RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 January pp. 23-27
  • Unogona Kuita Kuti Pfungwa Dzako Dzisanyanye Kushushikana!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kuita Kuti Pfungwa Dzako Dzisanyanye Kushushikana!
  • Mukai!—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuderedza Kushushikana Mupfungwa Kunokonzerwa Nebasa
  • Kuderedza Kushushikana Mune Zvemari
  • Kukurukurirana—Kunoita Kuti Pfungwa Dzisanyanye Kushushikana
  • Dambudziko Rokukurukurirana Kwomubereki Nomwana
  • Kushandira Pamwe—Ndiwo Musimboti Wokutarisira Mabasa Epamba
  • Nzira Dzinoshanda Dzokuderedza Kushushikana Mupfungwa
  • Zvinokonzera Kushushikana Mupfungwa uye Zvinozovapo
    Mukai!—2005
  • Ndoitei Kana Ndichitemeswa Musoro Kuchikoro?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Kukunda Dambudziko Rekushushikana
    Mukai!—2020
  • Funganyo Inogona Kubatwa Nayo!
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 January pp. 23-27

Unogona Kuita Kuti Pfungwa Dzako Dzisanyanye Kushushikana!

“HONDO yokudzikamisa zvine chokuita nebasa, mhuri, uye nezvimwewo yawedzera makore ano.” Rinodaro rimwe bhuku richangobva kubudiswa rinotaura zvoupenyu hwemhuri. Chokwadi, tiri kurarama munguva inoita kuti pfungwa dzishushikane. Zvisinei, izvi hazvishamisi vadzidzi veBhaibheri nokuti rakataura kuti dzino dzaizova “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.”—2 Timoti 3:1-5.

“Kushushikana mupfungwa kwagara kuchingoitika,” anodaro Jesús, baba vevana vatatu. “Saka unofanira kuziva zvokuita kuti ukuderedze.” Ichokwadi kuti zvingava nyore kutaura nezvokukuderedza pane kuzviita. Kunyange zvakadaro, pane mazano anoshanda uye chokwadi cheBhaibheri chinogona kukubatsira.

Kuderedza Kushushikana Mupfungwa Kunokonzerwa Nebasa

Uri kushushikana mupfungwa pamwe pamusana pemamiriro ezvinhu okubasa kwako here? Kutambura chinyararire kungatoita kuti utonyanya kushushikana. Sokutaura kunoita Bhaibheri pana Zvirevo 15:22, “pasingaranganwi mano anokona.”

Vatsvakurudzi vezvokushushikana kwepfungwa kunokonzerwa nebasa vanotaura kuti “taura nomunhu waunoshandira: kana vasingazivi kuti pane chiri kunetsa, havagoni kubatsira.” Izvi hazvirevi kutaura manzwiro ako nehasha uye nokuramwa. Muparidzi 10:4 inoti, “Unyoro hunonyaradza mhosva huru.” Taura zvine musoro uye usataura nenharo. Zvichida unogona kuita kuti waunoshandira aone kuti kusanyanya kushushikana mupfungwa pabasa kunoita kuti basa ribude zvakanaka kwazvo.

Izvi zvingashandiswawo kune zvimwe zvinetso zvine chokuita nokubasa, zvakadai sokusawirirana nevamwe vaunoshanda navo. Tsvaka nzira dzinobatsira dzokugadzirisa zvinetso zvakadaro, zvichida nokutsvakurudza kana zvakakodzera. Nyaya dzakawanda dzakabudiswa mumagazini ino dzingabatsira.a Kana zvisiri kugadzirisika zvingava zvakanaka kufunga nezvokuchinja basa racho.

Kuderedza Kushushikana Mune Zvemari

Bhaibheri rinopawo zano rinogona kukubatsira kuti usanyanye kushushikana mune zvemari. Jesu Kristu akarayira kuti: “Musafunganya pamusoro pemweya yenyu pamusoro pechamuchadya kana chamuchanwa, kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei.” (Mateu 6:25) Izvozvo zvinokwanisika sei? Nokuvimba kuti Jehovha Mwari achakupa zvaunoda zvinokosha. (Mateu 6:33) Mashoko anovimbiswa naMwari ndeechokwadi. Mamiriyoni evaKristu nhasi anokurudzirwa nemashoko iwaya.

Ichokwadi kuti unodawo “uchenjeri chaihwo” kana yava nyaya yemari. (Zvirevo 2:7; Muparidzi 7:12) Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti: “Hatina kuuya nechinhu panyika, uye hapana chatingabuda nacho. Nokudaro, kana tine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” (1 Timoti 6:7, 8) Kudzidza kugutsikana nezvishoma kunobatsira. Unoyeuka Leandro, uyo akatanga kufamba newiricheya pamusana petsaona. Iye nomudzimai wake vakatora matanho kuti vachengetedze mari yavo. Leandro anotsanangura kuti: “Tinoedza kuchengetedza mari. Somuenzaniso, kana tisiri kushandisa chiedza, tinodzima chiedza chacho kuitira kuti tichengetedze mari yemagetsi. Kana iri motokari, tinoronga kwatichaenda tobatanidza nzendo dzacho kuitira kuti tichengetedze mafuta.”

Vabereki vanogona kubatsira vana kuti vave nemafungiro akanaka. Mwanasikana waLeandro anonzi Carmen anobvuma kuti: “Ndaiva netsika yokungotenga ndisina kunyatsofunga, asi vabereki vangu vakandibatsira kunzwisisa zvinokosha chaizvoizvo nezvisingakoshi. Pakutanga zvakanga zvakaoma kuchinja. Asi ndakadzidza kusiyana kuri pakati pezvinhu zvisingakoshi zvandingada kuva nazvo nezvinokosha chaizvoizvo.”

Kukurukurirana—Kunoita Kuti Pfungwa Dzisanyanye Kushushikana

Musha unofanira kuva nzvimbo isingaiti kuti vanhu vashushikane mupfungwa, asi kazhinji ndiwo unonyanya kukonzera izvi. Nei? Bhuku rinonzi Survival Strategies for Couples, rinoti, “Vakaroorana . . . vanenge vakaora mwoyo zvishoma, kana kuti vane hasha vanoti, kusakurukurirana ndiko kunokonzera kusawirirana kwacho.”

Mashoko eBhaibheri anogona kubatsira vakaroorana kunatsiridza mano avo okukurukurirana. Bhaibheri rinotaura kuti pane “nguva yokunyarara, nenguva yokutaura” uye kuti “shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei!” (Muparidzi 3:1, 7; Zvirevo 15:23) Ukaziva izvi, zvichabatsira kuti usataure nyaya inovhiringidza pfungwa apo mumwe wako anenge akaneta kana kuti aine pfungwa dziri kushushikana. Hazvisi nani here kumirira nguva yakakodzera—mumwe wako paanenge achida kuteerera?

Ichokwadi kuti kana wanga uchifanira kutsungirira zuva rakaoma kubasa, zvingasava nyore kudzikama kana kushivirira. Asi chii chinogona kuitika kana tikabudisa zviri kutinetsa nokutaura nehasha kune watakaroorana naye? Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti, “shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.” (Zvirevo 15:1) Kusiyana neizvi, “mashoko, anofadza, akaita somusvi wouchi, zvinotapira kumweya zvichiporesa mapfupa.” (Zvirevo 16:24) Zvingada kunyatsotsunga kuti kurukurirano dzevakaroorana dzinge dzisina “pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutaura zvakaipa.” (VaEfeso 4:31) Zvisinei, zvakanaka zvinovapo zvakakodzera. Vakaroorana vanokurukurirana vanogona kunyaradzana uye kutsigirana. “Uchenjeri huri kune vanotenda kurayirirwa,” inodaro Zvirevo 13:10.b

Dambudziko Rokukurukurirana Kwomubereki Nomwana

Kukurukurirana nevana idambudziko—zvikurukuru kana nguva iri shoma. Bhaibheri rinokurudzira vabereki kuti vataure nevana vavo nguva dzose, ‘kana vagere mumba kana vachifamba munzira.’ (Dheuteronomio 6:6-8) “Munhu anofanira kutsvaka mikana yokukurukura,” anodaro Leandro. “Kana ndiri mumotokari nomwanakomana wangu, ndinoshandisa mukana iwoyo kukurukura naye.”

Ichokwadi kuti havasi vabereki vose vanowana zviri nyore kukurukura nevana vavo. Alejandra, vamwe amai vane vana vatatu, anobvuma kuti: “Ndakanga ndisingazivi nzira yokuteerera nayo. Kukundikana kukurukura zvakanaka kwakaita kuti ndinzwe hasha uye ndiine mhosva.” Mubereki angaita sei zvakanaka? Tanga nokudzidzira kuva ano“kurumidza kunzwa.” (Jakobho 1:19) “Kuteera kunoshanda chaizvo pakuita kuti pfungwa dzisanyanye kushushikana,” anodaro Dr. Bettie B. Youngs. Unofanira kuchenjerera mateerere ako. Tarisanai. Usarerutsa zvinetso zvevana vako. Kurudzira vana vako kuti vataure manzwiro avo. Bvunza mibvunzo yakakodzera. Taura kuti unovada uye kuti unovimba kuti vachaita zvakarurama. (2 VaTesaronika 3:4) Nyengetera nevana vako.

