RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 1 pp. 5-7
  • Zvii Zvinoitika Paunoshushikana?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvii Zvinoitika Paunoshushikana?
  • Mukai!—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVAKANAKIRA KUSHUSHIKANA UYE ZVAKWAKAIPIRA
  • Funganyo Yakanaka, Funganyo Yakaipa
    Mukai!—1998
  • Zvinokonzera Kushushikana Mupfungwa uye Zvinozovapo
    Mukai!—2005
  • Ndoitei Kana Ndichitemeswa Musoro Kuchikoro?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Kuoneswa Ndondo Nokushushikana Mupfungwa!
    Mukai!—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 1 pp. 5-7
Muzvinabhizinesi ari kumhanya achikwidza masitepisi achienda kuhofisi.

KUWANA ZORORO PADAMBUDZIKO REKUSHUSHIKANA

Zvii Zvinoitika Paunoshushikana?

Pane zvinoitika mumuviri wako paunenge uchishushikana. Pfungwa dzako dzinoita kuti muviri ubudise mahomoni akawanda. Mahomoni acho anoita kuti mwoyo ukurumidze kurova zvoita kuti ropa rifambe nekukurumidza, anoitawo kuti ukurumidze kufema, uye tsandanyama dzinobva dzaoma. Usiri kutombozviona, muviri wako unenge uchitokoka simba rekuti uite chimwe chinhu nekukurumidza. Asi kana dambudziko racho rapera, muviri wako unobva wadzokera pakushanda sezvaunoita mazuva ese.

ZVAKANAKIRA KUSHUSHIKANA UYE ZVAKWAKAIPIRA

Kushushikana kunongoitika kwega paunenge uri panguva yakaoma. Kunotangira mupfungwa dzako. Kushushikana kunokubatsira kuti ukurumidze kuita chimwe chinhu nezvedambudziko rinenge ramuka. Kunogona kukubatsirawo kuti uzadzise zvinangwa zvako, kana kubudirira pane zvaunenge uchiita, sepaunenge uchinyora bvunzo, uchibvunzurudzwa kuti upinde basa, kana kuti uchitamba mutambo.

Asi kushushikana zvakanyanya kwenguva refu kunokuvadza. Kuramba uchingoshushikana kunoita uve neutano husina kunaka uye pfungwa dzisina kugadzikana. Unhu hwako nemabatiro aunoita vamwe zvinogonawo kuchinja. Kana munhu achishushikana zvakanyanya anogona kuitawo zvinhu zvinokanganisa utano zvakadai sekushandisa zvinhu zvinodhaka nezvimwewo. Anogona kutopedzisira ava nechirwere chedepression, kurukutika zvekushaya chido chekuita zvinhu muupenyu, kana kutofunga kuzviuraya.

Kunyange zvazvo zvinoitika kwatiri patinoshushikana zvichisiyana-siyana, kushushikana kunogona kukonzera zvirwere zvakawanda. Kunogona kutokanganisa dzinenge nhengo dzese dzemuviri.

ZVINOITIKA MUMUVIRI PAUNOSHUSHIKANA

Kutumira mashoko kunoita uropi kumuviri wese.

Murume akabata huma kuratidza kuti pane zviri kumushungurudza.

Uropi hunoita kuti muviri ubudise mahomoni akadai seadrenaline necortisol. Mahomoni aya anoita kuti mwoyo ukurumidze kurova, ropa rifambe nekukurumidza, shuga iwedzerwe muropa, zvese izvi zvichiita kuti ukurumidze kuita chimwe chinhu panongoerekana pamuka dambudziko. Kunyanya kushushikana kunogona kuita kuti:

  • ukurumidze kugumbuka, unetseke, uite chirwere chedepression, utemwe nemusoro, uye utadze kurara

Mapfupa netsandanyama.

Tsandanyama dzinooma kuti usakuvara. Kunyanya kushushikana kunogona kuita kuti:

  • urwadziwe muviri, utemwe nemusoro, kana kuita chiveve

Kufema.

Unotanga kukurumidza kufema uchitora mhepo yakawanda. Kunyanya kushushikana kunogona kuita kuti:

  • ufemeruke kana kuzarirwa, kana kungovhunduka pasina chikonzero kana wanga wagara uri munhu anotya

Kufamba kweropa.

Mwoyo wako unokurumidza kurova kuti ukwanise kusvitsa ropa kunhengo dzese. Tsinga dzinowedzera kuvhurika kana kuti kuvharika kuti ropa riendeswe kwariri kunyanya kudiwa, zvakadai sekutsandanyama. Kunyanya kushushikana kunogona kuita kuti:

  • uve nechirwere cheBP, chirwere chemwoyo, kana kuita sitiroko

Kugadzirwa kwemahomoni.

Muviri wako unobudisa mahomoni (adrenaline necortisol) anoita kuti muviri ugadzirire kuita chimwe chinhu paunongoerekana waomerwa. Chiropa chako chinoita kuti shuga iri muropa iwedzere kuti uwane simba. Kunyanya kushushikana kunogona kuita kuti:

  • ubatwe nechirwere cheshuga, urware rware nekuti masoja emuviri anenge asisina kusimba, ungoerakana wakufara kana kuti wasuwa, uye ufute

Kugayiwa kwechikafu.

Kugaya kunoitwa chikafu mumuviri kunovhiringika. Kunyanya kushushikana kunogona kuita kuti:

  • umire mwoyo, urutse, uchaye, kana kuti utadze kuenda kuchimbuzi

Nhengo dzekubereka nadzo.

Kushushikana kunogona kuita kuti munhu anzwe asingadi bonde. Kunyanya kushushikana kunogona kuita kuti:

  • munhu atadze kuita bonde, kana kutadza kuenda kumwedzi panguva yaanofanira kuenda

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe