Nei Tichitya Kufa?
“Kufa chinhu chakaipa kupfuura zvose; nokuti ndiwo magumo.”—Aristotle.
MUMWE mukadzi aionekwa neshamwari dzake somudzimai aive akazvipira chaizvo, mutendi wechokwadi. Vamwe vakatomuti aiva “mbiru muchechi yake.” Akadzidziswa kuti kufa kwakanga kusiri magumo, asi nzira inoendesa kune humwe upenyu. Zvisinei, paakanga ava kufa akatya zvikuru. Achinetseka mupfungwa, mukadzi uyu akabvunza vaimupa mazano mune zvokunamata kuti: “Kune [dzidziso dzakawanda dzinotaura zvinoitika panofa munhu]; yechokwadi ndeipi?”
Zvitendero zvose nenyika yose zvinoti vanhu vanoramba vachirarama, kana kuti vachararama zvakare, pashure pokunge vafa. Padzidziso dzose idzi, yechokwadi ndeipi? Vanhu vakawanda havafungi kuti munhu achararama zvakare kana achinge afa. Ko iwe unotii? Wakadzidziswa here kuti munhu anoramba achirarama pashure pokunge afa? Unotenda izvozvo here? Unotya kufa here?
Kutya Kutsakatika
Vanotsvakurudza vanotaura nezvokutya kufa so“kutya kutsakatika.” Makore achangopfuura mabhuku akawanda uye mashoko akataurwa nevesayenzi akanyorwa nezvenyaya iyi. Asi vanhu vakawanda vanosarudza kusambofunga nezvokufa. Zvisinei, chokwadi chokuti kufa kuripo chinotimanikidza kugara tichikufunga. Upenyu hwakafanana nemhute zvokuti vanhu vanopfuura 160 000 vanofa pazuva roga roga! Munhu wose anofa uye izvi zvinoita kuti vanhu vakawanda vatye.
Nyanzvi dzinoti kutya kufa kuri muzvikwata zvakasiyana-siyana. Izvi zvinosanganisira kutya kurwadziwa, kutya zvinhu zvisingazivikanwe, kutya kufirwa, uye matambudziko anokonzerwa nokufirwa.
Chikuru pana izvozvo zvose kutya kutsakatika. Pasinei nezvinodavirwa nevanhu, pfungwa yokuti upenyu hunoguma patinofa inotyisa vakawanda. Uye sayenzi inoita kuti vanhu vatonyanya kutya. Izvi zvakadaro nokuti sayenzi yava kukwanisa kudonongodza tunhu twakawanda pamashandiro anoita muviri womunhu. Kutaura zvazviri, hapana chero nyanzvi yesayenzi yezvinhu zvipenyu, kana yezvimwewo zvinhu, yati yawana uchapupu hwokuti vanhu vane chinhu chisingaoneki chinosara chiri chipenyu pavanofa. Saka vezvesayenzi vakawanda vanotsanangura kufa kwevanhu sechinhu chinongoitika pazvinhu zvipenyu.
Saka hazvishamisi kuti vaye vanoti vanotenda zvakasimba kuti kune humwe upenyu kana munhu afa, nechomukati vangave vachitotyawo kutsakatika. Sezvineiwo, pane zvaakanyora, Mambo Soromoni wekare akataurawo nezvokufa kwevanhu uko vamwe vangaona somugumo unotyisa.
Tinogumira “Kuivhu” Here?
Mubhuku raMuparidzi rava nemakore 3 000, Soromoni akanyora kuti: “Vanhu vapenyu vanoziva kuti vachafa, asi vakafa havana chavanoziva; havana mumwe mubayiro wavachapiwa; havacharangarirwi asi vakatokanganikwa. Kwavari hakusisina chinonzi rudo kana ruvengo kana kusagutsikana.” Akawedzera kuti: “Zvose zvaunoshanda namaoko ako zviite nesimba rako rose nokuti kunzvimbo yavashakabvu kwaunoenda hakuzovi nebasa kana kufunga chinhu uye hakuzovi noruzivo kana uchenjeri.”—Muparidzi 9:5, 6, 10, Bhaibheri Rinoera.
Achifuridzirwa, Soromoni akati “njodzi yomunhu nenjodzi yemhuka zvakangofanana. Munhu anofa uye mhuka inofawo . . . Hatingati munhu ari nani pane mhuka . . . Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe chete, kuivhu, zvose zvakabva kuivhu, uye zvose zvichadzokerazve kuivhu.”—Muparidzi 3:19, 20, Bhaibheri Rinoera.
Kunyange zvazvo mashoko ari pamusoro apa akanyorwa naMambo Soromoni, iwo akafemerwa naMwari uye chikamu cheShoko rake rakanyorwa, Bhaibheri. Ndima idzi, pamwe chete nedzimwe dzakawanda dziri muBhaibheri, hadzitsigiri zvinotendwa nevakawanda zvokuti mukati medu mune chinhu chisingafi chinozorarama chava chimwe chinhu. (Genesisi 2:7; 3:19; Ezekieri 18:4) Saka tingati Mwari ari kutiudza here kuti kuenda “kuivhu” kana kuti kutsakatika, ndiwo magumo evanhu vose? Aiwa, bodo!
Bhaibheri haridzidzisi kuti pane chinosara chiri chipenyu munhu paanofa. Asi rine tariro yakajeka kuvaya vanenge vafa. Nyaya inotevera ichakuratidza kuti nei usingafaniri kutya kufa uchifunga kuti kana munhu afa atsakatika zvachose.
[Bhokisi riri papeji 19]
MUVENGI WAUSINGATIZE
Kufa kwakanzi muvengi womunhu. Imhandu yedu chaiyo uye hazvina mubvunzo. Maererano nokumwe kufungidzira vanhu vanenge mamiriyoni 59 vanofa gore negore—vanhu vaviri sekondi yoga yoga. Vanhu vanofa zvaita sei?
◼ Munhu mumwe chete anofa muhondo mumasekonzi 102 oga oga.
◼ Munhu mumwe chete anopondwa mumasekonzi 61 oga oga.
◼ Munhu mumwe chete anozviuraya mumasekonzi 39 oga oga.
◼ Munhu mumwe chete anofa mutsaona yomumugwagwa mumasekonzi 26 oga oga.
◼ Munhu mumwe chete anofa nenzara mumasekonzi matatu oga oga.
◼ Mwana mumwe chete ari pasi pemakore mashanu anofa mumasekonzi matatu oga oga.
[Mufananidzo uri papeji 20]
CHABUDA HAPANA
Pana November 9, 1949, James Kidd, mushandi wemumugodhi wekopa aiva nemakore 70 akanyangarika mumakomo eArizona, kuAmerica. Papera makore akati kuti dare rataura kuti akafa, wiri yake yaiva yakanyorwa nepenzura yechimuti yakawanikwa, pamwe chete nemari uye magwaro oupfumi hwake hwaikosha zviuru zvemadhora. Muwiri yake Kidd akataura kuti mari yaasiya ishandiswe pakutsvakurudza “uchapupu hwesayenzi hwokuti pane mweya unobuda kana munhu afa.”
Zvadaro, vaizviti vatsvakurudzi uye vesayenzi vanopfuura 100 vakaforera mari iyoyo. Nyaya yakagara mumatare kwemwedzi yakawanda uye vakataura chino neicho kuti kune mweya usingaoneki. Pakupedzisira mutongi akapa mari iyi kumasangano maviri airemekedzwa panyaya dzokutsvakurudza. Iye zvino papera makore anodarika 50 asi havasati vawana “uchapupu hwesayenzi hwokuti pane mweya unobuda kana munhu afa.”