RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 62
  • Kudzidza Mumwe Mutauro Kwakanakirei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidza Mumwe Mutauro Kwakanakirei?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei vachiudzidza?
  • Kuudzidza kuri nyore here?
  • Kuudzidza kwakanakirei?
  • Unogona Kudzidza Mumwe Mutauro!
    Mukai!—2007
  • Kushanda Neungano Yomumwe Mutauro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Uri Kutaura “Mutauro Wakachena” Uchitsetsenura Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kubatsira Ndima Yevanotaura Mutauro Wekune Imwe Nyika
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 62
Munhu ari kudzidza mumwe mutauro

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Kudzidza Mumwe Mutauro Kwakanakirei?

Kudzidza mumwe mutauro kunokubatsira kuona kuti unozvininipisa uye unoshanda nesimba here. Pane zvimwe here zvazvakanakira kudzidza mumwe mutauro? Vechidiki vakawanda vanoti ehe zviripo! Inzwa kuti vanoti kudii.

  • Nei vachiudzidza?

  • Kuudzidza kuri nyore here?

  • Kuudzidza kwakanakirei?

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Nei vachiudzidza?

Vakawanda vanodzidza mumwe mutauro nekuti kuchikoro kwavo vanonzi vanofanira kuudzidza. Vamwewo vanenge vainewo zvikonzero zvavo. Semuenzaniso:

  • Mumwe musikana wekuAustralia anonzi Anna akadzidza mutauro waamai vake unonzi Latvian. Akati, “Mhuri yedu iri kuronga kuzoshanya kuLatvia, saka ndinoda kuzotaura nehama dzangu nemutauro wavo kana tavashanyira.”

  • Gina, mumwe weZvapupu zvaJehovha wekuUnited States, akadzidza American Sign Language (ASL) ndokutamira kuBelize kuti anoparidza ikoko. Musikana uyu anotiwo, “Munhu kana ari matsi anenge achingova nevanhu vashomanene vaanokwanisa kutaura navo. Pandinovaudza kuti ndakadzidza mutauro wavo wemasaini kuti ndivabatsirewo kudzidza Bhaibheri, ndinonyatsoona kufara kwavanoita!”

Waizviziva here? Bhaibheri rakagara rataura kuti mashoko akanaka eUmambo hwaMwari aizoparidzwa ‘kumarudzi ose, madzinza ose nemitauro yose.’ (Zvakazarurwa 14:6) Vechidiki vakawanda vesangano reZvapupu zvaJehovha vari kuzadzisawo zvakataurwa neBhaibheri nekuti vakatodzidza mimwe mitauro kuti vakwanise kuparidzira vanhu vemimwe mitauro. Vamwe vavo vanotoenda kune dzimwe nyika kuti vanoparidza ikoko.

Kuudzidza kuri nyore here?

Kudzidza mumwe mutauro hakusi nyore. Mumwe musikana ane makore 17 anonzi Corrina anoti, “Ndaifunga kuti ndezvekungodzidza kuti chakati chinonzi chii, asi ndakazoona kuti unotofanirawo kudzidza tsika dzevanhu vacho uye kufunga semafungiro avanoita. Kuti uzogona mumwe mutauro, zvinotora nguva.”

Unofanirawo kuva munhu anozvininipisa. Mumwe mukomana anonzi James akadzidza mutauro weSpanish. Anoti, “Pakudzidza mumwe mutauro, une zvakawanda zvauchatombokanganisawo, saka kana ukatadza, haufaniri kubva watonyanya kunetseka.”

Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva ndechekuti: Kuti ubudirire kudzidza mumwe mutauro, unofanira kushingirira uye haufaniri kukundwa nenyadzi kana paine zvaunenge wakanganisa.

Zano: Usaora mwoyo kana vamwe vachiita sekuti vari kukurumidza kubata kukupfuura. Bhaibheri rinoti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye achabva ava nechikonzero chokupembera nomufaro pamusoro pebasa rake, asingazvienzanisi nomumwe munhu.”—VaGaratiya 6:4.

Kuudzidza kwakanakirei?

Kudzidza mumwe mutauro kunobatsira mune zvakawanda. Semuenzaniso, mumwe musikana ane makore 18 anonzi Olivia anoti, “Kudzidza mumwe mutauro kunoita kuti uzivane nevanhu vakawanda uye unowana dzimwe shamwari.”

Musikana ane makore 17 anonzi Mary akaona kuti kudzidza mumwe mutauro kwakaita kuti asava munhu anozvitarisira pasi. Anoti, “Ndaiona sekuti handina chinhu chine musoro chandingaitawo. Asi iye zvino ndava kudzidza mumwe mutauro, zvekuti zuva rimwe nerimwe pandinobata rimwe shoko idzva ndinonzwa kufara. Izvi zviri kuita kuti ndionewo kuti ndine zvinhu zvine musoro zvandinogona kuita.

Gina ambotaurwa nezvake akaona kuti kudzidzisa vanhu Bhaibheri mumutauro wemasaini kuri kuita kuti awedzere kufara pabasa rake rekuparidza. Anoti, “Hapana chimwe chinondifadza kupfuura kuona mafariro anoita matsi pandinotanga kutaura nadzo nemasaini!”

Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva ndechekuti: Kudzidza mumwe mutauro kunogona kukubatsira kuti uwane dzimwe shamwari, usazvitarisira pasi, uye unakidzwe nekuparidza. Kunoitawo kuti vanhu ‘vemarudzi ose, madzinza ose nemitauro yose’ vakwanise kunzwa mashoko akanaka.​—Zvakazarurwa 7:9.

Zvinotaurwa nevezera rako

Monica

“Kuva nemamwe mafungiro asina kunaka paunenge uchidzidza mumwe mutauro kwakafanana nevhiri rakaponja. Kana ukasarichinja, hapana kwaunoenda. Saka zvakakosha kuti urambe uchishingirira kunyange kana ukasangana nezvinhu zvakaoma pakudzidza mutauro.”​—Monica.

Ethan

“Kudzidza mumwe mutauro kwakada kufanana nekuchera goridhe. Unogona kushanda kwemaawa akawanda pasina chabuda, asi foshoro imwe neimwe yaunenge uchichera inenge ichitokuswededza pedyo negoridhe. Kana ukaramba uchishanda nesimba pakudzidza mumwe mutauro, uchapedzisira waugona.”​—Ethan.

Jessica

“Kana ukadzidza mumwe mutauro, uchange wava kukwanisa kutaura nevanhu vemutauro iwoyo. Ndipo pauchaona kuti wakashandira zviripo!”​—Jessica.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe