RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 January pp. 23-26
  • Chichanyatsopedza Urombo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chichanyatsopedza Urombo
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Hwakatogadzwa uye Huri Kutoshanda!
  • Kushanda kwechiKristu—Pakati Penyongano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Kuvakwa kweDzimba dzoUmambo Pasi Pose Mune Dzimwe Nyika dzeEurope
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Kunamata Kwechokwadi Kuri Kuwedzera muEastern Europe
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Kukura Pamwe Chete Murudo
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 January pp. 23-26

Chichanyatsopedza Urombo

MAZANA emamiriyoni evanhu munyika yose anoedza kurarama zuva roga roga pasinei nourombo hwakaipisisa. Zviri pachena kuti vanhu vanoda hurumende yakarurama uye isina uori inoda nomwoyo wose kuchinja kusaruramisira kuripo. Hurumende yakadaro inofanirawo kunge iine simba rakakwana rokuona kuti vavariro dzayo dzakanaka dzaitwa. Chaizvoizvo tingatarisira vanhu kuti vaunze hurumende yakadaro here?

Zvakaitika zvinoratidza kuti mashoko eBhaibheri enyevero ndeechokwadi, anoti: “Usavimba nevanokudzwa, kana nomwanakomana womunhu wepanyika, asingagoni kuponesa.” (Pisarema 146:3) Wakamboona here kuti kuvimba nehurumende dzevanhu kana kuti vatungamiriri vadzo kunowanzoodza mwoyo? Asi, ndiani watingavimba naye?

Kutaura zvazviri, mamiriyoni evanhu akanyengetera kuti pave nehurumende yakarurama kuti ichinje mamiriro ezvinhu asina kururamisira. Pamwe iwewo wakanyengetera uchitevedzera munyengetero womuenzaniso wakadzidziswa naJesu, wokuti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga. Tipei nhasi zvokudya zvedu zvanhasi; uye tikanganwirei zvivi zvedu, sezvatakanganwirawo vakatitadzira. Musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pane akaipa.”—Mateu 6:9-13.

Umambo uhwu ndihwo hwatinoda here? Hwakarurama uye hauna uori here? Hune simba rakakwana rokuita vavariro dzahwo dzakanaka here? Hapana mubvunzo kuti hunaro! Mwari akaita hurumende iyi, “Baba vedu vari kumatenga,” iye “akarurama pamabasa ake ose.” (Isaya 45:21; Dhanieri 9:14) Nezvake zvinonzi: “Mune maziso akanyanya kuchena zvokuti hamudi kuona zvakaipa,” saka tinogona kuva nechokwadi chokuti hurumende iyi haizombovi nouori. (Habhakuki 1:13) Uye sezvo ‘Mwari asingasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama achigamuchirwa naye,’ tinoziva kuti anofarira mumwe nomumwe ari pasi pano asingasaruri.—Mabasa 10:34, 35; VaRoma 2:11.

Hwakatogadzwa uye Huri Kutoshanda!

Kunyange zvazvo Umambo hwaMwari huri hurumende yokudenga, huchatungamirira zvinhu zvinoitika pasi pano kuita zvinangwa zvaMwari. Izvi zvinosanganisira kutsiva hurumende yevanhu isina kukwana nehurumende yaMwari yakakwana. Pana Dhanieri 2:44 panovimbisa kuti: “Mumazuva emadzimambo iwayo, Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazo- mboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.”

Nokutungamirira kwoUmambo uhwu, pakupedzisira kuda kwaMwari kuchaitwa kudenga nepasi pano. Zvinokurudzira kwazvo kuziva kuti hurumende iyi ichange iri hurumende inogona kubvisa zvachose kusaruramisira uko kubvira kare kwakakonzera musiyano mukuru zvikuru uri pakati pevapfumi nevarombo! Hapazombovi nevashoma vanenge vari vapfumi uye vakawanda vanenge vari varombo.

Zvinogutsa zvikuru kuziva kuti hurumende yaMwari yokudenga yakatogadzwa kuti ipedze zvinetso izvi zvachose! Nguva yeBhaibheri uye zviitiko zvenyika zvinoratidza zvakajeka kuti gore ra1914 ndiyo nguva yakagadzwa hurumende yaMwari kudenga.a Saka kwenguva inoda kuva zana remakore, yave ichigadzirira nokushingaira fandesheni yenyika itsva yakarurama.

Vaya vakasvika pakuziva kugadzwa kwoUmambo hwacho uye vanoteerera vachitevera mi- rayiridzo yahwo havasaruri. Zvapupu zvaJehovha zvinoita basa razvo munyika dzinenge dzose. Zvizvarwa zvomunyika idzodzo, pasinei noupfumi hwazvo kana kuti kushaya, zvinopiwa mukana wokudzidza mawaniro azvingaita upenyu husingaperi. (Johani 17:3) Zvapupu hazvibvumiri kusiyana kwazvakaita mune zvoupfumi kuti kuve iko kunoshandiswa pakusarudza chinzvimbo kana ukuru muungano dzazvo. Vanhu havakosheswi nezvavanazvo. Asi vanoremekedzwa nezvavari. Zvinhu zvokunamata ndizvo zvinonyanya kukosheswa kudarika zvokunyama.

Ungada here kuziva kuti ungararama sei uchitongwa nehurumende iyi yakarurama? Saka tanga kuongorora woga nhasi. Dzidza kutarisira kwaungaita kuwana mufaro wokurarama apo nyika ichange isisina kupatsanurwa noupfumi.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona mapeji 95-107 ebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mifananidzo uri papeji 24, 25]

Vose Ihama, Pasinei Nokuti Vapfumi Here Kana Kuti Varombo

◼ Pakapera Hondo Yenyika II, vakawanda veZvapupu zvaJehovha muEurope nokuAsia vaida zvokudya, zvipfeko, uye dzimba. Zvapupu zvokune dzimwe nyika zvakatumira matani embatya uye ezvokudya kuhama dzazvo dzechiKristu dzaiva muEurope, Philippines, neJapan. Zvapupu zvokuUnited States neCanada zvakapa zvimwe zvinhu zvokuyamura kuti zvitumirwe kuAustria, Belgium, Czechoslovakia (yava kunzi Czech Republic neSlovakia), England, Finland, France, Germany, Greece, Holland, Hungary, Italy, Poland, neRomania.

[Mifananidzo]

United States

Switzerland

Germany

◼ Munguva ichangopfuura iyi, muchirimo cha1994, rimwe boka reZvapupu zvakazvipira zvokuEurope rakakurumidza kuendesa zvinhu zvokubatsira hama nehanzvadzi dzaro dzechiKristu kuAfrica. Misasa yakanga yanyatsorongwa nezvipatara zvakagadzirwa kuitira vapoteri vokuRwanda. Zvinhu zvakawanda zvikuru zvakadai sezvipfeko, magumbezi, zvokudya, uye mabhuku eBhaibheri zvakatumirwa kuti zvibatsire vanhu vanodarika 7 000—nhamba ingapeta nekatatu nhamba yeZvapupu zvaJehovha zvaiva muRwanda panguva yacho.

◼ Makore maviri gare gare, muna 1996, hondo yakagundika mudunhu rokumabvazuva kweDemocratic Republic of Congo. Zvirimwa zvakaparadzwa, zvokudya zvaiva mumatura zvakabiwa, uye zvakanga zvisingasviki kwazvaifanira kuenda. Vanhu vakawanda vakanga vava kungodya kamwe chete pazuva, zvichiguma nokusawana zvokudya zvinovaka muviri uye zvirwere. Zvapupu zvaJehovha zvokuEurope zvakakurumidza kubatsira. Rimwe boka rokuyamura reZvapupu, raisanganisira vanachiremba, rakaenda nendege ikoko nemishonga nemari. Pakazosvika June 1997, Zvapupu zvokuBelgium, France, neSwitzerland zvakanga zvapa mishonga inokwana makirogiramu 500, matani 10 emabhisikiti ane mapuroteni, matani 20 ezvimwe zvokudya, matani 90 ezvipfeko, shangu dzinosvika mapeya 18 500, uye magumbezi 1 000—zvakadya mari inenge US$1 000 000.

◼ Pane kungopa zvinodiwa zvokunyama, Zvapupu zvaJehovha zvinotonyanya kufarira kubatsira vanhu mune zvokunamata. Ndokusaka zvichida kuvaka Dzimba dzoUmambo kuti dzishandiswe senzvimbo dzokudzidza zvinhu zvokunamata. Muna 1997 zvakanzi: “Nokubatsira kwehama dzokune dzimwe nyika, [Watch Tower] Society yakwanisa kuvaka Dzimba dzoUmambo itsva 413 uye yagadziridza dzimwe 727 mumwedzi mina chete munyika 75.” Pakazosvika 2003, mumwe mushumo wakati: “Romania, iyo yakavaka Dzimba dzoUmambo 124 kubvira muna July 2000, ndeimwe yenyika dzokuEurope dziri kubatsirwa nourongwa hwokuvakwa kweDzimba dzoUmambo. Pachishandiswa purani yakafanana nokuda kweDzimba dzoUmambo dzinenge dzose dzeko, Ukraine yakavaka Dzimba dzoUmambo 61 mugore ra2001 uye dzimwe 76 muna 2002. Norubatsiro rwemari yakaiswa muHomwe yeDzimba dzoUmambo, mazana eDzimba dzoUmambo akavakwa muBulgaria, Croatia, Macedonia, Moldova, Russia, uye Serbia neMontenegro.”

[Mifananidzo]

Croatia

Bulgaria

Romania

[Mufananidzo uri papeji 23]

Muzvipiri ari kutarisira nherera mbiri dzevapoteri

[Kwazvakatorwa]

© Liba Taylor/Panos Pictures

[Mufananidzo uri papeji 26]

Zvapupu zvaJehovha zviri kuparadzira mashoko etariro

[Mufananidzo uri papeji 26]

Umambo hwaMwari huchabvisa urombo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe