Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ushamwari Hwokuchikoro—Ndepapi Paungati Hwanyanyisa?
“Vana vandinodzidza navo kuchikoro vaitaura nezvokunakidzwa kwavakaita vari pamwe chete mukupera kwevhiki. Ndakanzwa ndasaririra zvikuru.”—Michelle.a
“Dzimwe nguva ndaiona boka revechiduku ndofunga kuti, ‘Iii, inga zvavo vanoshamwaridzana. Ndinodawo kuva mumwe wavo.’”—Joe.
“Ndakanga ndisina dambudziko rokuva neshamwari kuchikoro. Zvaiva nyore. Ndiro rakanga riri dambudziko rangu.”—Maria.
UNOPEDZA nguva yakawanda uine vaunodzidza navo. Unotarisana nezvinetso zvakawanda zvakafanana nezvavo, zvinogumbura, uye kubudirira. Mune dzimwe nzira, ungaona sokuti iwe naivo munofarira zvinhu zvimwe chete zvakawanda kupfuura zvaunoita iwe nevabereki vako, madzikoma nevanun’una vako, kana kuti vaKristu vaunonamata navo. Zvinonzwisisika kuti, unganzwa uchida kushamwaridzana navo. Izvozvo zvakaipa here? Pane ngozi here? Nezvoushamwari hwokuchikoro, ndepapi paungati hwanyanyisa? Unofanira kugumira papi?
Unoda Shamwari
Munhu wose anoda shamwari—munhu waanogona kufara naye zvinhu pazvinenge zvichifamba zvakanaka uye wokuvimba naye pazvinenge zvaipa. Jesu aive neshamwari, uye aifara nadzo. (Johani 15:15) Paakazotarisana norufu padanda rokutambudzikira, shamwari yaJesu, Johani “mudzidzi waaida” zvikuru, akanga amire pedyo. (Johani 19:25-27; 21:20) Unoda shamwari dzakaita saidzodzo—vanhu vanoti kwati kwati newe chero zvodii. Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.”—Zvirevo 17:17.
Zvichida unoona sokuti wakawana munhu akaita saiyeye kuchikoro, mumwe wevaunodzidza navo waunonzwanana naye. Pane zvamunofarira mose uye munofarira kukurukura pamwe chete. Chokwadi, munhu wacho angasava mutendi zvake, asi semaonero ako, haaratidziki ‘seshamwari yakaipa.’ (1 VaKorinde 15:33) Chokwadi, dzimwe pwere dzisingatendi zvaunotenda zviri muBhaibheri dzinoomerera pane zvakanaka. (VaRoma 2:14, 15) Asi zvinoreva here kuti unofanira kunyanya kushamwaridzana nadzo?
VaKristu Vane Ushamwari
Zviri pachena kuti vaKristu vechokwadi havarambi vanhu vasingatendi. Somuenzaniso, kuti vaite basa ravo ‘rokuita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi,’ vaKristu vanotaura nevarume nevakadzi vemarudzi ose, zvitendero zvose, uye tsika dzose. (Mateu 28:19) Pavanoita zvinhu nevamwe, vaKristu havaratidzi kuti havana basa nevavakidzani vavo, vavanoshanda navo, kana kuti vavanodzidza navo kuchikoro. Pane kudaro, vanoratidza kuti vanonyatsofarira vamwe.
Pauro akaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo munyaya iyi. Aigona kukurukurirana nevanhu “vemarudzi ose,” kunyange zvazvo vakanga vasingabvumirani nezvaaitenda. Chokwadika, chinangwa chaPauro chakanga chisiri chokushamwaridzana navo. Panzvimbo pezvo, akati: “Ndinoita zvinhu zvose nokuda kwemashoko akanaka, kuti ndiagoverane navo.”—1 VaKorinde 9:22, 23.
Unogona kutevedzera muenzaniso waPauro. Wirirana nevezera rako. Dzidza kukurukurirana zvakanaka navo. Vamwe vevaunodzidza navo vangangove vachitsvaka kuziva tariro yauinayo inobva muBhaibheri. Chimbofunga nezvomusikana wechiKristu anonzi Janet. Iye nevomukirasi yake vakapiwa basa rokunyora mashoko mashomanana nezvomudzidzi mumwe nomumwe, zvadaro mudzidzi oga oga akakwanisa kuverenga zvainge zvanyorwa pamusoro pake. Rimwe remapepa akapiwa Janet raiti: “Unoratidzika somunhu anofara chaizvo nguva dzose. Tapota tiudzewo kuti nei!”
Sezvinoratidzwa nezvakaitika izvi, vamwe vevari mukirasi mako vangada kudzidza nezvezvaunotenda. Zvechokwadi, zvakanaka kuti uwirirane nevanhu vakadaro. Hapana mubvunzo kuti izvi zvichakupa mukana wokutaura nezvezvaunotenda. Bvumira vomukirasi mako kuti vataurewo pfungwa dzavo, uye nyatsoteerera pavanenge vachitaura. Ruzivo rwaunowana mukukurukurirana nevezera rako ruchabatsira zvikuru rimwe zuva kana ukazoshanda uye ukatarisana nemamiriro ezvinhu akafanana. Kuchikoro uye kubasa, kuwirirana nevamwe kuchakubatsira kuti ‘ushongedze dzidziso yoMuponesi wedu, iye Mwari, muzvinhu zvose.’—Tito 2:10.
Ushamwari ‘Husina Kukodzera’
Chokwadika, kungova munhu akanaka kune waunodzidza naye kwakasiyana nokuva shamwari yake yepedyo. Pauro akanyora kuti “Musasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi.” (2 VaKorinde 6:14) Kuti uve shamwari yepedyo yomumwe munhu, unofanira kuva netsika uye zvinangwa zvakafanana. Izvozvo hazvimboiti kana munhu wacho asingaomereri kune zvaunotenda uye zvinotaurwa neMagwaro. Kushamwaridzana zvisina kukodzera nomunhu womukirasi mako asingatendi kungangozokunyengera kuti uite zvakaipa kana kuti kungakanganisa tsika dzako dzinobatsira.
Maria akazoziva izvi nenzira yakaoma. Kusununguka kwake kwakaita kuti zvimuitire nyore kuti ave neshamwari asi zvakanga zvakamuomera kuti azive pokugumira. “Ndaifarira kudiwa, nevasikana nevakomana,” anobvuma kudaro. “Nemhaka yeizvi, ndakazviona ndava kunyura zvishoma nezvishoma mumamiriro ezvinhu akaoma kuti ndibude maari enyika ino.”
SaMaria, zvingakuomera kuziva paunenge wava kushamwaridzana zvakanyanyisa nomunhu anotenda zvakasiyana nezvako. Kunyange zvakadaro, unogona kuzvidzivirira pakurwadziwa mwoyo nokuzvisarudzira kuti ndiani wauchati munhu waunongozivana naye uye wauchasarudza seshamwari yepedyo. Ungazviita sei?
Kusarudza Kwaungaita Shamwari Dzakanaka
Sezvambotaurwa, Jesu akanga aine shamwari dzapedyo paakanga ari pasi pano. Jesu akazviita nokurarama upenyu hwakarurama uye nokutaura zvinhu zvine chokuita nokunamata. Vaya vakabvuma dzidziso dzake uye mararamiro ake, vakaswedera pedyo naye. (Johani 15:14) Somuenzaniso, pashure pokunzwa Jesu achitaura, vamwe varume vana vakabayiwa mwoyo zvokuti “vakasiya zvinhu zvose vakamutevera.” Varume ava—Petro, Andireya, Jakobho naJohani—vakava shamwari dzepedyo dzaJesu.—Ruka 5:1-11; Mateu 4:18-22.
Zvaitaura Jesu uye zvaaiita zvakabudisa pachena kuti aiva nechokwadi nezvezvaaitenda uye akanga asingazochinji. Vaya vakanga vasingadi kumugamuchira iye nedzidziso dzake vakamusiya, uye Jesu akarega vachienda.—Johani 6:60-66.
Somuenzaniso, kutendeseka kwomumwe murume muduku kwakabaya mwoyo waJesu. Bhaibheri rinoti: “Jesu akamutarira, akamuda.” Asi murume wacho paakazoziva zvaitarisirwa naJesu kushamwari dzake, “akaenda.” Murume wacho airatidzika somunhu akanaka—zvechokwadi, Jesu “akamuda.” Asi, Jesu ane zvaaitarisira kushamwari dzake. (Mako 10:17-22; Mateu 19:16-22) Ko iwe?
Unogona kuwirirana nomumwe munhu waunodzidza naye. Asi zvibvunze kuti: ‘Munhu uyu anoda kuita zvinorayirwa naJesu here? Anoda kudzidza nezvaJehovha, uyo Jesu akarayira kuti tinamate here?’ (Mateu 4:10) Sezvaunotaura nevaunodzidza navo uye zvaunorarama maererano nezvinodiwa neBhaibheri, mhinduro dzemibvunzo iyi dzichajeka.
Zvakanaka kufara nevomukirasi mako, sezvaiita Jesu uyo aifarira vanhu vose. Asi Jesu akava nechokwadi chokuti shamwari dzake dzepedyo dzaida Baba vake vokudenga, Jehovha. Unogonawo kuita izvozvo. ‘Mufambiro wako ngauve wakanaka’ kuchikoro, uye taura nevamwe nounyanzvi nezvezvaunotenda. Kupfuura zvose, iva nechokwadi chokuti unosarudza shamwari dzakanakisisa.—1 Petro 2:12.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.
ZVOKUFUNGA NEZVAZVO
◼ Ingozi dzipi dziripo kana tikapedza nguva yatinenge takasununguka tichitandara nomunhu asingatendi womukirasi medu tapedza chikoro? Kuchenjera here kuita izvozvo?
◼ Zvawaverenga nyaya ino, unofunga kuti ushamwari hwako nomunhu womukirasi yenyu hwazova hwakanyanya here? Kana zvakadaro, chii chaungaita?
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 17]
How Can I Make Real Friends?
Vhidhiyo iyi yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, ine pwere dzokuUnited States, Italy, France, neSpain dzinobvunzurudzwa zvakananga. Inowanika mumitauro 36.
[Mufananidzo uri papeji 17]
Vamwe vomukirasi yako vangada kuziva nezvezvaunotenda