RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 January pp. 13-15
  • Tinofanira Kuita Muchato Wokuunganidza Vanhu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinofanira Kuita Muchato Wokuunganidza Vanhu Here?
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tsika Ndidzo Dzinokosha Here?
  • Funga Nezvemanzwiro Evemhuri Yako
  • Zvikonzero Zvokungwarira
  • Chikonzero Chisiri Chouchenjeri Chokuroorana Nomunhu
  • Kudzivisa Kuzvidemba
  • Michato Inokudzwa Mukuona kwaMwari Nevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Ita Kuti Zuva Romuchato Wako Riwedzere Kufadza uye Kukudzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Zvamungaita Kuti Muronge Muchato Unokudza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Wanano Chipo Chinobva Kuna Mwari
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 January pp. 13-15

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Tinofanira Kuita Muchato Wokuunganidza Vanhu Here?

“Musikana wangu Cindy ndiye akatanga kutaura kuti tinogona kuchata chiverevere uye kuroorana pasina vamwe vanhu, tisina kumboudza kana shamwari uye hama dzedu. Takurukura nezvazvo, tose takafunga kuti izvi zvaisazotidyira nguva nesimba redu uye zvisinganyanyi kutinetsa.”—Allen.a

KANA wakura zvokukwanisa kuroorana nomumwe munhu uye uine wauri kudanana naye, pfungwa yokuroorana chiverevere ingaita seyakanaka. Mumamwe mamiriro ezvinhu vari kudanana vangaedzwa kuti vaende kunoroorana pachivande vasina kumboudza vabereki vavo.b Zvii zvingakubatsira kusarudza zvokuita?

Tsika Ndidzo Dzinokosha Here?

Kunyange zvazvo vanhu vachiroorana mutsika dzakawanda, tsika dzine chokuita nokupemberera muchato dzinosiyana-siyana zvikuru. KuvaKristu vari kuda kuroorana, pane nyaya huru hapasi pakuti muchato wavo uchazadzisa zvose zvinotarisirwa mutsika here kana kuti kwete. (VaRoma 12:2) Asi, chinokosha zvikuru kwavari ndechokuti vadanane uye varoorane nenzira inokudza Jehovha Mwari.—1 VaKorinde 10:31.

Sezvo kuroorana kuri urongwa hunokudzwa, hachisi chinhu icho vaviri vakawanda vangada kuvanza. Munyika dzakawanda dzokuMadokero, vaviri vanodanana vanenge vari Zvapupu zvaJehovha vanowanzoronga kuti varoorane paImba yoUmambo yomunzvimbo yavanogara.c Pashure pacho, vangasarudza imwe nzvimbo inozoungana vanhu kwavanodyira uye zvichida nokuvaraidza mhuri yavo neshamwari. Zviitiko zvakadaro hazvifaniri hazvo kuva zvemaoresa. Zvisinei, zvinofanira kubvumwa kuti kuronga muchato uye nzvimbo yokuti vanhu vaungane kunonetesa pfungwa uye kungada mari yakati wandei. Somuenzaniso, muUnited States, kuti vanhu vaungane zvinowanzodya zviuru zvemadhora.

Vachiedza kuderedza kuzvidya mwoyo uye mari, vamwe vanodanana vakasarudza zvimwe zvakatoreruka zvikuru. “Takaudza vabereki vedu kuti takanga tisiri kuzova nomuchato unoitwa mutsika,” anodaro Cindy, “nokuti taida kuti chiitiko chacho chive chakareruka zvikuru uye chisadhura.” Vabereki vangu vakatiudza kuti vainzwisisa mamiriro edu ezvinhu. Vakatitsigira chaizvo.” Ukuwo, mukomana waCindy, Allen, ambotaurwa, akaudza vabereki vake nezvourongwa hwavo hwomuchato asi zvakanga zvakavaomera kunzwisisa chisarudzo chacho. Allen anoti: “Vakafunga kuti yaiva mhosva yavo, kuti takanga tasarudza izvozvo nokuti pane zvavakanga vaita. Asi chokwadi zvakanga zvisiri izvo.”

Vabereki vakowo vangaodzwa mwoyo kana ukasarudza kuva nomuchato wakareruka zvikuru, sezvo vangada kuva nevanhu vakawanda zvikuru kuti vazofara navo pazuva rinokosha iri. Zvisinei, zvakadini kana uri kufunga zvokuroorana nomumwe munhu usina kana kumboudza vabereki vako nokuti unoziva kuti mhuri yako ichapikisa pfungwa yako yokuroorana nomunhu wacho?

Funga Nezvemanzwiro Evemhuri Yako

Zvichida vabereki vako vangaramba nemhaka yokuti vanofunga kuti uchiri muduku zvikuru kuti uite chisarudzo chakadaro chinokosha. Vangatyira kuti zvaunoda zvingachinja paunenge uchikura uye pasina nguva ungazvidemba nokuda kwomunhu wawakasarudza kuroorana naye. Ukuwo, vangakuona somunhu akura zvakakwana zvokuroora, asi vangaona humwe unhu husina kunaka pamunhu waunodanana naye. Uye vangatokurambidza kuroorana nomunhu wacho nokuti munhu wawakasarudza haadaviri zvaunotenda.

Kana vabereki vako vari vaKristu vechokwadi, vangangova vaine zvikonzero zvomuBhaibheri zvinoita kuti vanetseke. Zvakakodzera kuti vataure zvikonzero zvavo zvokutyira remangwana rako. Kutaura zvazviri, Jehovha aizovaona sevanenge vakaregeredza uye vasina rudo kana vakatadza kuita izvozvo. Uye zvinokubatsira kana ukanzwa mafungiro avo.—Zvirevo 13:1, 24.

Kungoenzanisira: Paunotenga chipfeko, kazhinji kacho unobvunza mumwe munhu kana chipfeko chacho chakakunakira. Hapasi pose paunobvumirana nemafungiro avo, asi unotarisira kuti shamwari dzepedyo dzikuudze mafungiro adzo kana chipfeko chacho chisina kukunakira kana kuti chisiri chesitayera yako. Unokoshesa zvavanenge vataura sezvo zvingakubatsira kusatambisa mari. Saka, zvinotokosha zvikuru sei kuti unzwe mafungiro anoita vomumhuri yako nezvomunhu waunenge wasarudza kuroorana naye. Kunyange zvazvo ungakwanisa kuchinja chipfeko uchitora chimwe kana kuchirasa, Jehovha anotarisira kuti ugare kwoupenyu hwose nomunhu waunenge waroorana naye. (Mateu 19:5, 6) Kana ukasarudza munhu wokuroorana naye asinganyatsoenderani nounhu hwako uye nemanamatiro ako, mubatanidzwa wacho uchagara usina kunyatsonaka kungofanana nokupfeka chipfeko chisina kukunakira. (Genesisi 2:18; Zvirevo 21:9) Uye somugumisiro, ungarasikirwa nomukana wokuwana mufaro wechokwadi.—Zvirevo 5:18; 18:22.

Chokwadi, vamwe vabereki vangave vaine zvikonzero zvoudyire pavanenge vachirambidza kuti mwana wavo aroorane nomumwe munhu—somuenzaniso, vachiitira kuti vadzore mwana wavo muzvinhu zvose. Zvisinei, usati wagumisa kuti pfungwa dzavo ndedzoudyire uye waenda kunoroorana nomumwe munhu muchivande, wadii kuongorora zvavari kurambira?

Zvikonzero Zvokungwarira

Ichokwadi kuti zvaunoda zvichachinja paunenge uchikura. Muapostora Pauro akanyora kuti “Pandaiva mucheche, ndaitaura somucheche, ndaifunga somucheche, ndairangarira somucheche; asi zvino zvandava murume, ndakarega miitiro youcheche.” (1 VaKorinde 13:11) Saizvozvowo, zvingaitwa nomumwe munhu zvingakufadza paunenge uine makore ari pakati pe13 kusvika ku19 zvingasiyana zvachose nezvinokufadza kana wakura. Saka, Bhaibheri rinoti mirira kusvikira wapfuura zera ‘rokuyaruka’—makore ayo chido chako chokurara nomumwe munhu chinenge chakasimba—usati watora danho rinokosha rokusarudza wokuroorana naye.—1 VaKorinde 7:36.

Zvakadini kana vabereki vako vakaona zvinhu zvisina kunaka pamunhu wauri kudanana naye? Nemhaka yoruzivo rwavo muupenyu, masimba okunzwisisa evabereki vako angave akarovedzwa zviri nani kusiyanisa zvakarurama nezvakaipa. (VaHebheru 5:14) Saka vangaona zvikanganiso zvakakomba muunhu hwomunhu waunoda kuroorana naye zvaungave usingaoni iwe. Chimbofunga pfungwa yakanyorwa nomumwe murume akachenjera Soromoni, yokuti: “Munhu anotanga kutongerwa mhosva yake akarurama; mumwe wake anosvika onyatsomuongorora.” (Zvirevo 18:17) Saizvozvowo, waunodanana naye angave akaita kuti ubvume kuti ndiye munhu akakunakira. Zvisinei, pashure pokunge vabereki vako ‘vamuongorora,’ vangataura mamwe mashoko akakosha okuti ufungisise.

Somuenzaniso, vangakuyeuchidza zvakasimba kuti Bhaibheri rinorayira vaKristu vechokwadi kuti varoorane “munaShe chete.” (1 VaKorinde 7:39) Ungaramba uchiti pane vamwe vaunoziva vakaroorana nomumwe munhu akanga asiri muKristu aitenda saivo, asi iye zvino vose vari kushumira Jehovha vachifara. Ichokwadi kuti izvi zvinoitika. Zvisinei, zvinhu zvakadaro hazviwanzoitiki. Kana ukaroorana nomumwe munhu asingatendi zvaunotenda, unenge usina kuratidza kusava nehanya nemitemo yaJehovha bedzi asiwo unozviisa mungozi huru mune zvokunamata.—2 VaKorinde 6:14.d

Chikonzero Chisiri Chouchenjeri Chokuroorana Nomunhu

Vamwe vaduku vakatiza vakanoroorana nokuti vakanga vaita unzenza uye vakafunga kuti kuroorana nomumwe wavo kwaizoita kuti hana yavo irerukirwe. Kana kuti vamwe vakaedza kuvanza migumisiro yechivi chavo, zvakadai sepamuviri pavakanga vasingatarisiri.

Kana ukaroora kana kuroorwa kuti uvanze chivi, unenge uri kutoita kuti zvinhu zviwedzere kuipa. Soromoni akanyevera kuti “Munhu anofukidza kudarika kwake haazobudiriri, asi anoreurura nokuzvisiya achanzwirwa ngoni.” (Zvirevo 28:13) Baba vaSoromoni, Dhavhidhi naamai vake, Bhatishebha, vakadzidza upenzi hwokuedza kuvanza unzenza hwavo. (2 Samueri 11:2–12:25) Pane kuvanza chivi chenyu, taurai nevabereki venyu uye vakuru vari muungano. Izvi zvichada ushingi kuti mudaro, asi munogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achakukanganwirai kana mukapfidza. (Isaya 1:18) Mangova nehana yakanaka, muchange mava kukwanisa kusarudza kuti moroorana here kana kuti kwete.

Kudzivisa Kuzvidemba

Achifunga nezvomuchato wake, Allen anoti: “Chisarudzo chedu chokuita muchato wakareruka chakaita kuti tisazvidye mwoyo zvikuru. Chandinongodemba chete ndechokuti handina kubatsira vomumhuri yangu kuti vanzwisise zvikonzero zvechisarudzo chedu.”

Chokwadi, pasinei nokuti vaviri vakura vanodanana vachata sezvinotarisirwa mutsika kana kuti kwete izvozvo zvinosarudzwa nomunhu oga oga. Zvisinei, pakuita zvisarudzo zvipi nezvipi zvokuroorana, zvipei nguva, kurukurai nemhuri yenyu, uye ‘fungai nezvenhanho dzenyu.’ Muchava nezvikonzero zvishoma zvokuzvidemba.—Zvirevo 14:15.

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita akachinjwa.

b Muitiro uyu dzimwe nguva unonzi kutizisana.

c Nzvimbo idzi dzokunamatira dzakanakira michato yevaya vari Zvapupu zvaJehovha. Muchato wacho hauna zvakawanda uye panenge paine hurukuro pfupi yemitemo yeBhaibheri inoshanda sefandesheni yokuroorana kwakanaka. Zvechokwadi, hapana mari inobhadharwa pakushandisa Imba yazvo yoUmambo.

d Kana uchida mashoko akawanda enyaya iyi, ona nyaya yeNharireyomurindi yaJuly 1, 2004, mapeji 30-1, uye yaNovember 1, 1989, mapeji 18-22.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Pamunenge muchisarudza zvokuroorana, kurukurai nemhuri yenyu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe