Machechi Ari Kuenda Kupi?
CHII chiri kuitika kumachechi “echiKristu.” Kwaunogara, ari kudzikira here kana kuti ari kuwedzera? Unganzwa pachitaurwa nezvokumutsiridza kufarira zvokunamata, uye mishumo yemachechi ari kuva nevanhu vakawanda inowanzobva munyika dzakadai seAfrica, Kumabvazuva kweEurope, uye United States. Asi nhau dzinobva kune dzimwe nyika, kunyanya dziri Kumadokero kweEurope, dzinotaura nezvemachechi ari kuvharwa, kushomeka kwevanhu mumachechi, uye kuvenga chitendero kwakapararira.
Pamusana pevanhu vashoma vava kuenda kumachechi, machechi akawanda akachinja maitiro. Mamwe anoti “haatongi munhu,” achipa pfungwa yokuti Mwari anogamuchira chero mufambiro upi zvawo. Zvava kutonyanya kuitwa ndezvokuti machechi ava kupa varaidzo, mafaro, uye zvimwewo zvinhu zvenyika zvinokwezva pane kuti ape mirayiridzo inobva muShoko raMwari. Kunyange zvazvo vamwe vanoenda kuchechi vachiona kuchinja uku sokunodiwa kuti pave nokufambirana nezvinhu chaizvo zviri kuitika munyika mazuva ano, vanhu vakawanda vanoda chokwadi nomwoyo wose vanoshamisika kana machechi asiri kutsauka pane zvavakanzi naJesu vaite. Ngatimboongorora zvave zvichiitwa nemachechi mumakumi emakore achangopfuura.