.” (Muparidzi 2:24) Zvisinei, kana vari vashandi vakawanda, kubasa ndiko kunonyanya kuita kuti vashushikane mupfungwa.
Mumwe mushumo wakabva kuEuropean Agency for Safety and Health at Work wakataura kuti pakati pezvimwe zvinhu, vashandi vanowanzoshushikana kumabasa avo nemhaka yokusakurukurirana zvakanaka kunoitika pakati pevakuru vebasa nevashandi, vakuru vebasa havawanzoiti kuti vashandi vataurewo pane zvisarudzo zvine zvazvinoita pavari, kunewo kusawirirana kwevashandi, kana kuti kusachengeteka pabasa uye kutambira mari shoma. Chero zvingakonzera, kurarama nezvinetso zvokubasa kungasiya vabereki vanoshanda vava nesimba shoma rokuti vagutse zvinodiwa nemhuri dzavo. Uye zvinenge zvichidiwa zvacho zvinogona kunge zviri zvikuru. Somuenzaniso, muUnited States, mugore rimwe chete, vanhu vanenge mamiriyoni 50 vakatarisira munhu wechikuru kana mumwe munhu womumhuri airwara. Zvinetso zvemari zvinogonawo kuita kuti mhuri dzinyanye kushushikana mupfungwa. Rita, vamwe amai vane vana vaviri, akashushikana mupfungwa pamusana pemari apo murume wake Leandro akapinda mutsaona yemotokari, iyo yakamusiya ava kufamba newiricheya. Rita anobvuma kuti: “Zvinetso zvemari zvinovhiringidza pfungwa. Kana usina mari yokushandisa pane zvose zvinodiwa pamba, pfungwa dzako dzinovhiringidzika.”
Kushushikana Mupfungwa Kwevabereki Vari Voga
Vabereki vari voga vanoshushikanawo mupfungwa zvikuru sezvavanoedza kupa mhuri dzavo zvinhu zvadzinoda. Kumuka mangwanani kuti vabike zvokudya, kupfekedza vana nokuvaendesa kuchikoro, kumhanya-mhanya kuti vasvike kubasa nenguva, uye kuti vaedze kuita maererano nezvinodiwa pabasa zvingasiya mubereki ari oga aneta mumuviri nomupfungwa. Uye amai pavanenge vapedza basa ravo rezuva, vanotangazve kushushikana mupfungwa sezvo vanenge vava kumhanya-mhanya kuti vanotora vana kuchikoro, kuti vabike zvokudya zvemanheru, uye kuita mamwe mabasa epamba. Mumwe mubereki ari oga anonzi María ane vanasikana vana vachiri kuyaruka anotaura kuti upenyu hwake huzere nezvinodzvinyirira achiti: “Zvinodzvinyirira zvacho zvinogona kuramba zvichiwedzera zvokuti ndinonzwa sokuti ndichaputika.”
Vana Vanoshushikana Mupfungwa
Imwe nyanzvi yezvemagariro evanhu inonzi Ronald L. Pitzer inoti: “Vechiduku vakawanda vanoshushikana kwazvo mupfungwa.” Vanofanira kukwanisa kubata nokuchinja kwomuviri uye kwepfungwa dzavo pakuyaruka. Vane zvimwe zvinovadzvinyirirawo zvokuchikoro. Maererano nebhuku rinonzi Childstress! zuva rechikoro “rizere nezvinetso uye zvimwe zvinodzvinyirira zvinokonzera kushushikana kwepfungwa—zvidzidzo, mitambo, ushamwari nevezera ravo uye ukama nevadzidzisi.”
Mune dzimwe nzvimbo kutya chisimba chinoitwa kuchikoro kunoita kuti manzwiro okuzvidya mwoyo awedzere—tisingatauri kutya kuri kuita vaduku vakawanda iye zvino kurwisa kwemagandanga uye dzimwe njodzi. “Kana vabereki vakaramba vachingotaura kutyisa kwava kuita nyika iye zvino,” anonyora kudaro mumwe musikana achiri kuyaruka, “zvichaita kuti titye.”
Vabereki vanofanira kusimbisa vana vavo. Asi Pitzer anoti: “Kazhinji kacho zvinoedza kuitwa nevana nevachiri kuyaruka kuti vakurukure manzwiro avo akasimba hazvikosheswi, kana kuti vabereki vanongozviona sezvinhu zvisina basa.” Dzimwe nguva vabereki vanotadza kuitira vana vavo zvavanoda nemhaka yezvinetso zvavo somurume nomudzimai. “Zvinoita sokuti vabereki vangu vaingogara vachirwa,” anodaro wechiduku anonzi Tito uyo ane vabereki vakazorambana. Sokutaura kunoita bhuku rinonzi Childstress!, “zvibhakera uye kutukana handizvo bedzi zvinokonzera kushushikana mupfungwa. Daka rinoedza kuvanzwa rinozoratidzwa nemashoko anoita seakanaka okubata kumeso rinovhiringidza vana.”
Zvinokonzerwa Nokushushikana Mupfungwa
Zvisinei nokuti uri muduku kana kuti mukuru kana kuti kushushikana kwako mupfungwa muupenyu hwako kunobva kubasa kana kuti kuchikoro, kushushikana mupfungwa kusingaperi kunogona kukanganisa kwazvo utano hwako. Mumwe munyori wezvoutano anotsanangura kuti: “Zvinoita muviri panoshushikana pfungwa zvakangoti fananei nezvinoita ndege iya yava kugadzirira kusimuka.” Chokwadi paunoshushikana pfungwa, kurova kwemwoyo wako neBP zvinowedzera chaizvo. Shuga iri mumuviri wako inowedzera. Makemikari anobudiswa. Munyori iyeye anoti, “Kana kushushikana mupfungwa kukaramba kuripo, nhengo dzose dzomuviri dzine chokuita nokushushikana kwepfungwa (uropi, mwoyo, mapapu, tsinga, uye tsandanyama) zvinobva zvaramba zvichishanda zvokudarikidza kana kusashanda zvakanaka. Nokufamba kwenguva izvi zvingakuvadza mumuviri nomupfungwa.” Zvirwere zvinokonzerwa nokushushikana mupfungwa zvakawanda zvinoshamisa: chirwere chomwoyo, sitiroko, zvirwere zvinokanganisa simba romuviri anodzivirira zvirwere, kenza, zvirwere zvetsandanyama nemapfupa, uye chirwere cheshuga, kungodudza zvishomanana.
Zvinonyanya kunetsa inzira isina kunaka iyo vakawanda—zvikurukuru vaduku—vanoedza nayo kurarama nokushushikana mupfungwa. Dr. Bettie B. Youngs anochema-chema achiti: “Zvinoodza mwoyo kwazvo kuti vachida kutiza marwadzo, vayaruki vanoshandisa nzira dzakadai sokunwa doro uye kushandisa zvisina kufanira zvinodhaka, kurovha chikoro pasina mvumo, kusateerera mitemo, unzenza, utsinye, chisimba, uye kutiza pamba—nzira dzinoita kuti vave nezvinetso zvikuru kudarika zvavanga vachiedza kutiza.”
Kushushikana mupfungwa kuri kuitika muupenyu mazuva ano; hakugoni kunzvengwa zvachose. Asi sezvicharatidzwa nenyaya inotevera, pane zvakawanda zvatinogona kuita kuti tisanyanye kushushikana mupfungwa!
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
“Zvinodzvinyirira zvacho zvinogona kuramba zvichiwedzera zvokuti ndinonzwa sokuti ndichaputika”
[Mufananidzo uri papeji 21]
Kazhinji, upenyu hwevabereki vari voga hwakazara nezvinodzvinyirira
[Mufananidzo uri papeji 22]
Chikoro chingadzvinyirira vechiduku zvakanyanya