Pfuma Inobva Kuna Mwari
KANA wakatendeka kuna Mwari, achakukomborera nepfuma here? Zvichida, asi kwete nepfuma yaunotarisira kuwana. Chimbofunga nezvaMariya, amai vaJesu. Ngirozi inonzi Gabrieri yakasvika kwaari ichimuudza kuti “akanzwirwa nyasha kwazvo” naMwari uye kuti ndiye aizobereka Mwanakomana waMwari. (Ruka 1:28, 30-32) Asi akanga asina kupfuma. Mariya paakapa chibayiro pashure pokuberekwa kwaJesu, akapa “magukutiwa maviri kana kuti hangaiwa mbiri duku,” zvaiitwa nevarombo pavaipa zvibayiro kuna Jehovha.—Ruka 2:24; Revhitiko 12:8.
Mariya zvaaiva murombo zvinoreva here kuti akanga asina kukomborerwa naMwari? Kwete, nokuti paakaenda kunoona Erizabheti hama yake, “Erizabheti akazadzwa nomudzimu mutsvene, akashevedzera nokushevedzera kukuru, akati: ‘Wakakomborerwa iwe [Mariya] pakati pevakadzi, uye chakakomborerwa chibereko chedumbu rako!’” (Ruka 1:41, 42) Mariya akava nechikomborero chokuva amai veMwanakomana waMwari.
Jesu pachake akanga asina kupfuma. Haana kungoberekerwa nokukurira mumhuri ine urombo chete asi iye aiva murombo muupenyu hwake hwose hwepano pasi. Akamboudza mumwe murume aida kuva mudzidzi kuti: “Makava ane maguru uye shiri dzokudenga dzine pokugara, asi Mwanakomana womunhu haana pokuisa musoro wake.” (Ruka 9:57, 58) Kunyange zvakadaro, kuuya kwakaita Jesu Kristu pasi pano kwakaita kuti vadzidzi vake vave nepfuma yakatowanda. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Akava murombo nokuda kwenyu, kuti muve vapfumi nourombo hwake.” (2 VaKorinde 8:9) Jesu akapa pfuma yerudzii kuvadzidzi vake? Uye tine pfuma yorudzii mazuva ano?
Ipfuma Yorudzii?
Pfuma inowanzokanganisa kutenda, sezvo munhu akapfuma angavimba nemari yake kupfuura Mwari. Jesu akati: “Chichava chinhu chakaoma sei kuti vaya vane mari vapinde muumambo hwaMwari!” (Mako 10:23) Saka zviri pachena kuti pfuma iyo Jesu akapa vateveri vake yakanga isiri yemari.
Kutaura zvazviri, vaKristu vakawanda vomuzana remakore rokutanga vakanga vari varombo. Mumwe murume akaberekwa akaremara paakakumbira mari, Petro akamupindura kuti: “Sirivha nendarama handina, asi chandiinacho ndicho chandinokupa: Muzita raJesu Kristu wokuNazareta, famba!”—Mabasa 3:6.
Mashoko omudzidzi Jakobho anoratidzawo kuti ungano yechiKristu yaiva nevarombo vakawanda. Akanyora kuti: “Teererai, hama dzangu dzinodiwa. Mwari haana kusarudza varombo mune zvenyika kuti vapfume mukutenda uye vave vagari venhaka youmambo, hwaakapikira vaya vanomuda here?” (Jakobho 2:5) Uyewo, muapostora Pauro akatiwo havasi vazhinji “vevakachenjera” kana “vane simba” kana “veimba huru” vakadanwa kuti vave muungano yechiKristu.—1 VaKorinde 1:26.
Kana Jesu asina kupa vateveri vake pfuma yemari, akavapa pfuma yorudzii? Mutsamba iyo Jesu yaakatumira kuungano yaiva kuSimina, akati: “Ndinoziva kutambudzika nourombo hwako—asi uri mupfumi.” (Zvakazarurwa 2:8, 9) Kunyange zvazvo vaKristu vomuSimina vaiva varombo, vaiva nepfuma inokosha zvikuru kupfuura sirivha nendarama. Vaiva vakapfuma nokuti vaiva nokutenda uye vakavimbika kuna Mwari. Iko kutenda pachakwo kunokosha nokuti “hakusi kwevanhu vose.” (2 VaTesaronika 3:2) Kutaura zvazviri vaya vasina kutenda varombo mukuona kwaMwari.—Zvakazarurwa 3:17, 18.
Pfuma Inowanika Nokutenda
Zvisinei, kutenda kunokosha munzira dzipi? Vaya vanotenda muna Mwari vanobatsirwa ne“pfuma yomutsa wake nokushivirira nomwoyo murefu.” (VaRoma 2:4) ‘Vanokanganirwa kudarika kwavo’ nokuti vanotenda muchibayiro chaJesu chorudzikinuro. (VaEfeso 1:7) Uyezve, vane uchenjeri uhwo “shoko raKristu” rinopa vaya vane kutenda. (VaKorose 3:16) Pavanonyengetera kuna Mwari vaine kutenda, “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose” runorinda mwoyo yavo nesimba nokufunga, zvichiita kuti vagutsikane uye vafare.—VaFiripi 4:7.
Uyewo kuwedzera pane kubatsirwa seizvi, vaya vanotenda muna Mwari neMwanakomana wake, Jesu Kristu, vane tariro inoshamisa yokurarama nokusingaperi. Mashoko aJesu Kristu aya anonyatsozivikanwa: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Tariro inokosha iyi inosimbiswa munhu paanowana zivo yakarurama yaBaba neyeMwanakomana, nokuti Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.”—Johani 17:3.
Kunyange zvazvo zvikomborero zvaMwari kakawanda kacho zviri zvokunamata, vanhu vanobatsirwa mupfungwa nomumuviri. Somuenzaniso, chimbofunga nezvaDalídio, wokuBrazil. Asati awana zivo yakarurama yechinangwa chaMwari, aiva nedambudziko rokudhakwa. Izvi zvakakanganisa chaizvo ukama hwemhuri yake. Uyezve, aiva nedambudziko remari rakaipisisa. Akabva atanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ndokuchinja zvainyatsooneka.
Zivo itsva yakanga yawanwa naDalídio yakaita kuti asiye tsika dzake dzakaipa. Akafambira mberi chaizvo pakunamata zvokuti akati, “Ndaiwanzotevedza mabhawa; asi iye zvino ndava kutevedza imba neimba.” Akava mushumiri wenguva yakazara weShoko raMwari. Kuchinja kwaakaita uku hakuna kungomupa utano huri nani chete asiwo kwakaita kuti agone kuchengetedza mari. Dalídio akati, “Mari yandaishandisa pakunwa doro ndiyo yandava kushandisa kubatsira varombo kana kutenga zvinhu zvandinoda.” Uyewo ava neshamwari dzakawanda dzakanaka dzaakawana nokushamwaridzana nevanhu vanoona zvinhu semaonero anoita Mwari. Iye zvino Dalídio ava norugare mupfungwa uye anogutsikana kupfuura zvaaimboita asati ava kuziva Mwari.
Mumwezve muenzaniso unoratidza pfuma inowanwa nevaya vanova nokutenda muna Jehovha Mwari ndewaRenato. Nhasi ukamuona achikunyemwerera nomufaro, haungambofungi kuti ane zvikonzero zvokunzwa saizvozvo pamusana pokubatwa zvisina kunaka kwaakaitwa muupenyu. Paakanga achangozvarwa, akasiyiwa naamai vake. Akasiyiwa ari pasi pebhenji, amarika zvakaipisisa, akuzvuka uye achiine rukuvhute rwake. Vakadzi vaviri vakadarika nepo ndokuona bhegi raiva pasi pebhenji richipfakanyika. Pakutanga vakafunga kuti mumwe munhu akanga asiya kakatsi imomo. Pavakazoona kuti kaiva kacheche kachangobva kuzvarwa, vakakurumidza kuenda nako kuchipatara chaiva pedyo kuti kanorapwa.
Mumwe wevakadzi vacho aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye akaudza Rita, chimwe Chapupu, nezvekamwana kacho. Rita akanga abereka vana vakafa kakawanda, uye akanga angori nemwanasikana mumwe chete. Aida zvikuru kuva nemwanakomana, saka akasarudza kutora Renato kuti amuchengete.
Rita akaudza Renato achiri mudiki kuti akanga asiri amai vake chaivoivo. Asi aimuchengeta nerudo uye akamudzidzisa zvinotaurwa neBhaibheri. Sezvaaikura akatanga kufarira Bhaibheri. Akaramba achiwedzera kuonga kuponeswa nenzira yaakanga asingafungiri kwaakaitwa. Maziso ake anoyangarara misodzi nguva dzose paanoverenga mashoko episarema raDhavhidhi anoti: “Kunyange kana baba vangu naamai vangu vaizondisiya, Jehovha aizonditora.”—Pisarema 27:10.
Achiratidza kuonga kwake zvose zvaakaitirwa naJehovha, Renato akabhabhatidzwa muna 2002 achibva ava mushumiri wechiKristu wenguva yakazara gore rakatevera racho. Nanhasi haazivi baba naamai vake vakamubereka uye zvichida achangoramba asingavazivi. Zvisinei, Renato anofunga kuti chimwe chezvipo zvinokosha kwazvo chaakawana ndechokusvika pakuziva uye kutenda muna Jehovha saBaba vake vane rudo uye vane hanya.
Zvichida unoda chaizvo kuva noukama hwepedyo hune rudo naMwari, uhwo chokwadi hunogona kupfumisa upenyu hwako. Mukana wokuti uve noukama hwakadaro naJehovha Mwari neMwanakomana wake, Jesu Kristu, unogona kuwanwa nevanhu vose—vapfumi nevarombo. Haungawani hako pfuma yemari asi uchawana rugare uye kugutsikana zviri zvinhu zvisingagoni kutengwa nemari yose iri munyika. Mashoko ari pana Zvirevo 10:22 ndeechokwadi anoti: “Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho.”
Jehovha Mwari anoda chaizvo vanhu vanosvika pakumuziva, anoti: “Haiwa kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita sorwizi, nokururama kwako semafungu egungwa.” (Isaya 48:18) Uye anovimbisa vaya vanosvika pakumuziva vaine vavariro nemafungiro akanaka kuti vachakomborerwa zvikuru achiti: “Mugumisiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu.”—Zvirevo 22:4.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
Kutenda muna Mwari kunoguma nokuwana rugare, kugutsikana, uye mufaro
[Mufananidzo uri papeji 5]
Kunyange zvazvo vaiva varombo, mhuri yaJesu yepasi yakakomborerwa chaizvo naMwari