“Musatsamwisa Vana Venyu”
“MADZIBABA, musatsamwisa vana venyu.” Akataura kudaro muapostora Pauro. (VaEfeso 6:4, NW) Munyika dzokuMadokero, umo vabereki vanopinzwa mukuora mwoyo nedzvinyiriro dzechaunga chamabasa okugadzira zvinhu, nguva dzose hakusi nyore kuti vabate nenzira yomutsa navana vavo. Uye kurera vana haisi denho yakaderera munyika dziri kubudirira. Chokwadi, nhano youpenyu inganonoka kupfuura kuMadokero. Asi tsika dzagara kwenguva refu namagamuchidzanwa zvingapesvedzera vabereki kubata navana munzira dzinodokuva nechokwadi chokuvavhiringidza nokuvashatirisa.
Vana mune dzimwe nyika dziri kubudirira vanoderedzwa zvikuru pakuzivikanwa nokuremekedzwa. Mune dzimwe tsika vana vanorairwa namanzwi okutyisidzira naane chiremera, vanopopoterwa uye vanotukwa. Kungava kwechienzi kunzwa mukuru achitaura shoko romutsa kumwana, tisingadudzi mashoko etsika dzakawanda akadai sa“ndapota” uye “wazvita.” Vanababa vanonzwa kuti vanofanira kusimbisa chiremera chavo namaoko akasimba; mashoko akaoma anosimbiswa nezvibhakera zvakasimba.
Mune dzimwe tsika dzomuAfrica, kunotorangarirwa sokusvinuka kuti mwana atange kukwazisa munhu akura. Hakusati kuri kwechienzi kuona pwere, dzakaremerwa nemitoro inorema pamisoro yadzo, dzichimirira nenzira yokushivirira tendero yokukwazisa boka ravakuru. Vanhu vakura vachapfuuridzira kurukurirano yavo yenhando, vachifuratira pwere dzinomirira kusvikira vasarudza kuvarega vachikwazisa. Pashure bedzi pekwaziso idzodzo apo vana vanobvumirwa kupfuura.
Urombo ndichimwe chinhu chinogona kurwisana negarikano yavana. Pakurasikirwa noutano hwavo nokuenda kuchikoro, vaduku vanoshandiswa nenzira isina kufanira savashandi vavana. Mitoro yebasa yakaoma zvisina mufungo ingaiswa pavana kunyange pamusha. Uye apo mhuri dziri munzvimbo dzomumaruwa dzinotumira vana vadzo kumaguta makuru kuti vandotarisirwa nehama dzokunyama pavanenge vachiendeswa kuchikoro, kazhinji kazhinji vanobatwa sokunge varanda chaivo. Zvirokwazvo, kubatwa kwose kusina kunaka ikoku kunotsamwisa vana!
Chinoreva ‘Kuvatsamwisa’
Vamwe vabereki vanozvibvumira vamene kupesvedzerwa netsika dzakakurumbira dzokurera vana nomufungo muduku pamusoro pemiuyo. Zvisinei, kuri nokuda kwechikonzero chakanaka kuti Shoko raMwari rinokurudzira vabereki kusatsamwisa vana vavo. Kutaura kwapakuvamba kwechiGiriki kunoshandurwa kuti “musatsamwisa” chaizvoizvo kunoreva “musanyandurira kuhasha.” (Kingdom Interlinear) Pana VaRoma 10:19, chiito chimwe chetecho chinoshandurwa kuti “kumutsa kutsamwa.”
Today’s English Version nokudaro inoti: “Musabata vana venyu nenzira yakadaro zvokuvatsamwisa.” The Jerusalem Bible nenzira yakafanana rinoti: “Musatongosundire vana venyu kupfundepfunde.” Naizvozvo Bhaibheri harisi kutaura pamusoro pokutsamwisa kuduku uko nokusaziva mubereki angaparira mwana wake nemhaka yokusakwana, uye harisi kushurikidza chirango chinoshandiswa nenzira yakarurama. Mukuwirirana neLange’s Commentary on the Holy Scriptures, iyi ndima yeBhaibheri inotaura nezvo“kubatwa kwokukurumidza, kwakashata, kwokukurumidza kutsamwa kwavana, zvokuti . . . vanodziviswa uye vanopesvedzerwa kuchishoro, ruzvidzo nokukasharara.”
Sokutaura kwakaita mudzidzisi J. S. Farrant: “Idi nderokuti vana vanhu. Havangopinduri nenzira yokusakendenga sezvinoita miti kumhoteredzo yayo. Vanoita chiito.” Uye kazhinji kazhinji kuita chiito kukubatwa kusina kufanira kunoguma noruparadziko rwomudzimu norwendangariro. Muparidzi 7:7 inoti: “Kumanikidza kunoita muchenjeri benzi.”
Kurera Vana Muchirango chaMwari
Vabereki vanoshuva kuti vana vavo vapfuurire kufamba muzvokwadi havafaniri kubvumira mipimo yetsika namagamuchidzanwa kuva zvinosarudza bedzi kuti vacharera sei vana vavo. (Enzanisa na 3 Johane 4.) Pashure pokunyevera vabereki pamusoro pokutsamwisa vana vavo, Pauro akawedzera, kuti: “Pfuurirai kuvarera muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4, NW) Mipimo yaJehovha nokudaro inopfuura tsika dzomunzvimbo nemirangariro.
Nepo kungava kunozivikanwa navose mune dzimwe nyika kuti vana vabatwe savakadaro uye savashandi varanda, Bhaibheri rinozivisa paPisarema 127:3, kuti: “Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha; chibereko chechizvaro ndiwo mubairo waanopa.” Mubereki angagona kuchengeta ukama hwakanaka naMwari kana akabata nhaka yake nenzira yakaipa here? Nyangwe. Uyewo hakuna nzvimbo yomurangariro wokuti vana vanovapo bedzi bedzi kuti vaite zvinodikanwa zvavabereki vavo. Pana 2 VaKorinte 12:14, Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti: “Nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vanofanira kuchengetera vana.”
Hakusati kuri kuti vana vanofanira kuhesvurwa mukuita mugove wavo wemibato yapamba namabasa. Asi fariro dzomwana amene dzakanakisisa hadzifaniri kurangarirwa here? Somuenzaniso, apo Yaa, musikana wechiKristu muAfrica, akabvunzwa chaaizoda zvikurusa kuti vabereki vake vamuitire, iye akapindura, kuti: “Ndinoshuva kuti mibato yangu yapamba ideredzwe pamazuva andine gadziriro dzebasa romumunda.” Naizvozvo kana mwana ari kukuwana kwakaoma kuva muchikoro panguva kana kuti kupinda misangano nemhaka yomutoro unorema wemibato yapamba, kwaisazova kwakanakisisa here kuita gadziridzo?
Sezvinobvumwa, vanhu vaduku vanogona kuva vakaoma kubata navo. Vabereki vanogona sei kubata navo nenzira isina kuipa kana kuti isingatsamwisi? Zvirevo 19:11 (NW), inoti: “Uchenjeri hwomunhu zvirokwazvo hunoderedza hasha dzake.” Hungu, kutanga unogona kuedza kunzwisisa mwana wako somunhu. Mwana mumwe nomumwe akasiana, ane fariro dzake amene, mano, uye zviito. Ndezvipi izvozvi? Wakambova nenguva yokusvika pakuziva mwana wako uye kudzidza mhinduro kumubvunzo iwoyu here? Kushanda nokunamata pamwe chete, kupinda muvaraidzo yemhuri—zvinhu izvozvi zvinogovera mabanza okuti vabereki vaswedere pedyo zvikuru navana vavo.
Pana 2 Timotio 2:22, Pauro akaita imwe tsinhiro inofadza paakaudza Timotio, kuti: “Tiza kuchiva kwoujaya.” Hungu, Pauro ainzwisisa kuti upwere hunogona kuva nhambo isina kuterama. Chinjo dzinoshamisa dzomuviri nemifungo dzinoitika. Kukwezverwa kuvanhu vane mitezo yakasiana yokubereka nayo kunokura. Mukati meiyi nguva, pwere dzinoda nhungamiro youkuru neyorudo kudzivisa mhinganidzo dzakakomba. Asi hadzifaniri kubatwa sokunge kuti dzine utere. Mwanasikana akatsamwiswa womumwe murume wechiKristu akachema, kuti: “Kana ndisina kuita ufeve, asi baba vangu vari kundipomera ihwo, ndingasva ndahuita.” Panzvimbo pokupa vavariro dzakashata, taurai chivimbo mumwana wako. (Enzanisa na 2 VaTesaronika 3:4.) Panzvimbo pokuva anotsoropodza, iva anonzwira urombo naanonzwisisa nenzira yorudo, inotsinhirana.
Zvinetso zvizhinji zvinogona kudziviswa, zvisinei, kana vabereki vakakurukura pachine nguva mberi ngozi dzetsika idzo mwana anotarisana nadzo. Yeuka, Mwari anopa vabereki musengwa wokurovedza nokudzidzisa vana vavo muShoko raMwari. (Dheuteronomio 6:6, 7) Ikoko kungada nguva yakati nenhamburiko. Nenzira inosuruvarisa, vamwe vabereki vanokundikana kuita mugove wavo wokudzidzisa nemhaka yokuti havana shiviriro. Kusagona kurava nokunyora, chinetso chikuru munyika zhinji dziri kubudirira, kunodzivisa vamwezve vabereki.
Mune zvimwe zvinoitika muKristu akakura mumudzimu anogona kukumbirwa kubetsera. Ingangova nhau yokupa zvikarakadzo kumubereki ane ruzivo rwokuzviwanira rushoma. (Zvirevo 27:17) Kana kuti kungabatanidza kubetsera kuitisa fundo yemhuri imene. Asi ikoku hakusununguri mubereki pamutoro wake wokudzidzisa vana vake Shoko raMwari. (1 Timotio 5:8) Iye anogona kuita nhamburiko yokushanda navana vake muushumiri hwomumunda uye kukurukura nhau dzomudzimu pazvokudya kana kuti padzimwe nhambo dzakafanira.
Pwere yava kusvika kuukuru ingashuva nenzira yomuzvarirwo kuzvimirira kwakawanda. Kazhinji kazhinji ikoku kunonzwisiswa nenzira isina kururama sorupandukiro kana kuti kuvirima. Kwaizova kunotsamwisa zvikuru sei kana vabereki vakaita chiito kupfurikidza nokumubata somwana muduku ndokuramba kumupa rusununguko rwakawanda muzviito zvake! Kunotsamwisa zvakaenzana kwaizova kuti vasarudze rutivi rwuri rwose rwoupenyu hwake—dzidzo, basa, roorano—vasingakurukuri nhau naye nomutoo wakadzikama nowokuremekedza. (Zvirevo 15:22) Muapostora Pauro akakurudzira maKristu biyake “kukura zvakazara mumasimba okunzwisisa.” (1 VaKorinte 14:20, NW) Vabereki havafaniri here kushuva kuti vana vavo vamene vakure—mupfungwa nomumudzimu? Bva, “masimba okunzwisisa” epwere anogona bedzi kurovedzwa “kupfurikidza nokushandiswa.” (VaHebheru 5:14, NW) Kuti aashandise iye anofanira kupiwa mwero wakati worusununguko rwechisarudzo.
Kurera vana mukati mamazuva ano akaoma hakusati kuri nyore. Asi vabereki vanotevera Shoko raMwari havatsamwisi kana kuti kushatirisa vana vavo “kuti varege kuora mwoyo.” (VaKorose 3:21) Panzvimbo pezvo, ivo vanotamburira kuvabata noushamwari, nzwisiso, uye chiremera. Vana vavo vanotungamirirwa, kwete kusundwa; vanorerwa, kwete kufuratirwa; vanosundirwa kurudo, kwete kunyandurirwa kukutsamwa kana kuti kuvhiringidziko.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Kutamba “oware,” mutambo womunzvimbomo unotambirwa mumba muGhana, kunopa ava vabereki banza rokusonganirana navana vavo