NYAYA YEKUDZIDZA 51
RWIYO 132 Tava Nyama Imwe
Zvamungaita Kuti Muronge Muchato Unokudza Jehovha
“Zvinhu zvese ngazviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.”—1 VAK. 14:40.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti vaKristu vari kuda kupinda muwanano vangaitei kuti muchato wavo ukudze Jehovha.
1-2. Jehovha anoda kuti muve nemuchato wakaita sei?
URI kugadzirira muchato here? Kana zvakadaro, unofanira kunge uri kufara chaizvo uye uri mubishi kuronga muchato wacho. Jehovha anoda kuti mufare chaizvo pamuchatoa wenyu uye kuti muzova neramangwana rakanaka muri mese.—Zvir. 5:18; Rwiyo 3:11.
2 Zvinokosha chaizvo kuti muchato wenyu uite kuti Jehovha akudzwe. Nei muchato wenyu uchifanira kuita kuti Jehovha akudzwe? Uye zvii zvamungaita kuti muchato wenyu ukudze Jehovha? Kunyange zvazvo nyaya ino yakanyorerwa vaya vari kuronga muchato wavo, mazano arimo anogona kutibatsira tese zvedu kuti tikudze Jehovha kana tikakokwa kumuchato kana kuti tikakumbirwa nevari kuda kuchata kuti tivapewo mazano pavanenge vachigadzirira muchato wavo.
NEI MUCHATO WENYU UCHIFANIRA KUITA KUTI JEHOVHA AKUDZWE?
3. VaKristu vanenge vachironga muchato wavo vanofanira kunyanya kukoshesei uye nei vachifanira kudaro?
3 VaKristu vanenge vachironga muchato wavo vanofanira kuita zvisarudzo vachishandisa mazano anotaurwa naJehovha muShoko rake. Nei vachifanira kudaro? Nekuti Jehovha ndiye akatanga wanano. Ndiye akaronga muchato wekutanga, akaita kuti Adhamu naEvha vave murume nemudzimai. (Gen. 1:28; 2:24) Saka vaKristu vari kuda kupinda muwanano vanofanira kunyanya kukoshesa maonero aJehovha pavanenge vachironga muchato wavo.
4. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinofanira kuita kuti vanhu vari kuda kupinda muwanano vaite kuti muchato wavo ukudze Jehovha?
4 Pane zvimwewo zvikonzero zvinokosha zvinofanira kuita kuti mufungewo nezvemaonero aJehovha pamunenge muchironga muchato wenyu. Ndiye Baba venyu vekudenga uyewo Jehovha iShamwari yenyu yepedyo. (VaH. 12:9) Munoda kuti murambe muine ushamwari hwakasimba naye. Saka hamudi kuti pamuchato wenyu kana kuti pane rimwewo zuva paitike chimwe chinhu chicharwadzisa Shamwari yenyu. (Pis. 25:14) Pamunofunga zvese zvamakaitirwa naJehovha uye zvaachakuitirai, zvichaita kuti mude kumutenda moita kuti muchato wenyu uite kuti Jehovha akudzwe.—Pis. 116:12.
ZVII ZVAMUNGAITA KUTI MUKUDZE JEHOVHA?
5. Bhaibheri ringabatsira sei vanhu vari kuda kupinda muwanano kuronga muchato wavo?
5 Bhaibheri haritipi mitemo panyaya yekuti zvii zvinofanira kuitwa pamuchato. Saka vanhu vanogona kusarudza zvakasiyana-siyana zvichienderana nemamiriro avo ezvinhu, tsika dzavo kana kuti zvavanofarira. Asi vaKristu vechokwadi vanofanirawo kuteerera mitemo yehurumende panyaya dzewanano. (Mat. 22:21) Pasinei nekuti vaKristu vasarudza zvipi, kana vakaronga muchato wavo vachitevedzera mazano ari muBhaibheri zvichaita kuti Jehovha akudzwe uyewo afare. Saka ndeapi mazano ari muBhaibheri avanofanira kufunga nezvawo?
6. Maererano naVaRoma 13:1, 2 nei zvichikosha kuti vanhu vari kuda kuchata vateerere mitemo yehurumende ine chekuita newanano?
6 Teererai mitemo yehurumende. (VaR. 13:1, 2) Munyika dzakawanda hurumende dzine mitemo yezvinofanira kuitwa nevanhu vasati vachata. Saka munofanira kuziva kuti zvii zvamunotarisirwa kuti muite. Kana muine mibvunzo panyaya iyi, munogona kukumbira kubatsirwa nevakuru.b
7. Zvii zvamungaita kuti zvese zvichaitwa pamuchato wenyu zviratidze kuti munoremekedza Jehovha?
7 Itai kuti zvichaitwa pamuchato wenyu zviratidze kuti munoremekedza Jehovha. (1 VaK. 10:31, 32) Muchato wenyu unofanira kuratidza kuti mune mweya waMwari kwete mweya wenyika. (VaG. 5:19-26) Sezvo Magwaro achiratidza kuti murume ndiye musoro wemhuri, murume ari kuchata anofanira kuita zvisarudzo zvichaita kuti muchato wacho unakidze asiwo uve nechiremerera. Zvii zvingabatsira kuti aite izvozvo? Panogona kupiwa hurukuro yemuchato. Kana hurukuro yacho ikapiwa zvakanaka uyewo zvine ruremekedzo, zvichabatsira vese vanenge varipo kuti vaone kuti wanano chipo chinobva kuna Jehovha. Zvichaitawo kuti vaone kuti muchato chinhu chinokosha chaizvo. Nemhaka yeizvi, vaKristu vakawanda vanosarudza kuitira mhiko dzavo paImba yeUmambo kana zvichiita. Kana muchida kuzoshandisa Imba yeUmambo munofanira kunyora tsamba muchikumbira dare revakuru pachiri nenguva.
8. Zvii zvamungaita kuti zvese zvichaitwa pamabiko enyu emuchato zvikudze Jehovha? (VaRoma 13:13)
8 Verenga VaRoma 13:13. Kana mukasarudza kuita mabiko emuchato, zvii zvamungaita kuti zvese zvichaitwa ipapo zvisaratidza mweya wenyika? Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “mitambo yekufara zvakapfurikidza” rinoreva kuungana kwaiita vanhu vachinwisa uye vachiridza mimhanzi kusvika kwachena. Kana mukasarudza kuti pave nedoro kana kuti waini, onai zvamungaita kuti pasazova neanonwisa.c Uyewo kana paine mimhanzi iridzei iri pasi zvekuti vanhu vanokwanisa kutaurawo vachinzwanana. Ongororaiwo kuti rudzi rwemimhanzi yamucharidza uyewo mashoko acho hazvizogumburi vamwe.
9. Zvii zvamunofanira kufunga nezvazvo kana paine zvichataurwa kana kuti zvichavaraidza vanhu pamuchato wenyu?
9 Vamwe vanogona kuronga kuti pamabiko avo emuchato pave nevamwewo vachasimuka vachitaura, paratidzwe mapikicha kana mavhidhiyo kana kuti paitwe zvimwewo zvinhu zvichaita kuti vanhu vafare. Zvinhu zvese izvozvo zvinogona kuita kuti muchato wenyu unakidze. Asi ivai nechokwadi chekuti zvese zvichaitwa zvinofanira kunge zviri zvinhu zvinovaka. (VaF. 4:8) Saka zvibvunzei kuti: ‘Zvinhu izvi zvatiri kuda kuita zvicharatidza here kuremekedza vamwe? Zvichaita here kuti vanhu varemekedze wanano?’ Uye chinotonyanya kukosha, zvibvunzei kuti: ‘Zvichaita here kuti Jehovha akudzwe?’ Kunyange zvazvo pasina chakaipa nekutaura zvinhu zvinosekesa vanhu, ivai nechokwadi chekuti hapazotaurwi zvinhu zvisina kuchena, zvakadai sezviya zvinoita kuti vanhu vafunge nezvebonde. (VaEf. 5:3) Ivaiwo nechokwadi chekuti kana paine hama kana shamwari dzichasimuka dzichitaura, dzinofanira kunge dzichinyatsonzwisisa zvamunoda uye dzichibvumirana nazvo.
10. Nei vanhu vari kuronga muchato vasingafaniri kuita zvinhu zvekuda kushamisira? (1 Johani 2:15-17)
10 Musaita zvinhu zvekuda kushamisira. (Verenga 1 Johani 2:15-17.) Jehovha anofara chaizvo kana vanhu vanomunamata vakaita zvinhu zvinoita kuti iye akudzwe, pane kuita zvinhu zvinoita kuti vanhu vanyanye kuisa pfungwa pavari ivo pachavo. Saka vaKristu vane mwero havazoshandisi mari yakawandisa vachida ‘kushamisira nezvinhu zvavainazvo.’ Kuita muchato usiri wekushamisira kune zvakunobatsira here? Kunobatsira pane zvakawanda. Chimbofunga zvakataurwa neimwe hama yekuNorway inonzi Mike. Akati: “Hatina kupinda muzvikwereti saka takakwanisa kuramba tichipayona. Muchato wedu waisava wekushamisira asi wainakidza uye hatimbofi takaukanganwa.” Fungawo zvakataurwa neimwe hanzvadzi yekuIndia inonzi Tabitha. Akati: “Hatina kumbonetseka nekuronga muchato wedu. Muchato wedu waisava wekushamisira saka takanga tisina zvinhu zvakawanda zvekuronga kana zvekuti titombonetsana nezvazvo.”
Pasinei nekuti vanogara kupi, vaKristu vanogona kuita muchato unonakidza, unoratidza kuva nemwero uye wavasingazombofi vakakanganwa (Ona ndima 10-11)
11. Vachati vangaratidza sei mwero pane zvavanopfeka uyewo pakuratidzika kwavo? (Onawo mifananidzo.)
11 Muchapfekei pamuchato wenyu? Vanhu vakawanda vanowanzoda kupfeka zvinhu zvakanaka pamuchato wavo. Kunyange panguva dzinotaurwa muBhaibheri, vachati vaikoshesa kuti vari kuratidzika sei. (Isa. 61:10) Zvamuchasarudza kupfeka musi wamunochata zvinogona kusiyana nezvamunowanzopfeka pane dzimwe nguva, asi zvinofanira kunge zvingori nemwero. (1 Tim. 2:9) Itai kuti vanhu vachauya pamuchato wenyu vakudze Jehovha pane kuti vaise pfungwa pane zvamunenge makapfeka kana kuti pakuratidzika kwenyu.—1 Pet. 3:3, 4.
12. Nei vachati vachifanira kusiyana nedzimwe tsika dzinoitwa pamichato munzvimbo dzavanogara?
12 Musaita tsika dzisingapindirani nezvinodzidziswa neBhaibheri. (Zvak. 18:4) Munyika yaSatani pamichato panowanzoitwa dzimwe tsika dzakabatana nechitendero chenhema, kutenda mashura uye chidhimoni. Jehovha anotiyambira kuti titambire kure nezvinhu izvozvo zvisina kuchena. (2 VaK. 6:14-17) Kana paine dzimwe tsika dzinoitwa kwamunogara dzamusina chokwadi kuti dzinoendererana nezvinodiwa naJehovha here, tsvakurudzai kuti muwane mazano eBhaibheri achakubatsirai kuita chisarudzo chakanaka.
13. Vachati vangatevedzera sei maonero anoita Jehovha nyaya yekupiwa zvipo?
13 Kwamunogara vanhu vanowanzopa vachati zvipo here? Zvipo zvinopiwa nevanhu zvinogona kusiyana maererano nemawaniro avanoita. SevaKristu, tinokurudzirwa kupa uye kupa kunoita kuti tifare. (Zvir. 11:25; Mab. 20:35) Asi hatifaniri kumanikidza vanhu vatinenge takoka kuti vatipe zvipo kana kuvaita kuti vanyare kana vasingakwanisi kupa zvipo zvakakura kana kuti mari yakawanda. Tinotevedzera maonero anoita Jehovha nyaya yekupa zvipo patinorega vanhu vachipa maererano nezvavanokwanisa uyewo zvichibva pamwoyo.—2 VaK. 9:7.
ZVAMUNGAITA KUTI MUKUNDE MATAMBUDZIKO
14. Matambudziko api anogona kusangana nevanhu vanenge vachida kuchata?
14 Pamunenge muchiedza kuronga muchato unoita kuti Jehovha akudzwe, pane matambudziko amunogona kusangana nawo. Semuenzaniso, zvinogona kukuomerai kuti muronge muchato usina twakawandawanda. Imwe hama inonzi Charlie, yekuSolomon Islands, yakati: “Zvakanga zvakaoma chaizvo kusarudza kuti ndivanaani vataizokoka kumabiko emuchato wedu. Tine shamwari dzakawanda uye patsika dzedu, munhu wese anenge achitotarisira kuti anofanira kukokwa!” Tabitha ambotaurwa nezvake anoti: “Kwatinogara vanhu pavanoita mabiko emuchato vanowanzokoka vanhu vakawanda chaizvo. Zvakatora nguva kuti vabereki vedu vabvumirane nechisarudzo chatakanga taita chekuti taingoda kukoka vanhu vanenge 100 chete.” Sarah wekuIndia, akati: “Kwatinogara vanhu vakawanda vanonyanya kukoshesa kuti vane mari yakawanda sei uye kuti vanoonekwa sei nevamwe. Dzimwe hama dzangu dzakaita michato yekushamisira saka vamwe vaida kuti ndiite muchato unopfuura ipapo.” Zvii zvingakubatsirai kuti mukunde matambudziko aya nemamwewo anogona kumuka?
15. Nei zvichikosha kuti munyengetere pamunenge muchironga muchato wenyu?
15 Garai muchinyengetera muchiudza Jehovha zvamuri kuronga nezvemuchato wenyu. Munogona kunyengetera kuna Jehovha muchimuudza nezvechisarudzo chamunenge muchida kuita kana zvinhu zvinenge zvichiita kuti munetseke pamunenge muchironga muchato wenyu. (VaF. 4:6, 7) Munogona kumukumbira kuti akubatsirei kuita zvisarudzo zvakanaka, akubatsirei kuramba makadzikama pamunenge muchizvidya mwoyo uye kuti muratidze ushingi pahunenge huchidiwa. (1 Pet. 5:7) Pamunoona Jehovha achikubatsirai, zvichaita kuti muwedzere kuvimba naye. Tabitha ambotaurwa nezvake anoti: “Inini nemukomana wangu taiva nezvimwe zvinhu zvataitya kuti takanga tisiri kuzowirirana pachedu uye nevanhu vemumhuri dzedu. Saka pese pataikurukura tichironga muchato wedu, taitanga nekunyengetera. Izvi zvakatibatsira kuti tikurukure takadzikama uye takanyatsoona Jehovha achitibatsira.”
16-17. Kutaurirana zvakanaka pachenyu uyewo nehama dzenyu pamunenge muchironga muchato kunobatsirei?
16 Tauriranai zvakanaka muchinyatsobudirana pachena. (Zvir. 15:22) Pamunenge muchironga muchato wenyu, pane zvinhu zvakawanda zvamunofanira kusarudza. Izvi zvinosanganisira kuti muri kuda kuchata musi upi, muchashandisa mari yakawanda sei uye kuti ndivanaani vamuchakoka. Musati maita chisarudzo, nyatsokurukurai kuti ndeapi mazano eBhaibheri anoshanda panyaya yacho, mobvunzawo vamwe vaKristu vakakura pakunamata kuti muone kuti mosarudza zvipi. Paunenge uchitaura maonero ako, taura zvakanaka, usaomesa musoro uye gara wakagadzirira kuchinja kuti uitewo zvinodiwa nemumwe wako. Kana vabereki kana kuti dzimwe hama dzepedyo dziine zvimwe zvadziri kukumbira kuti muite pamuchato wenyu, munogona kufunga nezvazvo moona kuti munokwanisa kuita zvipi. Yeukai kuti muchato wenyu wakavakosherawo. Kana musiri kukwanisa kuita zvavari kukumbira kuti muite, nyatsovatsanangurirai zvakanaka kuti nei musiri kukwanisa. (VaK. 4:6) Vajekeserei kuti chamuri kuda kuva nemuchato unonakidza uyewo unokudza Jehovha.
17 Zvinogona kuoma kutsanangurira vabereki venyu zvinhu zvamunenge makasarudza kuita pamuchato wenyu, kunyaya kana vasiri Zvapupu. Asi kunyange zvakadaro, munokwanisa kutaurirana zvakanaka navo. Imwe hama yekuIndia inonzi Santhosh yakati: “Hama dzedu dzaida kuti tiite dzimwe tsika dzechiHindu pamuchato wedu.” Akatiwo: “Zvakatora nguva kuti ini nemusikana wangu tivatsanangurire zvatakanga tasarudza. Takachinja zvimwe zvinhu zvatakanga tasarudza kuti tiite zvaidiwawo nehama dzedu pataiona kuti zvaisapesana nezvinodiwa naJehovha. Pamwe pacho takachinja zvekudya zvaizodyiwa kumabiko emuchato uye takaitawo kuti pasava nekuimba kana kutamba nekuti havana kujairana nezvinhu izvozvo.”
18. Zvii zvichabatsira kuti zvinhu zvifambe zvakanaka pamuchato wenyu? (1 VaKorinde 14:40) (Onawo mufananidzo.)
18 Nyatsorongai zvinhu zvakanaka. Kana mukanyatsoronga zvinhu zvenyu zvakanaka, zvichabatsira kuti musanyanya kunetseka musi wemuchato wenyu. (Verenga 1 VaKorinde 14:40.) Imwe hama yekuTaiwan inonzi Wayne yakati: “Mazuva mashoma muchato wedu usati wasvika, takaonana nevanhu vaizotibatsira pamuchato wedu. Takakurukura navo zvatakanga takaronga uye takaita zvimwe zvinhu zvataizoita pamuchato wacho kuti tive nechokwadi chekuti zvinhu zvaizofamba zvakanaka.” Munofanirawo kuita zvese zvamunogona kuti mubate nguva. Izvozvo zvicharatidza kuti munoremekedza vanhu vamunenge makoka.
Kana mukanyatsoronga zvakanaka zvinobatsira kuti zvinhu zvifambe zvakanaka pamuchato wenyu (Ona ndima 18)
19. Zvii zvamungaita kuti mabiko emuchato wenyu akudze Jehovha?
19 Zvinogona kubatsira chaizvo kana mukagara mafunga kuti zvii zvinogona kuitika pamuchato wenyu, mogara masarudza kuti muchaitei kana zvinhu izvozvo zvikaitika. (Zvir. 22:3) Ngatitii kwamunogara zvakajairika kuti vanhu vanogona kungouya kumabiko emuchato vasina kukokwa. Munogona kugara maronga kuti zvii zvamuchaita kuti zvinhu zvakadaro zvisaitika. Itai kuti veukama vasiri Zvapupu vazive kuti zvii zvinoitwa pamichato yeZvapupu uye vatsanangurirei kuti munoona sei dzimwe tsika dzinowanzoitwa pamichato. Munogonawo kuvaratidza nyaya iri pajw.org yakanzi “Michato yeZvapupu zvaJehovha Inoitwa Sei?” Chimwewo chamunogona kuita kusarudza hama yamunovimba nayo kuti izoona kuti zvinhu zviri kufamba sei pamuchato wenyu. Hama iyoyo inenge ichishanda ‘semutungamiriri wemabiko.’ (Joh. 2:8) Kana mukanyatsoudza hama iyoyo zvakajeka zvinhu zvamakaronga, ichakubatsirai kuti zvese zvichaitwa pamuchato wenyu zvikudze Jehovha uye zvifambe maererano nezvamakaronga.
20. Vari kuda kuchata vanofanira kuyeukei nezvemuchato wavo?
20 Pamunofunga zvese zvinoda kuitwa pakuronga muchato wenyu, munogona kutotanga kuzvidya mwoyo. Asi yeukai kuti muchato wenyu ringori zuva rimwe chete. Ndiro zuva rekutanga rekuti mushumire Jehovha pamwe chete muchifara. Saka itai zvese zvamunogona kuti muchato wenyu usava netwakawandawanda uye ukudze Jehovha. Vimbai naJehovha. Kana mukabvuma kuti akutungamirirei achakubatsirai kuronga muchato wenyu zvakanaka zvekuti pamuchafunga nezvawo munonzwa kufara uye hapana chamunozombodemba.—Pis. 37:3, 4.
RWIYO 107 Muenzaniso waMwari Werudo
a KUTSANANGURWA KWESHOKO: Munzvimbo dzakawanda, muchato unowanzosanganisira hurukuro yemuchato, kupfekedzana mhete, kuita mhiko pamberi paMwari uyewo kuita mabiko. Asi mune dzimwe nzvimbo, vanhu havaiti zvimwe zvacho kana kuti zvese zvataurwa pamusoro apa. Kunyange zvakadaro, vaKristu vanenge vachida kupinda muwanano vanogona kubatsirwa kana vakatevedzera zvinotaurwa neBhaibheri pane zvavachaita musi wavanochata.
b Kuti uwane mamwe mashoko panyaya yekuti vaKristu vanoona sei mitemo yehurumende panyaya dzewanano, verenga nyaya yakanzi “Michato Inokudzwa Mukuona kwaMwari Nevanhu” iri muNharireyomurindi yaOctober 15, 2006.
c Ona vhidhiyo iri pajw.org yakanzi Ndinoda Kuti Pazova Nedoro Here?