Kuva Nehanya Nevana
MWANAKOMANA waMwari aiva nenguva yokumbopedza aine vana here? Vamwe vevadzidzi vake havana kufunga kudaro. Pane imwe nguva vakaedza kurambidza vaduku kuti vasasvike pedyo naJesu. Akaramba izvozvo achiti: “Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedza kuvadzivisa.” Norudo akabva agamuchira boka revana ndokutaura navo. (Mako 10:13-16) Saka Jesu akaratidza kuti aiva nehanya nevana. Vabereki nhasi vangatevedzera sei muenzaniso wake? Nokunyatsorovedza vana vavo uye kupedza nguva navo.
Ichokwadi kuti vabereki vakavimbika vanoda chaizvo kutarisira vana vavo zvakanaka uye kusavabata zvakaipa. Zvingatonzi nde“zvomuzvarirwo” kuti vabereki varemekedze uye varatidze hanya vana vavo. Zvisinei, Bhaibheri rinonyevera kuti vakawanda munguva yedu vaizova vasina “rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.” (2 Timoti 3:1-3) Uye kune avo vanoramba vachida vana vavo, pagara paine chimwe chinhu chokudzidza kana vachida kuvarera zvakanaka. Saka mashoko eBhaibheri anotevera zvinofadza vabereki vanoda kuti vana vavo vaite zvakaisvonaka.
Kurovedza Vana Pasina Kuvatsamwisa
Dr. Robert Coles, mumwe mudzidzisi uye chiremba wepfungwa anozivikanwa kwazvo akamboti: “Mumwana mune pfungwa dzinoramba dzichiwedzera dzokuda kuziva tsika. Ndinofunga kuti zvinobva kuna Mwari, uye kuti anoda kutungamirirwa mutsika.” Ndiani achagutsa nzara iyi nenyota yokuda kutungamirirwa mutsika?
Pana VaEfeso 6:4, Magwaro anorayira kuti: “Imi, madzibaba, musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.” Waona here kuti rugwaro urwu ruri kunyanya kupa baba basa rokudzidzisa vana vavo kuti vade Mwari uye kuti vakoshese kwazvo mirayiro yake? Mundima 1 yaVaEfeso chitsauko 6 ndima 1, muapostora Pauro aireva vose baba naamai paakaudza vana kuti ‘vateerere vabereki vavo.’a
Zvechokwadi, kana baba vasipo, amai ndivo vanofanira kuita basa iri. Vanaamai vakawanda vasina varume vakabudirira kurera vana vavo nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha Mwari. Zvisinei, kana amai vacho vakaroorwa, murume wechiKristu anofanira kutungamirira. Amai vanofanira kutevedzera vachida utungamiriri ihwohwo pakurovedza uye kuranga vana vavo.
Munoranga kana kuti munorovedza sei vana venyu ‘musingavatsamwisi?’ Hapana nzira chaidzo dzingashandiswa dzinozivikanwa, zvikurukuru sezvo mwana mumwe nomumwe akasiyana. Asi vabereki vanofanira kufungisisa nezvemarangiro avo, nguva dzose vachiratidza rudo uye kuremekedza vana vavo. Zvinofadza kuti nyaya iyi yokusatsamwisa vana venyu inodzokororwa muMagwaro pana VaKorose 3:21. Ipapo vanababa zvakare vanorayirwa kuti: “Musashusha vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.”
Vamwe vabereki vanopopotera vana vavo. Hapana mubvunzo kuti izvi zvinotsamwisa vana vavo. Asi Bhaibheri rinokurudzira kuti: “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutaura zvakaipa ngazvibviswe kwamuri.” (VaEfeso 4:31) Bhaibheri rinotiwo “muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva munyoro kune vose.”—2 Timoti 2:24.
Vawanirei Nguva
Kuva nehanya nevana venyu kunorevawo kuti munoda kuzvinyima zvimwe zvinokufadzai uye zvirongwa zvenyu pachenyu kuitira kuti mutarisire vana venyu. Bhaibheri rinoti: “Mashoko awa andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.”—Dheuteronomio 6:6, 7.
Nhasi, mitoro yemari inoda nguva yakawanda inoita kuti vabereki vashoma vawane nguva yokuva nevana vavo zuva rose. Asi Dheuteronomio inosimbisa kuti vabereki va“nofanira” kuwana nguva yokuva nevana vavo. Kuti izvozvo zviitike zvinoda kunyatsoronga uyewo kuzvipira. Zvisinei, vana vanoda kuratidzwa hanya saizvozvo.
Chimbofunga nezvezvakabuda pane kumwe kuongorora kwakaitwa pavana vachiri kuyaruka vanopfuura 12-000. Mashoko akaguma ataurwa nevatsvakurudzi vacho aiti: “Kunzwisisana kwomubereki nomwana ndiko kunonyanya kubatsira kuti muyaruki ave noutano hwakanaka uye kunomudzivirira pakuita zvinhu zvine ngozi.” Chokwadi, vana vanoda chaizvo kuti vabereki vavo vavaratidze hanya. Vamwe amai vakambobvunza vana vavo kuti, “Kudai maizogona kuva nechinhu chose chamunoda, chii chamaizoda kupfuura zvose?” Vose vari vana vakapindura kuti, “Kuva nenguva yakawanda naAmai naBaba.”
Saka kuva mubereki anovimbwa kunoreva kuva nechokwadi chokuti wagutsa zvinodiwa nevana vako, kusanganisira dzidzo yezvokunamata uye ushamwari hwepedyo navo. Zvinoreva kubatsira vana kuti vave vanhu vakuru vanokwanisa, vanoremekedzeka, uye vakavimbika vanobata vamwe nomutsa uye vanopa mbiri kune Musiki wavo. (1 Samueri 2:26) Chokwadi, kana vabereki vakarovedza uye vakaranga vana vavo nenzira inodiwa naMwari, vanenge vari kuva vakavimbika.
[Mashoko Omuzasi]
a Pano Pauro akashandisa shoko rechiGiriki rokuti go·neuʹsin, rinobva pana go·neusʹ, rinoreva “mubereki.” Asi mundima 4 akashandisa shoko rechiGiriki rokuti pa·teʹres, rinoreva kuti “madzibaba.”
[Mufananidzo uri papeji 31]
Kupopota kunogona kuita kuti mwana aore mwoyo
[Mufananidzo uri papeji 31]
Pedzai nguva muine vana venyu