CHITSAUKO 17
Ndinofanira Kuzivei Nezvoushamwari Hwokuchikoro?
“Dzimwe nguva ndaiona boka revamwe vechiduku ndofunga kuti, ‘Inga zvavo vari kuwirirana. Ndinoda kuva mumwe wavo.’”—Joe.
“Handina kumbova nechinetso chokuva neshamwari pandaiva kuchikoro. Zvaiva nyore. Iroro ndiro raiva dambudziko rangu.”—Maria.
VANHU vose vanoda shamwari—vanhu vavanogona kutandara navo munguva dzakanaka uye vavanovimba navo kana zvaipa. Jesu aiva neshamwari, uye aifarira kushamwaridzana nadzo. (Johani 15:15) Zvadaro, paakaurayiwa padanda rokutambudzikira, Johani shamwari yake yepedyo, “mudzidzi waaida,” aiva pedyo. (Johani 19:25-27; 21:20) Unoda shamwari dzakadai, vanhu vanokutsigira chero zvodini!
Zvichida unofunga kuti wakawana shamwari dzakadaro kuchikoro—waunodzidza naye mumwe chete kana kuti vaviri vaunopindirana navo chaizvo. Munofarira zvinhu zvakafanana uye munonakidzwa nokutaura mose. Vangaita sokuti havasi ‘shamwari dzakaipa’ kwauri. (1 VaKorinde 15:33) “Unoona vechiduku ava anenge mazuva ose,” anodaro Anne. “Saka unonzwa wakasununguka kana uinavo. Zvakasiyana nepaunenge uine hama nehanzvadzi dzako dzaunonamata nadzo, paunonzwa kuti dzimwe nguva unofanira kungwarira zvaunoita. Kuchikoro hauna chokutyira.” Uyezve, unogona kuona zvinhu semaonero aiita Lois, uyo akati “Ndaida kuti shamwari dzangu dzokuchikoro dzione kuti Zvapupu zvaJehovha hazvina kusiyana nevamwe vanhu sezvinofungwa nevanhu vose, takangofanana nevamwe vanhu.” Izvozvo zvikonzero zvakanaka here zvokuti uite tsika nditsikewo nevokuchikoro kwako?
Nei Uchifanira Kungwarira?
Chimbofunga zvakaitika kuna Maria, ambotaurwa kwokutanga. Kusununguka kwake kwaiita kuti zvive nyore kuti awane shamwari dzakawanda asi zvakanga zvakamuomera kuziva pokugumira. Anobvuma kuti, “Ndaida kufarirwa nevakomana nevasikana. Nokudaro, ndakaona ndichinyura zvishoma nezvishoma mumatope enyika ino.” Lois akasanganawo nezvakadaro. Anoti, “Zvaiitwa nevamwe vana zvainditora mwoyo. Ndakatanga kuita sezvavaiita.”
Izvozvo hazvishamisi. Kutaura zvazviri, kuti urambe uri pedyo nomumwe munhu, iwe nomunhu iyeye munofanira kufarira zvinhu zvakafanana uye kuva netsika dzakafanana. Kana ukatanga ushamwari hwepedyo nevanhu vasingaomereri pane zvaunodavira uye zvaunokoshesa zvomuMagwaro, ushamwari hwakadaro hungashatisa tsika dzako. (Zvirevo 13:20) Ndokusaka muapostora Pauro akanyora kuti: “Musasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi.”—2 VaKorinde 6:14.
Zvaungaita
Zano raPauro rinoreva kuti unofanira kusataura nevaunodzidza navo wova zindoga here? Aiwa! Kuti vaite basa ravo ‘rokuita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi,’ vaKristu vanofanira kuziva kuti vangataura sei nevarume nevakadzi vemarudzi ose, vezvitendero zvose uye vetsika dzose.—Mateu 28:19.
Muapostora Pauro akasiya muenzaniso wakanaka kwazvo panyaya iyi. Aiziva kutaura ne“vanhu vemarudzi ose,” kunyange zvazvo akanga asi wechitendero chavo. (1 VaKorinde 9:22, 23) Unogona kutevedzera muenzaniso waPauro. Farira vezera rako. Dzidza kutaura navo zvakanaka. Zvisinei, dzivisa chishuwo chokuda kufanana nevaunodzidza navo mumatauriro uye mutsika. Pane kudaro, sezvaungagona kurumidza kuvatsanangurira noruremekedzo kuti nei uchisarudza kurarama maererano nemitemo yeBhaibheri.—2 Timoti 2:25.
Chokwadi, uchava munhu akasiyana navo uye izvi hazvisi nyore. (Johani 15:19) Asi wadii kuona nyaya yacho seizvi? Kudai wakanga uri muchikepe chokununura vanhu wakapoteredzwa nevanhu vari kunetseka vari mumvura, waizovabatsira sei—nokusiya chikepe chacho wosvetukira mumvura mavari here? Hawaizombodaro!
Saizvozvowo, kuchikoro unenge wakapoteredzwa nevanhu vasina kuchengeteka kunovapo kana uri mumwe weshamwari dzaJehovha. (Pisarema 121:2-8) Kudai waizosiya mitemo yaJehovha kuti ungova pedyo nevaunodzidza navo, waizongoisa pangozi mufaro wako uye utano hwako mune zvokunamata. (VaEfeso 4:14, 15; Jakobho 4:4) Zviri nani chaizvo kana ukaedza kubatsira vaunodzidza navo kuti vapinde muchikepe chokufananidzira chokununura vanhu, nokuvaratidza kuti vangashumira sei Jehovha. Zvechokwadi, ungaratidza kuti uri shamwari yechokwadi munzira ipi iri nani?
RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU
“Ndinoita zvinhu zvose nokuda kwemashoko akanaka, kuti ndiagoverane navo.”—1 VaKorinde 9:23.
ZANO
Kana vamwe vaunodzidza navo vachida kuziva zvaunotenda, ita kuti vataurewo zvavanofunga. Nyatsoteerera. Paunenge uchitaura, ita izvozvo “nounyoro noruremekedzo rukuru.”—1 Petro 3:15.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Vakawanda vari kushumira Mwari nhasi vakadzidziswa Bhaibheri nomumwe wavaidzidza naye mukirasi aiva noushingi hwokutaura zvaanotenda.
ZVANDINORONGA KUITA!
Kana ndikaona kuti ndiri kunyanya kuwirirana nomumwe wandinodzidza naye, ndicha- ․․․․․
Kana mumwe wokuchikoro akaseka zvandinotenda, ndicha- muudza kuti ․․․․․
Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenya- ya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Nei uchifunga kuti zvingaita sezviri nyore kutanga ushamwari kuchikoro pane muungano yechiKristu?
● Kupedza nguva uchitamba newaunodzidza naye asingatendi mabuda chikoro kune ngozi dzipi?
● Zvakanakirei kuudza vaunodzidza navo kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 143]
“Ndaiwanzoita sezvaiitwa nevamwe vana kuchikoro, saka zvaiva nyore kutanga ushamwari nevamwe ikoko. Asi ndakadzidza kubva pane zvandaikanganisa. Iye zvino ndava neshamwari muungano—shamwari dzandinogona kuvimba nadzo.’’—Daniel
[Bhokisi riri papeji 146]
Unganyatsobatsira sei munhu anenge achinyura—nokusvetukira mumvura here kana kumukandira chinhu chinoita kuti asanyura?