RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 April p. 19
  • Kuda Kudiwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuda Kudiwa
  • Mukai!—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Mukoma Nomunun’una Vaishungurudzika “Vakavaka Imba yaIsraeri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Ndinofanira Kutaura Nevabereki Vangu Sei?
    Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
  • Ndingataura sei nevabereki vangu?
    Mukai!—2010
  • Ndingataura Sei Nevabereki Vangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 April p. 19

Kuda Kudiwa

Kare kare mune rimwe guta rava kunzi Turkey, maigara mumwe musikana ainzi Reya. Reya akanga asina hake kunaka zvakanyanya, asi munin’ina wake Rakeri akanga ari tsvarakadenga.

RAKERI akasangana nomumwe murume aimuda kwazvo zvokuti murume uyu akabvuma kushandira baba vake kwemakore manomwe kuti amuroore. Zvisinei, pausiku hwomuchato, baba vevasikana ava vakapa murume uyu Reya pane kuti vamupe munin’ina wake. Hatizivi kuti Reya akanzwa sei nezvakarongwa nababa vake, asi anofanira kunge akaziva kuti uku kwakanga kusiri kutanga imba kwakanaka.

Aziva zvakanga zvaitika, murume akanga achangoroora uyu akapikisa chaizvo zvakanga zvaitwa. Baba vacho vakatsanangura kuti ndiyo yaiva tsika yacho yokutanga kuroodza mwanasikana mukuru. Saka Reya akazviwana aroodzwa nounyengeri kumurume akanga atanga kuda munin’ina wake, uyo akazoroorwazve naye. Reya anofanira kunge asina kufara paakaona kuti munin’ina wake ndiye aidiwa zvikuru! Reya akanga asina nyaya dzokutaura dzokudanana kunoita mukomana nomusikana, uye aiva nezvishomanana kana zvaitombovapo zvinofadza zvokuyeuka nezvezuva rake romuchato. Anofanira kunge aida kudiwawo sezvaiitwa Rakeri! Saka zvimwe zvacho zvichikonzerwa nemamiriro ezvinhu aakanga asingakwanisi kuchinja, Reya angave aigara achinzwa asingadiwi.a

Kusvika pamwero wakati, vakawanda nhasi vanonzwisisa manzwiro akaita Reya. Zviri matiri kuti tinzwe tichida kuda vamwe uye kudiwa. Pamwe tinoti kudai taizowana wokuroorana naye achatida. Tinodawo kudiwa nevabereki vedu, vana vedu, vana vomumba medu, neshamwari dzedu. Kufanana naReya, tingaona vamwe vachidiwa, asi isu tisingadiwi.

Kubvira paucheche tinonzwa nyaya dzorudo dzevanhu vakanaka vanodanana vobva vagara vachifara kwoupenyu hwavo hwose. Vaimbi vanoimba zvinyoronyoro nezvorudo; vadetembi vanorurumbidza. Zvisinei, mumwe mutsvakurudzi wezvorudo akanyora kuti: “Hakuna chinhu chinoitwa kana chinhu chinotangwa netarisiro huru asi chinogara chichitiodza mwoyo sezvinoita rudo.” Chokwadi, ukama hwedu hwepedyo ndihwo hunonyanya kutinetsa—huchitiunzira nhamo pane kuti hutipe mufaro unogara narini. Munyika dzinoverengeka, michato inenge 40 muzana pane yose iripo iye zvino yava kuguma nokurambana, uye vakaroorana vakawanda vasingarambani havasi kufara zvachose.

Nyika dzakawanda dzakaonawo kuwedzera kwevabereki vari voga nemhuri dzisina ukama hwakanaka, umo vana vanotamburawo. Kunyange zvakadaro, vana zvikurukuru ndivo vanoda kutarisirwa mupfungwa, kunzwa kuti vari mumhuri ine rudo. Saka, chii chakaitika kurudo? Tingaenda kupi kuti tidzidze nezvounhu uhwu hunokosha? Nyaya dzinotevera dzichaongorora mibvunzo iyi.

[Mashoko Omuzasi]

a Nhoroondo iyi inowanika muzvitsauko 29 ne30 zvebhuku romuBhaibheri raGenesisi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe