RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 3/8 pp. 13-14
  • Kuratidza Rudo Munguva Yenhamo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuratidza Rudo Munguva Yenhamo
  • Mukai!—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Ndakanga Ndiri Mwanakomana Akarasika
    Mukai!—2007
  • Kukura Pamwe Chete Murudo
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Pashure Pokuputika
    Mukai!—2003
  • Kuyamura Vakawirwa Nenjodzi Muna 2023—“Takazvionera Tega Kuti Jehovha Anotida”
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 3/8 pp. 13-14

Kuratidza Rudo Munguva Yenhamo

NOMUNYORI WEMUKAI! MUNIGERIA

MUSI weSvondo, January 27, 2002, wakanzi musi unosuruvarisa muLagos, Nigeria. Kuputika mudura rezvombo raiva pasi pevhu kwakakonzera kudengendeka kwepasi kunotyisa muguta rose ndokuvhenekera denga remanheru. Kwemaawa anoverengeka kuputika kukuru kwemabhomba uye ungwandangwanda panzvimbo yakakura makiromita matatu, kwakakonzera kutya muguta racho.

Runyerekupe rwakaita kuti vanhu vatye. Mapoka evanhu vaiva vabatwa nokutya vakadirana mumigwagwa, vasingazivi kuti vaitizei kana kuti vaiva vakananga kupi. Murima remanheru, mazana evanhu, kusanganisira vana vakawanda vaiva vavhunduka, vakamhanyira mumvura yakati ndoo yomugoronga ndokuyeredzwa. Dzimba, zvikoro, uye mabhizimisi zvakaparadzwa kana kukanganiswa zvikuru, zviuru zvevanhu zvichisiyiwa zvisisina misha uye mabasa. Kunofungidzirwa kuti vanhu 1 000 vakafa munjodzi iyi. Kufungidzira kwakazotevera kwakanga kwakatokwirira.

Anenge mabhomba 1 350 akanga asina kuputika, maroketi, uye mabhomba anokandwa nemaoko akazowanikwa kunzvimbo dzinogara vanhu dzakapoteredza kamba yemauto uko kwakanga kwaputika. Mumwe murume akawana chimwe chinhu chesimbi mumba make mokutandarira. Asingazivi kuti raiva bhomba, akachinonga, ndokuchiisa mubhuti remotokari yake, achibva achidzorera kuzviremera.

Payakanzwa nezvenyaya yokuputika kwacho, hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muNigeria yakabva yangotaura nomumwe mukuru muLagos ndokuzivisa vatariri vanofambira 16 vomunzvimbo yacho kuti vaongorore mamiriro ezvinhu eZvapupu 36 000 muLagos. Miriyoni imwe yenaira (inenge US$10,000; Z$550 000) yakatumirwa nebazi, pamwe nemirayiridzo yokuumba dare rokubatsira kuti ripe ruyamuro.

Pakati peZvapupu zvacho, mumwe murume akakuvadzwa zvikuru nebhomba; zvinosuruvarisa kuti vakadzi vechiduku vaviri vakafa; uye Dzimba dzoUmambo mbiri nedzimba dzemhuri 45 dzakaparadzwa.

Mazuva matanhatu kuputika kwezvombo kwaitika, musi waFebruary 2, 2002, kurwisana kwemadzinza kwakatanga mune imwe nzvimbo yeguta racho. Maererano neRed Cross, kurwisana kwacho kwakaurayisa vanhu 100, kukakuvadza vanhu 430, uye 3 000 vakasiya misha yavo, uyewo dzimba 50 dzakapiswa. Dare rokubatsira rakanga riri kutarisira zvaidiwa nevanhu “Vomusi weSvondo Unosuruvarisa” rakakurumidza kutsvaka hama dzavo dzechiKristu dzomunzvimbo iyi.

Hapana Chapupu chakafa panguva iyi, sezvo vakawanda vakanga vari kupinda gungano redunhu pakatanga kurwisana kwacho. Zvisinei, nhengo dzakawanda dzeungano shanu dzomunzvimbo yacho dzakanga dzisina misha yokuti dzidzokere kunogara. Hama dzavo dzechiKristu dzakazvipira kuvagamuchira nokuzvidira. Chimwe Chapupu chiremba nomudzimai wacho vakapa vanhu 27 pokugara vakanga vasisina misha.

Zvapupu zvomuLagos zvakanga zvisina kuwirwa nenjodzi yokuputika kwemabhomba neyokurwisana kwemadzinza zvakapa nomutsa zvokudya, zvokupfeka, uye midziyo yomumba. Mutariri weguta racho akashuma kuti: “Zvinhu zviri kupiwa nehama dzomuLagos zvakawanda zvikuru kudarika zvinodiwa nevaya vakawirwa nenjodzi.” Hofisi yebazi yaifanira kunyorera ungano ichidzikumbira kuti dzimbomira kuramba dzichipa mipiro. Marori matatu akazara ezvinhu zvakanga zvasara akatumirwa kuhofisi yebazi kuti zvichengetwe.

Vakuru veungano vakashanyira vakawanda vakanga vawirwa nenjodzi uye nhengo dzemhuri dzevaya vakanga vafa. Vakaedza kupa nyaradzo yeMagwaro. Dare rokubatsira rakaronga kugadzirisa misha yakanga yakanganiswa. Rakagovera vanhu vakanga vawirwa nenjodzi dzacho dzose midziyo yomumba, zvokupfeka, uye zvokudya ndokuyamura vakanga vasiya misha yavo kutsvaka pokugara. Mhuri dzinosvika 90 uye vamwe vanhu vakayamurwa nedare racho.

Vakawanda vakanga vawirwa nenjodzi yacho vakashamiswa nokubatsirwa kwavakaitwa. Chimwe Chapupu chakataurira dare rokubatsira kuti: “Chero bedzi ndichiri mupenyu, ndichaita Jehovha ‘utiziro hwangu nesimba’ rangu!”—Pisarema 46:1, 2.

Vanhu vasiri Zvapupu vakaona nzira iyo Zvapupu zvaJehovha zvaitarisirana nayo panguva yenhamo idzi. Sekuru vechimwe Chapupu chakafa vakaudza vakuru veungano yaaiva kuti: “Ndichadzoka kuzonyatsokutendai uye kuzodzidza zvakawanda.” Kumhuri yavo vakati: “Zvandakaona muLagos zvaishamisa. Kunyange voukama havana kuita zvakaitwa nevanhu ava.”

[Mufananidzo uri papeji 13]

Rori yakazara nezvinhu zvokubatsira

[Mufananidzo uri papeji 13]

Vamwe vakabatsirwa

[Mufananidzo uri papeji 14]

Murume nomukadzi ava vakapa vanhu 27 pokugara vakanga vasisina misha

[Mufananidzo uri papeji 14]

Zvapupu zviri kushanda pamusha wakakanganiswa

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 13]

Pamusoro: Sam Olusegun - The Guardian

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe