Nguva Yemberi Yechikristu Ichange Yakaita Sei?
NYIKA ichachinjwa kuti idavire chiKristu here, kana kuti chiKristu chichatsakatika? ChiKristu chakaramba chakachena here sechiedza munyika ine rima, kana kuti chakasvibiswa? Mibvunzo iyi yagara ichitinetsa kusvikira nhasi.
Achishandisa mufananidzo unonzwisisika, Jesu akaratidza kuti achangodyara mbeu yechiKristu, muvengi Satani, aizoda kuvhiringidza. (Mateu 13:24, 25) Saka, nzanga haisi iyo yakaita kuti chiKristu chichinje mumazana emakore mashomanana okutanga pashure poushumiri hwaJesu. Zvakaitwa nomuvengi, Satani. Nhasi machechi echiKristudhomu ari kuwedzera pane zvakakanganiswa kare uye ari kukohwa migumisiro yacho.—2 VaKorinde 11:14, 15; Jakobho 4:4.
Kurwisa chiKristu Zvisinganyatsooneki
Jesu akafanotaura kuti dzidziso dzake dzaizokanganiswa. Akati: “Umambo hwokumatenga hwakafanana nomumwe munhu akadyara mbeu yakanaka mumunda make. Vanhu pavakanga vakarara, muvengi wake akauya akadyarawo masora pakati pegorosi, akaenda.” Zvinotoshamisa ndezvokuti varanda pavakaita kuti munhu wacho azive nezvezvakaipa zvakanga zvaitwa izvi ndokukumbira kudzura masora acho, munhu wacho akati: “Aiwa; kuti musadzurawo gorosi pamunenge muchiunganidza masora. Regai zvose zvikure pamwe chete kusvikira pakukohwa; uye mumwaka wokukohwa ndichaudza vakohwi kuti, Tangai kuunganidza masora muasunge mwanda kuti apiswe, mozounganidza gorosi mudura rangu.”—Mateu 13:24-30.
Sokutsanangura kwakaita Jesu pachake mumufananidzo wake, murume akadyara gorosi mumunda anomiririra Jesu, uye mbeu yaakadyara inomiririra vaKristu vechokwadi. Muvengi akadyara masora mugorosi anomiririra “Dhiyabhorosi.” Masora anomiririra varume vakaramba kutenda, vasingateereri, vanoreva nhema vachiti vashumiri vaMwari. (Mateu 13:36-42) Muapostora Pauro akataurazve mamwe mashoko ezvimwe zvaizoitika. Akati: “Ndinoziva kuti kana ndaenda mhumhi dzinodzvinyirira dzichapinda pakati penyu uye hadzizobati boka nounyoro, uye pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.”—Mabasa 20:29, 30.
ChiKristu Chinokanganiswa
Mufananidzo waJesu nezvakafanotaurwa naPauro zvakaitika here? Chokwadi zvakaitika. Varume vaida mukurumbira vakatanga kudzora ungano yakanga yaumbwa naJesu ndokuishandisa nokuda kwezvinangwa zvavo. Jesu akanga audza vateveri vake kuti: “Hamusi venyika.” (Johani 15:19) Kunyange zvakadaro, varume vaikara simba vakabatana nevatongi ndokuita kuti pave nemachechi eHurumende ayo akawana simba zvikuru nepfuma. Machechi aya akadzidzisa “zvinhu zvisina kururama.” Somuenzaniso, akadzidzisa vanhu kuti vanamate Hurumende uye kuti vazvipire kufira muhondo. Saka, vainzi vaKristu vakabatanidzwa muHondo Tsvene uye vakauraya vanhu vavaifunga kuti vakanga vasiri vatendi. Vakaendawo kuhondo ndokuuraya “hama” dzavo dzavainamata nadzo. Chokwadi vakapindira muhondo zvisingafaniri kuitwa nevaKristu uye havana kuda muvakidzani wavo.—Mateu 22:37-39; Johani 15:19; 2 VaKorinde 10:3-5; 1 Johani 4:8, 11.
Zviri pachena kuti machechi ave achizviti ndeechiKristu kwemazana emakore anongomiririra chiKristu chokunyepera. Ndokusaka sezvataona munyaya dzapfuura machechi ari kuramba achingokamukana kuva masekete, kuva nemachechi anopindira mune zvematongerwo enyika, uye asina basa nemitemo yaMwari. Chibereko chakaipa ichi hachisi chechiKristu asi ndechechiKristu chokunyepera, chakadyarwa naDhiyabhorosi. Chitendero chenhema ichi chiri kuenda kupi? Sezvakaratidzwa naJesu mumufananidzo wake, hachisi kuzongoparara nokusatsigirwa chete. Chichatongwa uye chichaparadzwa.
VaKristu Vechokwadi Vari Kupenya Murima
Zvisinei, “masora” echiKristu chenhema asati aunganidzwa nokuparadzwa, mufananidzo waJesu unoratidza kuti pane chimwe chinhu chinofanira kuitika. Kwemazana emakore “masora” echiKristu chenhema aiva akawanda zvikuru zvokuti “gorosi” rechiKristu chechokwadi rakatombovhungwa. Asi Jesu akarondedzera kuti gorosi raizoparadzaniswa nemasora munguva ‘yokukohwa,’ yaakati inomiririra “kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” Akatizve: “Panguva iyoyo vakarurama vachapenya zvakajeka sezuva.” (Mateu 13:39-43) Uchapupu huri kuratidza kuti tave tichirarama kumagumo emamiriro ezvinhu epanguva ino kubvira munguva yeHondo Yenyika I, yakaitika makore anodarika 90 apfuura. (Mateu 24:3, 7-12) Mashoko aya aJesu omufananidzo wouprofita akazadzika here?
VaKristu vechokwadi vave vakaparadzaniswa ne“masora” echiKristudhomu. Zvapupu zvaJehovha ‘zviri kupenya sezuva,’ zvichibatsira vamwe kuti vazive Mwari wechokwadi, Jehovha. Zvapupu hazvitarisiri pasi mitemo yake. Asi vanhu vanova Zvapupu zvaJehovha kazhinji kacho vanofanira kuchinja chaizvo mararamiro avo kuti vateerere mitemo yechiKristu iri muBhaibheri.
Zvapupu zvaJehovha hazvivaraidzi vanhu pamisangano yazvo, asi zvinodzidzisa Bhaibheri zvisingabhadharisi. Zvinoshamwaridzana nokuratidzanawo rudo, unhu hwazvinodzidza muMagwaro. Zvinodavira kuti Mwari achachinja pasi pano kuti paite paradhiso oita kuti pagarwe nevanyoro vari panyika, sechinangwa chake chepakutanga. Asi kutanga nyika inofanira kucheneswa pakufurira kwechitendero chenhema, chinozivikanwa muBhaibheri nokuti Bhabhironi Guru. Maererano nouprofita hweBhaibheri, Jehovha achakurumidza kuchinja zvinhu.—Mateu 5:5; Zvakazarurwa 18:9, 10, 21.
Kana vanhu vanoteerera vangosunungurwa pamiitiro younyengeri yechitendero chenhema, kunamata kwevaKristu vechokwadi kuchasunungura vose vaya vanenge vachirarama panyika. Inguva yemberi yakazonaka nokuda kwechiKristu chechokwadi chakadyarwa naJesu! Paradhiso yakaita seEdheni ichadzorerwa panyika inenge iine rugare, pasisina zvitendero zvinoparadzanisa zvinokonzera kusawirirana!
[Mufananidzo uri papeji 23]
“Muvengi wake akauya akadyarawo masora.”—Mateu 13:25
[Mufananidzo uri papeji 24]
Unokokwa noushamwari kusvika kuImba yoUmambo ipi neipi yeZvapupu zvaJehovha, kwaunodzidziswa Bhaibheri usingabhadhari
[Mufananidzo uri papeji 25]
“Mozounganidza gorosi mudura rangu.”—Mateu 13:30