RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g07 January pp. 21-23
  • Ndakanga Ndiri Mwanakomana Akarasika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakanga Ndiri Mwanakomana Akarasika
  • Mukai!—2007
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndinobva Pamba
  • Ndiri Mumaguta Makuru
  • Upenyu Hwokutengesa Zvinodhaka
  • Kusungwa Nokuiswa Mujeri
  • Kutangazve “Basa Rangu”
  • Kudzokera Kuna Mwari
  • Kutsiva Nguva Yandakatambisa
  • “Rudo Harutongoperi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kugutsikana Kunobva Kuna Mwari Kwakandisimbisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Kuratidza Rudo Munguva Yenhamo
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2007
g07 January pp. 21-23

Ndakanga Ndiri Mwanakomana Akarasika

Yakataurwa naMeros William Sunday

Kubvira ndichiri kacheche ndakadzidziswa kuda Mwari; asi pandakasvitsa makore 18, ndakapanduka ndokubva pamba. Kwemakore 13 ndakararama somwanakomana akarasika anotaurwa mumufananidzo waJesu. (Ruka 15:11-24) Ndaitengesa zvinodhaka uye ndakapotsa ndaparadza upenyu hwangu. Regai ndikuudzei zvakaita kuti ndichinje mararamiro angu nokuzodzoka kwandakaita.

NDAKABEREKWA muna 1956 nevabereki vechiKristu, ndiri wechipiri pavana vapfumbamwe. Taigara muIlesha, dhorobha riri kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweNigeria. Baba vangu vakanga varererwa mumhuri yevaKaturike, asi muna 1945 babamukuru vavo vakavapa bhuku rinonzi The Harp of God.a Vapedza kuriverenga, Baba vakatsvaka Zvapupu zvaJehovha. Muna 1946 vakabhabhatidzwa, Amai vakazobhabhatidzwawo nguva pfupi pashure pacho.

Ndichiri kuyeuka maonero andaiita Jehovha somunhu chaiye ndichiri muduku uye kushingaira kwandaiita nevabereki vangu mukuparidza. Baba vangu vakandidzidzisa Bhaibheri. Nguva nenguva, Alice Obarah, aiva nomurume aiva mutariri aifambira munzvimbo yedu, aidzidzawo neni zvakare. Vabereki vangu vaida kuti ndive mushumiri wenguva yakazara. Zvisinei, Amai vakati nditange ndambowana dzidzo yokusekondari.

Zvisinei, ndichangotanga dzidzo yokusekondari pazera remakore 16, ndisingaiti nokuchenjera ndakashamwaridzana nevandaidzidza navo vakanga vasingaremekedzi zvinotaura Bhaibheri. Hwaiva upenzi chaihwo hwandakaita! Pasina nguva, ndakatanga kuputa uye kuita zvounzenza. Ndakaona kuti mararamiro angu akanga asingapindirani nemirayiridzo yandaiwana kumisangano yechiKristu, saka ndakarega kuenda kumisangano uye kuita ushumiri hwepaimba neimba. Vabereki vangu vakarwadziwa, asi ndakanga ndisisina basa nemanzwiro evamwe.

Ndinobva Pamba

Pashure pemakore maviri chete ndiri kuchikoro chesekondari, ndakabva pamba paigara mhuri yedu ndokutanga kugara neshamwari dzomunharaunda yedu. Dzimwe nguva ndaimbodzoka kumba kaverevere, ndotora zvokudya chero zvandaiwana zviripo ndotiza. Vaora mwoyo, Baba vakarega kundibhadharira mari yechikoro, vachitarisira kuti ndaizochinja.

Zvisinei, inenge nguva imwe chete iyi ndakapiwa bhezari. Mari yangu yaibva kuScotland uye dzimwe nguva ndaipiwa zvipo, zvaisanganisira mari. Panguva iyi, mukoma nomunun’una wangu vakaregawo kusonganira neZvapupu zvaJehovha, zvose izvi zvakaita kuti vabereki vangu vashungurudzwe chaizvo. Kakawanda amai vainditeterera nomwoyo wose vachisvimha misodzi kuti ndidzoke. Kunyange zvazvo izvi zvaiita kuti ndinzwe ndiine mhaka, handina kuchinja mararamiro angu.

Ndiri Mumaguta Makuru

Ndapedza chikoro muna 1977, ndakaenda kuLagos ndokuwana basa ikoko. Nguva pfupi pashure pacho, ndakawana mari nenzira isiri yepamutemo ndikatenga tekisi. Zvandakanga ndava nemari yakawanda iye zvino, ndakatanga kushandisa zvinodhaka ndichipedza nguva yakawanda mumabhawa ousiku nomudzimba dzinoitirwa zvechipfambi. Pasina nguva ndakanga ndava kufinhikana noupenyu hwomuLagos, uye muna 1981, ndakaenda kuLondon. Ndabva ikoko ndakaenda kuBelgium, kwandakadzidzira French uye ndaipota ndichishanda muresitorendi. Zvisinei, nguva yangu yakawanda ndaiipedza ndichitumira motokari nemidziyo yemagetsi kuNigeria.

Baba vakanyorera hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muBelgium vachikumbira kuti ndionekwe uye paedzwe kuti ndidzidziswe Bhaibheri. Asi pose paiuya Zvapupu kumba kwangu, ndakanga ndisingazviteereri. Ndakatanga kuenda kuchechi kwataidya, kunwa, uye kwataitamba mitambo yakasiyana-siyana tapedza kunamata.

Upenyu Hwokutengesa Zvinodhaka

Muna 1982, ndakatumira nengarava motokari yaidhura chaizvo kuNigeria ndokuenda kuchiteshi chengarava kuti ndiipinze munyika iyi ndoga. Vanoona zvokupinzwa kwezvinhu munyika vokuNigeria vakaona kuti gwaro rangu remota iyi raiva raitwa zvechitsotsi, saka ndakambochengetwa muusungwa kwemazuva anenge 40. Baba vakandibhadharira mari yokuti ndimbosunungurwa ndichimirira kutongwa. Sezvo ndaida mari yokuti nyaya yangu igadziriswe mudare, ndakadzokera kuBelgium nezvimwe zvinhu zvaisanganisira makirogiramu akawanda embanje. Ndakawanikwa ndisina mhosva yegwaro rakaitwa zvechitsotsi, zvadaro ndakadzika midzi mubasa rokutengesa zvinodhaka.

Pane rumwe rwendo ndakasungwa muNetherlands. Vakuru vakuru veko vanoona zvokupinda nokubuda kwevanhu munyika vakandidzosa kunyika yangu nendege yaienda kuNigeria. Ndiri munzira ndakasangana nevamwewo vaitengesa zvinodhaka, uye takaronga kubatana. Muna January 1984, ndakatamira kune imwe nyika yomuAfrica. Sezvo ndaikwanisa kutaura French, mutauro weko, nenguva isipi ndakanga ndava neshamwari dzechipurisa, masoja, uye vakuru vakuru vanoona nezvokupinda nokubuda kwevanhu munyika. Saka takakwanisa kupinza zviuru zvemakirogiramu embanje munyika iyi.

Kusungwa Nokuiswa Mujeri

Ndakapinda mutsekwende zvakare. Ndakanga ndaronga nomumwe mukuru mukuru wemauto kuti andibatsire kupinza zvinhu zvangu nokuchiteshi chendege munyika iyi. Asi akanonoka kusvika, uye ndakasungwa. Mapurisa akandirova ndokundipisa nemagetsi zvakaipisisa zvokuti ndakatadza kuziva. Vakandiendesa kuchipatara ndokundisiya ikoko vachifunga kuti ndaizofa. Asi ndakararama uye ndakazotongwa, ndikawanwa ndiine mhosva, ndokuiswa mujeri.

Panguva yandakabuda mujeri, imwe shamwari yangu, yandakanga ndakumbira kuti ichengete imba yangu yakanga yatengesa zvinhu zvangu zvose uye yanyangarika. Kuti ndirarame, ndakatangazve kutengesa mbanje. Zvisinei, mazuva gumi gare gare ndakasungwa ndokuiswa mujeri kwemwedzi mitatu. Panguva yandakazosunungurwa, ndakanga ndava kurwara chaizvo zvokuti apazve ndakapotsa ndafa. Sezvineiwo ndakakwanisa kudzokera kumusha kuLagos.

Kutangazve “Basa Rangu”

MuLagos ndakaonana nevamwe vangu vandaimbotengesa navo zvinodhaka tichibva taenda kuIndia, kwatakatenga heroin yaikosha mari inenge US$600 000. Tichibva kuBombay (yava Mumbai) takaenda kuSwitzerland, tikaenda kuPortugal, ndokuzoenda kuSpain. Tose takawana purofiti yakakura kwazvo tichibva tadzokera kuLagos nenzira dzakasiyana. Gore ra1984 rava kunopera, ndakatengesa zvimwe zvinodhaka zvakawanda. Vavariro yangu yaiva yokuva nemiriyoni imwe chete yemadhora okuUnited States ndobva ndaenda kunogara kuUnited States.

Muna 1986, ndakaunganidza mari yose yandaiva nayo ndokutenga heroin muLagos yainge isina kusanganiswa nezvimwe. Ndakaenda nayo kune imwe nyika, asi ikoko yakaguma yava mumaoko omumwe munhu aiva nemakaro aitengesawo zvinodhaka uyo asina kundibhadhara. Ndichityira upenyu hwangu, ndakadzokera kuLagos uye handina kutaura zvakanga zvaitika. Ndakanga ndaparara mupfungwa uye mune zvemari. Kokutanga, ndakagara pasi ndokufunga chinangwa choupenyu. Ndakazvibvunza kuti, ‘Nei zvinhu zvichimboti pamwe zvonaka pamwe zvoipa?’

Kudzokera Kuna Mwari

Umwe usiku nguva pfupi zvadaro, ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire. Ndadaro, mangwanani acho mumwe murume wechikuru nomudzimai wake vakagogodza pasuo rangu. Vaiva Zvapupu zvaJehovha. Ndakavateerera ndakadzikama ndichibva ndatora magazini. “Vabereki vangu Zvapupu zvaJehovha,” ndakatsanangura kudaro. “Alice Obarah akambodzidza neni Bhaibheri.”

Murume wechikuru uyu ainzi P. K. Ogbanefe, akabva ati: “VanaObarah tinovaziva chaizvo. Iye zvino vari kushanda pahofisi yebazi redu romuNigeria kuLagos.” Vakandikurudzira kuti ndiende kunovaona. Kuonana kwandakaita navanaObarah kwakandikurudzira kwazvo. Zvadaro, Hama Ogbanefe vakatanga kudzidza neni Bhaibheri, uye nokukurumidza ndakatanga kuchinja mararamiro angu ounzenza. Izvi zvakanga zvisiri nyore nokuti zvakanga zvakaoma kukunda muitiro wokushandisa zvinodhaka wandakanga ndaita kwenguva refu. Kunyange zvakadaro, ndakanga ndakatsunga kuchenesa upenyu hwangu.

Asi paivawo nemiedzo yakawanda nezvaidzvinyirira! Dzaichimbova shamwari dzangu dzaiuya kumba kwangu dzichivimbisa zvaiedza. Pane imwe nguva ndakatomboputa uye kuita unzenza. Ndakadurura mwoyo wangu kuna Mwari mumunyengetero. Nenguva isipi ndakaziva kuti shamwari dzenyika ndidzo dzakanga dzanditsausa, saka dzakanga dzisingagoni kundibatsira iye zvino. Ndakaziva kuti ndaifanira kubva muLagos kuti ndifambire mberi mune zvokunamata. Asi ndainyara kudzokera kumusha kuIlesha. Zvisinei, ndakazonyora tsamba kuna baba vangu nokune mukoma wangu ndichikumbira kudzoka kumba.

Baba vakandivimbisa kuti vaizondigamuchira, uye mukoma wangu akati aizondibatsira nemari. Saka pashure pemakore gumi ndasiya vabereki vangu, ndakadzokera kumba. Ndakatambirwa noushamwari. “Ndinokutendai Jehovha!” vakadaro Amai. Pakasvika Baba manheru iwayo, vakati, “Jehovha achakubatsira.” Mhuri yedu yose yava pamwe chete zvakare, vakanyengetera kuna Jehovha, vachimukumbira kuti andibatsire nokuti iye zvino ndakanga ndadzoka kuzoita kuda Kwake.

Kutsiva Nguva Yandakatambisa

Ndakatangazve kudzidza Bhaibheri ndokufambira mberi nokukurumidza; ndakabhabhatidzwa musi waApril 24, 1988. Nenguva isipi ndakatanga kushingaira muushumiri. Musi waNovember 1, 1989, ndakatanga kushumira sapiyona—muevhangeri wenguva yakazara. Muna 1995, ndakakokwa kunopinda kirasi yechigumi yeChikoro Chokudzidzisa Vashumiri muNigeria. Zvadaro, muna July 1998, ndakakumbirwa kuti ndishande somutariri anofambira, ndichishanyira ungano dzeZvapupu zvaJehovha. Pashure pegore, ndakakomborerwa nokuwana Ruth, akazova mudzimai wangu uye anofamba neni.

Vamwe vomumhuri yangu vakafambirawo mberi mune zvokunamata. Mumwe wevakoma vangu, akanga arega kushumira Jehovha, akatangazve kunamata zvechokwadi ndokubhabhatidzwa. Ndinofara kuti Baba vakationa tichidzoka. Vakashumira nomufaro somushumiri anoshumira muungano kusvikira parufu rwavo muna 1993 vava nemakore 75. Amai vari kupfuurira kushumira Jehovha vachishingaira muIlesha.

Nyika dzose dzandakafamba muEurope, Asia, neAfrica ndichitsvaka pfuma dzinokwana 16. Somugumisiro, ndakazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji. (1 Timoti 6:9, 10) Pandinotarira shure, ndinodemba kuti ndakatambisa nguva youpenyu hwangu hwouduku ndichiita unzenza nokushandisa zvinodhaka. Ndinodemba kurwadzisa kwandakaita Jehovha Mwari nemhuri yangu. Asi ndinoonga kuti ndakararama kusvika ndakwanisa kupengenuka. Ndakatsunga kuramba ndakavimbika kuna Jehovha uye kumushumira nokusingaperi.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi iye zvino harichadhindwi.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Ndiri muduku ndapanduka

[Mufananidzo uri papeji 23]

Zuva randakabhabhatidzwa

[Mufananidzo uri papeji 23]

Ndiine mudzimai wangu, Ruth

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe