Chii Chinokonzera Kushayikwa Kwedzimba?
NECHOKWAKAPERERA rimwe guta guru riri muAfrica, Josephine ane makore 36 anogara nevanakomana vake vatatu, vane makore ari pakati pe6 kusvika ku11. Kuti vararame, anonhongerera zvigubhu zvisina chinhu zvaanozotengesa kune imwe kambani iri pedyo inozozvibikazve. Basa iri rinokuvadza musana rinomuwanisa mari isingasviki madhora maviri okuUnited States pazuva. Muguta iri, mari iyi haitombokwani kudyisa vana vake kana kuvaendesa kuchikoro.
Kana zuva rapera, anodzokera kune yaanoti imba yake. Madziro ayo akagadzirwa nezvidhina zvakatsva notumapango twakanamwa nevhu. Marata asina kuroverwa nezvipikiri, ane ngura pamwe chete nemarata emigomo nemapurasitiki ndizvo zvakapfirira denga reimba yake. Matombo, matanda, uye marata ekare zvakaiswa pamusoro kuitira kuti denga racho rirambe rakatsiga panenge pachivhuvhuta mhepo ine simba. “Musuwo” weimba yake ne“hwindo” rake anongova masaga akabvaruka-bvaruka, asingagoni kunyatsodzivirira zvakakwana pamamiriro okunze asina kunaka—tisingatauri zvedu pamatsotsi.
Zvisinei, kunyange imba iyi isina kukodzera, haisi yake chaiyo. Josephine nevana vake vanongogara vachitya kuti vachadzingwa. Pane imba yavo isina kukodzera iyi ndipo pachapfuura nomugwagwa uchakudzwa uri pedyo. Zvinosuwisa kuti mamiriro ezvinhu akafanana neaya aripowo munyika dzakawanda munyika yose.
Imba Ine Ngozi
Kana dziri “dzimba dzevarombo,” anodaro Robin Shell, mumwe mushandi agara nebasa wechirongwa chiri kubatsira mukuvakwa kwedzimba munyika yose, “vana vanonyara neimba yacho, . . . mhuri yacho inongogara ichirwara, uye . . . haimbozivi kuti vamiririri vehurumende kana kuti muridzi wemba yacho vachauya rini kuzoparadza [imba yavo].”
Kugara mumamiriro ezvinhu akadaro kunomanikidza vabereki kuti vagare vachityira utano nokuchengeteka kwevana vavo. Pane kuti vashandire kunatsiridza mamiriro avo ezvinhu, vanowanzopedzera nguva yavo yakawanda nesimba ravo vachiedza kupa vana vavo zvinhu zvinodiwa kuti vararame zvakadai sezvokudya, kuvazorodza, uye pokugara.
Kana munhu asingazivi zvinobatanidzwa, zvingava nyore kugumisa kuti varombo vanogona kugadzirisa mamiriro avo ezvinhu kana vakaedza nepavanogona napo. Asi kungoudza vanhu kuti vazvisimudzire nesimba ravo voga haisi iyo mhinduro. Pane zvinhu zvakaoma kunzwisisa mudambudziko redzimba zvisingakwaniswi nomunhu mumwe chete. Vatsvakurudzi vanotaura kuti zviri kunyanya kukonzerwa nokuwandisa kwevanhu, kukurumidza kukura kwemaguta, matambudziko anongoitika oga, kusagadzikana kwezvematongerwo enyika, uye urombo husingaperi. Kungofanana neminwe mishanu yechanza chakapfumbatwa, zvinhu izvi zviri kuomesera upenyu varombo vari munyika yose.
Zvinetso Zvokuwanda Kwevanhu
Zvinofungidzirwa kuti gore roga roga nyika inofanira kuwanisa dzimba vanhu vanokwana mamiriyoni 68 kusvika kumamiriyoni 80. Maererano neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, uwandu hwevanhu vari munyika yose hwakadarika mabhiriyoni 6,1 muna 2001 uye huri kutarisirwa kuti huchava pakati pe7,9 ne10,9 panozosvika 2050. Zvinotoita kuti munhu azvidye mwoyo ndezvokuti 98 muzana youwandu uhwu, mumakumi maviri emakore ari kutevera, iri kufungidzirwa kuti ichava munyika dzichiri kusimukira. Nhamba idzodzi dzokufungidzira dzinoratidza kuti pane dambudziko guru redzimba. Asi dambudziko irori, rinonyanya kuomeswa nokuti nzvimbo dziri kukurumidza kuwanda vanhu munyika, maguta anotova nevanhu vakawanda.
Kungotamira Mumaguta Kusingaperi
Maguta makuru—akadai seNew York, London, neTokyo—anowanzoonekwa sezviratidzo zvinokosha zvokubudirira kwenyika mune zvoupfumi. Saka, gore negore zviuru zvevanhu vokumaruwa zvinoenda ‘kunzvimbo dzomumaguta idzi dzakabudirira’ nechinangwa chokutsvaka dzidzo nemabasa.
Somuenzaniso, China, iri kukurumidza kukura mune zvoupfumi. Somugumisiro, mune mumwe mushumo zvinofungidzirwa kuti pachapera makumi mashomanana emakore, dzimba dzinopfuura mamiriyoni 200 dzichange dzava kudiwa mumaguta makuru chete. Nhamba iyi inopfuura nekaviri nhamba yedzimba dzose dziripo iye zvino muUnited States yose. Ipurogiramu ipi yedzimba ingawanisa vanhu vose ava dzimba?
Maererano neWorld Bank, “gore roga roga, mhuri itsva dzinenge mamiriyoni 12 kusvika ku15, dzinodawo dzimba dzinoenderana nouwandu hwadzo, dzinowedzera kumaguta enyika dzichiri kusimukira.” Sezvo pasina imba dzakakwana dzinogona kutengeka, varombo ava vari mumaguta vanongoona vachifanira kutsvaka pamwewo pavangagara, pasingawanzofarirwi kugarwa nevamwe vanhu.
Njodzi Dzinongoitika Dzoga uye Dzinokonzerwa Nevezvematongerwo Enyika
Urombo hwakamanikidzira vakawanda kuti vagare munzvimbo dzinowanzoitika mafashamo, dzinoputika, uye dzinodengenyeka. Somuenzaniso, zvinofungidzirwa kuti muCaracas, Venezuela, vanhu vanodarika hafu yemiriyoni “vanogara munzvimbo dzisingatenderwi pamawere emakomo anowanzoerera madhaka.” Chimboyeuka tsaona yakaitika mune imwe indasitiri kuBhopal, kuIndia, uko kwakafa zviuru zvevanhu zvakawanda uye kwakakuvadzwa vakawanda. Nei vakawanda vakafa kudaro uye vakakuvara mutsaona iyi? Chikonzero chikuru chaiva chokuti guta rine zvitangwena riri pedyo rakanga rakura zvokusvika pedyo nemiganhu yefekitari yacho nemamita mashanu.
Njodzi dzinokonzerwa nevezvematongerwo enyika, dzakadai sehondo dzezvizvarwa zvomunyika imwe chete, ndidzo dziri kuwedzera zvinetso zvedzimba. Mumwe mushumo wakabudiswa muna 2002 neboka rekodzero dzevanhu wakati vanhu vakawanda vangasvika miriyoni imwe nehafu kunyanya vaigara mumisha, vangave vakatiza misha yavo kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweTurkey muhondo yezvizvarwa zvomunyika iyi yakaitika pakati pa1984 na1999. Vakawanda vavo vaitofanira kutsvaka pokugara chero papi zvapo pavaikwanisa kuwana, kazhinji kacho vachinogara nehama dzavo nevavakidzani vavo zvokumanikidzana, mudzimba dzisina kunyatsotsarukana, dzokurenda, muzvivako zvevarimi, kana kuti zvepanzvimbo dzaivakwa. Zvinonzi rimwe boka remhuri dzacho raigara mumatanga ezvipfuwo, mukamuri imwe neimwe muine vanhu 13 kana kupfuura, vachishandisa chimbuzi chimwe chete nepombi imwe chete yemvura yaiva payadhi yacho. “Tinoda kurarama upenyu hwakasiyana nehwatiri kurarama iye zvino,” akadaro mumwe wevapoteri vacho. “Tiri kugara munzvimbo yakavakirwa mhuka.”
Kusabudirira Mune Zvoupfumi
Chokwadi dambudziko redzimba nourombo zvinofambidzana chaizvo. Maererano nomushumo weWorld Bank wambotaurwa, muna 1988 chete, vagari vomumaguta vanosvika mamiriyoni 330 vari munyika dziri kusimukira zvainzi varombo, izvo zvakanga zvisingatarisirwi kuti zvaizochinja zvikuru mumakore akazotevera. Kana vanhu vari varombo zvikuru zvokusakwanisa kutenga zvinhu zvinodiwa zvakadai sezvokudya nezvipfeko, vangakwanisa sei kurenda kana kuvaka imba yakanaka?
Mibereko yakakwirira yemari inokweretwa kubhengi nemari inenge isisina ukoshi zvinoita kuti mhuri dzakawanda dzitadze kukwereta mari kubhengi, uye mitero yedzimba inoita kuti zviomere vanhu kubudirira. Kusavapo kwemabasa kwakakwirira ne20 muzana mune dzimwe nyika kunoomesera vanhu kuti vawane chouviri.
Izvi nezvimwewo zvakamanikidzira mazana emamiriyoni ari munyika yose kugara mudzimba dzisina kuvakwa zvakanaka. Vanhu vari kugara mumabhazi asingachafambi, mumatiroko, uye mudzimba dzakavakwa nemakadhibhokisi. Vari kugara mumikoto yemasitepisi edzimba dzakaturikidzana, mudzimba dzakagadzirwa nemarata akapera basa. Kunyange aichimbova maindasitiri ava kugarwa nevamwe vanhu.
Chii Chiri Kuitwa?
Vanhu vakawanda vane hanya, masangano, uye hurumende vari kutoedza kugadzirisa dambudziko racho. MuJapan, masangano anoverengeka akaumbwa kuti abatsire kuvaka dzimba dzinotengeka nomunhu wose. Chimwe chirongwa chokuvakwa kwedzimba muSouth Africa chakaitwa muna 1994 chakabatsira kuvakwa kwedzimba dzine makamuri mana dzinopfuura miriyoni. MuKenya mune chirongwa chokuvaka dzimba chine chinangwa chokuvaka dzimba 150 000 mumaguta uye kuvaka dzimba dzakawanda kumaruwa dzinopfuura nekaviri dzomumaguta gore roga roga. Dzimwe nyika dzakadai seMadagascar, dzakaedza kutsvaka nzira dzokuvaka nadzo dzinoita kuti pavakwe dzimba dzisingadhuri.
Masangano ari munyika dzose, akadai seUN-HABITAT, akaumbwa kuti aratidze kuti nyika yose ine chido “chokudzivisa uye kuderedza zvinetso zvinobva pakukura kwemaguta.” Masangano asingawani purofiti uye asiri ehurumende ari kuedzawo kubatsira. Rimwe sangano risingawani purofiti rakabatsira mhuri dzinodarika 150 000 munyika dzakasiyana-siyana kuti dzisagare mudzimba dzisina kuvakwa zvakanaka kana kuti kudzinatsiridza. Sangano racho rinofungidzira kuti panozosvika 2005, richange rabatsira vanhu vanosvika miriyoni kuva nedzimba dzinotengeka, dzakanaka zviri pakati nepakati.
Masangano mazhinji aya akaita kuti pave nemashoko anowanika nyore nyore, anoshandisika, anobatsira vanhu vari kugara mudzimba dzisina kukodzera kuti vaedze nepavanogona napo kugadzirisa mamiriro avo ezvinhu kana kutoanatsiridza. Chokwadi ukawana kuti unoda kubatsirwa, unogona kushandisa zvakanaka chaizvo urongwa uhwu. Kune zvinhuwo zvakawanda zvinokosha zvaungakwanisa kuita kuti ubatsirike.—Ona bhokisi rinoti “Imba Yako Noutano Hwako,” riri papeji 24.
Pasinei nokuti unokwanisa kunatsiridza mamiriro ako ezvinhu here kana kuti kwete, pane tarisiro duku yokuti sangano ripi zvaro revanhu kana munhu upi zvake achabvisa zvinetso zviri kukonzera dambudziko iri. Nzanga yenyika yose iri kutadza kupa rubatsiro uye budiriro kuvanhu, zvavari kuda nokukurumidza zvikuru. Gore roga roga mamiriyoni evana anozvarirwa muurombo huri kungowedzera. Pane tariro chaiyo here iripo yokuti zvinetso izvi zvichagadziriswa zvachose?
[Bhokisi riri papeji 24]
IMBA YAKO NOUTANO HWAKO
Maererano neWorld Health Organization, kazhinji kuti pave noutano hwakanaka, imba inofanira kunge iine zvinhu zvinotevera:
◼ Denga rakanaka rinodzivirira pamvura inonaya
◼ Madziro akanaka nemisuo zvinodzivirira pamamiriro okunze asina kunaka uye kuti mhuka dzisapinde
◼ Inofanira kunge iine sefa pamahwindo nepamisuo kuti tumbuyu tusapinda, zvikurukuru umhutu
◼ Vharanda rinodzivirira madziro kuti asapiswa nezuva zvakananga mumwaka wokupisa
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]
MHANDO YEDZIMBA DZAGARA DZICHIVAKWA MUMARUWA EAFRICA
Kwemakore akawanda dzimba dzagara dzichivakwa muAfrica dzainge dzakangoti mwarara pose pose. Dzaiva dzoukuru hwakasiyana-siyana uye dzichitaridzika zvakasiyana-siyana. Vamwe vanhu vakadai sevaKikuyu nevaLuo vokuKenya, vaifarira dzimba dzedenderedzwa uye dzedenga rine chiruvi. Vamwe, kusanganisira vaMasai vokuKenya nevokuTanzania, vaivaka dzine makona. Munzvimbo dziri kumuganhu weEast Africa, dzimwe dzimba dzacho dzine denga rouswa rinenge richisvika pasi uye rakafanana nomukoko wenyuchi.
Sezvo zvinhu zvakawanda zvaishandiswa pakuvaka dzimba idzi zvaiva nyore kuwana, matambudziko edzimba aiva mashoma. Ivhu nyoro raigadzirwa nokungorikanya nemvura. Masango akawanda aiva pedyo aiita kuti zvive nyore kuwana mapango, uswa, tsanga, uye mashizha emishenjere aivawo nyore kuwana. Saka pasinei nokuti mhuri yacho yaive yakapfuma kana kuti iine urombo zvakadini, yaikwanisa kuva nemba yayo.
Asika dzimba idzodzo dzainge dziine zvimwe zvadzakanga dzisina kunakira. Sezvo matenga akawanda aivakwa nezvinhu zvinotsva, dzaigona kubatira moto nyore nyore. Uyewo mbavha yaikwanisa kupinda mumba macho nyore nyore nokungoboora mudhuri wemba yacho yevhu. Saka, hazvishamisi kuti munzvimbo dzakawanda nhasi, dzimba dzaiwanzovakwa muAfrica dziri kupera zvishoma nezvishoma uye dziri kutsiviwa nedzinovakwa nezvinhu zvakanyatsosimba.
[Kwazvakatorwa]
Kwakabva Mashoko: African Traditional Architecture
Dzimba: Zvatenderwa neBomas of Kenya Ltd - A Cultural, Conference, and Entertainment Center
[Mufananidzo uri papeji 22]
EUROPE
[Kwazvakatorwa]
© Tim Dirven/Panos Pictures
[Mufananidzo uri papeji 23]
AFRICA
[Mufananidzo uri papeji 23]
SOUTH AMERICA
[Mufananidzo uri papeji 24]
SOUTH AMERICA
[Mufananidzo uri papeji 24]
ASIA
[Kwazvakatorwa]
© Teun Voeten/Panos Pictures; J.R. Ripper/BrazilPhotos
[Kwazvakatorwa]
JORGE UZON/AFP/Getty Images; © Frits Meyst/Panos Pictures