Zvinoda kushanda nesimba kuti pave nokukurukurirana kwakanaka. Asi kudaro kunogona kukubatsira kuti mhuri yako isanyanye kushushikana mupfungwa. Kukurukurirana kungakubatsira kuziva kana vana vako vari kushushikana mupfungwa. Unogona kupa vana vako mirayiridzo youchenjeri kana ukanzwisisa manzwiro avo nemamiriro avo ezvinhu. Pakupedzisira, vechiduku vanokurudzirwa kutaura zvinovanetsa mupfungwa havazozviratidzi nokuita misikanzwa.

Kushandira Pamwe—Ndiwo Musimboti Wokutarisira Mabasa Epamba

Kana murume nomudzimai vachienda kubasa, kutarisira mabasa epamba kunogona kuva chimwe chikonzero chokushushikana mupfungwa. Vamwe vanaamai vanoshanda vanokunda izvi nokurerutsa purogiramu dzavo dzepamba. Vangafunga kuti hazviiti kana kuti hazvishandi kubika zvokudya zvemaoresa. Yeuka zano raJesu kune mumwe mukadzi akanga ari kubika zvokudya zvemaoresa, rokuti: “Zvinodiwa zvinhu zvishoma, kana kungoti chimwe chete.” (Ruka 10:42) Saka rerutsa zvinhu. Bhuku rinonzi The Single-Parent Family rinoti: “Bikai nyama nemiriwo mumapoto mashoma kuti musasuke zvakawanda.” Chokwadi, kurerutsa mabasa enyu epamba kunogona kuita kuti musanyanye kushushikana mupfungwa.

Kunyange mukadaro, pangava nezvimwe zvinhu zvakawanda zvinoda kuitwa. Vamwe amai vanoshanda vanobvuma kuti: “Pandaiva muduku, ndaigona kuita chii zvacho. Iye zvino nokuti ndakura, zvaoma chaizvo. Upenyu hwokumhanya-mhanya hwandakararama hwava kutanga kundikanganisa. Saka kushandira pamwe chete kunoitwa nenhengo imwe neimwe yemhuri chiratidzo chokuva nehanya, uye zvinobatsira kuti ndisanyanya kushushikana mupfungwa.” Chokwadi, kana vose vomumhuri vakashandira pamwe chete, mabasa anogona kuitwa pasina kuremedza munhu upi noupi. Rimwe bhuku rezvokurera rinoti: “Kupa vana mabasa epamba ndeimwe nzira yakanakisisa yokuita kuti vave . . . nemanzwiro okuti vane zvavanokwanisawo kuita. Mabasa ezuva nezuva anogona kuita kuti vafarire kushanda uye kuti vaone basa zvakanaka.” Kuita mabasa epamba pamwe chete kunogonawo kukupa mukana wokumbova nevana vako.

Mumwe wechiduku anonzi Julieta anoti: “Ndinoona kuti amai vangu vanonzwa varerutsirwa pandinovabatsira mamwe mabasa. Izvozvo zvinondifadza uye zvinoita kuti ndinzwe kuti ndava kuvimbwa. Zvinondibatsira kukoshesa musha wedu. Kudzidza kuita mabasa epamba kwakaita kuti ndive nepokuzotangira munguva yemberi.” Mary Carmen anotaurawo saizvozvi achiti: “Kubvira tichiri vaduku, vabereki vangu vaitidzidzisa kuti tizvitarisire. Izvi zvakatibatsira zvikuru.”

Nzira Dzinoshanda Dzokuderedza Kushushikana Mupfungwa

Kushushikana mupfungwa kuri kungoitika muupenyu hwemazuva ano; uye haugoni kukunzvenga. Zvisinei, ungadzidza kukuderedza. (Ona bhokisi riri papeji 10.) Kushandisa zvinotaura Bhaibheri kunogona kubatsira. Somuenzaniso, kana ukanzwa wava kukundwa nemamwe mamiriro ezvinhu, yeuka kuti kune “shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.” (Zvirevo 18:24) Taura zvinhu zvacho neshamwari yakura kana kuti newawakaroorana naye. “Usavanza manzwiro ako,” anodaro Ronald L. Pitzer nyanzvi yezvemagariro evanhu. “Udza mumwe munhu akadzikama, akachenjera, manzwiro ako nezviri kukunetsa, uyo angangonzwisisa uye ane hanya.”

Bhaibheri rinotaurawo nezvo‘kuitira mweya wako zvakanaka.’ (Zvirevo 11:17) Chokwadi, zvakanaka kutarisira zvaunoda. Bhaibheri rinoti: “Tsama imwe yorugare inopfuura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo.” (Muparidzi 4:6) Kuronga nguva yokumbova woga kunogona kukubatsira kwazvo—kunyange kwemaminitsi mashomanana mumangwanani-ngwanani kuti unwe zvako kapu yetii, uverenge, unyengetere, kana kufungisisa uine rugare.

Kurovedza muviri zvine mwero uye kudya zvinovaka kunogonawo kubatsira. Bhuku rokurera vana rinotiyeuchidza kuti: “Kana ukashandisa simba rako nenguva inokosha uchirovedza muviri, chaizvoizvo unenge uchiita kuti zvizokubatsira paunenge wava kuzvida. . . . Ramba uine chokwadi chokuti wazvichengeta kuitira kuti usazopinda munjodzi yokuvhiringidzika mupfungwa.”

Uyezve, Bhaibheri rinobatsira munhu kuti ave nounhu hunodiwa kuti asanyanye kushushikana mupfungwa, hwakadai so“unyoro,” kushivirira, uye mutsa. (VaGaratiya 5:22, 23; 1 Timoti 6:11) Kupfuura izvozvo, Bhaibheri rinopa tariro—chipikirwa chenyika itsva iri kuuya muchange musina zvinhu zvose zvinoita kuti vanhu vasuruvare! (Zvakazarurwa 21:1-4) Saka zvine musoro kuva netsika yokuverenga Bhaibheri zuva nezuva. Kana uchida kubatsirwa kutanga purogiramu iyoyo, Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira, zvisingakubhadharisi.

Izvi hazvirevi kuti muKristu anorarama asingashushikani mupfungwa. Jesu akataura kuti zvinobvira ‘kusaremerwa nokufunganya nezvoupenyu huno.’ (Ruka 21:34, 35) Uyewo, kana ukasvika pakuziva Jehovha Mwari seshamwari, anogona kuva utiziro hwako chaihwo! (Pisarema 62:8) Anogona kukubatsira kuti usanyanye kushushikana mupfungwa nezvinhu zvoupenyu.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya dzinotevedzana dzinoti “Kana Uchinetswa Pabasa—Ungaitei?” dziri mumagazini yedu yaMay 8, 2004.

b Kana uchida mamwe mashoko ona chitsauko 3 chebhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]

“Pandaiva muduku, ndaigona kuita chii zvacho. Iye zvino nemhaka yokuti ndakura, zvaoma chaizvo. Upenyu hwokumhanya-mhanya hwandakararama hwava kutanga kundikanganisa”

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 27]

Nzira Yokuderedza Nayo Kushushikana Mupfungwa

◼ Zorodza muviri wako zvakakwana zuva roga roga

◼ Idya zvokudya zvine mwero. Usadyisa

◼ Rovedza muviri zvakakodzera uye nguva dzose, zvakadai sokufambisa

◼ Kana pane chimwe chinhu chiri kukunetsa chiudze shamwari yako

◼ Pedza nguva yakawanda uine mhuri yako

◼ Itai mose mabasa epamba

◼ Ziva zvisingakwaniswi nomuviri wako nepfungwa dzako

◼ Ita vavariro dzinokwanisika; usanyanya kuda zvakakwana

◼ Iva akarongeka; iva nepurogiramu yakadzikama, yakanaka

◼ Iva nounhu hwechiKristu hwakadai sounyoro uye kushivirira

◼ Wana nguva yokuva woga

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kukukura zvinetso noruremekedzo newaunoshandira kungaita kuti usanyanye kushushikana kubasa

[Mufananidzo uri papeji 24]

Vabereki vanogona kukurukura nzira dzokuchengetedza mari nevana vavo

[Mufananidzo uri papeji 24]

Somuduku, taura zvinokunetsa nomumwe munhu anogona kubatsira

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Munhu wose anogona kubatsira nokuita mabasa epamba

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe