Unogona Kudzidza Mumwe Mutauro!
“Handingambochinjanisi ruzivo rwandakawana nechero chii zvacho,” anodaro Mike. Phelps anowedzera kuti, “Chaiva chimwe chezvinhu zvakanakisisa zvandakasarudza muupenyu hwangu.” Vose vari kutaura nezvokubvuma kwavo basa rakaoma rokudzidza mumwe mutauro.
MUNYIKA dzose, vanhu vakawanda vari kudzidza mitauro mitsva nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana—vamwe nokuda kwezvikonzero zvavo voga, vamwe zvemari uye vamwe zvechitendero. Awake! yakabvunzurudza vanhu vakawanda vari kudzidza mumwe mutauro. Mimwe yemibvunzo yakabvunzwa ndeiyi, Unonzwa sei nezvokudzidza mumwe mutauro iwe wakura, uye chii chingabatsira munhu kuti adzidze? Mashoko anotevera anobva pane zvavakataura. Ungaona zvichikurudzira uye zvichibatsira, zvikurukuru kana uri kudzidza mutauro mutsva kana kuti uri kufunga kuzodaro. Somuenzaniso, chimbofunga nezvounhu hunokosha uhwo vakabvunzurudzwa vakafunga kuti hunodiwa kuti ugone mumwe mutauro.
Kushivirira, Kuzvininipisa, uye Kuda Kuchinja
Kunyange zvazvo vana vangadzidza zviri nyore mutauro mumwe chete kana kudarika panguva imwe chete—kakawanda nokunzwa ichingotaurwa—vakuru vanowanzozviwana zvakaoma zvikuru kudzidza mumwe mutauro. Kutanga vanofanira kuziva kuti, vanofanira kushivirira nokuti kudzidza mutauro mutsva kunogona kutora nguva yakareba. Sezvo vaine zvizhinji zvokuita, izvi zvinowanzoreva kuti vanofanira kumbomira kuita zvimwe zvinhu.
George anoti: “Kuzvininipisa kunokosha zvikuru. Kana usingazivi mutauro wacho, unofanira kufarira kuutaura—uye pane dzimwe nguva—kutoitwa somwana.” Bhuku rinonzi How to Learn a Foreign Language rinoti: “Imbosiyana nokuzvikoshesa kwako uye haufaniri kutya kunyadziswa kana uchinyatsoda kufambira mberi.” Saka usanyara kukanganisa. Ben anoti: “Kana usingambokanganisi, hausi kushandisa mutauro mutsva zvakakwana.”
Usanetseka kana vamwe vakaseka kukanganisa kwako—pane kudaro, seka navo! Kutaura zvazviri, pangangozosvika nguva yauchange wava kutaura nyaya dzinonakidza nezvemashoko awakambotaura. Uye usatya kubvunza mibvunzo. Kunzwisisa kuti nei chinhu chichitaurwa nenzira yakati kunobatsira kuyeuka.
Nokuti kudzidza mumwe mutauro kazhinji kacho kunoreva kudzidza tsika itsva, zvinobatsira kuti uve munhu anogona kuchinja, anoda kudzidza zvinhu zvitsva. “Kudzidza mumwe mutauro kwakandibatsira kuti ndizive kuti kune inopfuura nzira imwe chete yokuona uye yokuita nayo zvinhu,” anodaro Julie. “Imwe nzira yokuona nayo zvinhu haisi zvayo nani pane dzimwe—kungosiyana bedzi.” Jay anokurudzira kuti: “Edza kuva neshamwari dzinotaura mutauro wacho, uye nakidzwa nokuva navo.” Zvechokwadi, vaKristu vachava nechokwadi chokuti shamwari dzakadaro vanhu vakanaka vanotaura zvakanaka. (1 VaKorinde 15:33; VaEfeso 5:3, 4) Jay anowedzera kuti: “Pavanoona kuti unovafarira, unofarira zvokudya zvavo, mimhanzi yavo, nezvimwewo, vachangoerekana vava kukuda.”
Uchakurumidza kugona mutauro zvichienderana nenguva yaunopedza uchiudzidza uye uchatonyanya kukurumidza kana uchiutaura. “Tinodzidza mano omutauro sokudya kunoita huku—tsanga netsanga,” anodaro George. “Tsanga dzacho dzingaita seshomanana, asi dzinoramba dzichiwanda.” Bill uyo akadzidza mitauro yakawanda paaiva mumishinari, anoti: “Kwose kwandaienda ndaifamba nepepa raiva nemashoko uye ndairitarira pose pandaiwana maminitsi mashomanana.” Vakawanda vakaona kuti kugara vachiva nenguva pfupi yokuti vadzidze, zvinobatsira pane kuti vazova nenguva yakareba vachidzidza.
Kune zvinhu zvakawanda zvinogona kubatsira vanhu kuti vadzidze mumwe mutauro, kusanganisira mabhuku, zvakarekodhwa, makadhi akanyorwa mashoko, uye zvimwewo. Zvisinei, kunyange paine zvinhu zvose izvi, vanhu vakawanda vanoona kuti vanodzidza zvakanaka kana vari mukirasi. Ita chero zvinoshanda kwauri. Kunyange zvakadaro, yeuka kuti unotofanira kushanda nesimba uye kutsungirira. Asi pane nzira dzinoita kuti kudzidza kuve nyore uye kuti kunyanyonakidza. Imwe ndeyokunzwa mutauro wacho uchitaurwa uye kuona tsika dzevanhu vacho.
“Pashure pokunge wava kuziva zvimwe zvezvinhu zvinokosha uye kana wave kuziva mashoko anoshandiswa nomunhu ari kutanga kudzidza,” anodaro George, “zvingava zvakanaka kuti umbopedza nguva yakawanda uri munyika ine vanhu vanotaura mutauro wacho.” Barb anobvumirana nazvo achiti: “Kushanyira nyika yacho kunoita kuti unzwe mataurirwo chaiwo omutauro wacho.” Chinonyanyokosha ndechokuti, kuva nevanhu vacho kunokubatsira kuti ufunge nomutauro mutsva. Zvechokwadi, vanhu vakawanda vangasakwanisa kuenda kune imwe nyika. Asi pangangova nemikana munyika yako yokuti uwedzere kuziva zvakawanda nezvomutauro mutsva uye tsika dzavo. Somuenzaniso, pangava nemabhuku kana mapurogiramu eredhiyo kana eTV mumutauro wauri kudzidza asina zvinonyadzisira uye akanaka. Tsvaka vanhu vari munharaunda yenyu vanotaura mutauro wacho zvakanaka uye taura navo. Bhuku rinonzi How to Learn a Foreign Language, rinoti: “Pakupedzisira, kuramba uchitaura mutauro wacho chimwe chezvinhu zvinokosha zvikuru kana uchizofambira mberi.”a
Kusafambira Mberi
Sezvaunoramba uchidzidza mutauro wacho, pane dzimwe nguva unganzwa sokuti hausi kufambira mberi—uchingoshupika uchiona sokuti hapana zvauri kuita. Ungaita sei? Chokutanga, funga nezvezvikonzero zvakaita kuti ude kudzidza mutauro wacho. Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakatanga kudzidza mutauro mutsva kuti zvizobatsira vamwe kuti vadzidze Bhaibheri. Kufunga nezvezvinangwa kana kuti zvikonzero zvawaiva nazvo pakutanga zvingasimbisa zvawakatsunga kuita.
Chechipiri, usanyanya kutarisira zvakawanda. “Zvimwe hauzombogoni kuutaura sezvinoita muridzi wawo chaiye,” rinodaro bhuku rinonzi How to Learn a Foreign Language. “Hazvisiri izvo zvauri kuda. Chaunongoda ndechokuti vanhu vanzwisise zvauri kutaura.” Saka pane kugunun’una kuti haugoni kutsetsenura zvakanaka sezvaunoita rurimi rwaamai, vavarira kukurukurirana zvakajeka uchishandisa zvawakatodzidza.
Chechitatu, tarira kwawakabva kuti uone kufambira mberi kwawaita. Kudzidza mutauro kwakafanana nokutarisa uswa huchikura—hauoni kukura kwahwo, asi zuva nezuva uswa hunoreba. Saizvozvowo, kana ukatarisa kwawakatangira, zvechokwadi uchaona kuti wafambira mberi. Usaenzanisa kufambira mberi kwako nokwevamwe. Murayiro wakanaka wokutevedzera unowanika muBhaibheri pana VaGaratiya 6:4. Inoti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye achabva ava nechikonzero chokupembera nomufaro pamusoro pebasa rake, asingazvienzanisi nomumwe munhu.”
Chechina, ziva kuti zvichatora nguva yakareba asi zvichizobatsira. Funga nezveizvi: Mwana ane makore mana kana mashanu anotaura sei? Anoshandisa mashoko akaoma uye girama yakaoma here? Kwete! Asi, anogona kuramba achikurukura zvakanaka. Chokwadi, kunyange kumwana, kudzidza mutauro kunotora makore akawanda.
Chechishanu, shandisa mutauro mutsva kakawanda zvikuru. Ben anoti: “Zvaiita sokuti ndakanga ndisiri kufambira mberi pandakanga ndisingatauri mutauro wacho nguva dzose.” Saka ramba uchiutaura. Taura, taura, taura! Zvinongoshungurudza kuti uedze kukurukura iwe uchingoziva mashoko mashomanana seomwana muduku. Mileivi anoti: “Chinhu chakanyanya kundiomera zvikuru kutadza kutaura zvandinenge ndichida pandinenge ndichida.” Asi kushunguridzika ikoko kungakupa shungu dzokuti utsungirire. Mike anoti, “Ndaishungurudzika kuti ndakanga ndisinganzwisisi nyaya nenyambo zvaitaurwa. Ndinofunga kuti kunzwa saizvozvo kwakaita kuti ndishande nesimba kupfuura zvandaiita.”
Kubatsira Kungaita Vamwe
Ko vaya vanotogona mutauro wacho vangabatsira sei munhu ari kudzidza? Bill, ambotaurwa kwokutanga, anokurudzira kuti, “Taura zvishoma nezvishoma asi zvakarurama, usingatauri somwana.” Julie anoti, “Shivirira, uye usakurumidza kubatsira mudzidzi kupedzisa mitsetse.” Tony anoti: “Vanhu vanotaura mitauro miviri vaiva nekatsika kokuda kutaura neni nomutauro wangu. Asi izvozvo zvakatondinonotsa kufambira mberi.” Saka vamwe vadzidzi vakakumbira shamwari dzavo kuti dzitaure navo nomutauro mutsva bedzi pane dzimwe nguva uye kuti dzivaudze zvinhu chaizvo zvavanofanira kushandira pazviri. Vanhu vari kudzidza vanofarirawo vaya vanovarumbidza nomwoyo wose nezvokuedza kwavanenge vachiita. Sematauriro akaita George, “Ndingadai ndisina kubudirira pasina rudo uye kukurudzirwa neshamwari dzangu.”
Saka kutamburira kudzidza mumwe mutauro kunobatsira here? “Ndizvozvo!” anopindura kudaro Bill, uyo anotaura mitauro yakawanda, sezvambotaurwa pakutanga. “Zvakaita kuti maonero andinoita zvinhu muupenyu ajeke uye zvakandibatsira kuti ndione zvinhu nedzimwe nzira. Kukwanisa kudzidza Bhaibheri zvikurukuru nevanhu vanotaura mitauro iyi uye kuvaona vachigamuchira chokwadi charo uye vachifambira mberi mune zvokunamata zvinopfuura nokure kutamburira kwandakaita. Kutaura zvazviri, mumwe munhu anotaura mitauro 12 akamboti kwandiri: ‘Ndinokuyemurai. Ndinodzidza mitauro yakawanda ndichingoita zvokunakidzwa; asi imi munodzidza kuti mubatsire vanhu.’”
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Awake! yaJanuary 8, 2000, mapeji 12-13.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Chido chokubatsira vamwe ndicho chikonzero chakasimba chokuti munhu adzidze mutauro mutsva