Kunwa Doro Zvisina Mwero—Injodzi Kunzanga
KUNWA zvinwiwa zvinodhaka kune zvakwakanakira uye kune zvakwakaipira. Bhaibheri rinoti kunwa doro zvine mwero kunogona kufadza mwoyo. (Pisarema 104:15) Asi Bhaibheri rinonyeverawo nezvokunwa doro zvisina mwero uko kunogona kukuvadza kana kuti kutouraya, sezvinoita kuruma kwenyoka ine uturu. (Zvirevo 23:31, 32) Ngatimbotarisisai njodzi huru dzinokonzerwa nokunwa doro zvisina mwero.
“Mumwe mutyairi akanga akadhakwa akatsika vamwe amai vane makore 25 nomwanakomana wavo ane makore maviri musi woMugovera. . . . Mukadzi wechiduku uyu, anga aine pamuviri pemwedzi mitanhatu, akafa musi weSvondo. Mwanakomana wake, uyo akakuvara mumusoro, hameno akararama,” akadaro mashoko erimwe pepanhau rinonzi Le Monde. Zvinosuruvarisa kuti nyaya dzakadai ndidzo dziri kuwanzoitika. Pamwe unoziva mumwe munhu akapinda mutsaona yakakonzerwa nokunwa doro zvisina mwero. Gore roga roga zviuru zvevanhu zvinourayiwa kana kuti zvinokuvadzwa mutsaona dzomumigwagwa dzinokonzerwa nevatyairi vanenge vakadhakwa.
Uwandu Hwevanofa
Munyika yose, nzufu dzinokonzerwa nokunwiwa kwedoro zvisina mwero hadziverengeki. MuFrance kunwiwa kwedoro zvisina mwero ndicho chinhu chechitatu chinouraya vanhu, pashure pekenza nechirwere chemwoyo, kuchiuraya zvakananga kana kuti zvisina kunanga vanhu vanenge 50 000 gore roga roga. Izvi “zvakafanana nevanhu vaizofira mundege mbiri kusvika kunhatu dzinenge dzaita tsaona pavhiki yoga yoga,” ndiko kutaura kunoita mumwe mushumo wakanyorwa neFrench Health Ministry.
Vechiduku ndivo vanonyanya kufa nedoro. Maererano nomushumo weWorld Health Organization wakabudiswa muna 2001, doro ndiro riri kunyanya kuuraya varume vokuEurope vane makore 15 kusvika ku29. Zvinofungidzirwa kuti nokukurumidza mune dzimwe nyika dzokuMabvazuva kweEurope, kunwiwa kwedoro zvisina mwero kuchauraya munhu mumwe chete pamajaya matatu oga oga ari ikoko.
Chisimba uye Kushungurudza Mune Zvepabonde
Doro rinokonzerawo kuita zvechisimba. Kunwa kunobvisa nyadzi, kunoita kuti munhu atadze kuzvidzora pane vamwe uye kunogona kukanganisa maonero aanoita zvinhu zvinoitwa nevamwe, zvoita kuti ade kuita chisimba.
Doro ndiro honzeri huru yechisimba chinoitwa mumba uye kushungurudza mune zvepabonde. Imwe ongororo yokuFrance yakaitwa pavasungwa yakaratidza kuti doro ndiro rakakonzera zvikamu zviviri muzvitatu zvokubata chibharo uye kushungurudza vamwe mune zvepabonde. Ongororo dzinoratidza kuti muPoland, 75 muzana yevakadzi vane varume vanoraradza yave ichirohwa, inodaro magazini inonzi Polityka. Vanyori veimwe ongororo vakafungidzira kuti “kunwiwa kwedoro ndiko kungangova honzeri huru yenjodzi yokupondana kunoitwa mudzimba kunobatanidza mapoka emazera ose uye [kunyange] vasinganwi doro vanogara nevanhu vanonwa doro vari panjodzi huru yokupondwa mudzimba.”—American Medical Association, Council on Scientific Affairs.
Mari Inopambadzwa Munzanga
Kana mari inoshandiswa mune zvoutano nezveinishuwarenzi uye kuderera kwezvinhu zvinogadzirwa kunokonzerwa netsaona, urwere, kana kuti kufa munhu achiri muduku zvikaongororwa, mari inopambadzwa nenzanga pamusana pezvinhu izvi inoshamisa. Kunwiwa kwedoro zvisina mwero kunonzi kunodyira vanhu vokuIreland vanokwana mamiriyoni mana, mari yokuUnited States inenge bhiriyoni pagore. Mamwe mashoko akabva muThe Irish Times akati mari iyi yakaenzana “nemari yokuvaka chipatara chitsva, nhandare yemitambo uye kutengera Gurukota rehurumende rimwe nerimwe ndege gore roga roga.” Muna 1998 Mainichi Daily News yakataura kuti mari inoshandiswa nokuda kwokunwa doro zvikuru muJapan “yaidarika mayen matiririyoni matanhatu [mabhiriyoni US$55] pagore.” Mumwe mushumo waienda kuU.S. Congress wakati: “Mari yakashandiswa kunwa doro zvisina mwero inofungidzirwa kuti yaiva mabhiriyoni $184,6 okuUnited States mugore ra1998 chete, kana kuti mari inenge US$638 pamurume mumwe nomumwe, mukadzi, uye mwana aigara muUnited States gore iroro.” Uye zvakadini nokukuvadza kwazvinoita pfungwa kumhuri dziya dzakaparadzana kana kuti dzakafirwa uye kudzorera shure dzidzo nemabasa?
Migumisiro inovapo munzanga yokunwa doro zvisina mwero iri nyore kuona. Manwiro ako angakonzera njodzi pautano hwako nohwevamwe here? Mubvunzo uyu uchapindurwa munyaya inotevera.