RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 January pp. 12-13
  • Nei Tichifanira Kuchengetedza Zvakatipoteredza?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Tichifanira Kuchengetedza Zvakatipoteredza?
  • Mukai!—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsigira Chinangwa choMusiki Wedu
  • Kuitawo Zvatinokwanisa Kuti Nyika Irambe Yakachena
  • Kuchengetedza Zviwanikwa
  • Kuziva Pokugumira
  • Ndiani Achachengetedza Nyika Kuti Isaparadzwa?
    Dzimwe Nyaya
  • Kuponeswa Kuchaitwa Pasi
    Mukai!—2003
  • Nyika inogona here kuita kuti pave nezvokudya nezviwanikwa zvinokwanira zvipenyu zvose nguva dzose?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Vanhu Vachaparadza Pasi Rino Zvokusagadzirisika Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 January pp. 12-13

Zvinotaura Bhaibheri

Nei Tichifanira Kuchengetedza Zvakatipoteredza?

ZVIRI kuitwa nevanhu iye zvino zvingakanganisa nyika yedu kupfuura zvose zvingadaro zvakamboitwa kare. Sezvo njodzi dzinokonzerwa nokukwira kwetembiricha yepasi rose dziri kuita kuti vanhu vanyanye kutya, vesayenzi, hurumende, uye vemaindasitiri, vari kuedza nepavanokwanisa napo kugadzirisa dambudziko racho.

Isu somunhu mumwe nomumwe tine basa rokuchengetedza zvakatipoteredza here? Kana tiinaro, tinosvika papi? Bhaibheri rinotaura zvikonzero zvakanaka zvokuti tisakanganise nyika yedu. Rinotibatsirawo kuti tisanyanyise pane zvatinoita pakutarisira zvakatipoteredza.

Kutsigira Chinangwa choMusiki Wedu

Jehovha Mwari akasika nyika kuti ive musha wakaita sebindu kuti vanhu vagare. Akaona kuti zvinhu zvose zvaakanga aita zvakanga “zvakanaka kwazvo” uye akapa vanhu basa rokuti ‘varime nokutarisira nyika.’ (Genesisi 1:28, 31; 2:15) Mwari anonzwa sei nezvakaita nyika nhasi? Chokwadi anorwadziwa zvikuru nokusagona kutarisira nyika kuri kuita vanhu, nokuti Zvakazarurwa 11:18 inoti ‘achaparadza vaya vanoparadza nyika.’ Saka hatifaniri kuva vanhu vasina hanya nokukanganiswa kuri kuitwa nyika.

Bhaibheri rinotivimbisa kuti zvose zvakakanganiswa panyika ino nevanhu zvichagadziriswa naMwari ‘paachaita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’ (Zvakazarurwa 21:5) Zvisinei, hatifaniri kubva tati sezvo Mwari achagadzirisa nyika yedu, saka zvatinoita iye zvino hazvina basa. Zvine basa! Tingaratidza sei kuti tinoona nyika yedu sezvinoita Mwari uye kuti tinotsigira chinangwa chake chokuti ive paradhiso?

Kuitawo Zvatinokwanisa Kuti Nyika Irambe Yakachena

Zvinhu zvinoitwa nevanhu zvinosvibisa nyika. Jehovha akaronga kuti nyika igare ichizvichenesa ichiita zvinhu zvakadai sokubvisa tsvina, kuchenesa mhepo, mvura nevhu. (Zvirevo 3:19) Zvatinoita zvinofanira kupindirana nazvo. Nokudaro, tinofanira kuchenjera kuti tisawedzerewo mamwe matambudziko panyika. Kuva nehanya kwakadaro kunoratidza kuti tinoda vavakidzani vedu sezvatinozviita. (Mako 12:31) Chimbofunga mumwe muenzaniso wezvakaitika munguva dzeBhaibheri.

Mwari akarayira vaIsraeri kuti vafushire tsvina yavo “kunze kwomusasa.” (Dheuteronomio 23:12, 13) Izvi zvaiita kuti musasa ugare wakachena usina zvirwere uye zvaiita kuti tsvina ikurumidze kuva manyowa. Nanhasiwo vaKristu vechokwadi vanoedza chaizvo kuti varase marara nokukurumidza uye zvakakodzera. Vanofanira kungwarira chaizvo pakurasa zvinhu zvine chepfu.

Marara akawanda anogona kushandiswazve. Kana mutemo uchiti marara ngaashandiswezve, kuteerera mutemo iwoyo kudzorera “zvinhu zvaKesari kuna Kesari.” (Mateu 22:21) Ibasa kugadzira marara kuti azoshandiswazve, asi zvinoratidza kuda nyika yakachena.

Kuchengetedza Zviwanikwa

Kuti tiwane zvokudya, pokugara, mafuta uye kuti tirambe tichirarama tinofanira kushandisa zviwanikwa. Mashandisiro atinoita zviwanikwa izvi anoratidza kuti tinoziva kuti zvipo zvinobva kuna Mwari here kana kuti kwete. VaIsraeri pavakava nenhomba yenyama vari murenje, Jehovha akavapa zvihuta zvakawanda. Kukara kwakaita kuti vashandise chipo ichocho noudyire uye vakatsamwisa Jehovha zvikuru. (Numeri 11:31-33) Mwari haana kuchinja. Nokudaro, vaKristu vane hanya havapambadzi zviwanikwa, nokuti izvozvo zvinoratidza makaro.

Vamwe vanofunga kuti ikodzero yavo kushandisa zvinhu izvi pamadiro. Asi zviwanikwa hazvifaniri kutambiswa nemhaka bedzi yokuti tinokwanisa kuzvitenga uye kuti zviripo zvakawanda. Jesu paakaita chishamiso chokupa zvokudya vanhu vakawanda, akarayira kuti hove nechingwa zvakanga zvasara zviunganidzwe. (Johani 6:12) Akava nechokwadi kuti haapambadzi zvinhu zvakanga zvapiwa nababa vake.

Kuziva Pokugumira

Zvatinoita zuva nezuva zvinobatana nezvakatipoteredza. Tingabva tatorega kuita zvose zvinoitwa nevamwe vanhu vose here kuti tirege kukanganisa nyika? Bhaibheri haritauri izvozvo. Funga zvakaitwa naJesu. Paaive panyika, akangoraramawo sezvaiita vamwe, izvo zvakamuita kuti agone kuita basa rokuparidza raakanga apiwa naMwari. (Ruka 4:43) Uyezve, Jesu akaramba kuita zvematongerwo enyika kuti agadzirise matambudziko evanhu. Akanyatsoti: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.”—Johani 18:36.

Zvisinei, zvakanaka kuti tifunge kana tisiri kukanganisa zvakatipoteredza patinotenga zvinhu zvomumba, patinofamba uye patinotamba. Somuenzaniso, vamwe vanosarudza kutenga zvinhu zvakagadzirwa uye zvinoshanda zvisingakanganisi zvakanyanya zvakatipoteredza. Vamwe vanoedza kusanyanyoita zvinhu zvinosvibisa kana zvinoshandisa zviwanikwa zvakawandisa.

Hapana anofanira kumanikidza vamwe kuti vatevedzere zvaanoita pakuchengetedza zvakatipoteredza. Zvinodiwa nemunhu uye zviri munzvimbo imwe neimwe zvinosiyana. Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe achabvunzwa pane zvaanoita. Sezvinotaura Bhaibheri, “mumwe nomumwe achatakura mutoro wake.”—VaGaratiya 6:5.

Musiki akapa vanhu basa rokuchengetedza nyika. Kukoshesa basa iri uye kuzvininipisa tichiremekedza Mwari nezvaakasika zvinofanira kutiita kuti tibate zviwanikwa nenzira inoratidza kuti tinofunga uye tine hanya.

WAKAMBOZVIBVUNZA HERE KUTI:

◼ Mwari achapedza matambudziko ezvakatipoteredza here?—Zvakazarurwa 11:18.

◼ Mwari akapa vanhu basa rei panyika?—Genesisi 1:28; 2:15.

◼ Jesu akaratidza muenzaniso upi wokusapambadza?—Johani 6:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe